2019
Kuita Kuti Kushumira Kufadze
Kubvumbi 2019


Mufananidzo
ministering

Misimboti yeKushumira, Kubvumbi 2019

Kuita Kuti Kushumira Kufadze

Kushandira nerudo kunounza mufaro kune vose mupi nemugashiri.

Dzimwe nguva kutsvaga kwedu rufaro muupenyu huno kunokwanisa kutaridzika sekumhanya patiredhimill. Tinomhanya nekumhanya uye toramba tichinzwa sekunge hatina kwatasvika. Kune vamwe vanhu, pfungwa yekushumira kune vamwe inongotaridzika sokuwedzera zvimwe zvekuita.

Asi Baba vedu Vokudenga vanoda kuti tive nemufaro uye vakatitaurira “vanhu varipo, kuti vave norufaro” (2 Nifai 2:25). Uye Muponesi akadzidzisa kuti kushumira kune vamwe chikamu chinokosha chemaunziro atinoita mufaro muhupenyu hwedu nemuhupenyu hwevamwe.

Chii Chinonzi Mufaro?

Mufaro unotsanangurwa “semanzwiro ekufara kukuru.”.1 Vaporofita vemazuva ekupedzisira vakapa tsananguro pamusoro pokuti mufaro unobva kupi uye kuti unowanikwa sei. “Mufaro watinonzwa une zvishoma zvekuita nemamiriro ehupenyu hwedu asi une zvose zvekuita nenangiso yehupenyu hwedu,” vakadaro Mutungamiri Russell M. Nelson. “… Mufaro unouya kubva kuna uye nekuda kwa [Jesu Kristu]. Iye ndiye jerero remufaro wose.”2

Kushumira Kunounza Mufaro

Apo Rihai paakadya muchero wemuti weupenyu, mweya wake wakazadzwa “norufaro rukuru rwusingataurike” (1 Nifai 8:12). Chido chake chekutanga chakanga chiri chekugoverana muchero uyu neavo vaaida.

Kuda kwedu kushumira kune vamwe kunogona kuunza rudzi urwu rwemufaro kwatiri uye nekwavari. Muponesi akadzidzisa vadzidzi Vake kuti muchero watinounza apo patinenge takabatana Naye unobatsira kuunza kwatiri mufaro wakazara (ona Johane 15:1–11). Kuita basa Rake nokushandira uye nokutsvaka kuunza vamwe kwaAri kunogona kuva chiitiko chinofadza (ona Ruka 15: 7; Aruma 29:9; Dzidziso neZvibvumirano 18:16; 50:22). Tinogona kuwana mufaro uyu kunyange mukutarisana nepikiso uye nematambudziko (ona 2 VaKorinte 7:4; VaKorose 1:11).

Muponesi akatiratidza muenzaniso wakakwana wekuti chimwe chezvinhu zvikurusa zvinopa mufaro wechokwadi muhupenyu huno chinowanikwa kuburikidza nekushandira. Apo patinoshumira kumabhuradha nemasisita edu seMuponesi, netsitsi uye nerudo mumoyo medu, tinogona kuwana mufaro unodarika kungofara chete.

“Apo patinogamuchira [kushumira] nemwoyo inoda, tinozova …pedyo nekuva vanhu veZioni uye tinozonzwa mufaro mukurusa neavo vatakabatsira nemunzira yekuva vadzidzi,” akadzidzisa Sisita Jean B. Bingham, Mutungamiri weChita cheRubatsiro.3

Tingaite Sei Kuti Kushumira Kuve kunofadza zvakawedzerwa?

Kune nzira dzakawanda dzekuunza mufaro mukuru mukushumira kwedu. Heano mazano mashomanana:

  1. Nzwisisa chinangwa chako mukushumira. Kune zvikonzero zvakawanda zvekushumira. Pakupedzisira, kuedza kwedu kunofanira kuenderana nezvinangwa zvaMwari “kuunza kusafa nehupenyu hwokusingaperi hwevanhu” (Mosesi 1:39). Apo patinogamuchira kukoka kwaMutungamiri Russell M. Nelson kuti tibatsire vamwe nemunzira yechibvumirano, tinogona kuwana mufaro mukutora chinhano mubasa raMwari.4 (Kuti uwane zvimwe zvakawanda pamusoro pechinangwa chekushumira, ona “Misimboti yeKushumira: Chinangwa Chichachinja Kushumira Kwedu,” mu Liahona yaNdira 2018.)

  2. Ita kuti kushumira kuve pamusoro pevanhu kwete mabasa. Mutungamiri Thomas S. Monson vaigara vachitiyeuchidza kuti: “Usamboita kuti dambudziko rinoda kugadziriswa rive rinonyanya kukosha kupfuura munhu anofanira kudiwa.”5 Kushumira ndekwe pamusoro pekuda vanhu, kwete pamusoro pezvinhu zvinofanira kuitwa. Apo patinotanga kuda semadiro aiitwa neMuponesi, tinozonyanya kuva norusununguko rwekuva nemufaro unobva mukushumira vamwe.

  3. Ita kuti kushumira kuve nyore. Mutungamiri M. Russell Ballard, Mutungamiri Akafanobata Chigaro weChikwata chevaApositora vane Gumi neVaviri, vanotiudza kuti: “Zvinhu zvikuru zvinoitwa kuburikidza nezvinhu zviri nyore uye zviduku. … Zviito zvedu zviduku uye zvinyore zvemwoyo murefu nekushandira zvinozoungana pamwechete kuita hupenyu huzere nerudo rwaBaba Vokudenga, kuzvipira kubasa raIshe Jesu Kristu, uye pfungwa yorunyararo nemufaro nguva imwe neimwe yatinonanavira kuna nevamwe.”6

  4. Bvisa kushushikana pakushumira. Harisi basa rako rokushandira ruponeso rwemumwe munhu. Izvo zviri pakati pomunhu iyeye naIshe. Basa redu nderekuvada uye kuvabatsira kuti vatendeukire kuna Jesu Kristu, uyo anove Muponesi wavo.

Usadzivirira Rufaro rwoKushandira

Dzimwe nguva vanhu vanozeza kukumbira rubatsiro runodikanwa, saka kuvashandira kunogona kuva chinhu chavanoda. Asiwo kuzvimanikidzira pavanhu haisiriyo mhinduro. Kukumbira mvumo usati washumira izano rakanaka.

Gosa Dieter F. Uchtdorf veChikwata cheVaapositori vane Gumi neVaviri vakataura pamusoro pavamwe mai vasina kuroorwa avo vakabata chirwere chechibhokisi—uyewo vana vavo vakabva vabatwawo nehurwere ihwohwo. Mumba maigara musina tsvina zvachose makava mumba munetsvina uye musina kurongedzwa. Ndiro nembatya dzinetsvina zvakaungana

Panguva apo pavakanga vonzwa kukundikana kukuru, masisita eChita cheRubatsiro vakagogodza pagonhi pavo. Havana kuti, “Mugotiudza kana tingakubatsirai”. Pavakaona mamiriro ezvinhu, vakatanga kuita basa.

“Vakagadzirisa jakachaka raiva mumba, vakaunza chiedza nerujeko mumba, uye vakadana shamwari kuti auye nezvokudya zvaidikanwa chaizvo. Apo pavakazopedza basa ravo uye vakawoneka, vakasiya mai vechidiki ava vachichema misodzi—misodzi yerutendo nerudo.”7

Zvose vapi nemugamuchiri vakanzwa kudziyirwa nerufaro.

Kudziridza Mufaro muUpenyu Hwako

Mawandiro emufaro, runyararo, uye rugutsikano zvatinogona kukudziridza muupenyu hwedu, ndiwovo mawandiro anoita kwaniso yedu yekugoverana nevamwe apo patinoshumira. Mufaro unouya kuburikidza noMweya Mutsvene (ona VaGaratia 5:22 uye Dzidziso neZvibvumirano 11:13). Chinhu chatinogona kunamatira (ona Dzidziso neZvibvumirano 136: 29) uye nokukoka muupenyu hwedu. Heano mazano mashoma ekukudziridza mufaro muupenyu hwedu pachedu:

  1. Verenga zvikomborero zvako. Paunowongorora hupenyu hwako, nyora mujenari rako zvinhu izvo Mwari vakakuropafadza nazvo.8 Cherechedza zvinhu zvakanaka izvo zvakakupoteredza.9 Ziva zvinhu izvo zvingave zvichikutadzisa kunzwa mufaro uye nyora pasi nzira dzekuzvigadzirisa kana kuzvinzwisisa zviri nani. Munguva ino yeIsita, tora nguva yekutsvaga hukama hukuru neMuponesi (ona Dzidziso neZvibvumirano 101: 36).

  2. Dzidzira kunangisisa pfungwa dzako pauri. Rufaro runokwanisa kukuwana zvirinyore munguva yaunenge uchifungisisa chinyararire.10 Nyatsoteerera kune izvo zvinokuunzira mufaro (ona 1 Makoronike 16:15). Nguva kubva kune nepfenyuro dzimwe nguva inogona kuva yakakosha kuti ukwanise kudzidzira kufunga zvikuru.11

  3. Dzivirira kuzvifananidza nevamwe. Zvakataurwa kuti kufananidza imbavha yemufaro. Pauro akayambira kuti avo “vanozvienzanisa naivo vamene, nokuzvifananidza naivo vamene, havana njere” (2 VaKorinte 10:12).

  4. Tsvaga zvakazarurwa zvako pachako. Muponesi vakadzizisa: “Kana mukakumbira, muchagashira zvakazarurwa pamusoro pezvakazarurwa, ruzivo pamusoro peruzivo, kuti mugoziva zvakavandika nezvinhu zverunyararo—izvo zvinounza mufaro, izvo zvinounza upenyu hwokusingaperi”. (Dzidziso neZvibvumirano 42:61).

Kukokwa Kuti Uite

Ungawedzera sei mufaro waunowana muupenyu hwako kuburikidza nekushumira?

Zvinyorwa

  1. “Joy,” en.oxforddictionaries.com

  2. Russell M. Nelson, “Joy and Spiritual Survival,” Liahona, Mbudzi. 2016, 82.

  3. Jean B. Bingham, “Kushumira seZvinoitwa neMuponesi,” Liahona, Chivabvu. 2018, 107.

  4. Russell M. Nelson, “Apo Tinofambira Pamberi Pamwechete,” Liahona, Kubvumbi, 2018, 4–7.

  5. Thomas S. Monson,“Finding Joy in the Journey,” Liahona, Mbudzi. 2008, 86.

  6. M. Russell Ballard, Finding Joy through Loving Service,” Liahona, Chivabvu 2011, 49

  7. Ona Dieter F Uchtdorf, “Living the Gospel Joyful,” Liahona, Mbudzi 2014, 120-123.

  8. Ona Henry B. Eyring, “O Remember, Remember,” Liahona, Mbudzi. 2007, 67.

  9. Ona Jean B. Bingham, “That Your Joy Might Be Full,” Liahona, Mbudzi 2017, 87.

  10. Ona Dieter F. Uchtdorf,“Of Things That Matter Most,” Liahona, Mbudzi 2010, 21.

  11. Ona Gary E. Stevenson, “Spiritual Eclipse,” Liahona, Mbudzi 2017, 46.