2019
Zvatinodzidziswa neNyaya yeKisimusi pamusoro peKushumira.
Zvita 2019


Misimboti yeKushumira, Zvita 2019

Zvatinodzidziswa neNyaya yeKisimusi pamusoro peKushumira

“Uyu ndiwo mwaka wegore unodisiswa kwazvo. Imba rwumbo; Nguva yeKisimusi yavakutosvika. Taura nyaya yekuzvarwa kwaJesu yechokwadi, apo, semwana mucheche, akauya panyika” (“The Nativity Song,” Children’s Songbook, 52).

Mufananidzo
ministering

Wakatorwa kubva kuchinyorwa Behold the Lamb of God, naWalter Rane

Nguva yeKisimusi inguva yakanakisa chose apo makwayi, vafudzi, zvidyiro zvezvipfuwo, uye nyeredzi zvinobva zvava nekumwe kureva kutsva. Zvinova zvinhu zvinokakosha mukutaurwa zvakare kwechimwe chezviitiko zvakakosha munhoroondo yevanhu: kuzvarwa kwaJesu Kristu. Mhuri zhinji dzinoratidza chiitiko chekuzvarwa kwaJesu mudzimba dzavo. Vamwe vanokoshesa kuverenga nyaya yezvekuzvarwa Kwake kana kutora chinhano mumitambo yakanangana naizvozvo. Senyaya dzose dzaKristu, nyaya yekuzvarwa Kwake yakazara nezvidzidziso zvatinogona kudzidza pamusoro pekushumira, pamusoro pekugovera chiedza Chake kuitira kujekesa nyika. “Nyaya yeKisimusi inyaya yerudo,” vakadaro Mutungamiri Henry B. Eyring, Mutevedzeri weChipiri muHutungamiri Hwekutanga.

“… Munyaya dzekuzvarwa kwaKristu, tinokwanisa kuona uye nekunzwa zvaAiva uye nezvaAri. Izvi zvinorerutsa mutoro wedu nemunzira yatinofamba. Uye zvinotitungamirira kuti tikanganwe nezvedu uye kurerutsa mitoro yevamwe.”1

“Vakashaiwa nzvimbo mumba mavaeni” (Ruka 2:7)

Muchengeti weimba yavaeni akatadza kuwanira Muponesi nzvimbo, asi isu hatifaniri kuita chikanganiso ichocho! Tinogona kugadzirira Muponesi nzvimbo mumwoyo yedu kuburikidza nekugadzirira mabhuratha nemasisita edu nzvimbo patafura dzedu, mudzimba dzedu, uye mutsika dzedu. Tsika zhinji dzemhuri dzinogona kunakiswa uye kunyangwe kuitwa dzisingakanganikwe nokusanganisira vamwe vanhu. Daiana nemhuri yake vane tsika yokukoka mumwe munhu kuti azopedza Kisimusi navo. Mwedzi waZvita wega wega vanokurukura nokusarudza uyo wavanoda kukoka.2 Zvimwe mhuri yako inogona kutanga tsika yakafanana naiyoyi. Pamwe mumwe munhu waunoshumira kwaari angangoda kubatana nemhuri yenyu mukuimba nziyo dzavanodisisa dzeKisimusi pamwe chete. Unogonawo kupa mumwe munhu nzvimbo pakudya kwenyu kweKisimusi uyo angange asina mhuri munharaunda yenyu.

Ndeipi nzira irinani yekupemberera Muponesi pane kutevedzera muenzaniso Wake wekusanganisira? Rangarira kuti Vanokoka “vose kuti vazodya nhaka yekunaka kwavo; hapana wavanoramba anouya kwavari, mutema nemuchena, musungwa neasiri musungwa, murume nemukadzi; uye vanorangarira vahedheni; uye vose vakafanana kuna Mwari, vose muJuda nemuJentairi” (2 Nifai 26:33). Gadzirira nzvimbo uye sanganisira vamwe.

“Zvino kwakanga kuna vafudzi munyika iyo, vaigara kuhuragu vachirinda mapoka avo usiku.”(Ruka 2:8)

Zvinova zvakakodzera kuti vafudzi vaive vari pakati peavo vakatanga kuchingamidza Muponesi ari mucheche. Vaporofita venguva dzemakare-kare vaidaidza Jesu Kristu kuti “Mufudzi waIsraeri” (Mapisarema 80:1) uye “Mufudzi wepasi pose” (1 Nifai 13:41). Uye Kristu Pachezvake akati, “Ndini mufudzi wakanaka, ndinoziva makwai angu” (Johane 10:14). Kuziva makwai edu uye kugara takamachengetedza chikamu chakakoshesa chekufudza nekushumira sezvaiitwa neMuponesi.

Nemagirobhu emagetsi anonjenjema nechiedza uye zvishongedzeso zvakanakisisa, pane zvakawanda zvekutarisa panguva yeKisimusi. Asi pamwe runako rukurisisa rwemwaka uyu rwunogona kuwanikwa apo tinorangarira kunangisa pfungwa dzedu kuneavo vatinoshumira kwavari uye nokutaririra mapoka edu pachedu. Kutaririra kunogona kuva kuziva izvo munhu zvaanonyanya kufarira kudya kana kubvunza pamusoro pehurongwa hwezororo yemumwe munhu. Tinotaririra apo patinoona nekuzadzikisa zvidikanwi zvevamwe—kusanganisira zviri pachena uye neizvo zvisiri pachena.

Apo Cherly paakaerekana afirwa nemurume wake, Mick, akarwadziwa zvikurusa. Apo Kisimusi yake yekutanga asina murume wake payakaswedera pedyo, kusurukirwa kwakatanga kukura. Zvinotendwa kuti, sisita anomushumira anonzi Shauna aivepo. Shauna nemurume wake, Jim, vaikoka Cheryl kumazororo akawanda avaienda. Vakaongorora jasi raCheryl raive rekare ndokubva varonga kuona zvekuita nezvazvo. Mumazuva mashomanana Kisimusi isati yasvika, Shauna naJim vakaendesera Cheryl chipo cheKisimusi: jasi idzva rakanaka. Vaiziva zvidikanwi zvenyama zvaCheryl zvejasi rinodziya pamwe chetewo nezvidikanwi zvake zvemwoyo nepfungwa zvenyaradzo neushamwari. Vakaita chimwe chinhu kuzadzikisa zvidikanwi izvozvo nepavaikwanisa pose uye vakataridza muenzaniso wakanaka chose wemataririro atinokwanisa kuita mapoka edu.3

“Vafudzi vakataurirana vachiti, Ngatiende zvino Betrehema” (Ruka 2:15)

“Ngatiendei zvino” kukoka kune chido chikuru! Vafudzi havana kufungidzira kuti shamwari dzavo dzaive dzakaneta kufamba rwendo urwu. Havana kungoenda muchinyararire vakananga Betrehema vari vega. Vakatendeuka vachitarisana nemufaro uye vakati, “Ngatiendei zvino!”

Apo isu tingangova tisingakwanisi kukoka shamwari dzedu kuti dziuye kuzoona Muponesi mucheche, tinogona kuvakoka kuti vanzwe mweya weKisimusi (kana mweya waKristu) nekushandira pamwepo nesu. “Nzira yekuwedzera nayo mweya weKisimusi ndeyekunanavira kune avo vakatikomberedza tisingatsutairi uye tozvipira kwavari, akadaro Bonnie L. Oscarson, aimbova Mutungamiri Mukuru weVasikana veChidiki.4 Zvifunge wakabata kenduru. Vamwe zvechokwadi vanogona kuona uye kubatsirwa kubva kuchiedza chekenduru rako, asi fungawo nezvekudziyirwa kwavanogona kunzwa kana ukashandisa kenduru rako kutungidza kenduru ravo uye vovabvumidza kuti vazvisimudzire chiedza chacho pachezvawo.

Kristu Pachake akadzidzisa kuti avo vanomutevera vachava nechiedza choupenyu.(ona Johane 8:12). Kushandira sezvaAiita ndeimwe nzira yatinogona kuMutevera uye nokuwana chiedza ichocho chakavimbiswa. Naizvozvo govera chiedza kuburikidza nekukoka vamwe kuti vashandire pamwe chete newe! Ungagone sei kushandira pamwe chete neavo vaunoshumira kwavari? Pamwe chete munogona kubika kudya kwamunodisa kana kukatyamadza mumwe munhu nechipo chidiki kana katsamba. Pamwe chete mose munogona kunzwa chiedza chinobva mukutevera muenzaniso waKristu wekushandira.

“Vakazivisa kwose shoko ravakanga vaudzwa romwana uyo” (Ruka 2:17)

Zvirinyore kufunga mufaro mukurusa wevafudzi apo vaigovera mashoko anoshamisa ezvokuzvarwa kwaKristu kuvanhu vazhinji sezvavaigona. Zvichiziviswa nengirozi, Mesia akaporofitwa akanga auya! Akanga aripano! Chokwadi ndechekuti, kugovera shoko rakanaka reMuponesi inangano huru yenyaya yeKuzvarwa kwaJesu. Ngirozi dzakaimba. Nyeredzi yakavataridza nzira. Uye vafudzi vakaita kuti zvizivikanwe kunyika dzaive kure.

Tinogona kuwedzera manzwi edu kunyaya yeKisimusi nekugovera shoko rakanaka irori uye nekupupura nezveMuponesi. “Sezvo uine mukana wokumiririra Muponesi mukuedza nesimba kwako kwekushumira, zvibvunze pachezvako, ‘Ndingagone sei kugovera chiedza chevhangeri nemunhu uyu kana nemhuri iyi?’” vakadzidzisa Sisita Jean B. Bingham, Mutungamiri Mukuru weChita cheRubatsiro. “Mweya urikundikurudzira kuti ndiite chii?”5

Haano mazano aunokwanisa kufunga kushandisa apo paunenge uchitsvaga kuziva magovero aungaite uchapupu hwako hweMuponesi nevhangeri Rake:

  • Tsvaga chinyorwa chitsvene chinotsanangudza manzwiro ako pamusoro peMuponesi kana chinotaura chikonzero chekutenda kwako kwaAri. Chigoverane neavo vaunoshumira kwavari.

  • Tumira shoko pafoni kana fesibhuku pamwepo nevhidiyo yeKisimusi. Pane mamwe akanakisa kwazvo pawebusaiti ChurchofJesusChrist.org!

  • Taurira shamwari nezve rangariro yakakosha kana tsika inokuyeuchidza nezvaKristu

Iva nerutendo rwekuti Mweya Mutsvene uchapupura nezvehuchokwadi hwehuchapupu hwako, sekupupura kwaAkaita kuna Simeoni naAna kuti mwana Jesu aiva Muponesi (ona Ruka 2:26, 38)

“Kuti tiremekedze zvechokwadi kuuya [kwaJesu Kristu] munyika, tinofanira kuiita sezvaAiita uye tonanavira mutsitsi nenyasha kune vamwe vedu,” vakadaro Gosa Dieter F. Uchtdorf veChikwata cheVaapositora vane Gumi naVaviri. “Izvi tinogona kuzviita mazuva ose, mumashoko nemuzviito. Iyi ngaive tsika yedu yeKisimusi, zvisinei nekwatinenge tiri—kuva nemwoyochena zvakawedzerwa, kuva tinonyanya kuregerera, kuva tinekutonga kushoma, kuva nekutenda kwakawedzerwa, uye kuva tisingatsutairi mukugovera zvatinazvo zvakawanda neavo vanoshaya.”6

Zvinyorwa

  1. Henry B. Eyring, “Christmas Stories” (Munamato weKisimusi weVatungamiri Vokutanga, Zvita 6, 2009), broadcasts.ChurchofJesusChrist.org

  2. Ona Daiana Melina Albornoz Díaz, “Sharing Christmas,” Liahona, Zvita 2007, 17.

  3. Ona Cheryl Boyle, “He Would Have Bought It for You,” Ensign, Zvita 2001, 57.

  4. Bonnie L. Oscarson, “Christmas Is Christlike Love” (Munamato weKisimusi, weVatungamiri Vokutanga, Zvita 7, 2014) broadcasts.ChurchofJesusChrist.org.

  5. Jean B. Bingham, “Kushumira seZvinoitwa neMuponesi,” Liahona, Chivabvu 2018, 104.

  6. Dieter F. Uchtdorf, “Scatter Your Crumbs” (Munamato weKisimusi weVatungamiri Vokutanga, Zvita 3, 2017), broadcasts.ChurchofJesusChrist.org