2019
Hausi Kuita Here Chinhu Chinokoshesesa Ichi Chikamu cheKushumira?
Gumiguru 2019


Misimboti yeKushumira, Gumiguru 2019

Hausi Kuita Here Chinhu Chinokoshesesa Ichi Chikamu Chakakosha cheKushumira?

Kushumira zvinoreva “kufara neavo vanofarawo” sezvazvinorevawo “kuchema neavo vano chema” (VaRoma 12:15)

Mufananidzo
ministering

Mifananidzo naAugusto Zambonato

Apo patinofunga nezvekushumira, zvirinyore kufunga nezvekubatsira avo vane zvidikanwi. Tinotaura nezvekurima bindu reshirikadzi, kuunza zvokudya zvemanheru kune vanorwara, kana kupa kune avo vanoshaya. Tinorangarira rairo yaPauro inoti “ chemai neavo vanochema,” asi tinonangana zvakakwana here pachikamu chekutanga chendima iyoyo—“kufara neavo vanofara”?(VaRoma 12:15). Kufara neavo vatinoshumira kwavari—kunyangwe zvichireva kupemberera kubudirira kwavo kana kuvabatsira kuwana mufaro munguva dzakaoma—chikamu chakakosha chekushumira sezvingaitwe neMuponesi.

Heano mazano matatu anogona kubatsira (uye rimwechete rekudzivirira) apo patinotarira kunangana nezvakanaka izvo Mwari zvavanoisa muhupenyu hwedu.

1. Ziva

Bonnie H. Cordon,Mutungamiri Mukuru weVasikana veChidiki, anotibatsira kunzwisisa kuti tinofanira kuona avo vatinoshumira kwavari—kwete kuona mitoro nekutambudzika kwavo asi kusimba kwavo, zvipo zvavo uye kubudirira kwavo. Vakataura kuti tinofanira kuva “mhare uye munhu akavimbika kutaura naye—munhu anocherechedza magariro avo uye anovatsigira mutarisiro nemuzvishuviro zvavo.”1

Mumufananidzo wemakwai nembudzi, Muponesi akataura kuti avo vachawanikwa kurudyi Rwake vanozobvunza: “Ishe, takakuonai riiniko mune nzara, tikakupai chokudya? kana mune nyota, tikakupai chokunwa?”

“Takakuonai riiniko muri mweni, tikakugamuchirai? (Mateo 25:37—38).

“Mabhuratha neMasisita, izwi rinokoshesesa nderinoti takakuonai,” Sisita Cordon vakadaro. “Vatsvene vakaona avo vaive nezvidikanwi nekuti vainge vachiongorora uye vachicherechedza. Nesuwo tinogona kuongorora kuti tibatsire nekunyaradza, kupemberera zvinhu zvakanaka muupenyu hwevamwe uye kana nekuona kwaniso mune vamwe.”2

2.Tsvaga Zvikonzero zveKupemberera

Pemberera kubudirira kwavo kunyangwe kuri kukuru kana kudiki. Zvinogona kuva kubudirira muchirwere chegomarara kana kukunda marwadzo ekurambana, kutsvaga basa idzva kana kuwana shangu yanga yakarasika, kubudirira pakuramba wakashinga kwemwedzi wese mushure mekushaikirwa nemudikanwi kana kushingirira kupedza svondo rese usina tsvigiri.

Varidzire runhare uchivakorokotedza, kunyora kadhi wonovapa, kana kuenda navo kunodya kudya kwemasikati. Nokugoverana muzvikomborero zvedu pamwechete, kurarama tiine kutenda, uye kupemberera makomborero nekubudirira kwevamwe, isu “tinofara mukufara kwehama dzedu” (Aruma 30:34).

3. Ona Ruoko rwaIshe.

Dzimwe dzenguva kufara nevamwe zvinoreva kuvabatsira kuti vaone zvikonzero zvokufara—zvisinei nematambudziko kana mafaro anopinda muupenyu hwedu. Chokwadi chakareruka chekuti Baba Vekudenga vanoziva nezvedu uye vakagadzirira kutisimudzira chinogona kuva chiwaniso chikurusa chemufaro.

Unogona kubatsira vamwe kuona ruoko rwaIshe muhupenyu hwavo nokugoverena navo maonero awakarwuita muhupenyu hwako. Iva wakasununguka kugoverana navo kuti Baba Vekudenga vakakubatsira sei kukunda zvinetso zvako. Uchapupu uhwu hwunogona kubatsira vamwe kuziva uye nekubvuma mabatsiriro avakaitwa Navo (ona Mosaya 24:14).

4.Usaderedza Kwaniso Yako yeKufara

Zvinosuwisa kuti dzimwe nguva tinogona kuderedza kwaniso yedu yekufara nevamwe, kunyanya apo patinonzwa kusagadzikana pamusoro peizvo zvatinokwanisa kupa kana danho ratiri muhupenyu. Pachinzvimbo chekuwana rufaro mukufara kwemumwe, tinoita zvisina ungwaru zvekuenzanisa. Uye sekudzidzisa kwakaita Gosa Quentin L. Cook VeChikwata cheVaapositora vane Gumi naVaviri: “Kuenzanisa makomborero zvinogona chaizvo kubvisa rufaro. Hatikwanise kuva tinotenda nekuchiva panguva imwechete.”3

“Tinogona sei kukunda tsika iyoyo inowanikwa mumunhu wose?” vakabvunza Gosa Jeffrey R. Holland VeChikwata cheVaapositora vane Gumi naVaviri. “…Tinogona kuverenga makomborero edu mazhinji uye tinogona kurumbidza budiriro dzevamwe. Zvakanyanya kukosha kupinda zvose, tinogona kushandira vamwe, chinhu chakanakisisa chemwoyo chakati chamborairwa kuti chiitwe”4 Pachinzvimbo chekuenzanisa, tinogona kurumbidza avo vatinoshumira kwavari. Govera nerusununguko izvo zvaunoyemura pamusoro pavo kana nhengo dzemhuri yavo.

Sekuyeuchidzwa kwatinoitwa naPauro, tose tiri mitezo yemuviri waKristu, kana “mutezo mumwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwechete nawo” (1 VaKorinte 12:26). Nerubatsiro rwaBaba Vekudenga, tinogona kuva tinoziva zviitiko zveupenyu zvevamwe, topemberera budiriro huru uye diki, tovabatsira kuona ruoko rwaIshe, uye kukunda ruchiva kuitira kuti tizofara zvechokwadi pamwechete mumakomborero, zvipo, uye murufaro rwevamwe.

Zvinyorwa

  1. Bonnie H. Cordon, “Becoming a Shepherd,” Liahona, Mbudzi. 2018, 75.

  2. Bonnie H. Cordon, “Becoming a Shepherd,” 75.

  3. Quentin L. Cook, “Rejoice!” Ensign, Mbudzi 1996, 30.

  4. Jeffrey R. Holland, “The Other Prodigal,” Liahona, Chivabvu 2002, 64