2019
Kukodzera Kupinda Mutemberi Tsvene
Shoko reVatungamiri Vekutanga, Mbudzi 2019


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Mbudzi 2019

Kukodzera Kupinda Mutemberi Tsvene

Kodzero yemunhu pachake inoda rutendeuko rwakanyatsozara rwepfungwa nemwoyo kuti unyanye kuva saIshe.

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, apo patasvika kumagumo kwemusangano usingakanganikwe uno, tinotenda Ishe nekufemera mashoko nemumhanzi izvo zvatisimbisa. Tanakidzwa zvechokwadi nemanzwirwo emweya makurusa aitika.

Tinoziva kuti vhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu rinozounza tariro nerufaro kuvanhu vanozonzwa nekuteerera dzidziso Dzake. Tinozivawo kuti imba yega yega inokwanisa kuva nzvimbo yedziviriro yechokwadi yerutendo, iyo ingangogara runyararo, rudo, neMweya waIshe.

Asi tinoziva kuti, chikamu chakakoshesesa cheKudzorerwa itemberi tsvene. Zvisungo nezvibvumirano zvinoyera zvayo zvakakosha zvikurusa pakugadzirira vanhu avo vagadzirira kutambira Muponesi paKuuya Kwake kweChipiri. Iyezvino tine matemberi akakumikidzwa 166, uye mamwe akawanda arikuuya.

Kuvhurira ruzhinji kuti ruzoona kunozoitwa kukumikidzwa kwetemberi yega yega itsva uye yakagadziridzwa kusati kwaitwa. Shamwari zhinji dzisiri dzechitendero chedu dzinozotora chinhano mukutenderera dzichiona matemberi iwayo uye dzinozodzidza chimwe chinhu pamusoro pemaropafadzo etemberi. Uye vamwe vevaenzi ivavo vanozokurudzirwa kuti vade kuziva zvakawanda. Vamwe vanozobvunza nemwoyo wose makodzerero avangaita kuti vawane maropafadzo etemberi.

Senhengo dzeChechi, tinofanira kuva takagadzirira kupindura mibvunzo yavo. Tinokwanisa kutsanangura kuti maropafadzo etemberi anowanikwa kumunhu upi zvake kana kuvanhu vose vanozozvigadzirira. Asi vasati vakwanisa kupinda mutemberi yakakumikidzwa, vanofanira kukodzera. Ishe vanoda kuti vana Vavo vose vawane maropafadzo ekusingaperi anowanikwa mutemberi Mavo. Vakaraira izvo zvinofanirwa kuitwa nemunhu ega ega kuti akodzere kupinda muimba Yavo tsvene.

Nzvimbo yakanaka yekuti titangise mukana wekudzidzisa wakadai ndeye kutaura nezvemazwi akanyorwa kunze kwetemberi anoti: “Hutsvene kuna Ishe: Imba yaIshe.” Mashoko eMutungamiri Henry B. Eyring nevamwe vazhinji nhasi atikurudzira kuti tive vatsene zvakanyanya. Temberi yega yega inzvimbo tsvene, patironi wetemberi ega ega anoedza nesimba rese kuva mutsvene zvakanyanya.

Zvose zvinodikanwa kuti upinde mutemberi zvinoenderana nehutsvene hwemunhu pachake. Kuziva gadziriro iyoyo, munhu ega ega anoda kunakirwa nemaropafadzo etemberi anozova nebvunzurudzo mbiri: yekutanga nabhishopi, mutevedzeri wabhishopi, kana mutungamiri webazi; yechipiri nemutungamiri wesiteki kana wehushumiri kana mumwe wevatevedzeri vavo. Mubvunzurudzo idzodzo, mibvunzo yakati wandei inozobvunzwa.

Imwe yemibvunzo iyoyo yakagadziriswa nguva pfupi yakapfuura kuitira kujekesa. Ndinoda kuiongorora kwamuri iyezvino:

  1. Une rutendo here munaMwari, Baba Vekusingaperi, muMwanakomana Wavo, Jesu Kristu, neMweya Mutsvene; uye une uchapupu here hwaMwari, Baba Vekusingaperi, Mwanakomana Wavo, Jesu Kristu, uye neMweya Mutsvene?

  2. Une uchapupu here hweRudzikinuro rwaJesu Kristu uye nehwebasa rake seMuponesi neMununuri wako?

  3. Une uchapupu here hweKudzorerwa kwevhangeri raJesu Kristu?

  4. Unotsigira here Mutungamiri weChechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira semuporofita, muoni, nemududziri uye saiye munhu ega pasi pano anemvumo yekushandisa makiyi ehupirisita?

    Unotsigira here nhengo dzeHutungamiri Hwekutanga neChikwata cheVaapositora Gumi neVaviri sevaporofita, vaoni, nevadudziri?

    Unotsigira here vamwe Vatungamiri Vakuru nevatungamiri vemunzvimbo maunogara veChechi?

  5. Ishe vakati zvose zvinhu zvinofanira “kuitwa mukutsvinda” pamberi Pavo (Dzidziso neZvibvumirano 42:41).

    Unoedza nesimba rese here kuva nehunhu hwakachena mupfungwa dzako nemumaitiro ako?

    Unoteerera here mutemo wekuzvibata?

  6. Unotevera here dzidziso dzeChechi yaJesu Kristu mumaitiro ako muchivande uye pachena nenhengo dzemhuri yako nevamwewo?

  7. Unotsigira kana kukurudzira here dzipi zvadzo fundiso, tsika, kana dzidziso dzinopikisana neidzo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira?

  8. Unoedza nesimba rese here kuchengeta zuva reSabata riri dzvene, zvese kumba nepachechi; kupinda mumisangano yako; kugadzirira uye kutora sakaramendi nekukodzera; uye kugara upenyu hwako maererano nemitemo nemirairo yevhangeri?

  9. Unoedza nesimba rese here kuva wakavimbika muzvinhu zvose zvaunoita?

  10. Uri mubvisi wechegumi chizere here?

  11. Unonzwisisa nekuteerera here Shoko reUngwaru?

  12. Une sungiro here dzemari kana dzimwe dzipi zvadzo kumukadzi/murume wawakarambana naye kana kuvana?

    Kana uchiti hongu, hausi shure here mukuzadzikisa sungiro idzodzo?

  13. Unochengeta here zvibvumirano zvawakaita mutemberi, kusanganisira kupfeka gamendi retemberi sekurairwa kunoitwa muindaumendi?

  14. Pane zvivi zvikukutu here muupenyu hwako zvinoda kugadziriswa nevatungamiri vehupirisita sechikamu chako cherutendeuko?

  15. Unozviona iwe pachako here sewakakodzera kupinda muimba yaIshe nekutora chinhano muzvisungo zvetemberi?

Mangwana, mibvunzo yemvumo yekupinda mutemberi yakagadziridzwa iyi ichapihwa kuvatungamiri veChechi vepanyika pose.

Pamwepo nekupindura kwavo mibvunzo iyoyo zvakavimbika, zvinonzwisiswa kuti patironi mukuru wetemberi ega ega achapfeka gamendi rinoyera rehupirisita pasi pezvipfeko zvavo zvemazuva ose. Ichi chiratidzo chekuzvipira kwemukati kuedza nesimba rose zuva rega rega kuva zvakanyanya saIshe. Rinotiyeuchidzawo kuramba takatendeka zuva rega rega kuzvibvumirano zvakaitwa uye kufamba panzira yechibvumirano zuva rega rega munzira yepamusoro uye tsvene.

Zvino, kwechinguva chidiki, ndinoda kutaura kune vechidiki vedu. Tinokukurudzirai kuti mukodzere kuwana mvumo dzekupinda mutemberi dzinobvumira kuita zvimwe zvishoma. Munozobvunzwa chete mibvunzo iyoyo inoshanda kwamuri mukugadzirira kwenyu kwezvisungo zverubhabhatidzo nerusimbiso zvinoitwa wakamirira mumwe munhu. Tinotenda nekodzero yenyu nechido chenyu chekutora chinhano mubasa rinoyera retemberi. Tinokutendai!

Kodzero yemunhu pachake yekupinda muimba yaIshe inoda gadziriro huru yemweya yemunhu pachake. Asi nerubatsiro rwaIshe, hapana chisingakwanisike. Nedzimwe nzira zvirinyore kuvaka temberi kupinda kuvaka vanhu vakagadzirira temberi. Kodzero yemunhu pachake inoda rutendeuko ruzere rwepfungwa nemwoyo kuti uve saIshe zvakanyanya, kuti uve mugari wenyika akavimbika, kuti uve muenzaniso urinani, uye kuti uve munhu mutsvene.

Ndinopupura kuti basa rekugadzirira rakadai rinounza maropafadzo asingaverengeke muupenyu huno uye nemaropafadzo asingafungidzirwe eupenyu huchauya, kusanganisira kuenderera mberi kwechikamu chemhuri yenyu nekusingaperi kwose “mumugariro wemufaro usingazomboperi.”1

Zvino ndinoda kukurukura nezve mumwe musoro wenyaya: wezvirongwa zvegore ririkuuya. Muchirimo chegore ra2020, anenge ava makore 200 chaiwo kubvira apo Joseph Smith paakasangana nekuzviratidza kwaMwari kuvanhu uko kwatinoziva seChiratidzo Chekutanga. Mwari Baba neMwanakomana Wavo Anodiwa, Jesu Kristu, vakazviratidza kuna Joseph, wechidiki ane makore gumi nemana. Chiitiko ichi chakaratidza kutangisa kweKudzorerwa kwevhangeri raJesu Kristu mukuzara kwaro, chaizvo izvo sekufanotaurwa kwazvakaitwa muBhaibheri.2

Zvino kwakazouya kushanya kwaitevedzana kwevatumwa vekudenga, kusanganisira Moronai, Johane Mubhabhatidzi, uye vaApositora vekutanga Petro, Jakobho, naJohane. Vamwe vakatevera, vanosanganisira Mosesi, Eriya, naErija. Mumwe nemumwe akaunza mvumo yeumwari yekuropafadza vana vaMwari pasi pano zvakare.

Nechishamiso, takagashirawo Bhuku raMormoni: Umwe Uchapupu hwaJesu Kristu, gwaro dzvene rinofambidzana neBhaihberi Dzvene. Zvakazarurwa zvakashambadzwa muDzidziso neZvibvumirano uye muDombo Remutengo Mukuru zvakavandudzawo zvikuru kunzwisisa kwedu kwemirairo nechokwadi chekusingaperi chaMwari.

Makiyi nezvigaro zvehupirisita zvakadzorerwa, kusanganisira zvigaro zvemuApositora, Vane Makumi Manomwe, patiriyaki, mupirisita wepamusoro, gosa, bhishopi, mupirisita, mudzidzisi, nemudhikoni. Uye madzimai anoda Ishe anoshandira zvakasimba muChita cheRubatsiro, Bato reVana Vadiki, muVasikana Vechidiki, muChikoro cheSvondo, nemune dzimwe daidzo dzeChechi—zvese zvikamu zvinokosha zveKudzorerwa kwevhangeri raJesu Kristu mukuzara kwaro.

Naizvozvo, gore ra2020 richatemerwa segore rekupemberera kusvika kwemakore mazana maviri. Musangano Mukuru waKubvumbi anotevera uchange wakasiyana nemimwe misangano yakapfuura. Mumwedzi mitanhatu inotevera, ndinovimba kuti nhengo yese uye nemhuri yese vachagadzirira musangano usina kufanana nemimwe uchange uchipemberera hwaro chaihwo hwevhangeri rakadzorerwa.

Mungangoda kutanga gadziriro dzenyu nekuverenga patsva rondedzero yaJoseph Smith yeChiratidzo Chekutanga sekunyorwa kwazvakaitwa muDombo reMutengo Mukuru. Dzidzo yedu yekunzvera yegore rinouya muHuyai, Munditevere iBhuku raMormoni. Ungangoda kufungisisa mibvunzo inokosha yakaita sekuti, “Upenyu hwangu hungava hwakasiyana sei kana ruzivo rwangu rwandakawana kubva muBhuku raMormoni rwukayerekana rwatorwa?” kana kuti “Zviitiko zvakatevera Chiratidzo Chekutanga zvakaita mutsauko sei kwandiri nekuvadikani vangu?” Uyewo, nekuwanikwa kwavakuita mavhidhiyo eBhuku raMormoni, ungangoda kuaisa mukati mekunzvera kwemunhu pachake nekwemhuri.

Sarudza mibvunzo yako pachako. Gadzira chirongwa chako pachako. Zvipinze zvakadzama muchiedza chinopenya cheKudzorerwa. Apo paunodaro, musangano mukuru waKubvumbi anotevera hauzova chete unoshamisa; unozova usingakanganwike.

Zvino mukuvhara, ndinokusiyayi nerudo rwangu nemaropafadzo angu ekuti mumwe nemumwe wenyu ave anofara, uye ave mutsvene nezuva rimwe nerimwe rinopfuura. Panguva ino, ndapota ivai nekuvimbiswa kuti zvakazarurwa zviri kuenderera mberi muChechi, uye zvinozoenda mberi pasi perairo yaIshe kusvikira apo “zvinangwa zvaMwari pazvichazadzikiswa, uye Jehova Mukurusa paachati basa raitwa.”3

Ndinokuropafadzai, ndichisimbisazve rudo rwangu kwamuri, neuchapupu hwangu hwekuti Mwari vanorarama! Jesu ndiye Kristu! Ino iChechi Yake uye tiri vanhu Vake. Nemuzita rinoyera raJesu Kristu, amen.