2018
Rairanai pamusoro peZvidikanwi Zvavo
Gunyana 2018


Mufananidzo
ministering

Misimboti yeKushumira, Gunyana 2018

Rairanai pamusoro peZvidikanwi Zvavo

Hamufanire kuita izvi muri mega. Kurairana kunokwanisa kupa rubatsiro rwamunoda kuti mubatsire vamwe.

Mwari vakakukokai kuti mushumire kumunhu mumwe kana kumhuri muwadhi kana mubazi menyu maererano nezvidikanwi zvavo. Munotsvaga sei kuti zvidikanwi zvacho zvii? Musimboti wekurairana, unova chinhu chagara chichisimbiswa zvikuru muChechi, wakakosha.

Mushure mekunge takurukura misoro yenyaya yatingafunga kurairana nezvayo, tinoiongorora:

  1. Kutaurirana naBaba Vekudenga.

  2. Kurairana nemunhu uye mhuri vamakapihwa.

  3. Kurairana nemufambidzani wedu.

  4. Uye kurairana nevamwe vakapihwawo kumunhu mumwecheteyo kana kumhuri imwecheteyo.

Kutaurirana nevatungamiri vedu zvinovawo zvakakosha. Chinyorwa chichauya cheMisimboti yeKushumira muLiahona chichawongorora kutaurirana nevatungamiri uyewo nebasa rehurukuro dzekurairana dzekushumira muchitiko ichocho.

Misoro yeNyaya Yatinorairana pamusoro payo

Kunzwisisa zvidikanwi kwakakosha pakushumirana. Asi zvidikanwi izvi zvingava zverudzii, uye panechimwe chinhu chinopfuura zvidikanwi here chatinofanira kutsvaga?

Zvidikanwi zvinokwanisa kuuya mumarudzi akawanda. Avo vatinoshandira vangangotarisana nezvinetso zvinova zvemanzwiro emwoyo nepfungwa, zvemari, zvenyama, zvedzidzo, uye nezvimwe . Zvimwe zvidikanwi zvakakosha kupinda zvimwe. Zvimwe zvidikanwi tinenge tiine kwaniso yekubatsira pazviri; zvimwe zvidikanwi zvingangoda kuti isu pachedu tishandise mumwe munhu kana rubatsiro netsigiro zvavo. Mukuedza kwedu kubatsira munhu kana mhuri neizvo zvavanoda, tisakanganwe kuti daidzo yedu yekushumira inosanganisira kubatsira vamwe kufambira mberi nemunzira yezvibvumirano, kugadzirira uye kugashira kwezvisungo zvehupirisita zvakakosha pakukudzwa kwepamusoro-soro.

Pamusoro pekurairana nezve zvidikanwi zvemunhu kana zvemhuri, tinofanira kutsvaga kudzidza zvavanogona. Zvii zvavasingade rubatsiro pazviri? Ikwaniso dzipi nezvipo zvipi zvavainazvo zvingakwanise kuropafadza vamwe? Zvakafanira sei pakubatsira kuvaka humambo hwaMwari? Zvinogonekwa nemunhu zvingava zvakakosha kunzwisisa sekukosha kwakaita kunzwisisa zvidikanwi zvake.

Kutaura naBaba Vekudenga

Umwe wemisimboti inokosha yechitendero chedu ndewekuti Baba Vekudenga vanotaura nevana Vavo (ona Misimboti yeChitendero 1:9). Apo patinogashira basa idzva rekushumira kune mumwe munhu, tinofanira kutaura naBaba Vekudenga mumunamato, tichitsvaga ruzivo uye nzwisiso muzvidikanwi zvavo nezvavanogona. Nzira yekurairana kuburikidza nemunamato inofanira kuenderera mberi mubasa rekushumira redu rese.

Kurairana neVanhu uye neMhuri

Maitiro uye nenguva dzekutaura nevanhu uye nemhuri dzatinodaidzwa kuti tishandire zvinogona kusiyana zvichienda nemamiriro ezvinhu, asi kurairana nemunhu iyeyo kana mhuri iyoyo zvinokosha pakuvaka hukama uye kunzwisisa zvidikanwi zvavo, kusanganisira mabatsirirwo avanoda kuitwa. Mimwe mibvunzo ingangoda kumbomira kubvunzwa kusvikira hukama hwakanaka hwakudziridzwa. Kunyange pasina nzira imwechete yakanaka yekuita izvozvo, funga zvinotevera:

  • Bvunza kuti vanosarudza kutaurwa navo sei uye rinhi.

  • Dzidza pamusoro pezvavanofarira uye nezveupenyu hwavo.

  • Uya nemazano enzira dzemabatsiriro aungakwanisa kuita, uye kumbira mazano avo.

Apo patinovaka ruvimbo, funga kukurukura nezve zvidikanwi zvemunhu kana zvemhuri. Bvunza mibvunzo sekukurudzirwa kwaunoitwa neMweya Mutsvene.1 Semuenzaniso:

  • Zvii zvinetso zvavanosangana nazvo?

  • Zvinangwa zvavo zvemhuri kana zvemunhu zvii? Semunzaniso, vanoda kuvanani here pakuita nguva yemhuri manheru kakawanda, kana kuti vavenani pakuzviriritira.

  • Tingakwanise kuvabatsira sei nezvinangwa uye zvinetso zvavo?

  • Ndezvipi zvisungo zvevhangeri zvirikuuya muupenyu hwavo? Tingakwanise kuvabatsira sei kugadzirira?

Yeukai kuda kupa rubatsiro rwakajeka, sekuti, “Manheru api atingaunze chekudya kwamuri svondo rino?” Kuda kupa rubatsiro kusina kujeka, sekuti, “Tizivisei kana paine chimwe chinhu chatingakwanise kuita,” hakunyanyo batsira.

Kurairana neMufambidzani Wedu

Nekuda kwekuti iwe nemufambidzani mungangova musiri pamwechete nguva dzose apo pamunotaura nemunhu kana nemhuri, zvakakosha kuti mubatane uye murairane pamwechete apo pamunotsvaga femero sevafambidzani. Heino mimwe mibvunzo yekufunga:

  • Muchataura mese sevafambidzani sei uye kangani?

  • Mumwe neumwe wenyu angashandise sei zvake zvaanogona pakushumira kuzvidikanwi zvemhuri kana zvemunhu?

  • Zvii zvinhu zvawadzidza, zvii zviitiko zvawakava nazvo, uye ikurudziro dzipi dzawakagashira kubvira nguva yamakapedzisira kutaura pamusoro pemunhu kana mhuri iyoyo?

Kurairana neVamwe Vakapihwa Basa

Zvingangova zvakanaka nguva nenguva kutaura nevamwe vakapihwa basa rekushumira kumunhu mumwecheteyo kana mhuri imwecheteyo vaunoshumira.

Tauriranai Kuitira Kugadzirisa Zvinetso

Gosa Chi Hong (Sam) Wong veChikwata cheMakumi Manomwe vanoshandisa nyaya inobva kuna Marko 2 kuzuva redu ranhasi kuratidza kuti kurairana pamwechete kwakakwanisa sei vanhu vana kutsvaga makwanisiro avangaite kuti munhu ane chirwere chekufa mutezo ave pamberi paJesu.

“Zvingangoitika sezvizvi,” vakadaro Gosa Wong. “Vanhu vana vakanga vachizadzikisa basa rakabva kuna bhishopu rekushanyira, kumba kwake, murume akanga achirwara nekufa mitezo. … Mudare rewadhi richangobva kupfuura, mushure mekurairana pamwechete pamusoro pezvidikanwi zviri muwadhi, bhishopu vakavapa mabasa ‘ekununura’. Vana ava vakanga vapihwa basa rekubatsira murume uyu. …

“[Pavakasvika pachivako pakanga paina Jesu,] mupanda wakanga wakazara zvikuru. Vakatadza kumupinda nepamusiwo. Ndinechokwadi chekuti vakaedza chese chinhu chavaikwanisa kufunga, asi vakatadza zvachose kupinda. … Vakarairana pamwechete pamusoro pezvekuzoita pamberi—makwanisiro avangaite kuunza murume uyu kuna Jesu Kristu kuzorapwa. … Vakaita chirongwa—chakanga chisiri nyore, asi vakazviita.

“… ‘Vakazarura denga remaakanga ari: uye pavakanga variputsa, vakadzikisa nhovo paakanga avete munhu akafa mitezo’ (Marko 2:4). …

“… ‘Apo Jesu achiona kutenda kwavo, akati kune wakanga akafa mitezo, Mwana, wakanganirwa zvivi zvako’(Marko 2:5).”2

Kukokwa kuti Uite Chinhu

Gosa Dieter F. Uchtdorf veChikwata cheVaapositora Gumi neVaviri vakakurudzira kuti, “Rairanai pamwechete, shandisai zvibatsiro zvese zvinowanikwa, tsvagai femero yeMweya Mutsvene, kumbirai Ishe kuwana simbiso Yavo, uye zvino mogadzirira kuenda kubasa.

“Ndinokupayi vimbiso yekuti: kana mukatevera maitiro aya, munozogashira nhungamiro chaiyo maererano nekuti ndiyani, chii, rinhi, uye kupi kwekubatsira munzira yaIshe.”3

Zvimwe Zvinyorwa

  1. Ona Preach My Gospel: A Guide to Missionary Service (2004), 183.

  2. Chi Hong (Sam) Wong, “Rescue in Unity,” Liahona Mbudzi 2014, 14–15.

  3. Dieter F. Uchtdorf, “Providing in the Lord’s Way,” Liahona Mbudzi 2011, 55.