2020
Kushumira kuburikidza neNhoroondo yeMhuri
Kukadzi 2020


Misimboti yeKushumira, Kukadzi 2020

Kushumira kuburikidza neNhoroondo yeMhuri

Mufananidzo
ministering

Mufananidzo naJoshua Dennis, mufananidzo uri mumashure nepikicha zvakabva kuGetty Images

Kubatsira mumwe munhu nekuita nhoroondo yemhuri yake inzira inesimba yekushumira. Apo paunobatanidza vamwe nemadziteteguru avo kuburikidza nenyaya dzemhuri uye neruzivo rwemhuri, unovabatsira kunzwa mufaro mukurusa uye kunzwa kubatana zvakanyanya nemhuri dzavo kupinda zvavaifunga kuti vangakwanisa kuita (ona Maraki 4:5–6).

Kunyangwe iri nhengo yeChechi yemakore mazhinji kana mumwe munhu asati ambonzwa nezve vhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu, vana vose vaMwari vane chido chikuru chokuziva pamusoro pekwavakabva.

Kazhinji hazvitori nguva yakareba kusiya manzwiro akasimba uye asingagumi, sekutaridzwa kwazvakaitwa munyaya dzinotevera.

Kuwana Mhuri paMafiti Zviuru Makumi Matatu

Nguva pfupi yapfuura iyo ndiri mundenge kudzokera kumba, ndakazviwana ndigere pedyo naSteve, uyo akagoverana neni zvidimbu zvenyaya yeupenyu hwake pachake. Akanga agirajuweta kubva kuchikoro chesekondari, akapinda mumauto eU.S. senyanzvi yezvokutaurirana aine makore gumi nemasere ekuzvarwa, uye nenguva pfupi akatanga kushanda kuWhite House, achipa tsigiro yezvokutaurirana kuMutungamiri weUnited States. Kubvira pazera remakore gumi nemasere kusvika pamakore makumi maviri nematanhatu, akashandira Vatungamiri veUnited States vaviri. Nyaya dzake dzainakidza zvikuru!

“Steve,” ndakadaro, “unofanira kunyora nyaya idzi pasi kuitira zvizvarwa zvako! Vanofanira kunzwa nyaya idzi kubva kwauri iwe pachako uye mumadudziriro ako iwe.” Akabvuma.

Zvino Mweya wakandifemera kuti ndimubvunze zvaaiziva pamusoro pemadziteteguru ake. Steve aiziva zvakawanda zvikuru pamusoro pemhuri yekudivi kwaamai vake, kusanganisira nyaya yekudya zvokudya zvemanheru kwakamboita mhuri yake naAbraham Lincoln apo painge achizvishambadza nemumaruwa panguva yekuvhotwa kwemutungamiri weUnited States muna 1860.

Aiziva zvishomanana pamusoro pedivi remhuri rababa vake, zvisinei. Aida chaizvo kuziva zvimwe zvakawanda. Ndakabudisa foni yangu uye ndikavhura app yeTsvago yeMhuri (FamilySearch). “Steve, tinokwanisa kuwana mhuri yako ikozvino!”

Ndakabatidza foni kuWi-Fi yemundege. Ndikaisa foni yangu patireyi yaiva kumberi kwangu kuitira kuti tose tikwanise kuona. Takatsvaga MapazieMhuri (FamilyTree). Mukati memaminetsi mashomanana tose takanga tatarisa gwaro remuchato rasekuru vababa vake kuna mbuya vababa vake.

“Ndivo avo!” akadaro. “Ndayeuka izvozvi zita rekupedzisira rambuya vababa vangu!”.

Mweya wemufaro mukuru wakadururukira patiri tose. Kwemaminetsi makumi mana nemashanu akatevera takashanda pakunyora rondedzero dzemadziteteguru ake akanga asinganyanyi kuzikanwa. Akandikumbira kumuvimbisa kuti taizoenderera mberi nekutsvaga pamwechete muColorado. Takachinjana ruzivo rwekuzobatana apo ndenge payakanga yomhara.

Ndipo patangatiri, tichibhururuka mafiti 30 000 (mamita 9,145) mumhepo, tine kamudziyo kakadupika zvakaenzana nechanza cheruoko rwangu, tichitsvaka murume nemukadzi vakachata makore zana akapfuura avo vakanga vakarasika kwaari nemhuri yake. Zvinoshamisa zvikuru! Asi takavawana. Mhuri dzakatabanidzwa. Nyaya dzakarangarirwa. Manzwiro ekutenda akanzikwa kutekinoroji nezvishandiso. Chaiva chishamiso chaicho.

Jonathan Petty, Colorado, USA

Kukomberedzwa neMhuri Itsva

Maria akanga asisina kusimba muChechi kwemakore anopfuura makumi maviri. Mwedzi mishomanana yakapfuura iyo, takapedza maawa mashoma naye mumba medu, tichitsvaka mhuri yake kuburikidza nezvinyorwa zvekuverengwa kwevanhu uye nezvimwewo zvinyorwa. Pane imwe nguva akatanga kuchema achitaura kuti, “Ndadzidza zvakawanda pamusoro pemhuri yangu mumaawa maviri kupinda zvandaiziva muupenyu hwangu hwose!”

Pamagumo enguva yedu pamwechete, takasuma kwaari chinyorwa cheHama Dzakandikomberedza chemuapp yeMapazieMhuri. Takawana kuti murume wangu neni tose tine hukama hwekure kuna Maria. Akachema zvakare, achiti akanga achifunga kuti ari oga. Akanga asingambozivi kuti ane hama munzvimbo iri pedyo naye. Mushure memavhiki mashomanana, Maria akasangana nabhishopi wedu. Iyezvino avakushanda pakugadzirira kuenda kutemberi, uye akasangana nehama “itsva” dzakawanda muwadhi medu!

Carol Riner Everett, North Carolina, USA.

Chirongwa choKushumira Nacho

Ashley, sisita wandinoshumira kwaari, neni tose tine mabhuku emaresipi ezvekubika atakawana kubva kunanambuya vedu. Rake rakabva kuna mbuya vaamai vake, uye rangu ibhuku randakaisa pamwechete apo pandakapuwa bhokisi raiva nemaresipi raMbuya Greenwood mushure mokushayika kwavo.

Ashley neni tose takasarudza resipi kubva mumabhuku emaresipi ezvekubika edu, uye tikasangana pamwechete mushure mebasa humwe husiku kuti tiedze maresipi aya. Akasarudza resipi yezvokudya zvinotapira, saka takagadzira iyoyo pekutanga uye tikazviisa muhovhoni. Ini ndakasarudza sosi yemachipisi—chinhu chinodyiwa paungano dzemafaro dzose dzemhuri yekwaGreenwood. Alice mwanasikana waAshley akatibatsira nokuravira zvokudya zvatanga tabika. Zvino, nokuda kwekuti Ashley akanga asingadi kuti vana vake vadye zvokudya zvinotapira izvi zvose, akaenda nezvimwe kumasisita ayo aaishumira kwavari.

Chinhu chandakanyanya kuda pamusoro pehusiku hwemaresipi uhwu ndechekuti apo pataibika nokubheka, takataura nezve misoro yenyaya yemazuva ose yekushumira—zvinetso zvake nezvangu. Asiwo takataura pamusoro panaambuya nanaamai vedu, chinhu chakabata mwoyo yedu tose.

Jenifer Greenwood, Utah, USA

Nzira Chaidzo dzoKubatsira

Nhoroondo yemhuri inokwanisa kuvhura mikana yokushumira apo pazvinoratidza sokuti hapana chimwe chinhu chingabatsira. Haano mazano mashoma aungangoedza.

  • Vabatsire kunyora pasi uye kuisa mukombiyuta nyaya dzenhoroondo dzemhuri dzakarekodhwa nezwi, kunyanya idzo dzinoenderana nemifananidzo.

  • Gadzira chati remapazi ehukama hwemhuri kana chimwe chinyorwa chenhoroondo yemhuri chinokwanisa kudhindwa icho chaunogona kupa sechipo.

  • Dzidzisa nzira dzokuchengetedza nhoroondo dzavo pachavo kuburikidza nokuchengeta jenari nenzira yavanofarira. Jenari rekurekodha neizwi? Jenari remifananidzo? Kurekodha mavhidhiyo? Kune nzira dzakawanda kune avo vasingafariri zvemazuva ose zvokunyora mujenari.

  • Endai kutemberi pamwechete kunoita zvisungo zvemadziteteguru. Kana kuti vakumbire kuti uite zvisungo zvemazita emhuri yavo kana vaine akawandisa zvokuti havakwanisi kumaita ose ivo pachavo.

  • Unganai pamwechete kuti mugoverane tsika dzemumhuri.

  • Pindai kirasi yenhoroondo yemhuri pamwechete.