2019
“Uyai, Munditevere”
Shoko reVatungamiri Vekutanga , Chivabvu 2019


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Chivabvu 2019

“Uyai, Munditevere”

Jesu Kristu anotikoka kuti titore nzira yechibvumirano yekudzokera kumusha kuVabereki vedu Vekudenga uye tigove neavo vatinoda.

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa mudzimai wangu Wendy neni tinofara mukuva nemi pamangwanani eSabata ano. Zvakawanda zvakaitika kubvira pamusangano mukuru wedu wakapera uyo. Matemberi matsva akakumikidzwa muConcepción, Chile; Barranquilla, Colombia; nemuRome, Italy. Takanzwa kudururirwa simba reMweya gurusa pazviitiko zvinoera izvi.

Ndinokorokotedza madzimai mazhinji (nevarume) vakaverenga Bhuku raMormoni munguva pfupi yakapfuura iyo uye vakawana mufaro uye zvinhu zvakakosha zvakavanzika. Ndinokurudzirwa nesumo pamusoro pezvishamiso zvakagamuchirwa.

Ndinofadzwa nevakomana vechidiki vane makore gumi nerimwechete, avo iyezvino semadhikoni, nekodzero vanopa sakaramendi musi weSvondo wega wega. Vanoenda kutemberi pamwechete nevasikana vedu vechidiki vane makore gumi nerimwechete, avo nechido chikuru vavakudzidza uye nekushandira semaBeehive. Vese vakomana vechidiki nevasikana vechidiki varikuparidza zvokwadi zvevhangeri zvakajeka uye nekutendeseka kwakasimba.

Ndinofara nevana uye nevechidiki vari kubatsira kudzidzisa vhangeri mudzimba dzavo apo pavanoshanda nevabereki vavo kutevera dzidzo dzinotangira kumba, dzichitsigirwa neChechi.

Takagamuchira mufananidzo uyu waBlake ane makore mana, uyo, parungwanani rweMugovera, akatora bhuku reChechi akadaidzira kuti, “Ndinoda kupa mweya wangu zvokudya!”

Mufananidzo
Blake achipa zvokudya kumweya wake

Blake, tinonzwa kufara newe uye nevamwe varikusarudza kupa zvokudya kumweya yavo nekudya mabiko ezvokwadi zvevhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu. Uye tinofadzwa mukuziva kuti vazhinji varikugamuchira simba raMwari muupenyu hwavo apo pavanonamata nekushandira mutemberi.

Sekuziva kwamunoita vazhinji venyu, mhuri yedu yakasangana nekuparadzana kunorwadza mwoyo mwedzi mitatu yakapfuura iyo apo mwanasikana wedu Wendy paakafa. Mumazuva ekupedzisira ekurwisana kwake nechirwere chegomarara, ndakaropafadzwa nemukana wekuva nehurukuro yekupedzisira pakati pababa nemwanasikana wavo.

Ndakabata maoko ake uye ndikamuudza madiro andaimuita uye matendero andinoita kuva baba vake. Ndakati: “Wakachata mutemberi uye ukakudza zvibvumirano zvako norutendeko. Iwe nemurume wako makafara kuva nevana vanomwe mumba menyu uye makavakudza kuti vave vadzidzi vakazvipira vaJesu Kristu, nhengo dzeChechi dzakasimba uye vagari vemunyika vanoita mabasa ane chimuko. Uye vakasarudza vekuchata navo vehunhu humwechetehwo. Baba vako vanodada newe chaizvo izvo. Wakandiunzira rufaro rwuzhinji!”

Akapindura zvakanyorova achiti, “Ndinotenda Baba.”

Chakava chinguva chinorwadza mwoyo, uye chekuchema kwatiri. Munguva yemakore ake makumi matanhatu nemanomwe, takashanda pamwechete, tikaimba pamwechete, uye taiwanzo tserendendeka pamazaya echando pamwechete. Asi manheru iwayo, takataura nezvezvinhu zvinokosha zvikurusa, zvakaita sezvibvumirano, zvisungo, kuteerera, rutendo, mhuri, kutendeseka, rudo, uye nezveupenyu hwekusingaperi.

Tinosuwa mwanasikana wedu zvikurusa. Zvisinei, nokuda kwevhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu hatitambudzike pamusoro pake. Apo patinoenderera mberi nekukudza zvibvumirano zvedu naMwari, tinorarama mutarisiro yekuzova naye kwedu zvakare. Kwazvino, tirikushandira Ishe pano uye iye arikuVashandira ikoko—muparadhiso.1

Chokwadi ndechekuti, mudzimai wangu neni takashanyira Paradise mukutanga kwegore rino—asi Paradise, yekuCalifornia. Chishamiso ndechekuti, rwendo rwedu rwekuendako urwo rwatakanga tarongerwa kare rwakauya maawa aripasi pemakumi mana mushure mekunge mwanasikana wedu afa. Isu, pamwechete naGosa Kevin W. Pearson nemudzimai wavo, June, takasimbiswa neVatendi veSiteki yeChico California. Takadzidza nezverutendo rwavo rukurusa, kushumira kwavo, uye nezvishamiso zvakaitika kunyange pakati pekurasikirwa kwavo kunotyisa kwakabva kumoto mukuru wakaparadza zvikuru zvisina kumboonekwa munhoroondo yeCalifornia.

Tiriko ikoko, takataura kwenguva refu nemupurisa wechidiki, John, uyo aive mumwe wevashandi vazhinji vakashinga avo vanotanga kudaidzwa panenge paitika njodzi. Akayeuka rima gobvu rakaburuka kudzika pamusoro peParadise musi wa8 Mbudzi 2018, apo marimi nemavhunze paaipararira nekukurumidza achienda kuzvivako zvemuguta, achipisa midziyo nezvinhu serushamhu rwemurango uye achisiya pasina kana chinhu asi mirwi yedota nemachimini ezvidhinha zvisina ruvara.

Mufananidzo
Imba yekusanganira mushure memoto

Kwemaawa gumi nemashanu, John akachaira mota nemurima risingapindike rakanga rakazara nezvidimbu zvemavhunze makuru apo paaibatsira munhu mushure memunhu, mhuri mushure memhuri kuti vatizire kusina njodzi—zvese izvi aita kunyange iye aiva munjodzi yekurasikirwa neupenyu hwake. Asi panguva iyoyo yechiitiko chakaoma ichi, chakatyisa John zvakanyanyisa waiva mubvunzo unokoshesesa wekuti: “Ko mhuri yangu irikupi?” Mushure memaawa mazhinji anotyisa ekurwadziwa, akazoziva pekupedzisira nezvekuburitswa kwavo zvakanaka kubva munjodzi iyi.

Nyaya yekunetsekana kwaJohn nezvemhuri yake yakandikurudzira kuti nditaure nhasi neavo venyu vangangobvunza apo pamunenge mava kusvika kumagumo kweupenyu hwenyu huno hunofa, kuti, “Ko mhuri yangu irikupi?” Muzuva iroro ririkuuya apo pamuchapedza kuedzwa kwenyu kwepanyika pano uye mopinda munyika yemweya, muchatarisana nemubvunzo iwoyo wakaoma unorwadza mwoyo wekuti: “Ko mhuri yangu irikupi?”

Jesu Kristu anodzidzisa nzira yekudzokera kumusha wedu wokusingaperi. Anonzwisisa chirongwa chekufambira mberi chekusingaperi chaBaba vedu Vekudenga zvirinani kupinda ani naani wedu. Pamusoro pezvose, Ndiye hwaro hwechirongwa chacho chese. Ndiye Mununuri wedu; Murapi wedu, uye Muponesi wedu.

Kubvira pakadzingwa Adama naEva kubva Mubindu reEdeni, Jesu Kristu akapa simba Rake kubatsira vose vanosarudza kuMutevera. Kakawanda, magwaro matsvene anonyora kuti zvisinei nemarudzi ose ezvivi anobva kumarudzi ose evanhu, maoko Ake achakangotambanudzwa.2

Mweya uri mune mumwe nemumwe wedu semusikirwo unoshuvira kuti rudo rwemhuri rwugare ruripo narinhi wose. Dzimbo dzerudo dzinokurudzira pfungwa yenhema yekuti rudo ndirwo chete rwamunoda kana muchida kuti muve pamwechete narinhi wose. Uye vamwe nekukanganisa vanotenda kuti Kumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu kunopa vimbiso yekuti vanhu vose vachave nevadikanwi vavo mushure merufu.

Muchokwadi, Muponesi Iye Pachake akanyatsozviisa pachena kuti kunyange Kumuka Kuvakafa Kwake kuchivimbisa kuti munhu wose akamborarama zvechokwadi achamutswa kuvakafa uye agorarama narinhi wose,3 zvimwe zvakawanda chaizvo zvinodikanwa kana tichida kuve nekodzero yepamusoro-soro yekusimudzirwa. Ruponeso ibasa remunhu mumwechete, asi kusimudzirwa ibasa remhuri.

Teererai mazwi aya akataurwa naIshe Jesu Kristu kumuporofita Wavo: “Zvose zvibvumirano, zvisungo, zvinofanirwa kuitwa, sungiro, mhiko, zvitsidzo, zviitwa, mibatanidzwa, hufambidzani, kana tarisiro, zvinenge zvisina kuitwa uye zvikapindwa mazviri uye zvikasimbiswa neMweya Mutsvene wechivimbiso … hazvina simba, ururami, kana chisimba, munguva kana mushure mekumutswa kuvakafa; nokuti zvose zvisungiro zvisina kuitwa netsika iyi zvinoguma kana vanhu vafa.”4

Saka, chii chinodikanwa kuti mhuri isumudzirwe narinhi wose? Tinokodzera iyoyo kodzero kuburikidza nekuita zvibvumirano naMwari, nekuchengeta zvibvumirano izvozvo, uye nekugamuchira zvisungo zvinokosha.

Izvi zvagara zviri chokwadi kubvira kumavambo enguva. Adama naEva, Noa nemudzimai wake, Abrahama naSara, Rihai naSaria, uye nevamwe vose vadzidzi vakazvipira vaJesu Kristu—kubvira pakasikwa nyika vakaita—zvibvumirano zvimwechetezvo naMwari. Vakagamuchira zvisungo zvimwechetezvo izvo isu senhengo dzeChechi yaIshe yakadzorerwa nhasi zvatakaita: zvibvumirano izvozvo zvatinogamuchira parubhabhatidzo uye nemutemberi.

Muponesi anokoka vose kuti vaMutevere kupinda mumvura dzerubhabhatidzo uye, nekufamba kwenguva, vagoita zvimwe zvibvumirano naMwari mutemberi uye vagamuchire uye vagova vakatendeka kune zvimwe zvisungo zvinokosha izvozvo. Zvose izvi zvinodikanwa kana tichida kuzosimudzirwa nemhuri dzedu uye naMwari narinhi wose.

Marwadzo emwoyo wangu ndeekuti vanhu vazhinji vandinoda, vandinoyemura uye vandinoremekedza vanoramba kukoka Kwake. Vanoshaya hanya nekuteterera kwaJesu Kristu apo paAnodaidza neruoko kuti, “Uyai munditevere.”5

Ndinonzwisisa kuti sei Mwari vachichema.6 Neniwo ndinochemera shamwari nehama dzakadaro. Varume nemadzimai vakanaka zvikuru, vanozvipira kumhuri dzavo nekumabasa avo emunzvimbo mavanogara. Vanopa chaizvo nguva yavo, simba ravo, uye neupfumi hwavo. Uye nyika irinani nekuda kwekuedza kwavo. Asi vakasarudza kusaita zvibvumirano naMwari. Havana kugamuchira zvisungo zvichazovasimudzira nemhuri dzavo uye zvinovasunganidza pamwechete narinhi wose.7

Ndinoshuvira chaizvo kuti dai ndaikwanisa kuvashanyira uye ndovakoka kuti vafungisise zvakasimba mitemo inopa kodzero yaIshe. Ndinofunga kuti zvii zvandingakwanisa kutaura kuitira kuti vagonzwa madirwo avanoitwa neMuponesi uye vazive madiro andinovaita uye vagosvika pakuziva kuti madzimai nevarume vanochengeta zvibvumirano vanokwanisa sei kugamuchira “kuzara kwemufaro.”8

Vanofanira kunzwisisa kuti kunyange kuine nzvimbo yavo mushure mepano—nevamwe varume nemadzimai vakanaka avo vakasarudzawo kusaita zvibvumirano naMwari— haisiriiyo nzvimbo iyo inozobatanidzwazve mhuri uye dzigopihwa kodzero yekurarama nekufambira mberi narinhi wose. Imomo hamusirimo muhumambo umo mavachanzwa kuzara kwemufaro—wekufambira mberi nerufaro zvisingambofa zvakaguma.9 Maropafadzo epamusoro-soro iwayo anokwanisa kuuya chete nekurarama muhumambo hwakasimudzirwa hweserestiyaro naMwari, Baba vedu Vekusingaperi, neMwanakomana Wavo, Jesu Kristu, uye nenhengo dzemhuri dzedu dzakanaka, dzakatendeka, uye dzakakodzera.

Ndinonzwa kuti nditi kushamwari dzangu dzinozengurira:

“Muupenyu huno, hamuna kumbobvira makafara nechimwe chinhu chakaderera mune chinhu chipi zvacho. Asi, apo pamunoramba kutambira zvakazara vhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu, muri kufara nechimwe chinhu chakaderera.

“Muponesi akati, ‘Muimba mababa vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara.’10 Zvisinei, apo pamunosarudza kusaita zvibvumirano naMwari, muri kusarudza mubairo muduku-duku nekusingaperi kwose.”

Ndinowedzera nekukumbira shamwari dzangu dziri kuzengurira ndichiti:

“Dururirai mwoyo yenyu kuna Mwari Vabvunzei kana zvinhu izvi zviri zvechokwadi. Itai nguva yekuverenga mashoko Avo. Nyatsonzverai zvechokwadi! Kana muchida mhuri dzenyu zvechokwadi uye kana muchida kusimudzirwa navo nokusingaperi, bhadharai mutengo wacho iyezvino—kuburikidza nekunyatsonzvera zvakasimba uye kunamata nemwoyo wose—kuti muzive zvokwadi zvokusingaperi izvi uye mobva mazviteerera.

“Kana musina chokwadi chekuti munotenda chaizvo here muna Mwari tangirai ipapo. Nzwisisai kuti mukushaikwa kwezviitiko naMwari, munhu anokwanisa kusabvuma kuvapo kwaMwari. Saka zviisei pachinzvimbo chekutanga kuva nezviitiko naVo. Zvininipisei. Namatirai kuona ruoko rwaMwari muupenyu hwenyu uye munyika yakakukomberedzai. Vakumbirei kuti Vakuudzei kana Variko zvechokwadi—kana Ivo Vachikuzivai. Vabvunzei kuti Vanonzwa sei pamusoro penyu. Uye zvino moteerera.”

Imwe shamwari yangu inodikanwa yakadaro yakanga iine zviitiko zvishoma naMwari. Asi aiva nechido chikuru chekuti ave nemudzimai wake akanga afa. Saka akandikumbira kuti ndimubatsire. Ndakamukurudzira kuti asangane nevashumiri vedu kuitira kuti anzwisisise dzidziso yaKristu uye adzidze nezvezvibvumirano, zvisungo, nemaropafadzo zvevhangeri.

Izvozvo akaita. Asi akanzwa kuti nzira yavakaraira yaizoda kuti aite shanduro dzakawandisisa muupenyu hwake. Akati, “Mirairo nezvibvumirano izvozvo zvakandiomera. Uyewo, handingambokwanisa kubhadhara chegumi, uye handina nguva yekushandira muChechi.” Zvino akandikumbira kuti, “Apo pandinenge ndafa, ndapota ndiitirewo basa remutemberi rinodikanwa remudzimai wangu neni kuitira kuti tigova pamwechete zvakare.”

Ndinotenda kuti, handisi ini mutongi wemurume uyu. Asi ndinobvunza kubudirira kwebasa remutemberi rinoitwa wakamirira mumwe uchiitira murume aiva nemukana wekubhabhatidzwa muupenyu huno—wekugadzwa kuhupirisita uye nekugashira maropafadzo etemberi achiri pano muupenyu hwenyama—asi akaita sarudzo yekuzvidira yekuramba nzira iyoyo.

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, Jesu Kristu anotikoka kuti titore nzira yezvibvumirano kudzokera kumusha kuVabereki vedu Vekudenga uye tigova neavo vatinoda. Anotikoka kuti “huyai, munditevere.”

Zvino, seMutungamiri weChechi Yake, ndinokutetererai imi makazvibvisa pachenyu kubva kuChechi uye nemi musati manyatsotsvaga zvechokwadi kuziva kuti Chechi yeMuponesi yakadzorerwa. Itai basa remweya kuti muzviwanire imi pachenyu, uye ndapota riitei iyezvino. Nguva irikupera.

Ndinopupura kuti Mwari vanorarama! Jesu ndiye Kristu. Chechi Yake uye kuzara kwevhangeri Rake zvakadzorerwa kuti zviropafadze upenyu hwedu nemufaro, pano uye nemushure mepano. Ndinopupura ndichidaro nemuzita raJesu Kristu, ameni.