2018
Kuwana Rubatsiro rweKubatsira Vamwe
Gumiguru 2018


Mufananidzo
ministering

Misimboti yeKushumira, Gumiguru 2018

Kuwana Rubatsiro rweKubatsira Vamwe

Tinosanganisira sei vamwe apo patinenge tichida rubatsiro mukuedza kwedu kwekushumira? Torai chinhano muhurukuro nesumo dzekushumira uye mumisangano yedare yeSvondo yekutanga.

Apo chirwere chinokonzera kusashanda zvakanaka kwetsinga dzeurozvi nemuzongoza pachakakonzeraKathy kuti atadze kufamba uye afanire kugara muwiricheya, akaona kuti aida rubatsiro husiku hwega hwega rwekubva muchigaro chake kuenda pamubhedha wake. Zvaidikanwa zvaitoda rubatsiro rwezuva rega rega uye zvaitoda vanhu vanopfuura mumwe chete kuzobatsira kumusimudza. Naizvozvo chikwata chemagosa chakataurirana nezvemamiriro ezvinhu ake uye vakasarudza kuti vagadzire hurongwa hwemajana hwekumubatsira husiku hwega hwega.1

Apo patinosvika pakuziva zvidikwanwi uye zvinogonwa zveavo vatinoshandira, tingangoona kuti tinoda rubatsiro rwekuti tibatsire kuzadzikisa zvidikanwi zvavo. Hurukuro nesumo dzekushumira uye nemisangano yedare yeSvondo yekutanga ndiyo mikana miviri yekukurukura masanganisiro akafanira atingaite vamwe.

Hurukuro neSumo dzeKushumira

Hurukuro nesumo idzi dzinoitwa mushure memwedzi mitatu yega yega pagore pakati pemasisita vanoshumira nevatungamiri veChita cheRubatsiro kana mabhuratha vanoshumira nevatungamiri vechikwata chemagosa ndidzo dzega sumo dzakamiswa dzatinoita maererano neavo vatinoshumira kwavari. Hurukuro nesumo mukana mushure memwedzi mitatu yega yega pagore (1) wekurairana nezve zvinogonwa, zvidikanwi, uye zvinetso zvemhuri nezvevanhu vatakapihwa; (2) wekuona zvidikanwi izvo chikwata, Chita cheRubatsiro, kana dare rewadhi zvavangakwanisa kubatsira nazvo; uye (3) wekudzidza kubva kuvatungamiri uye nekukurudzirwa mukuedza kwedu mukushumira.

Mutungamiri wechikwata chemagosa uye mutungamiri weChita cheRubatsiro vanotaurira kuna bhishopu pachezvake zvidikanwi zvakakosha uye vanozogamuchira rairo negwara kubva kwaari.

Unogona kuwana rumwe ruzivo pamusoro pehurukuro dzerairano dzekushumira pa ministering.lds.org.

Kuita Kuti Hurukuro neSumo dzeKushumira Dzive Dzakakosha

Mukutsigira chirevo cheMutungamiri Russell M.Nelson chekuti chirongwa chekushumira chinozova chinhu chinoshandura ramangwana reChechi, Gosa Gary E.Stevenson veChikwata cheVaapositora Gumi naVaviri vakadzidzisa kuti, “Kuzadzikiswa kwepfungwa dzezvavanoda kuona zvichiitika …kungangova kunobva pakuti mabhuratha nemasisita vanoshumira vanodzidziswa uye vanokurukurwa navo zvakanaka sei muhurukuro nesumo yekushumira.”2

Mazano mashanu ekubatsira mabhuratha uye masisita vanoshumira:

  • Endai kuhurukuro nesumo muchitsvaga rairo. Ivai makagadzirira kudzidza.

  • Ivai makagadzirira kukurukura zvidikanwi zvamungangoda rubatsiro kuti muzadzikise.

  • Nangana nezvinogonwa uye nekwaniso zvemunhu, kwete chete zvidikanwi zvavo .

  • Tauriranai nezvemhedzisiro inozoreva kuti kushumira kwako kwabudirira.

  • Taurai nevatungamiri kuti murairane pakati pehurukuro nesumo dzemushure memwedzi mitatu yega yega pagore sekudiwa kwazvinoitwa.

Mazano mashanu evatungamiri:

  • Hurukuro nesumo hadzifaniri kutora nguva yakarebesa, asi rongai nguva yakakwana yekushanya munzvimbo inobvumidza kutaurirana kwakakosha.

  • Torai mukana wekushumira kune bhuratha kana sisita anoshumira.

  • Musabvunze mibvunzo inopa fungidziro yokuti murikungoda kuverenga shanyiro dzaitwa kana kungomaka pasi nhaurirano (“Wakakwanisa here kuita shumiro yako?”). Asi bvunzai mibvunzo inosimbisa zviito zvinotarisirwa (“Ndeipi femero yamakanzwa apo pawainyengeterera mhuri iyoyi? Chii chakaitika apo pawakateedzera femero idzodzo?”).

  • Teererai nemwoyo wose uye nyorai zvinyorwa pasi.

  • Rairanai pamwechete. Vafambidzani vekushumira vanekodzero yezvakazarurwa zveavo vavakapihwa kuti vashumire.

Mibvunzo neMhinduro nezveHurukuro nesumo dzeKushumira

Chii chinonzi hurukuro nesumo yekushumira?

Ihurukuro pakati pemabhuratha vanoshumira nenhengo yevatungamiri vechikwata chemagosa kana pakati pemasisita vanoshumira nenhengo yevatungamiri veChita cheRubatsiro munzvimbo inovabvumira kutsvaga nekugamuchira kurudziro kubva kuMweya Mutsvene. Naizvozvo, mabhuratha nemasisita vanoshumira vanogona kukurudzirwa kutaririra, kuda, kudzidzisa uye nokunyaradza nenzira yeMuponesi.

Hurukuro nesumo idzodzi dzemushure memwedzi mitatu dzinoda kuitwa vanhu vachionana here?

Kazhinji dzinoitwa vanhu vachionana, asi dzinogona kuitwa neparunhare kana nepaindaneti kana kusangana chiso nechiso kusingakwanisiki. Kazhinji, vafambidzani vari vaviri vonotora chinhano muhurukuro nesumo kana zvakafanira.

Chinangwa chehurukuro nesumo yekushumira ndechei?

Hurukuro nesumo dzekushumira mukana wemabhuratha nemasisita vanoshumira kuti vaongorore mamiriro ezvinhu iyezvino voita zvirongwa zveramangwana, uye nokuwana rubatsiro runodikanwa kuvanhu kana kumhuri dzavanoshumira kwadziri. Mukana wekutaura nezvezvishandiso izvo zvinogona kupihwa nechikwata uye neChita cheRubatsiro.

Ndinofambisa sei nyaya dzakavanzika kana dza kachengetedzwa dzemunhu pachake?

Mabhuratha nemasisita vanogoverana mashoko akavanzika nomutungamiri wechikwata chemagosa kana mutungamiri weChita cheRubatsiro chete—kana nabhishopu pachezvake. Nyaya dzakavanzika kana dzakachengetedzwa dzemunhu pachake hadzifanirwi kutaurwa mumisangano yedare yeSvondo -yekutanga.

Misangano Yedare yeSvondo yeKutangisa

Pamusoro pehurukuro nesumo dzekushumira, misangano yedare yeSvondo yekutangisa imwe nzira yekusanganisira vamwe mukushumira. Mumisangano yeChita cheRubatsiro uye yechikwata chemagosa, kurudziro inogona kuuya kune avo vanenge varipo kuburikidza neMweya uye nekune vamwewo vanenge vari muboka.

Chinangwa chemusangano wedare ndeche ku:

  • “Rairana pamwechete nezvemabasa edu munharaunda yatinogara, mikana iripo, nezvinetso;

  • “Dzidza kubva kumaonero uye zviitiko zvevamwe; uye

  • “Ronga nzira dzokuita izvo munofemerwa neMweya.”3

Misangano yedare inopfuura kungokurukura: misangano iyi inotitungamirira kuti tiite chinhu semunhu mumwe kana seboka sekukurudzirwa kwatinenge taitwa neMweya. Nhengo dzinogona kunzwa chido chekubudirira pakuita basa raIshe nepamusaka pemisangano iyoyi.

Kukokwa kuti Uite

“Munamato wedu nhasi ,” vakadaro Gosa Jeffrey R. Holland veChikwata cheVaapositora Gumi neVaviri, “ndewekuti murume nemukadzi wese—uye vakomana vechidiki vedu nevasikana vechidiki vedu vatikurei— vanozova nekuzvipira kwakadzama mukutarirana nemwoyo wese, vachikurudzirwa chete norudo rwutsvene rwaKristu kuita izvozvo.”4

Zvimwe Zvinyorwa

  • Ona Mormon Messages vhidhiyo “Lift,” lds.org/media-library.

  • Gary E.Stevenson, mu “Ministering Interviews” (vhidhiyo), ministering.lds.org.

  • Come, Follow Me—For Melchizedek Priesthood and Relief Society, mu Ensign kana Liahona, Mbudzi 2017, 140; uyewo inowanikwa pa comefolloeme.lds.org.

  • Jeffrey R. Holland, “Be With and Strengthen Them,” Ensign, kana Liahona, Chivabvu 2018, 103.