2019
Chinangwa Chinozoshandura Kushumira Kwedu
Ndira 2019


Mufananidzo
ministering

Misimboti yeKushumira, Zvita 2019

Chinangwa Chinozoshandura Kushumira Kwedu

Apo kuine zvinangwa zvakawanda zvokushumira, kuedza kwedu kunofanira kutungamirirwa nechido chokubatsira vamwe kuti vawane rutendeuko rwakanyanya kudzama rwavo pachavo uye kuti vagonyanya kuva seMuponesi.

Apo patinoda vamwe samadiro anoitwa neMuponesi, tinoda kuvabatsira samabatsiriro Aakaita. SeMufudzi Akanaka, Ndiye muenzaniso mukurusa wekushumira kwakakosha kunoreva chinhu.

Mukuita kushumira kwedu tichiMutevedzera, zvakakosha kuti tirangarire kuti kuedza Kwake, kuda, kusimudzira, kushandira, uye kuropafadza kwakanga kune chinangwa chikuru kupinda kungozadzikisa zvidikanwi zvenguva iyoyo. Chokwadi Aiziva zvidikanwi zvavo zvezuva nezuva uye aiva netsitsi nekutambudzika kwavaiita panguva iyoyo. Saka Akaporesa, Apaka zvokudya, Akaregerera, uye Akadzidzisa. Asi aida kuita zvakawanda kupfuura kungopedza nyota yanhasi (ona Johane 4:13–14). Aida kuti avo vaiva paAri vaMutevere (ona Ruka 18:22; Johane 21:22); vaMuzive (ona Johane 10:14; Dzidziso neZvibvumirano 132:22–24), uye kuti vasvike pakwaniso yavo yeumwari (ona Mateo 5:48). Zvimwechetezvo ichokwadi nhasi (ona Dzidziso neZvibvumirano 67:13).

Kune nzira dzisingaverengeki dzatinokwanisa kubatsira kuropadza vamwe nadzo, asi kana chinangwa chokupedzisira chokushumira kwedu chiri chokubatsira vamwe kuti vasvike pakuziva Muponesi uye kuti vanyanye kuva saIye, tinozoshanda takananga pazuva iro patinge tisichadikwanwi kudzidzisa muvakidzani wedu kuziva Ishe nokuti tose tose tinenge toMuziva (ona Jeremia 31:34).

Nangiso yeMuponesi Yaipfuura Zvidikanwi Zvenguya Iyoyo

  • Vamwe vanhu vakaita zvose zvavaikwanisa kuunza shamwari yavo kuna Jesu kuti azoporeswa mitezo yakafa. Pokupedzisira Muponesi akaporesa murume uyu, asi chaAinyanya kuda kuita kwaiva kumuregerera zvivi zvake (ona Ruka 5: 18-26).

  • Apo vanhu pavakaunza kuMuponesi mukadzi akanga abatwa muupombwe, kusamupa mhosva Kwake kwakaponesa upenyu hwemukadzi uyu. Asi Aida kuponesawo mweya wake, achimuudza kuti “enda hako, usatadzazve” (ona Johane 8:2–11).

  • Maria naMarita vakatumira shoko kuna Jesu vachiMukumbira kuti auye kuzoporesa shamwari Yake Lazaro. Jesu, uyo akanga aporesa vamwe panguva dzakawandisa, akanonoka kuenda Kwake kusvikira mushure mekufa kwaRazaro. Jesu aiziva zvaidikanwa nemhuri, asi mukumutsa Razaro kubva kuvakafa, Akasimbisa uchapupu hwavo hweumwari hwake (ona Johane 11:21–27).

Ndeipi mimwe mienzaniso yaunokwanisa kuwedzera kumudongorodzwa uyu?

Chii Chatinokwanisa Kuita?

Kana chinangwa chedu chiri chokubatsira vamwe kuti vanyanye kuva seMuponesi, zvinozoshandura mashumiriro atinoita. Hedzino dzimwe nzira nzwisiso iyi dzainokwanisa kutitungamirira nadzo mukuedza kwedu kushumira.

Zano Rokutanga: Banatidza Kushandira neMuponesi

Kuedza kwedu kwese kuita zvakanaka kunokosha, asi tinokwanisa kutsvaka mikana yokukudziridza kushandira kwedu nekukubatanidza neMuponesi. Somuenzaniso, kana mhuri yaunoshumira kwairi ichirwara, kuvabikira zvokudya kungangobatsira, asi kuratidza kwako kwerudo kwavari kunokwanisa kuwedzerwa neuchapupu hwako hwerudo rweMuponesi kwavari. Kubatsira kwako kuchenesa chivanze kunozotendwa, asi pamwe kungangoitwa kuti kunyanye kureva chinhu nekupa ropafadzo yehupirisita.

Gosa Neil L. Andersen veChikwata cheVaapositora Vane Gume neVaviri vakadzidzisa kuti “Munhu ane mwoyo wakanaka anokwanisa kubatsira mumwe kugadzira vhiri remotokari, kuendesa mumwe waanogara naye kwachiremba, kudya chikafu chemasikati nemumwe munhu akasuruvara, kana kunyemwerera nokuti mhoro kujekesa zuva remumwe.

“Asi muteveri wemurairo wokutanga anozowedzera kuzviito zvakakosha izvi zvekushandira.”1

Zano Rechipiri: Nangisa paNzira yeChibvumirano

Pakutaura nenhengo kwekutanga seMutungamiri weChechi, Mutungamiri Russell M. Nelson vakati, “Rambai muri panzira yechibvumirano.” Kuita nokuchengeta zvibvumirano “kunozovhura musuo kuropafadzo remweya rose riripo uye nemukana wese uripo.”2

SaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, tinobhabhatidzwa, tosimbiswa, uye totambira chipo cheMweya Mutsvene. Nhengo dzechirume dzinokodzera dzinotambira hupirisita. Tinoenda kutemberi kuitira endaumendi yedu uye kunosunganidzwa pamwechete semhuri nokusingaperi. Zvisungo zvinoponesa izvi uye zvibvumirano zvinoenderana nazvo zvinokosha kukuva kwedu saIye kuitira kuti tigokwanisa kugara Naye.

Tinokwanisa kuva nebasa rakakosha rokuita mukubatsira vamwe nemunzira iyoyo apo patinovabatsira kuchengeta zvibvumirano zvavo uye nokugadzirira kuita zvibvumirano zvamagwana.1 Ungabatsira sei vanhu kana mhuri dzaunoshandira kuti vatambire chisungo chinotevera chavanoda? Izvi zvinogona kureva kubatsira baba kugadzirira kubhabhatidza mwanasikana wavo, kutsanangura maropafadzo echibvumirano chinotevera chinofanira kuitwa, kana kugovera nzira dzokuva nechiitiko chinonyanya kureva chinhu apo pavanotora sakaramende.

Zano rechitatu: Koka noKukurudzira

Apo pazvinenge zvichikodzera, rairana neavo vaunotaririra pamusoro perutendeuko rwavo nekuedza kwavo kuva saKristu. Vazivise nezve simba raunoona nekuyemura mavari. Vabvunze kuti ndepapi pavanonzwa kuti vangakwanisa kunatsurudza uye taura pamusoro pekuti ungabatsira sei. (Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro pekurairana pamwechete neavo vaunoshimira, ona “Rairanai Pamusoro peZvidikanwi Zvavo,” Liahona, Gunyana 2018, 6–9.)

Usatya kuvakoka kutevera Muponesi uye kuMubvumira kuvabatsira kuti vasvike pakwaniso yavo yeumwari. Kukoka uku kunokwanisa kuva kunoshandura upenyu, apo pakunobatanidzwa nekutaura chivimbo chako mavari uye rutendo rwako maAri.

Nzira Nhanhatu Dzatinokwanisa Kubatsira Vamwe Kufambira Mberi Vakananga kuna Kristu

Anotevera mazano okutsigira vamwe mukunatsurudza upenyu nokufambira mberi nemunzira yechibvumirano. Ona Preach My Gospel, chapter 11, kuti uwane mamwe mazano.)

  1. Govera. Iva muchokwadi uye taura nemazvo apo paunogovera mabatsirirwo awakaitwa neMuponesi apo pawaiedza kuswedera pedyo Naye kuburikidza nokurarama misimboti yevhangeri kunyangwe waisangana nezvimhingamupinyi.

  2. Vimbisa maropafadzo. Vanhu vanoda chikonzero chokuti vachinje chakasimba uye chinonyanya kuvakurudzira kupinda zvikonzero zvokusachinja. Kutsanangura maropafadzo anoendererana nechiito kunokwanisa kupa kurudziro yakasimba zvikuru (ona Dzidziso neZvibvumirano 130:20–21).

  3. Koka. Kurarama musimboti wevhangeri kunounza uchapupu hwekuti ndewechokwadi (ona Johane 7:17) uye kunotungamirira kurutendeuko rwakanyanya kudzama.4 Kutaurirana kwese kwese kunokwanisa kusanganisira kukoka kurinyore kwekuita chimwe chinhu chinozovabatsira kufambira mberi.

  4. Rongai pamwechete. Chii chinofanira kuitika kuti vachengete zvinobudirira chitsidzo chavo chokuchinja? Unokwanisa kuvabatsira sei? Pane nguva yakatarwa here?

  5. Tsigira. Apo paunobatsira, tanga boka rerutsigiro revanhu vanokwanisa kubatsira munhu wacho kugara achikurudzirwa uye achibudirira. Tose tinoda mukurudziri.

  6. Wongorora. Govera mafambiro ezvinhu nguva nenguva. Ramba wakanangisa pachirongwa asi chinatsurudze kana zvichifanira. Iva nemwoyo murefu, uchishingirira, uye nokukurudzira. Kuchinja kunotora nguva.

Kukokwa kwekuti Uite

Funga nzira idzo kuedza kwako kushumira—kwese kukuru nokudiki—dzakunokwanisa kubatsira vamwe kudzamisa rutendeuko rwavo uye nokunyanya kuva seMuponesi.

Zvimwe Zvinyorwa

  1. Neil L. Andersen, “A Holier Approach to Ministering” (Brigham Young University devotional, Kubvumbi. 10, 2018), 3, speeches.byu.edu.

  2. Russell M. Nelson, “As We Go Forward Together,” Liahona, Kubvumbi 2018, 7.

  3. Ona Henry B. Eyring, “Daughters in the Covenant,” Liahona, Chivabvu 2014, 125-28.

  4. Ona David A. Bednar, “Converted unto the Lord,” Liahona, Mbudzi 2012, 106–109.