2019
Ndinogona kubatsira mumwe munhu kushanduka here?
Nyamavhuvhu 2019


Mufananidzo
ministering

Misimboti yeKushumira, Nyamavhuvhu 2019

Ndingagone here Kubatsira Mumwe Munhu Kushanduka?

Hongu. Asi basa rako ringangova rakasiyana pane zvawaifunga.

Takasikwa tiine kwaniso yekushanduka. Kukura takananga kukwaniso yehumwari yedu, ndicho chinangwa chezviitiko zvedu zvehupenyu hwepanyika. Chimwe chezvinangwa zvedu chikurusa mukushumira ndechekubatsira vamwe kuuya kuna Kristu uye kuita shanduro dzinodikanwa dzekudzokera Kwaari. Asi nekuda kwerusununguko rwavo rwekuzvisarudzira, basa redu mukuvabatsira kuti vave zvakanyanya saKristu ishoma.

Hezvino zvidzidzo zvinomwe zvakasimba zvinobva kuMuponesi pamusoro pemabatsiriro atingaita vamwe mukuedza kwavo kushanduka kuti vave zvakanyanya saIye.

  1. Musatya Kukoka Shanduko

    Muponesi akanga asingatyi kukoka vamwe kuti vasiye nzira dzekare shure uye vogogamuchira zvakazara dzidziso dzaKe. Akakoka Petro naJakobo kuti vasiye mabasa avo uye “vave vabati vavanhu” (Marko 1:17). Akakoka mukadzi akabatwa muupombwe kuti “enda, usazotadzazve” (Johane 8:11). Akakoka jaya rakapfuma kuti asiye kubatirira kwake kuzvinhu zvenyika uye aMuteverea (ona Marko 10:17–22). Isu tinogonawo kuva zvese, kushinga nerudo apo patinokoka vamwe kuti vaite shanduko uye vatevere Muponesi.

  2. Rangarira Kuti Isarudzo Yavo yeKushanduka,

    Rudzi rweshanduko inokokwa neMuponesi harugoni kumanikidzwa. Muponesi akadzidzisa uye akakoka, asi Haana kumanikidzira. Mujaya akapfuma “akaenda akasuruvara” (Mateo 19:22). MuKapenaume, vazhinji vevadzidzi Vake vakasarudza “kudzokera,” uye Akabvunza vane Gumi nevaviri kana vaizoendawo (ona Johane 6:66–67). Vamwe vevadzidzi vaJohane Mubhabhatidzi vakasarudza kutevera Muponesi, vamwe havana(ona Johane 1:35–37; 10:40–42). Tinokwanisa kukoka vamwe kuti vave zvakanyanya saIye, asi hatikwanise kuvasarudzira kuti vashanduke. Kunyange vasati vasarudza kushanduka, hatifanirwe kuneta—kana kunzwa kuti takundikana.

  3. Namatira Kwaniso yeVamwe yeKushanduka

    Panguva yeMunyengetero Wake Wekunyengeterera Vamwe, Jesu akakumbira Mwari kuti vadzidzi vake vaizochengetedzwa kubva kuhuipi, kuti vaizova zvakanyanya saIye uye saBaba, uye kuti vaizozadzwa nerudo rwaMwari (ona Johane 17:11, 21–23, 26). Uye nekuziva kuti Petro aizoda simba mukuedza kwake kukura kuva mubasa rake, Muponesi akamunyengeterera (ona Ruka 22:32). Minamato yedu yevamwe inogona kuita mutsauko. (ona Jakobho 5:16).

  4. Vadzidzisei Kuvimba neSimba Rake

    Kuburikidza chete neMuponesi kunoita kuti tigone kushanduka zvechokwadi uye tifambire mberi takananga kukwaniso yeuMwari yatiinayo tesetese . Ndiye “nzira, chokwadi, noupenyu: hakuna munhu unouya kuna Baba, asi no[Kwaari]” (Johane 14:6). Isimba raKe rinokwanisa “kuita kuti zvinhu zvisina simba zvive nesimba” (Ether 12:27). Rwaiva rutendo musimba raKe rekudzikinura urwo rwakagonesa Aruma Mudiki kushanduka (ona Aruma 36:16-23). Tinogona kudzidzisa vamwe kuvimba noMuponesi kuitira kuti ivowo vagone kuva nesimba raKe rinochenesa muupenyu hwavo.

  5. Vabatei Sezvavanokwanisa Kuzova

    Rudo nekugamuchirwa zvinogona kuva kurudziro dzakasimba dzeshanduko. Mukadzi aive patsime aigara nemurume akanga asiri murume wake. Vadzidzi vaJesu “vakashamisika kuti aitaura nemukadzi uyu” (Johane 4:27), asi Jesu aiva nehanya zvakanyanya nezvaaigona kuzova. Akamudzidzisa uye akamupa mukana wekushanduka, zvinova zvaakaita. (Ona Johane 4:4–42.)

    Apo patinobata vamwe sezvakanga vari pane zvavanogona kuva, tinogona kuvadzosera kumashure. Pane kudaro, tinogona kuregerera nekukanganwira zvikanganiso zvakapfuura. Tinogona kutenda kuti vamwe vanokwanisa kushanduka. Tinogona kusatarisa utera uye toona zvakanaka zvavangangova vasingakwanisi kuona mavari pachavo. “Tine basa rekuona vanhu kwete sezvavari asi kuti sezvavanokwanisa kuzova.” 1

  6. Varegei Vafambe neNhanho Dzavo Pachavo

    Kushanduka kunotora nguva. Tose tinofanira “kuramba tichitsungirira kusvikira [isu] tazadziswa” (Dzidziso neZvibvumirano 67:13). Jesu aive nemoyo murefu nevamwe uye akaramba achidzidzisa kunyange avo vaiMupikisa, achipupura nezvebasa raKe raAkapiwa naBaba Vake uye achipindura mibvunzo yavo (ona Mateo 12:1–13; Johane 7: 28–29). Tinogona kuva nemoyo murefu kune vamwe uye tovakurudzira kuti vave nemoyo murefu kwavari pachavo.

  7. Musaneta Kana Vakadzokera Munzira Dzekare

    Mushure mokunge Kristu afa, kunyange Petro nevamwe vevaapositora vakadzokera kune zvavaiziva (ona .Johane 21: 3). Kristu akayeuchidza Petro kuti aifanira “kufudza makwai [Ake]” (ona Johane 21:15–17), uye Petro akadzokera kuushumiri. Zvinogona kuva nyore zvikuru kudzokera kune nzira dzakare. Tinokwanisa kuramba tichitsigira nekukurudzira kwakanyorova uye kukoka kwakafemerwa kuti tirambe tichitevera Muponesi uye tiedze kuva zvakanyanya saIye.

Bvumira Vamwe kuti Vakure

Gosa Jeffrey R. Holland weChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri vanotaura nyaya iyi nezvekubvumira vamwe kukura: “Ndakamboudzwa imwe nguva nezvemujaya uyo kwemakore akawanda akanga ari nguva dzese nyaya yesekeso yese pachikoro chake. Akanga ane kumwe kusamira zvakanaka, uye zvakanga zviri nyore kune vezera rake kuti vamuseke. Gare gare muupenyu hwake akatama. Pekupedzisira akazopinda muchiuto uye akawana zviitiko zvakabudirira imomo mukuwana dzidzo uye achifambira mberi kubva pane zvakaitika kwaari kare. Pamusoro pezvose, sezvinoita vazhinji vari muchiuto, akawana runako uye hukuru hweChechi, akavamupindi uye nekufara mairi.

“Zvino, mushure memakore akati wandei, akadzokera kuguta rehuduku hwake. Vakawanda vezera rake vakanga vafambira mberi asi kwete vose. Sezvinei, paakadzoka abudirira chaizvo uye aberekwa patsva, pfungwa yekare yaimbovepo yakanga ichiripo, ichimirira kudzoka kwake. Kuvanhu vemuguta rekumba kwake, akanga achingori ‘nhingi mumwecheteyo .’ …

“Padiki nepadiki, kuedza kwemurume uyu kwakafanana nekwa Pauro kwekusiya izvo zvakanga zviri kumashure uye achipfumbatira mubayiro wakaiswa naMwari pamberi pake zvakadzima zvishoma nezvishoma kusvikira afa nemamiriro ezvinhu mamwechetewo aakararama nawo muhuduku hwake. … Zvakashata chaizvo, zvinosuwisa zvikuru kuti aive zvakare akakomberedzwa … neavo vaifunga kuti hupenyu hwake hwakare hwaifadza zvakanyanya kupfuura ramangwana rake. Vakakwanisa kubvuta kubva muruoko rwake izvo Kristu zvaakanga amubatisa. Uye akafa akasuruvara, kunyange zvazvo kwete nemhosva yake pachake. …

Regai vanhu vatendeuke. Regaivanhu vakure. Tendai kuti vanhu vanogona kushanduka uye vachinatsuridzika.”2

Zvinyorwa

  1. Thomas S. Monson, “See Others as They May Become,” Riahona, Mbudzi 2012, 70.

  2. Jeffrey R. Holland, “The Best Is Yet to Be,” Riahona, Ndira 2010, 19, 20.