2020
Kushumira kuburikidza neKushandira muTemberi
Kurume 2020.


Misimboti yeKushumira, Kurume 2020

Kushumira kuburikidza neKushandira muTemberi

Apo patinobatsira vamwe kuti vanakirwe nemaropafadzo emuTemberi, tirikushumira.

Mufananidzo
ministering

Mufananidzo wekumashure unobva kuMifananidzo yeGetty; mufananidzo weTemberi yeTegucigalpa yekuHonduras

Kuenda kuTemberi kunokodzera kuedzakwako kwose. Mutungamiri Russell°M. Nelson vakadzidzisa kuti “temberi yakakosha pakuponeswa nekusumudzirwa kumusoro-soro kwedu neuko kwemhuri dzedu. …

“… Mumwe nemumwe wedu anoda kuenderera kwekusimbiswa uye nekudzidziswa kwemweya mutsvene kunokwanisika chete muimba yaMwari.”1

Kuenda kutemberi kunoda kuronga nguva yedu, mabasa, uye zviwanikwa, pamwe nekuva takagadzirira pamweya. Isu tiri kushumirawo apo patinoona zvipinganidzo zvinotadzisa kuti mabhuratha nemasisita edu vapinde mutemberi nokuvabatsira kuwana mhinduro.

Temberi Chikomborero Chekuti Anizvake Anogona Kunakirwa Nacho

Meg, mushumiri achangodzoka kuhushumiri, aifamba achienda kumusuwo weTemberi yeKona Hawaii apo paakaona mukadzi wechidiki akagara ega pabhenji panze. Meg akanzwa kuti aifanira kutaura nemukadzi wechidiki uyu, asi akange asina chokwadi chezvekutaura. Saka akabvunza pamusoro pezvinoreva tatuwu raiva pachiziso chegumbo remukadzi wechidiki uyu. Izvi zvakatanga hurukuro yakabvumira Lani, mukadzi wechidiki uyu, kugovera nyaya yake.

Lani akaudza Meg nezvekutambura kwake kuti adzoke mukutora chinhano kwakazara muChechi, nezvenhengo dzakanaka dzaimubatsira, uye nezvetariro yake yekuzosunganidzwa rimwe zuva nemwanasikana wake.

Meg akakoka Lani kuti auye azogara naye muimba yekumirira yemutemberi. Vaisakwanisa kupfuurira mberi mutemberi ipapo, asi vaikwanisa kudarika pamusuwo. Lani akabvuma, vakapinda vese nepamusuwo mukuru. Mushandi wemutemberi akavaratidza bhenji raiva pazasi pemufananidzo weMuponesi.

Pavaive vakagara pamwechete, Lani akazevezera kuti, “Ini ndanga ndichidisisa kuuya mutemberi nhasi, asi ndanga ndichinetsekana.” Nekuti Meg akatevera Mweya , akabatsira kupindura munamato unyerere waLani.

Mazano ekuBatsira Avo vasina Mvumo yeKupinda muTemberi

Kunyangwe avo vasati vava nemvumo yekupinda mutemberi vanokwanisa kukomborerwa netemberi.

  • Govera manzwiro ako pamusoro pemaropafadzirwo awakaitwa naIshe kuburikidza nebasa remutemberi.

  • Koka mumwe munhu kuti auye mutemberi musi wainovhurirwa vanhu vese kana kuti aende kunzvimbo yevashanyi. Tsvaga misi inovhurirwa vanhu vese pa temples.ChurchofJesusChrist.org.

  • Tarisa mifananidzo kuti udzidze zvakawanda nezve temberi pa temples.ChurchofJesusChrist.org.

Ita Kuti Kuenda kuTemberi kuve Nyore kune Vamwe

Kunyangwe kunhengo dzine mvumo yekupinda mutemberi, kuenda kutemberi kunogona kuva dambudziko. Vamwe vangangova vanofanira kufamba nhambwe dzakareba. Vamwe vangangova vaine vana vadiki kana dzimwe nhengo dzemhuri dzakwegura dzinoda kubatsirwa. Tinogona kushanda pamwechete kuitira kuti kushandira mutemberi kukwanisike kumunhu wese.

Leola Chandler akanzwa kuremerwa nekuchengeta murume wake airwara uye nevana vavo vana. Saka akasarudza kuisa nguva padivi Chipiri chega chega kuti aende kutemberi yaive pedyo. Kwakava manyuko erunyararo nesimba muupenyu hwake.

Rimwe zuva akanzwa kuti mamwe masisita echikuru muwadhi make vaitambura kuda kuenda kutemberi, asi vainge vasina chekufambisa. Leola akazvipira kuvatakura. Kwemakore makumi mana akatevera, kakava kashoma kaakaenda kutemberi wega.2

Leola akakomborerwa, uye iye akakomborerawo vamwe apo paakazvipira kuenda navo kutemberi.

Mazano ekuBatsira Vamwe Kuenda kuTemberi

Ungabatsire vamwe sei kuenda kutemberi kakawanda? Ungangoona kuti mazano mamwechetewo anokubatsirawo.

  • Endai pamwechete. Zvipire kupa kana kurongera chekufambisa kumumwe munhu. Zvinogona kukurudzira mumwe munhuwo kuti aende kutemberiwo.

  • Kumbira nhengo dzemhuri yako kana vemuwadhi yako kuti vakubatsire kuita zvisungo zvemadzitateguru ako, kunyanya kana uine mazita mazhinji emhuri akagadzirirwa zvisungo.

  • Zvipire kuchengeta vana kuti vabereki vakwanise kuenda kutemberi. Kana kuronga kuita majana ekutarisirana vana nemumwe.

Kana Temberi Iri Kure

Chandradas “Roshan” naSheron Antony vekuColombo, Sri Lanka, vakasarudza kusimbiswa mutemberi. Shamwari dzavo Ann naAnton Kumarasamy vakavafarira zvikuru nazvo. Asi vaiziva kuti kusvika kuTemberi yekuManila kuPhillipines zvaisava nyore kana zvakachipa.

Roshan naSheron vaive vachengeta mari yavo uye vakafano bhuka ndege pachine mwedzi yakawanda kuti vawane ndege yemari yavaikwanisa. Pakupedzisira, zuva rakasvika. Sezvinei, panguva yekumirira vari muMalaysia, vakawona kuti, kuti vaenderere mberi kuenda kuPhilippines, vaida vhiza kana kuti vobhururuka neimwe ndege yakasiyana. Zvakanga zvisingagoneke kuwana vhiza, uye vaisakwanisa mari yekutenga matiketi eimwe ndege. Asi pfungwa yekudzokera kumusha vasina kusunganidzwa mutemberi yainge yakaoma kufunga nezvayo.

Vasisina chokwadi chekuti voita zvimwe zvipi, Roshan akafonera Anton. Anton naAnn vakatambura kuda kubatsira. Vainge vari vamwe vevaviri vashoma muSri Lanka vakanga vakasungtanidzwa mutemberi, uye vaiziva kuti aive makomborero makuru chaiwo. Asi ivo vakanga vachangobva kushandisa mari yavo yavakanga vakachengeta kubatsira imwe nhengo yemhuri yavo yaishaiwa, saka vakanga vasina mari yakakwana yekubatsira Roshan naSheron kutenga matikiti endege itsva.

MuSri Lanka mune tsika yekuti murume anotengera mwenga wake nekiresi yegoridhe kuitira kuti azove neimwe mari kana murume wake afa. Ann akasarudza kutengesa nekiresi yake kuti abatsire kutenga matiketi matsva. Chipo chake chekupa akasununguka chakaita kuti zvikwanisike kuti Roshan naSheron vasvike nenguva yavainge vapihwa kutemberi kuManila.

“Ndinoziva kukosha kwekusunganidzwa mutemberi,” Ann akadaro. “Ndaiziva kuti Sheron naRoshan vaizove simba guru kubazi. Ndaisada kuti vapotse mukana uyu.”3

Mazano ekuBatsira Avo Vasingakwanise Kushanyira Temberi

Ungangodaidzwa kuti ushumire kune avo vasingakwanise kusvika kutemberi nguva zhinji kana zvachose nekuda kwehurefu hwechinhambwe kana mari dzinodiwa. Asi unokwanisa zvakadaro kuwana nzira dzekuvabatsira kukoshesa makomborero etemberi.

  • Kudzidzisa kana kutora chinhano pamwechete mukirasi yekugadzirira zvekutemberi kana yenhoroondo yemhuri.

  • Vape mufananidzo wetemberi kuti vaturike mumba mavo.

  • Kana iwe wakambove mutemberi, Govera manzwiro ako pamusoro pechiitiko chawakava nacho uye uchapupu hwako hwezvisungo zvemutemberi.

  • Vabatsire kudzidza zvakawanda nezvezvibvumirano zvavakaita nemachengetero avanozviita.

Zvinyorwa

  1. Russell M. Nelson, “Becoming Exemplary Latter-day Saints,” Liahona, Mbudzi 2018, 114.

  2. Ona LaRene Gaunt, “Finding Joy in Temple Service,” Ensign, Gumiguru 1994, 8.

  3. Ann naAnton vakakwanisa kudzosera nekiresi yavo mushure mekunge vadzoserwa mari neChechi kubva muHomwe yeRubatsiro rweMapatironi eTemberi iyo inopa rubatsiro rwemari kamwechete kunhengo dzeChechi vaisazokwanisa kuwana mari yekuenda kutemberi.