2020
Kushumira kuburikidza neMusangano Mukuru
Kubvumbi 2020


“Kushumira kuburikidza neMusangano Mukuru,” Liahona, Kubvumbi 2020

Mufananidzo
kushumira

Misimboti yeKushumira, Kubvumbi 2020

Kushumira kuburikidza neMusangano Mukuru

Nezvitapwa zvose zvinokurudzira, tsika dzemhuri, uye dzidziso dzinobva kuvaranda vaIshe, musangano mukuru unotipa nzira dzakawanda dzokushumira— musangano usati waitika, paunenge uchiitika, uye mushure mokunge waitika!

Sevadzidzisi vekirasi yegadziriro yehushumiri, Susie and Tom Mullen vanogara vachikurudzira nhengo dzekirasi yavo kukoka mumwe munhu kuona musangano mukuru.

“Kukoka mumwe munhu kuti aite chimwe chinhu chikamu chakakosha zvikuru chebasa roushumiri, uye kunoshandawo mukushumira kuna vamwe,” anodaro Susie Mullen. “Vadzidzi vedu nguva dzose vanouya votisuma pamusoro pemafambiro akanaka azvinenge zvaita kwavari uyewo kumunhu wavanenge vakoka.”

Hedzino shoma dzenzira idzo vadzidzi vavo dzavanoti vanoshandisa mukukoka vamwe:

  • “Tinoshumira kushamwari ine zvinetso zvairi kunetsekana nazvo. Takamukoka kuti ateerere kumusangano mukuru kuti awane mhinduro. Apo patakashanyirana naye mushure memusangano mukuru, akatiudza kuti akanga anzwa mazano akawanda zvikuru aizobatsira.”

  • “Takaita mabiko emusangano mukuru uye munhu wese akauya nezvokudya zvokuzogoverena. Takanakidzwa zvikuru zvokuti takasarudza kuzviita zvakare.”

  • “Ndakakoka shamwari kuti ione musangano mukuru neni. Apo pataitaura pamusoro pazvo, takasarudza kuenda kuimba yokusanganira kunoona kana taikwanisa kuonera musangano ikoko. Takadaro, uye chaiva chiitiko chakanakisisa kuvako!”

Sokudzidza kwakaita vana Mullen nevadzidzi vavo, kune nzira dzakawanda dzokushumira nadzo kuburikidza nemusangano mukuru. Inzira yakanakisisa yokugovera zvitapwa zvinokurudzira, tsika dzemhuri, hurukuro dzine musoro, uye dzidziso dzevaranda vaIshe!

Koka Vamwe Kumba Kwako.

“Muponesi akaraira vateveri Vake kuti ‘mudane; sezvandakakudai imi’ (Johane 13:34). Saka tinotarisa madiro aAkatiita … Kana tikaMuita muenzaniso wedu, tinofanira kunge tichiedza nguva dzose kunanavira kumunhu wese kuti tivasanganisire.” —Mutungamiri Dallin H. Oaks1

Makore mazhinji akapfuura ayo mudzidzisi wekumba wedu akanakisisa Mike akacherechedza kuti vana vangu vatatu neni takanga tine chikombuyuta chidikidiki chokuonera musangano mukuru pachiri. Iye pakarepo akatikoka kuti tiuye kumba kwake tizoona musangano naye nemukadzi wake, Jackie, achisimbisisa kuti vaizoda chaizvo kuva nevamwe. Vana vangu vakafara zvikurusa kuona musangano paTV chaiyo; ini ndakatenda zvikuru kuva netsigiro iyoyo, uye tose takada nguva yedu pamwechete.

Mushure maizvozvo, kuona musangano mukuru pamwechete yakabva yava tsika yedu. Kunyangwe apo patakanga tava neTV yedu pachedu, tairamba tichienda nomufaro kumba kwaMike naJackie nezvekutsamira zvedu, mabhuku edu emanotsi, uye nezvokudya tichoona musangano mukuru. Kunzwa mashoko emuporofita pamwechete kwakaita kuti zvive zvakakosha zvikuru. Takava semhuri imwechete. Mike naJackie vakava vamwe veshamwari dzangu dzepamwoyo uye vakava mbuya nasekuru vechipiri kuvana vangu. Rudo neushamwari rwavo rwakava ropafadzo inoshamisa kumhuri yangu. Ndinotenda zvikuru nechido chavo chokuvhura imba yavo nemwoyo yavo kwatiri.

Suzanne Erd, California, USA

Misimboti yekuFunga

“Akacherechedza”

Muponesi nerudo akatora nguva yokuona zvidikanwi zvevamwe uye zvino akaita izvo zvaifanirwa kuitwa kuzadzikisa zvidikanwi izvozvo (ona Mateo 9:35–36; Johane 6:5; 19:26–27). Tinokwanisa kuita zvimwechetezvo.

“Akakoka ipapo”

Mushure mokucherechedza zvidikanwi zveavo vatinoshumira kwavari, chinhano chinotevera ndechekuita zvinofanira kuitwa.“Kunzwa mashoko evaporofita”

Tinofanira “kusangana pamwechete kazhinji” (Moroni 6:5) kuti tidzidze pamwechete, tikure pamwechete, uye titaure pamusoro pezvinhu zvemweya izvo zvakakoshesesa kumweya yedu.

“Huyai, teererai kuinzwi remuporofita, uye munzwe shoko raMwari”2 pamwe ndiko kumwe kukoka kwakakoshesesa kwatingapa kuna avo vatinoshumira kwaviri.

“Rudo neushamwari”

Kuti tibatsire nokushandura vamwe zvechokwadi, tinofanira kuvaka ukama netsitsi uye “rudo rusina kunyengedza” (ona Dzidziso neZvibvumirano 121:41).

Govera paIndaneti

“Nzira dzokugoverana nyaya paindaneti zvishandiso zvepasi pose zvinokwanina kushandiswa kushandura muzvakanaka huwandu hukuru wevanhu pachavo nemhuri. Uye ndinovimba kuti nguva yasvika yokuti isu sevadzidzi vaKristu tishandise zvishandiso zvakafemerwa izvi nenzira kwayo uye zvinobudirira kupupura nezvaMwari Baba Vokusingaperi, chirongwa Chavo cherufaro chevana Vavo, uye Mwanakomana Wavo, Jesu Kristu, seMuponesi wenyika.”Gosa David A. Bednar3

Indaneti inotibvumidza kugoverana vhangeri nenyika yose. Ndinozvida izvozvo! Ndinogovera zviitwa zvishoma zvemusangano mukuru, asi kazhinji kacho ndinoedza kubatsira vamwe kutanga hurukuro kubva munhaurwa dzevhangeri. Kuona mibvunzo inobva kuna vamwe kunokwanisa kutibatsira kunzwisisa zvinhu nenzira itsva uye kunokwanisa kuvakurudziro kumibvunzo yedu pachedu yakanakisisa yehurukuro.

Ndakawana kuti apo paunoshandisa mibvunzo kukurukura nhaurwa dzemusangano mukuru nemhuri dzaunoshanyira kwadziri, zvinokubatsira kuona kwaniso dzavo pamwepo nezvidikanwi zvavo. Mumwe wemibvunzo yangu yandinodisisa kubvunza ndewekuti, Chii chaunonzwa kuti ndiwo wanga uri musoro wenyaya kubva muchikamu chichangopfuura chemusangano mukuru?

Mhinduro nguva dzose inoita kuti uone zviri kuitika muupenyu hwavo uye izvo zvakakosha kwavari. Zvinokubvumidza kuva bhuratha kana sisita anoshumira ari nani nokuti unokwanisa kuvaona zvakanyanya kuva pachena.

Camille Gillham, Colorado, USA

Misimboti yekuFunga

“Govera vhangeri”

Takaita chibvumirano “kumira sevapupuri vaMwari panguva dzose nemuzvinhu zvose, uye nemunzvimbo dzose” (Mosaya 18:9).

“Tanga hurukuro”

Mashoko emusangano mukuru anokwanisa kukurudzira hurukuro dzakanakisisa, dzinoreva chinhu uye dzinotungamirirwa nemweya. Uye hurukuro dzerudzi urwo dzinokwanisa kusimbisa hukama hwako, kubatsira uchapupu hwako kukura, uye kukuunzira mufaro! (ona Dzidziso neZvibvumira 50:22).

“Shandisa mibvunzo”

“Mibvunzo yakanaka inozokubatsira kunzwisisa zvido, zvinetso, kana mibvunzo iyo vamwe yavanayo. Inokwanisa kunatsa kudzidzisa kwako, kukoka Mweya, uye nokubatsira vanhu kudzidza.”4

Zvinyorwa

  1. Dallin H. Oaks, “Love and the Law” (video), mormonandgay.ChurchofJesusChrist.org.

  2. “Come, Listen to a Prophet’s Voice,” Hymns nhamba 21.

  3. David A. Bednar, “Flood the Earth through Social Media,” Liahona, Nyamavhuvhu 2015, 50.

  4. Preach My Gospel: A Guide to Missionary Service (2004), 185.