2018
Zivisa Kuti Une Hanya
Misimboti yeKushumira, Zvita 2018


Mufananidzo
ministering

Misimboti yeKushumira, Zvita 2018

Zivisa Kuti Une Hanya

Kune nzira dzakawanda chaizvo dzatinokwanisa kutaridza kuti tine hanya, kunyanya panguva yeKirisimasi. Tinokwanisa kuzviratidza nokuzvitaura, kuzvitumira nepaserufoni, kuzvinyora, kuzvipa, kuzvigovera, kana nokuvanamatira, kuvabikira, kuvaimbira, kuvambundira, kuvadyarira, kana kuvatsvairira mumba kana chivanze. Chingozviedza chete.

Kuratidza rudo kuna vamwe ndicho chikamu chakanyanyisa kukosha chokushumira. Mutungamiri Mukuru weChita Chorubatsiro Jean B. Bingham akati “Kushumira kwechokwadi kunozadziswa mumwe nemumwe nerudo rurirwo chikurudziro. … Nerudo rurirwo chikurudziro, zvishamiso zvinozoitika, uye tinozowana nzira dzokuunza ‘masisita nemabhuratha edu avo vanoshayikwa pakati pedu mukumbundira kwavese kwevhangeri raJesu Christ1

Kuita kuti vamwe vazive kuti tinehanya chikamu chakakosha zvikuru chokukudziridza ukama hwedu pachedu navo. Asi vanhu vakasiyana vanonzwisisa rudo rwavanoratidzwa nenzira dzakasiyana. Saka tingataura sei zvakafanira rudo rwedu kuna vamwe nenzira dzavanozonzwisisa nokukoshesa? Hedzino dzimwe nzira dzokuzivisa kuti tinehanya, pamwepo nemazano mashoma okutangisa kufunga kwako pachako.

Zvitaure

Dzimwe nguva hapana imwe nzira iri nani yokutaura manzwiro aunoita pamusoro pemumwe munhu. Apo izvi zvinogona kureva kutaurira mumwe munhu kuti unomuda, zvinosanganisirawo kumuudza izvo zvaunoyemura pamusoro pake kana kumupa rumbidzo yechokwadi. Rudzi urwu rwerutsigiro runobatsira kusimbisa ukama. (Ona VaEfeso 4:29)

  • Tsvaga mukana wekuita kuti munhu wacho azive mayemuriro aunoita humwe hunhu hwake.

  • Mushanyire, muchaire runhare, kana kumutumira shoko paimeiri, paserufoni, kana pakadhi uchimuudza kuti uri kumufunga.

Shanya

Kupedza nguva uchitaura nokuteerera kumunhu inzira inesimba zvikuru yokuratidza kukoshesa kwaunomuita. Kunyangwe ukashanyirana naye kumba, kuchechi, kana kumwewo, kune vanhu vakawanda vanoda mumwe munhu vanokwanisa kutaura naye. (Ona Mosaya 4:26; D&Z 20:47.)

  • Maererano nezvidikanwi zvemunhu wacho, ronga kumushanyira. Tora nguva yokunyatsoteerera nokunzwisisa mamiriro ezvinhu ake.

  • Apo pazvinenge zvichinetsa kushanyira dzimba nokuda kwekuti kure, kana nokuda kwetsika nemaitirwo ezvinhu emunzvimbo, kana mamwewo mamiriro ezvinhu, funga kuwana nguva yokusangana pamwechete mushure memisangano yeChechi.

Shandira neChinangwa

Iva unoziva zvidikanwi zvemunhu kana zvemhuri. Kupa mushando unoreva chinhu kunotaridza kuti une hanya. Kunosanganisa zvipo zvakakosha zvenguva uye kuedza kwakanyatsofungwa. “Zviito zvidiki zvekushandira zvinokwanisa kuva nemushanduro unesimba pane vamwe,” vakadaro Sisita Bingham 2

  • Ipa mushando unosimbisa vanhu pachavo kana mhuri dzavo, sezvakaita kutarisira vana kuitira kuti vabereki vagokwanisa kuenda kutemberi.

  • Tsvaga nzira dzokurerutsa mitoro apo upenyu pahunenge hworema, sezvakaita kugeza mahwindo, kufamba famba nembwa yavo kana kubatsira nebasa remuyadhi.

Itai Zvinhu Pamwechete

Kune vamwe vanhu vasingakwanisi kuvaka ukama hwakasimba kuburikidza nehurukuro dzakadzama. Kune vamwe vanhu, ukama hunovakwa nokuwana zvinhu zvamunofarira mose uye nokupedza nguva pamwechete muchiita zvinhu izvozvo. Ishe vakakurudzira kuti “tivenavo nokuvasimbisa” (D&Z 20:53) ivo mabhuratha nemasisita edu.

  • Endai kunofamba famba, rongai manheru amunotamba mitambo, kana kuti rongai nguva yamunogwinyisa miviri pamwechete.

  • Shandai pamwechete papurojekiti yemunzvimbo mamugere kana kuti yeChechi.

Ipa Chipo

Pamwe nguva kana mikana yokuita zvinhu pamwechete mishoma. Mumarudzi akawanda, kupa zvipo chiratidzo chokuti unehanya uye unonzwisisa nerudo. Kunyangwe chipo chidiki chinopiwa nguva nenguva chinokwanisa kuratidza chido chako chokuvaka ukama hurinani. (Ona Zvirevo 21:14.)

  • Vavigire chokudya chavanonyanya kufarira.

  • Govera chirevo, chinyorwa chitsvene, kana rimwe shoko raunonzwa kuti vangabatsirikana kubva mariri.

Mushando weRudo

Apo paunosvika pakuziva avo vaunoshumira kwavari uye vaunotsvakira femero, unozodzidza zvakawanda kunyanya maererano nokuti unovazivisa sei rudo rwako nehanya yako kwavari pachavo.

Kimberly Seyboldt weku Oregon, USA, anotaura nyaya yekutsvaka femero uye nokupa zvipo kuitira kuratidza rudo:

“Apo pandinowana upenyu hwavakundiita kuti ndinzwe kusuruvara, ndinosumuka uye ndobika chingwa chine mapudzi mukati, kazhinji marofu masere. Chinhu chakakosha chandinoisa muchingwa ichi munamato wechomumoyo wandinopa apo pandinenge ndichibika kuitira kuti ndizive kuti marofu echingwa iwayo anodikanwa nani. Ndakakwanisa kuziva zvirinani vavakidzani vapedyo vangu nokuti chingwa chinodziya ichi chakava kukokwa kwangu mudzimba dzavo nemuupenyu hwavo.

“Rimwe zuva muchirimo, ndakamisa motokari yangu pedyo nemhuri yaitengesa magaba emahabhurosi. Ndakanga ndisingadi mamwe mahamburosi, asi mukomana wechidiki akanga akaonda uyu aiva pachitare chokutengesera akafara chaizvo kundiona, achifunga kuti ndakanga ndiri mutengi wake aitevera. Ndakatenga mahabhurosi, asi ndakangawo ndiine chipo chekumupa. Ndakapa mukomana uyu marofu maviri echingwa. Akatendeukira kuna baba vake kuti awane mvumo yokutambira chingwa ichi, zvino ndokuti, ‘Honai, Baba, zvino tava nechokudya nhasi.’ Ndakazadzwa nerutendo rwemukana uyu wekutaridza rudo nenzira diki yakadaro.”

Gosa Jeffrey R. Holland veChikwata cheVaapositora Gumi neVaviri vakakumbira “kuti murume nemukadzi wese—uye vakomana vechidiki nevasikana vechidiki vedu avo vatikurei— vazova … nekuzvipira kwakadzama mukutarirana nemwoyo wese, vachikurudzirwa chete norudo rwutsvene rwaKristu kuita izvozvo. … Ndinovimba kuti tichashanda pamwechete naIshe wemunda wemuzambiringa, tichipa Mwari naBaba vedu tose rubatsiro pabasa gurusa Ravo rokupindura minamato, nokupa nyaradzo, kunyaradza vanochema, nokusimbisa mabvi anogweda gweda.”3

Jesu Kristu Anehanya

Mushure mokunge amutsa Razaro kubva kuvakafa, “Jesu akachema.

“Zvino vaJuda vakati, Tarirai waimuda sei!” (Johane 11:35–36).

“Ndine tsitsi nemi,” Kristu akadaro kumaNifai. Zvino Akadaidza kune vairwara nevaitambudzika vavo, kuvakaremara nevakapofomara vavo, uye “akavaporesa” (ona 3 Nifai17:7–9).

Muponesi akamisa muenzaniso kwatiri apo paaitaririra vamwe. Akatidzidzisa kuti:

“Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose.

“Ndiwo murairo mukuru nowokutanga.

“Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida wokwako sezvaunozvida iwe (Mateo 22:37–39).

Ndiyani anoda taririro yako? Ungavaratidza sei kuti une hanya?

Zvimwe Zvinyorwa

  1. Jean B. Bingham, “Kushumira seZvinoitwa neMuponesi,” Liahona, May 2018, 106.

  2. Jean B. Bingham, “Kushumira seZvinoitwa neMuponesi,” 104.

  3. Jeffrey R. Holland, “Be With and Strengthen Them,” Liahona, Chivabvu 2018, 103.