2019
Magovero Atingaita Uchapupu Zvichibva Matiri
Kurume 2019.


Mufananidzo
ministering

Misimboti yeKushumira, Kurume 2019

Magovero Atingaita Uchapupu Zvichibva Matiri

Kushumira kupupura. Kusununguka kwemashumiriro atinoita kunokwanisa kuwedzera mikana yedu yekugovera uchapupu munzira dzakarongwa kana dzisina kurongwa.

Takaita chibvumirano “kumira sevapupuri vaMwari panguva dzose nemuzvinhu zvose, uye nemunzvimbo dzose” (Mosaya 18:9). Kugovera uchapupu hwedu chikamu chekumira semupupuri uye inzira yakasimba yekukoka Mweya Mutsvene kuti ubate moyo weumwe nekushandura upenyu hwake.

“Uchapupuuchapupu hwechokwadi, hunoberekwa neMweya uye hunosimbiswa neMweya Mutsvene—hunoshandura hupenyu,” vakadaro Mutungamiri M. Russell Ballard, Mutungamiri Akafanobata Chigaro weChikwata cheVaapositora Gumi naVaviri.1

Asi kugovera uchapupu kunogona kutyisa kana kusava nyore kuna vamwe vedu. Zvingangova nekuda kwekuti tinofunga nezvekugovera uchapupu hwedu sechinhu chatinoita mumusangano wekutsanya nekupa uchapupu, kana apo patinenge tichidzidzisa chidzidzo. Mumamiriro ezvinhu akarongwa iwayo tinowanzoshandisa mamwe mazwi nendevo dzinoratidzika sedzisiri dzinoshandiswa mukutaurirana kwemazuva ose.

Kugovera uchapupu hwedu kunogona kuve ropafadzo renguva dzose muupenyu hwedu neupenyu hwevamwe apo patinonzwisisa hunyore hwazvinokwanisa kuva kugovera zvatinotenda mumamiriro ezvinhu emazuva ose. Heano mazano mashoma ekukubatsira kuti utangise.

Hwuite huNyore

Uchapupu hahwusi hunofanira kutanga nendevo inoti ,“Ndirikuda kupa uchapupu hwangu,” uye hahwusi hunofanira kupera huchiti, “Nemuzita raJesu Kristu, ameni.” Uchapupu inzira yekutaura zvinhu zvatinotenda uye zvatinoziva kuti ichokwadi. Saka kushanyirana nemuvakidzani wako muri panze nezvedambudziko raainaro uye nekutaura kuti, “Ndinoziva kuti Mwari vanopindura minamato,” zvinokwanisa kuva nesimba rimwechetero seuchapupu hunopihwa papurupiti muchechi. Simba iri haribvi mumutauro unemazwi anogozha; rinobva kuMweya Mutsvene uchisimbisa chokwadi (ona Dzidziso neZvibvumirano100:7–8).

Sanganisira Uchapupu Muhurukuro dzeMazuva Ose

Kana tichida kugovera, pane mikana yakatikomberedza yatinokwanisa kusanganisira huchapupu muhurukuro dzemisi yose. Semuenzaniso:

  • Mumwe munhu anokwanisa kukubvunza nezve kupera kwevhiki yako. “Takaipedza zvakanaka zvikuru,” wopindura. “Zvidzidziso zvatakatambira kuChechi zvakazadzikisa zvandaishuwira.”

  • Mumwe munhu anoratidza kukunzwira tsitsi mushure mekudzidza nezvechinetso muupenyu hwako: “Ndine urombo.” Wopindura: “Ndinotenda nehanya yako. Ndinoziva kuti Mwari vachava neni. Vaivapo neni munguva yakapfuura.”

  • Mumwewo anotaura kuti: “Ndinotarisira kuti kuipa kwekunze uko kuchashanduka nokukurumidza” kana “Bhazi ranonoka zvechokwadi,” kana “Hona kuwanda kwakaita motokari mumugwagwa.” Unogona kupindura uchiti: “Ndine chokwadi Mwari vachabatsira kuti zvinhu zvose zvibudirire zvakanaka.”

Govera Zviitiko Zvakaitika Muhupenyu Hwako

Tinowanzotaura kune vamwe pamusoro pezvinetso zvedu. Kana mumwe munhu akakuudza pamusoro pezvaanenge achisangana nazvo, ungangotaurawo nezveimwe nguva apo Mwari pavakakubatsira mumiedzo yako uye wopupura kuti unoziva kuti Vanokwanisa kuvabatsirawo. Ishe vakati Vanotisimbisa mumiedzo yedu kuitira “kuti mugomira sevapupuri vangu ndabva pano, uye kuti mugoziva nechokwadi kuti ini Ishe Mwari, ndinoshanyira vanhu vangu mumatambudziko avo”.(Mosaya 24:14) Tinokwanisa kumira sezvapupu Zvavo apo patinopupura nezve mabatsiriro aVakatiita muzviedzo zvedu.

Iva Wakagadzirira

Kune vamwe vedu, kugovera uchapupu usina kunge wakagadzirira kunokwanisa kutyisa. Pane nzira dzatinokwanisa kufanoronga nadzo uye “togara takazvigadzirira kupindura mumwe nomumwe anotibvunza pamusoro petariro iri mukati medu” (1 Petro 3:15).

Chekutanga, kuve takagadzirira kunokwanisa kureva kuwongorora magariro atinoita. Tirikukoka Mweya Mutsvene muhupenyu hwedu here uye tichisimbisa uchapupu hwedu mazuva ose kubudikidza nekurarama zvakarurama? Tirikupa here Mweya mikana yekutaura kwatiri nekutipa mazwi atinoda kubudikidza nemunamato nekunzvera magwaro matsvene? Sekuraira kwakaita Ishe Hyrum Smith, “Usatsvake kuparidza izwi rangu, asi chekutanga tsvaka kuwana izwi rangu, naizvozvo rurimi rwako rwuchasunungurwa” (Dzidziso neZvibvumirano 11:21).

Chechipiri, kuve takagadzirira zvinogona kureva kutarisa mberi uye uchifunga mikana yaungawana musi iwoyo kana vhiki iroro yekugovera uchapupu hwako. Unokwanisa kugadzirira mikana iyoyo nekufunga pamusoro pamapiro aingakuita mukana yekugovera zvaunotenda.

Gara Wakanagisa Pfungwa paMuponesi neDzidziso Dzake

Mutungamiriri Ballard vakadzidzisa,“Kunyangwe tichigona kuva neuchapupu hwezvinhu zvakawanda senhengo dzeChechi, pane zvokwadi zvinokosha zvatinofanira kugara tichidzidzisana nekugoverana.” Semuenzaniso,vakadorongodza: “Mwari ndivo Baba vedu uye Jesu ndiye Kristu. Chirongwa cheruponeso chakanangiswa paRudzikinuro rweMuponesi. Joseph Smith akadzorera kuzara kwevhangeri risingaperi raJesu Kristu, uye Bhuku raMormoni ndihwo umboo hwekuti uchapupu hwedu ndehwechokwadi.” Apo patinotaura pamusoro pezvokwadi zvinobva pamoyo izvozvo, tinokoka Mweya kuti upupure kuti zvatataura ichokwadi. Mutungamiri Ballard vakasimbisa kuti “Mweya haugoni kudzivirirwa apo uchapupu hwakarurama hwaKristu pahunopihwa.”2

Muenzaniso weMuponesi

Aneta kubva murwendo nemuSamariya, Muponesi akamira kuti azorore patsime uye akasangana nemukadzi ipapo. Akatanga hurukuro nezvekuchera mvura kubva mutsime. Achishandisa chiitiko ichi chemazuva ose chaiva chiri kuitwa nemukadzi uyu zvakapa Jesu mukana wekupupura nezvemvura yendaramo neupenyu husingaperi zvinowanikwa neavo vanotenda maAri (ona Johane 4:13–15, 25–26).

Uchapupu Huri Nyore Hwunogona Kushandura Upenyu

Mutungamiriri Russell M.Nelson vakataura nezvemukoti akabvunza Mutungamiri Nelson pavainge vari chiremba mubvunzo mushure meoparesheniiyavakaita yaive yakaoma zvikuru. “Sei musina kufanana nevamwe vanachiremba vanoita maoparesheni?” Vamwe vanachiremba vaaiziva vaive nehasha uye vaishandisa mutauro wakaipa mukuita basa iroro rakaomesa.

Chiremba Nelson vaikwanisa kupindura nenzira dzakawanda. Asi vakango pindura zviri nyore vachiti, “Nekuti ndinoziva kuti Bhuku raMormoni ndere chokwadi.”

Mhinduro yavo yakakurudzira mukoti uyu nemurume wake kuti vanzvere Bhuku raMormoni. Mutungamiri Nelson pashure vakazobhabhatidza mukoti uyu. Mushure memakumi emakore, apo pavaitungamira musangano wesiteki kuTenessee, USA, seMupositora achangobva kugadzwa, Mutungamiri Nelson vakafara kusanganazve nemukoti mumwecheteyo vasingazvifungiri. Akarondedzera kuti rutendeuko rwake, urwo rwakanga rwakaunzwa neuchapupu huri nyore hwavo uye kurudziro yeBhuku raMormoni, zvakabatsira kutungamira kurutendeuko rwevanhu vamwe makumi masere.3

Kukokwa kwekuti Uite

Usatye kugovera uchapupu hwako. Zvinogona kuropafadza avo vaunoshumira kwavari. Ungashandise sei mazano aya kana ako pachako kugovera uchapupu hwako nhasi ?

Zvimwe Zvinyorwa

  1. M. Russell Ballard, “Pure Testimony” Liahona, Mbudzi 2004, 40.

  2. M. Russell Ballard, “Pure Testimony,” 41

  3. Mu Jason Swensen,“Be Ready to Explain Your Testimony Using the Book of Mormon, President Nelson Says,” Chikamu cheNhau dzeChechi che LDS.org, Kukadzi 6, 2018, news.lds.org.