2019
Mabatsirirwo Aunokwanisa Kuitwa (uye Aunozoitwa) neMweya Mutsvene Kushumira
Gunyana 2019


Mabatsirirwo Aunokwanisa Kuitwa (uye Aunozoitwa) neMweya Mutsvene Kushumira

Basa rehupurisita rekushumira, rinopihwa kunavose varume nevakadzi, rinosanganisira kodzero yekugamuchira zvakazarurwa.

Mufananidzo
ministering

Mifananidzo kubva kuGetty Images

Kudanwa kuti tishumire nekushandira uye kunyangwe nekuda sezvakaitwa neMuponesi zvinokwanisa dzimwe nguva kutaridzika sezvakaoma—kunyanya apo pazvinosanganisira kushanyira avo vatinenge tisingazivi zvakanaka. Nenzira dzakawanda chaizvo dzekushumira, tinofunganya kuti tingakwanisa sei kuziva nzira dzakanakisisa dzokubatsira avo vatakapihwa.

Hatifaniri kufunganya kwenguva refu nokuti kuedza kwedu kwechokwadi kunogona kutungamirirwa neMweya Mutsvene.

“Basa rako rinoyera rokushumira rinokupa kodzero yeumwari yefemero,” vakadaro Sisita Bonnie H. Cordon, Mutungamiriri Mukuru weVasikana veChidiki. “Unokwanisa kutsvaga femero nechivimbo.”1

Apo patinotsvaga kushandira sezvaiitwa neMuponesi, tinokwanisa kutungamirirwa neMweya mumwechetewo uyo waiMutungamirira. Izvi zvinonyanya kuva chokwadi apo patinoshandira mumabasa, akaita sekushumira, akapiwa nemvumo yemakiyi ehupirisita abhishopi. Heano mazano matanhatu ekushumira neMweya.

Ndingakwanise Sei Kuva neMweya Apo Pandinenge Ndichishumira?

  • Kumbira Kutungamirirwa. Baba veKudenga vanoda kuti titaure Navo kuburikidza nemunamato. Munamato haungotibvumiri chete kuswedera pedyo Navo, asi unowanisawo “maropafadzo ayo Mwari aVagara vachida kupa asi ayo anotambirwa chete maererano nokuakumbira kwedu.” 2 Apo patinonamata nokutsvaga kunzwisisa mwoyo yavo,” vakadaro Sisita Cordon, “Ndinopupura kuti Baba Vokudenga vanozotitungamirira uye Mweya Wavo unozoenda nesu.”3

  • Usamirira Kurudziro. Ita zvinhu usingamiriri kuti chimwe chinhu chitange chaitika. Iva “unobata nechido” (Dzidziso neZvibvumirano 58:27), uye unozoona kuti kuedza kwako kunokwanisa kutungamirirwa nokukudziridzwa. “Kuenderera mberi nekushandira kwedu uye nebasa redu inzira inokosha yekukodzera zvakazarurwa” vakadaro Mutungamiri Dallin H. Oaks, Mutevedzeri Wekutanga muHutungamiri Hwekutanga. “Mukunzvera kwangu kwemagwaro matsvene ndakacherechedza kuti zvakazarurwa zvizhinji kuvana vaMwari zvinouya apo pavanenge vachifambira mberi kwete pavanenge vakagara mudzimba dzavo vakamirira kuti Ishe avataurire nhanho yokutangisa kutora.”4

Ndinoziva Sei Kurudziro dzeKushimira?

  • Tora Mazano aMormoni. Hatifaniri kumira-mira tichinetsekana nokuti pfungwa yauya kwatiri yanga iri kurudziro here kana kuti kwete. Nokuti tine nhungamiri nyore yaMormoni kukuziva: Kana une pfungwa inokukurudzira kuti uite zvakanaka uye kuti utende kana kubatsira vamwe kutenda muna Kristu, unogona kuziva kuti ndeya Mwari (ona Moronai 7:16).

  • Usanetseka pamusoro pazvo. “Ingosvetukira mudziva uye ushambire,” vakadaro Gosa Jeffrey R. Holland veChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri. “Famba uchinanga kune avo vane zvidikanwi. Usadzivirirwa kuramba uchienda mberi nokufunganya kuti woshambira nemanhede here kana kuti woshambira nekudumbu. Kana tikatevera misimboti yokutanga yakadzidziswa, tikaramba tichitsigira makiyi ehupirisita, uye tikatsvaga Mweya Mutsvene kuti utitungamirire, hatizokwanisi kukundikana.”5

Ndeipi Nzira Yakanakisisa Yokutevera Kurudziro?

  • Pakarepo. Sisita Susan Bednar (mudzimai waGosa David A. Bednar veChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri) muenzaniso wakanaka zvikuru wekutevera kurudziro. Mushure mokunamatira “kuti meso emweya aone avo vane zvidikanwi,” vanotarisa nemugungano uye kazhinji “vanonzwa kurudziro yemweya kuti vashanyire kana kuchaira runhare mumwe munhu,” vakagovera Gosa Bednar. “Uye apo Sisita Bednar pavanotambira kunzwa kwakadaro pakarepo vanobva vadavira uye voteerera. Kazhinji zvinoitika ndezvekuti panongonzi ‘ameni’ mumunamato, vanotaura newechidiki kana kumbundira sisita kana kuti, pavanodzokera kumba, pakarepo vanosimudza foni vochaya runhare.”6

  • Noushingi. Kutya kurambwa uye manzwiro ekunyara, ekusava nekwaniso, kana ekuva munhu anonetsa vamwe kunogona kutidzivirira kutevera kurudziro yekushumira. “Munguva nemunzira dzakasiyana-siyana, tose tinonzwa kuti hatina kwaniso, kana kusava nechokwadi, pamwe kusava nekodzero,” vakadaro Gosa Gerrit W. Gong weChikwata cheVaapositori vane Gumi neVaviri. “Asi mukuedza kwedu kwakatendeka kuda Mwari uye kushumira kumuvakidzani wedu, tingangonzwa rudo rwaMwari uye femero inodikanwa yeupenyu hwavo nehwedu munzira itsva uye tsvene.”7

    Mumwe bhuratha akagovera kuti aizeza kunanavira kune murume wemumwe mukadzi akanga aedza kuzviuraya. Asi pakupedzisira akazokoka murume uyu kuti adye naye kudya kwemasikati. “Pandakati, ‘Mudzimai wako akaedza kuzviuraya. Izvi zvinofanira kunge zvakakuomera zvikuru Unoda kutaura pamusoro pazvo here?’ akachema zvaiva pachena,” uye akagovera. “Takava nehurukuro inetsitsi uye yepedyo uye takaumba ushamwari hwepedyo-pedyo neruvimbo munguva shomanana”8

Zvinyorwa

  1. Bonnie H. Cordon, “Becoming a Shepherd,” Liahona, Mbudzi. 2018, 76.

  2. Bible Dictionary, “Prayer.”

  3. Bonnie H. Cordon, “Becoming a Shepherd,” 76.

  4. Dallin H. Oaks, “In His Own Time, in His Own Way,” Liahona, Nyamavhuvhu, 2013, 24.

  5. Jeffrey R. Holland, “The Ministry of Reconciliation,” Liahona, Mbudzi. 2018, 77

  6. David A. Bednar, “Quick to Observe,” Liahona, Zvita. 2006, 17.

  7. Gerrit W. Gong, “Our Campfire of Faith,” Liahona, Mbudzi. 2018, 42

  8. Ona Bonnie H. Cordon, “Becoming a Shepherd,” 76.