2010
Nzira Yako yekuTemberi
Gumiguru 2010


“Nzira Yako yekuTemberi” Liahona, Gumiguru 2010, 72–75

Zvevana Vadiki

Nzira Yako yekuTemberi

Unoziva here temberi iyo iri padyo newe? Dhirowa mufananidzo wetemberi iyoyo, uye wouturika munzvimbo yaunouona mazuva ese.

Temberi imba yaMwari. Inzvimbo yatinodzidza nezva Baba vedu Vokudenga, yatinoita zvibvumirano (kana zvivimbiso) naVo, uye tichigamuchira maropafadzo makuru. Mutemberi tinoita basa rakakosha redu pachezvedu uye rokuitira hama dzedu dzakafa. Basa rinoitwa mutemberi rinosanganisira rubhabhatidzo rwevakafa, maendaumendi uye nekusunganidzwa. Izvi zvinodaidzwa kunzi zvisungo zvemutemberi.

Chii Chinoitika mukati meTemberi

Rubhabhatidzo rweVakafa

Apo paunenge wava nemakore masere unokwanisa kubhabhatidzwa nekusimbiswa senhengo yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira. Vakawanda vemadziteteguru ako vakafa vasina kubhabhatidzwa uye nokusimbiswa. Kunyangwe zvazvo miviri yavo yakafa, mweya yavo ichiri mipenyu munyika yemweya, uko kwavanokwanisa kudzidziswa vhangeri raJesu Kristu.

Apo paunenge wava nemakore gumi nemaviri, unokwanisa kuenda kutemberi uye wonobatsira vanhu ava nekubhabhatidzwa uye nekusimbiswa muzita ravo. Ivo zvino vanozosarudza kuti vanoda kugamuchira kana kuramba here rubhabhatidzo nerusimbiso irworwo. Unopfeka zvipfeko zvichena zvose apo paunobhabhatidzirwa vakafa, sezvaunongoita apo paunobhabhatidzwa iwe pachako.

Kumbira vabereki vako kuti vakubatsire kuita mudongorodzwa wenhengo dzemhuri idzo dzakafa dzisina kubhabhatidzwa muChechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira. Tsvaga kuti pane akamboenda kutemberi here kuno vabhabhatidzirwa.

Endaumendi

Chimwe chemarapafadzo makuru emutemberi iendaumendi. Endaumendi zvinoreva “chipo.” Apo paunogamuchira endaumendi yako, unozodzidza zvakawanda pamusoro pechironga choruponeso uye nekuita zvibvumirano. Zvibvumirano zvivimbiso zvatinoita naBaba Vokudenga. Apo paunochengeta zvibvumirano izvozvo unogadzirira kuzogara naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu nerimwe zuva.

Mukati me temberi mune mumwe mupanda wakanaka, unerunyararo unonzi mupanda weseresitiyaro. Mumupanda weseresitiyaro tinonzwa kuva pedyo naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu, uye tinonzwa zvishomazvezvazvinezenge zvakaita kugara naVo muhumambo hweseresitiyaro.

Kusunganidzwa kweNguva noKusingaperi

Apo murume nemudzimai pavanochata mutemberi, vanopfugama paatari uye vosunganidzwa kwenguva nokusingaperi kwose. Izvi zvinoreva kuti ivo nevana vavo vanokwanisa kubatanidzwa pamwechete semhuri yokusingaperi. Ronga kuchata mutemberi nerimwe zuva. Iri ndiro ropafadzo rakakurisisa remutemberi.

Mvumo yeKupinda Mutemberi

Temberi inzvimbo tsvene. Mabhishopi nevatungamiri vemapazi vanoita chokwadi kuti avo vanopinda mutemberi vanenge vakagadzirira uye vachikodzera kupinda. Usati waenda kutemberi, unotanga waita bvunzurudzo yakakosha nabhishopi kana mutungamiri webazi wako. Anozokubvunza kana uine uchapupu hweChechi, kuti unochengeta mirairo here, unotsigira vatungamiri veChechi here, unoteerera Shoko roUngwaru here, unobhadhara chegumi here, uye wakavimbika here muzvinhu zvose zvaunoita kana kutaura. Anokubatsira kuti uzive zvaunofanira kuita kuti ukodzere kupinda mutemberi.

Gadzirira Iyezvino kuPinda muTemberi

Baba Vokudenga vanopa maropafadzo mazhinji kune avo vanorarama zvakarurama uye vanoenda kutemberi. Zvakakosha kugadzirira kupinda mutemberi uchiri mudiki.

Baba Vokudenga vanokuda uye vanoda kuti ugamuchire maropafadzo etemberi. Vanozokuropafadza nokuda kwokuita zvisungo zvemutemberi zvako pachezvako uye zvavamwe. Kunyangwe usati wava kukwanisa kupinda mutemberi iyezvino, kana pane temberi iri padyo newe, unokwanisa kushanyira ruvanze rwetemberi uye wonzwa mweya uri imomo. Unokwanisawo kuchengeta mufananidzo wetemberi mumba mako kuti ukurangaridze kukosha kwetemberi. Rarama zvakarurama kuitira kuti uve unokodzera kupinda muimba yaIshe.

Tarisa pachiringiro chiri mumufananidzo uyu. Mimwe mipanda yekusunganidzwa inezviringiro zvakafanana nechichi. Nokuda kwekusunganidzwa mutemberi, mhuri dzedu, sekuonekwa kwazvinoitwa muchiringiro, dzinokwanisa kuenderera nariinhi nariinhi.

Tarisa pamupanda weseresitayiro uri mumufananidzo uyu. Unonzwa sei apo paunoona mupanda weseresitayiro?

Temberi yeBoston Massachusetts. Yakatsaurwa Gumiguru 1, 2000

Mupanda wekusunganidzwa, Temberi yeAba Nigeria.

Mupanda weseresitayiro, Temberi yeNuku’alofa Tonga.