2019
Tingavaka Sei Tsika yoKusanganisira Vamwe muChechi?
Chikunguru 2019


Mufananidzo
ministering

Misimboti yeKushumira, Chikunguru 2019

Tingavaka Sei Tsika yoKusanganisira Vamwe kuChechi?

Apo patinotarisa mumawadhi nemumapazi edu, tinoona vanhu avo vanoratidza kupindirana nevamwe zvirinyore. Chatisingazivi ndechekuti kunyangwe pakati peavo vanoratidzika kupindirana nevanhu vose, kune vakawanda vanonzwa kuva vanosiiwa vari vega. Imwe tsvakurudzo, somuenzaniso, munguva pfupi yapfuura , yakawana kuti vanhu vakuru vangangosvika chidimu chepakati nepakati muUnited States vakataura kuti vainzwa kusurikirwa, kusiiwa vari voga, uye kubviswa kubva kuna vamwe.1

Zvakakosha kunzwa kusanganisirwa. Chidikanwi chevanhu chakakosha zvikuru, uye apo patinonzwa kusasanganisirwa, zvinorwadza. Kusiiwa wega kunokwaniswa kuunza manzwiro ekusuwa kana ehasha.2 Apo patinonzwa kuti hatisi vobwo, kazhinji tinotsvaka nzvimbo iyo yatinonzwa kugadzikana. Tinofanira kubatsira munhu wose kunzwa kuti ndewe vobwo kuchechi.

Kusanganisira seMuponesi.

Muponesi aiva muenzaniso wakarurama wekukoshesa nekusanganisira vamwe. Apo paAkasarudza Vaapositora Vake, Haana kutarisa mamiriro, upfumi, kana basa rakakwirira. Akakoshesa mudzimai muSamaria patsime, achipupura kwaari nezveuMwari Hwake zvisinei nokuti vaJuda vaitarisira pasi vaSamaria (ona Johane 4). Anotarisa pamwoyo uye haasi mukudzi wemamiriro evanhu (ona 1 Samueri 16:7; Dzidziso neZvibvumirano 38:16, 26).

Muponesi Akati:

“Ndinokupai murairo mutsva, Wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanevo saizvozvo.

“Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana munorudo pakati penyu.” (Johane 13:34–35).

Chii Chatinokwanisa Kuita?

Dzimwe nguva zvakaoma kuziva kana mumwe munhu achinzwa sokunge arikusiiwa kunze. Vanhu vazhinji havazvitauri—kunyanya zvakanyatsojeka kudaro. Asi nemwoyo unerudo, hutungamiri hweMweya Mutsvene, uye nekuedza kuziva, tinokwanisa kuziva apo mumwe munhu paanenge asinganzwi kusanganisirwa pamisangano nezviitwa zveChechi.

Zvinotevera Zvingangova Zvicherechedzo Zvokuti Mumwe Munhu Anonzwa Kusasanganisirwa:

  • Mataridzikiro ekusada kuti vanhu vavepadyo naye, sezvakaita kupeta maoko zvakasimba kana kutsikitsira pasi.

  • Kugara kumashure kwemupanda kana kugara kwake ega.

  • Kusauya kuchechi kana kusauya nguva dzose.

  • Kubva pamisangano kana pazviitwa nokukurumidza.

  • Kusatora chinhano muhurukuro kana muzvidzidzo.

Izvi zvingangovawo zvicherechedzo zvemamwe manzwiro, sezvakaita kunyara, kutya, kana kusagadzikana. Nhengo dzinokwanisa kunzwa “kusiyana” apo pavanenge vari nhengo itsva dzeChechi, kana vari vanobva kune imwe nyika kana tsika, kana kuti vakasangana nedambudziko guru rakachinja upenyu hwavo, sezvakaita kurambana, kufa kwenhengo yemhuri, kana kukurumidza kudzoka kubva kuhushumiri.

Zvisinei nechikonzero, hatifaniri kuzengurira kunanavira kwavari murudo. Zvatinotaura uye zvatinoita zvinokwanisa kuvaka manzwiro ekuti vose vanotambirwa uye vose vanodikanwa.

Dzimwe Nzira Dzokuva Tinosanganisira noKutambira Vamwe:

  • Usagara nguva dzose nevanhu vamwechetevo muchechi.

  • Tarisa zvinopfuura mamiriro ekunze evanhu kuitira kuti uone munhu wacho chaiye. (Kuwana zvimwe nezve musoro wenyaya uno, ona “Kushumira Zvinoreva Kuona Vamwe seZvinoitwa neMuponesi,” Liahona, Chikumi. 2019, 8 –11.)

  • Sanganisira vamwe muhurukuro.

  • Koka vamwe kuti vave chikamu cheupenyu hwako. Unokwanisa kuvasanganisira muzviitwa zvauri kuronga.

  • Wana uye kudziridza kuyanana kwenyu pazvinhu zvakafanana zvamunofarira kuita.

  • Usadzivirira ushamwari nokuda kwekungoti mumwe munhu haazadzikisi tarisiro dzako.

  • Apo paunoona chimwe chinhu chakasiyana pamusoro pemunhu, iva nechido muchinhu ichocho panekungoshaya hanya nacho kana kuchinyenyeredza.

  • Ratidza rudo rwako uye ipa rumbidzo dzechokwadi.

  • Tora nguva yokufunga pamusoro pezvazvinoreva chaizvo apo patinotaura kuti Chechi ndeye munhu wose, zvisinei nesiyano dzavo. Tingaite kuti izvi zvive chokwadi sei?

Hazvisi nyore nguva dzose kunzwa kugadzikana pakati pevanhu vakasiyana nesu. Asi nekuramba tichiedza, tinokwanisa kuva nani pakuwana zvakakosha mukusiyana uye kukoshesa izvo zvinhu zvakasiyana zvinounzwa nemumhu wega wega. Sokudzidzisa kwakaitwa naGosa Dieter F. Uchtdorf weChikwata cheVaapositora vaneGumi neVaviri, kusiyana kwedu kunokwanisa kubatsira kutiita vanhu varinani, vanonyanya kufara: “Huyai, tibatsirei kuvaka nokusimbisa tsika yokuporesa, yetsitsi, uye yemutsa kuvana vose vaMwari.”3

Kuropafadzwa Kuburikidza neKusanganisirwa

Christl Fechter akatama kuenda kuneimwe yechizvarirwo mokunge hondo yaparadza nyika yechizvarwo yake. Akanga asingatauri mutauro wemunyika iyi zvakanaka uye akanga asina waaiziva munzvimbo yaaigara, saka pokutanga akanzwa kuva ari oga uye kusurikirwa.

Senhengo yeChechi, akasimbisa mwoyo uye akatanga kupinda chechi muwadhi yake itsva. Akanetsekana kuti mutoo wematauriro ake waizoita kuti vanhu vasada kutaura naye kana kuti aizotongwa nokuda kwekuti akanga ari mukadzi asina murume.

Asi akasangana nevamwe avo vasina kuita hanya nesiyano dzake navo uye vakamutambira muchikwata cheshamwari dzavo. Vakananavira kwaari murudo, uye nechinguva chipfupi akazviwana ava nebasa rakawanda achibatsira kudzidzisa kirasi yeBato reVana Vadiki. Vana vadiki vakanga vari mienzaniso mikuru yokugamuchira, uye manzwiro ekudiwa nekudikanwa akasimbisa rutendo rwake uye akabatsira kumutsazve kuzvipira kwake kwehupenyu hwese kuna Ishe.

Zvinyorwa

  1. Ona Alexa Lardieri, “Study: Many Americans Report Feeling Lonely, Younger Generations More So,” U.S. News, Chivabvu 1, 2018, usnews.com.

  2. Ona Carly K. Peterson, Laura C. Gravens, and Eddie Harmon-Jones, “Asymmetric Frontal Cortical Activity and Negative Affective Responses to Ostracism,” Social Cognitive and Affective Neuroscience, vol. 6, no. 3 (Chikumi 2011), 277–85.

  3. Dieter F. Uchtdorf, “Believe, Love, Do,” Liahona Mbudzi 2018, 48.