2019
Kushumira Kunoreva Kuona Vamwe seZvinoitwa neMuponesi
Chikumi 2019


Mufananidzo
ministering

Misimboti yeKushumira, Chikumi 2019

Kushumira Kunoreva Kuona Vamwe seZvinoitwa neMuponesi

Jesu akapedza nguva Yake zhinji neavo vaionekwa sevakasiyana nevamwe; Aiona kwaniso yehumwari yavo.

Mukuedza kwedu kushumira seMuponesi, tinogona kukumbirwa kushumira kune mumwe munhu akasiyana nesu. Izvi zvinotipa mukana wekuti tidzidze nekukura.

Tsika nemagariro, dzidzo, rudzi, upfumi, zera, maitiro ekare kana azvino, kana zvimwewo zvisiyano zvinogona kuita kuti zvive nyore kutonga mumwe munhu tisati tambomuziva. Kusanotonga uku ndiko kuri pakati perusaruro, uye Muponesi akayambira pamusoro pazvo (ona 1 Samueri 16:7; Johane 7:24).

Tinogona here kutarira zvinopfuurira siyano dzedu uye toona vamwe sezvinoitwa neMuponesi? Tingadzidza sei kuda vamwe sezvavari uye sezvavanogona kuzova?

Kutarira uye Kuda

Bhaibheri rinotaura nezve nyaya inozivikanwa yejaya mupfumi uyo akabvunza kuti angawane seiko hupenyu husingaperi: “Jesu amutarira akamuda, akati kwaari: Unoshaiwa chinhu chimwechete: enda, utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nepfuma kudenga; ugouya, utakure muchinjikwa, unditevere” (Marko 10:21).

Apo Gosa S. Mark Palmer vevane Makumi Manomwe pavakanzvera pamusoro pegwaro iri makore akapfuura ayo, chikamu chitsva chenyaya iyi chakabuda pachena kwavari.

‘Zvino Jesu achimutarira akamuda.’

“Apo pandakanzwa mazwi aya, mufananidzo wakajeka wakazadza pfungwa dzangu waIshe wedu vachimbomira uye vachitarira jaya diki iri. Kutarira—sekutarisisa zvakadzama uye zvinopinda mumweya wake chaimo, vachiziva runako rwehunhu hwake uyewo kwaniso yake, pamwepo nokuziva zvidikanwi zvikuru zvake.

“Zvino mazwi akareruka—Jesu akamuda. Akanzwa rudo rukurusa netsitsi dzakanyanya pamusoro pejaya iri rainge rakanaka, uye nekuda kwerudo urwu uye neurwu rudo, Jesu akakumbira zvimwe zvakawanda kubva kwaari. Ndakafungidzira zvinofanira kunge zvakanzwikwa nemujaya uyu kuva akafukidzwa nerudo rwakadaro apo ainge achikumbirwa kuita chinhu chakaomesesa zvakadaro sekutengesa zvose izvo zvaive zviri zvake nokuzvipa kuvarombo. …

“[Ndakazvibvunza] kuti, ‘Ndingazadzwe sei nerudo rwakaita serwaJesu kuitira kuti [vamwe] vanzwe rudo rwaMwari kuburikidza neni uye vagoda kushanduka?’ Ndingakwanisa sei kutarira [umwe noumwe akandipoteredza] nenzira imwecheteyo Ishe yavakatarira jaya mupfumi uyu, ndichivaona sezvavari chaizvo uye izvo zvavanogona kuzova, pane kuvaona chete pane zvavarikuita kana zvavasiri kuita? Ndingagona sei kuti ndinyanye kuva seMuponesi?”1

Kudzidza kuOna Vamwe

Kudzidza kuona vamwe sezvinoita Muponesi kunounza mibairo yakapfuma. Haano mamwe mazano anogona kutibatsira apo patinoshanda takanangana nechinangwa ichi.

  • Ita kuti Uvazive
    Edza kuziva vanhu zvakadzama kupfuura zvinhu zvekunze chete. Ziva kuti kuvaka hukama kunotora nguva nekuedza kwechokwadi. (Ona chinyorwa cheMisimboti yeKushumira chaNyamavhuvhu 2018 “Kuvaka Hukama Hwakakosha” kuti uwane rubatsiro.)

  • Zviongorore Iwe Pachako
    Wongorora kutonga kwaungange uchiita uchiziva kana kuti usingazivi zvauri kuita. Cherechedza fungidziro dzaunoita pamusoro pevamwe uye edza kunzwisisa chikonzero chinoita kuti unzwe manzwiro aunoita iwayo nezvavo.

  • Dzivirira Kutonga
    Ziva kuti mamiriro ezvinhu haatsananguri kukosha kwemunhu. Zviise munzvimbo yavo uye funga maonerwe aungada kuitwa nemumwe munhu kana wainge uri mumamiriro ezvinhu mamwechetewo. Kuparadzanisa sarudzo nemaitiro emumwe munhu kubva kuukoshi hwavakazvarwa nahwo uye kwaniso yeumwari yavo kunogona kutibatsira kuti tivaone semaonero avangaitwa neMuponesi.

  • Namata kuti Uvade
    Vanamatire nguva nenguva nemazita avo uye kuti uve nomwoyo murefu wekukudziridza ushamwari hwechokwadi. Wongorora nemunamato kushandira kwako. Pane musiyano here pakati pezvauri kuita nezvidikanwi zvavanonyanyodisa chaizvo?

Jesu akapedza nguva Yake nevanhu vaibva kumamiriro ehupenyu akasiyana siyana: vapfumi, varombo, vatongi, nevanhuwo zvavo. Kazhinji aishungurudzwa nokuda kwekutongwa zvisirizvo nevamwe apo pavaitarisa kwaAri nemamiriro Ake airatidzika seeurombo kana ekusakosha. “Kana tichimuona, hakunakunaka kuti timude. … Wakazvidzwa, nesu hatina kumukudza”(Isaya 53:2–3).

Kuona Kwakafanana nekwaKristu

Vamwe sisita vanogovera nyaya iyi yekudzidzira kuona muvakidzani nemaziso akafanana neaKristu:

“Julia (zita rakachinjwa) aigara pedyo neni uye airatidzika sokunge ainge asina shamwari. Nguva dzose airatiridzika kuva akagumbuka uye akashatirwa. Zvisinei nokudaro, ndakasarudza kuva shamwari kwaari. Kwete shamwari yokungomhorosana tasangana, asi shamwari yechokwadi. Pose apo ndaimuona ndaitaura naye uye ndichiratidza chido pane zvose izvo zvaaiita. Zvishoma nezvishoma, ndakavaka hukama hwakasimba hweushamwari naye, zvinova zvakaunza mufaro mumoyo mangu.

“Rimwe rezuva, ndakafunga kushanyira Julia kuti ndimubvunze maererano nesarudzo yake yokusaenda kuchechi.

“Ndakadzidza kuti ainge asina mhuri kana hama dzaive pedyo. Muberekedzani wake mumwechete, hanzvadzi inogara kure, inotaura naye kamwechete pagore nerunhare. Apo ndaiteerera kwaari achitaura kurwadziwa pamoyo, kushatirwa, uye kushunguridzika kwake pamusoro pemhuri yake uye neChechi, manzwiro asingarambiki etsitsi nerudo kuna sisita ava akauya mumoyo mangu zvakasimbisisa. Ndakanzwa marwadzo ake nekushungurudzika kwake Ndakaziva kusurukirwa kukuru kwaaive nako muhupenyu hwake. Zvakaita sokunge ndakanzwa ndevo yakanyarara kumashure kwangu yaiti: ‘Neni ndinomudawo. Mude uye muremekedze.’

“Ndakagara uye ndikateerera kusvikira asisina zvokutaura. Ndakanzwira rudo netsitsi kwaari. Uyu aive sisita asina kumboziva zvachose zvazvinoreva kudiwa. Pakarepo ndakamunzwisisa zvakanyanya kudzama. Ndakumutenda nekundibvumidza kuti ndimushanyire, uye ndakamumbundira ndikamusiya nerudo neruremekedzo rwangu kwaari. Haazombofi akaziva mabatiro aakandiita pamoyo nekushanya uku. Baba Vekudenga vakavhura meso angu uye vakandidzidzisa kuti ndaive nekwaniso yekuda netsitsi dzakawedzerwa. Ndakashinga mukuzvipira kwangu kuti ndisangove shamwari chete kwaari, asi kuti ndive mhuri kwaari.”

Chinhu chinoera kukokwa kupinda muupenyu hwemumwe munhu. Nemunamato, mwoyo murefu, uye nerubatsiro runobva kuMweya, tinogona kudzidza kuita saizvozvo nekuona kwakanyanya kufanana nekwaKristu.

Chinyorwa

  1. S. Mark Palmer, “Then Jesus Beholding Him Loved Him,” Liahona, Chivabvu 2017, 115.