2019
Kukudziridza Kwaniso yeKunzwisisa Vamwe Kuitira Kushumira
Kukadzi 2019


Mufananidzo
ministering

Misimboti yeKushumira, Kukadzi 2019

Kukudziridza Kwaniso yeKunzwisisa Vamwe Kuitira Kushumira

Kushumira kusimudzira mumwe munhu. Tinogona kusimudzira vamwe apo patinoedza kunzwisisa izvo zvirikuitika muupenyu hwavo uye tichitaridza kuti tinoda kufamba nemazviri pamwechete navo.

Nokuti Baba vedu Vekudenga vanoda kuti isu tive saIvo, zvinetso zvatinosangana nazvo muupenyu huno zvinogona kuva mikana yokudzidza kana tikavimba Navo uye tikagara panzira yeururami. Zvinosuwisa ndezvekuti, kugara tiri panzira yeururami kunogona kuva kwakanyanya kuoma apo patinonzwa sekuti tiri kusangana nemiedzo iyoyo tiri toga pachedu.

Asi hatina kumbobvira takafanirwa kufamba munzira yeururami iyi tiri toga. Muponesi akabudirira pakuva nekwaniso yekunzwisisa vamwe yakarurama, achizvidzikisira pasi pezvinhu zvose kuitira kuti Agokwanisa kuziva mabatsiriro aangatiite mumatambudziko edu nemuutera hwedu(ona Aruma 7:11–12; Dzidziso neZvibvumirano 122:8). Anotarisira kuti mumwe nemumwe wedu atevere muenzaniso Wake uye ataridzewo nzwisiso kune vamwe. Nhengo yoga yoga yeChechi yakaita chibvumirano “chekuchema neavo vanochema; hongu, nekunyaradza avo vanenge vachida kunyaradzwa” (Mosaya 18:9). Kunyangwe zvazvo tiine matambudziko edu pachedu, tinodzidziswa nemumagwaro matsvene mese kuti titendeukire kune vamwe uye “tisimbisezve maoko akarembera pasi, uye [tisimbise] mabvi anoshaya simba” uye “nekugadzirira tsoka dzenyu nzira dzakarurama, kuti icho chinokamhina chirege kushodoka” (VaHeberu 12:12–13; onawo Isaya 35:3–4; Dzidziso neZvibvumirano 81:5–6).

Apo patinotora vamwe neruoko, toita kuti vazendamire patiri, uye tofamba navo, tinovabatsira kugara munzira yeururami kwenguva yakareba zvakakwana kuitira kuti Muponesi akwanise kwete chete kuvatendeutsa— icho chinova chimwe chezvinangwa zvakakosha zvekushumira—asiwo kuti azovaponesa (ona Dzidziso neZvibvumirano 112:13).

Chii chinonzi Kwaniso yeKunzwisisa Vamwe ?

Kwaniso yeKunzwisisa Vamwe kunzwisisa manzwiro emumwe munhu, pfungwa dzake, nemamiriro ezvinhu kubva mumaonero ake pachinzvimbo chemaonero edu.1

Kuva munhu anokwanisa kunzwisisa vamwe zvakakosha mukuedza kwedu kwekushumira kune vamwe uye mukuzadzikisa chinangwa chedu semabhuratha nemasisita anoshumira. Kunotibvumira kuti tizviise muchinzvimbo chemumwe munhu.

Kuzviisa muChinzvimbo cheMumwe Munhu

Nyaya inotaurwa yemumwe murume Mutendi waMazuva Ekupedzisira ainyara uyo aiwanzogara ari oga pamutsetse wezvigaro wekumashure muchaperi. Apo imwe nhengo yechikwata chemagosa payakangoerekana yashaya, bhishopu akapa makomborero ehupirisita kunyaradza nhengo dzemhuri dzagosa iyeye. Masisita eChita Chorubatsiro vakaunza zvokudya. Shamwari dzavo nevavakidzani vavo vaiva nechido chakanaka vakashanyira mhuri iyi uye vakati, “Mogotizivisa kana paine chimwe chinhu chatingaita kuti tibatsire”.

Asi apo murume ainyara uyu paakashanyira mhuri iyoyi pashure zuva iroro, akaridza bhera repamusuwo uye shirikadzi yemufi payakapindura, akangotaura kuti , “Ndauya kuzochenesa shangu dzenyu.” Mumaawa maviri, shangu dzose dzemhuri iyoyi dzakange dzacheneswa nekupenyeswa mukugadzirira mariro ekuvigwa kwemufi. Svondo yakatevera mhuri yagosa vakashaya ava yakagara nemurume ainyara uyu pamutsetse wezvigaro wekumashure.

Aive murume akanga akwanisa kuzadzisa chidikanwi chakanga chisina kuzadzikiswa. Vose ivo naiye vakakomborerwa nekushumira kwake kwakatungamirirwa nekunzwisisa vamwe.

Ndingakudziridza Sei Kwaniso yeKunzwisisa Vamwe?

Vamwe vanoratidzika kuva vakamborerwa nechipo chekugona kunzwisisa vamwe. Asi kune avo vanonetseka, kune ruzivo rwakanaka. Nemumakore makumi matatu akapfuura ayo, vatsvaki veruzivo avo vanoramba vachiwanda vakanzvera nezvekwaniso yekunzwisisa vamwe. Apo vazhinji vavo pavanonzvera musoro wenyaya uyu nenzira dzakasiyana siyana, vazhinji vavo vanobvumirana kuti kwaniso yekunzwisisa vamwe chinhu chinogona kudzidzwa.2

Tinokwanisa kunamatira chipo chekwaniso yekunzwisisa vamwe. Kuitira kuti tinyatsonatsa kuzviita, zvinobatsirawo kuti tive nenzwisiso irinani yemashandiro anoita kwaniso yekunzwisisa vamwe. Mazano anotevera anowanzotambirwa sezvikamu zvakakosha zvekwaniso yekunzwisisa vamwe.3 Apo izvi zvichiwanzotora chinzvimbo tisingambozivi kuti zvirikuitika, kuva tinozviziva kunotipa nguva yekuona mikana yekuzvinatsa.

1.Nzwisisa

Kwaniso yokunzwisisa vamwe inoda kuti tive tinonzwisisa mamiriro ezvinhu emumwe. Kunzwisisa zvirinani mamiriro ezvinhu avo kunoita kuti zvive nyore kunzwisisa manzwiro avanoita nezvazvo uye izvo zvatingagone kuita kuti tibatsire.

Kunyatsoteerera zvakanaka , kubvunza mibvunzo, uye nekurairana navo nevamwe zviitiko zvakakosha zvinoita kuti tinzwisise mamiriro ezvinhu avo. Dzidza zvakawanda pamusoro pepfungwa idzi muzvinyorwa zvakapfuura zveMisimboti yeKushumira.

  • “ Zvinhu Zvishanu Zvinoitwa naVateereri Vakanaka,” Liahona, Chikumi 2018, 6).

  • “Rairanai pamusoro peZvidikwani Zvavo” Liahona, Gunyana. 2018, 6.

  • “Sanganisira Vamwe muKushumira—seKudikanwa Kwazvinoitwa,” Liahona, Gumiguru.2018, 6.

Apo patinotsvaka kunzwisisa, tinofanira kutora nguva yekunzwisisa mamiriro ezvinhu akanangana navo pachavo pachinzvimbo chekuita fungidziro inomisirwa panemumwe akambosangana nechiitiko chakafanana naichocho. Tikasadaro, tingangorasika uye tovasiya vachinzwa kusanzwisiswa.

2.Fungidzira

Mukuedza kwedu kuchengeta chibvumirano chokuchema neavo vanochema nokunyaradza avo vanenge vachida kunyaradzwa, tinogona kunamatira Mweya Mutsvene kuti utibatsire kunzwisisa izvo zvinenge zvichinzikwa nemumwe munhu uye mabatsiriro atingagone kuita.4

Apo patinenge tanzwisisa mamiriro ezvinhu emumwe munhu, mumwe nemumwe wedu—kunyange zviri zvinongoitika semazuva ese kana kuti kwete—tinogona kuzviisa mukufungidzira kuti zvii zvatinozofunga kana kunzwa kana tiri mumamiriro ezvinhu awayo. Kunzwisisa pfungwa idzodzo uye manzwiro iwayo, pamwechete nehutungamiri hweMweya Mutsvene, zvinogona kubatsira kutungamirira mhinduro dzedu kumamiriro ezvinhu avo.

Apo patinosvika pakunzwisisa mamiriro ezvinhu emumwe uye nekufungidzira manzwiro avangaite, zvakakosha kuti tisavatonge zvisina kufanira (ona Mateo 7:1). Kuva tinotsoropodza mapindiro akaitwa nemumwe munhu mumamiriro ezvinhu kunogona kutitungamirira pakushaya hanya nemarwadzo anenge achikonzerwa nemamiriro ezvinhu ake.

3.Pindura

Mapinduriro atinoita akakosha nekuti ndiwo maratidziro atinoita nzwisiso yedu yevamwe. Kune nzira dzisingaverengeke dzekuratidza kunzwisisa kwedu zvese muzvikutaura nekusazvitaura. Zvakakosha kuyeuka kuti chinangwa chedu hachisi chekufanira kugadzirisa dambudziko. Kazhinji chinangwa ndechekungosimudzira uye kusimbisa kuburikidza nekuvazivisa kuti havasi voga. Izvi zvinogona kureva kutaura kuti,“Ndinofara chaizvo kuti wandiudza” kana “Ndine urombo. Izvi zvinofanira kuva zvakurwadza”.

Muchiitiko choga choga mhinduro yedu inofanirwa kuve yechokwadi. Uye apo pazvinenge zvakafanira, kutaridza kunetseka zvekuti vamwe vaone kusasimba nekushaya chivimbo kwako pachako kunogona kuvaka manzwiro akakosha ekubatana navo.

Kukokwa kwekuti Uite

Apo paunofunga mamiriro ezvinhu eavo vaunoshumira, fungidzira kuva seuri mumamiriro ezvinhu avo uye zvaungazowana zvichinyanya kuva zvinobatsira kana dai waive muchinzvimbo chavo. Namatira kunzwisisa manzwiro avanoita uye woita zvaunonzwa kuti unofanira kuita. Mhinduro yako kumamiriro ezvinhu avo inogona kunge iri nyore, asi inozova yakakosha.

Zvimwe Zvinyorwa

  1. Ona W. Ickes, Empathic Accuracy (1997); uye M.L.Hoffman, Empathy and Moral Development: Implications for Caring and Justice (2000).

  2. Ona, semuenzaniso, Emily Teding van Berkhout and John M. Malouff, “The Efficacy of Empathy Training: A Meta-Analysis of Randomized Controlled Trials,” Journal of Counseling Psychology (2016), 63(1), 32–41.

  3. Ona, semuenzaniso, Brené Brown, I Thought It Was Just Me (But It Isn’t) (2008); Theresa Wiseman, “A Concept Analysis of Empathy,” Journal of Advanced Nursing (1996), 23, 1162–67; and Ed Neukrug and others, “Creative and Novel Approaches to Empathy: a Neo-Rogerian Perspective,” Journal of Mental Health Counseling, 35(1) (Jan. 2013), 29–42.

  4. Ona Henry B. Eyring, “The Comforter,” Liahona, Chivabvu 2015, 17–21.