2020
Munzwei
Chivabvu 2020


Mufananidzo
kushumira

Mufananidzo naMason Coberly

Shoko reVatungamiri Vekutanga, Chivabvu 2020

Munzwei

Baba vedu vanoziva kuti apo patinenge takakomberedzwa nekusagadzikana uye nekutya, icho chinozotibatsira zvikurusa ndechekunzwa Mwanakomana Wavo.

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, ndinotenda zvikuru kuti kuburikidza nekushandisa tekinoroji takwanisa kusangana uye nokunamata pamwechete pamangwanani eSvondo ano. Takaropafadzwa zvikuru kuziva kuti vhangeri raJesu Kristu rakadzorerwa kunyika!

Mumavhiki akawanda apfuura ayo, vazhinji vedu takasangana nezvivhiringidzo muupenyu hwedu pachedu. Kudengenyeka kwenyika, moto, mafashamu, matenda, uye mhedzisiro yazvo yakavhiringidza maitiro ezvinhu emazuva ose uye ikakonzera kushomeka kwezvekudya, kwezvinhu zvakakosha zvinodikanwa mukurarama, uye nekwemari yanga yakachengetedzwa.

Pakati pazvo zvese izvi, tinokurumbidzai uye tinokutendai nekusarudza kwamaita kunzwa shoko raIshe panguva ino yemhirizhonga nekubatana nesu mumusangano mukuru uno. Rima ririkuwedzera iro rinoperekedza matambudziko rinoita kuti chiedza chaJesu Kristu chipenye zvakanyanya kujeka. Imbofungai izvo zvakanaka zvinokwanisa kuitwa nemumwe nemumwe wedu munguva ino yekushanduka kwakaoma kwezvinhu pasi rose. Rudo norutendo rwenyu muMuponesi runokwanisa kutungamira mumwe munhu kuti awane Kudzorerwa kwekuzara kwevhangeri raJesu Kristu.

Mumakore maviri apfuura ayo, ini naSisita Nelson takasangana nezviuru zvevazhinji venyu pasi rose. Takaungana pamwechete nemi munhandare dzepanze uye nemumipanda mikuru yemumahotera. Munzvimbo imwe neimwe, ndakanzwa kuti ndakanga ndiri pamberi pevakasarudzwa vaIshe uye kuti ndakanga ndichiona kuunganidzwa kweIsraeri kuchiitika pamberi pemaziso angu.

Tiri kurarama munguva iyo “madziteteguru edu yaakamirira, netarisiro ine chido chikurusa.”1 Isu tirikuona zvichiitika izvo zvakaonekwa nemuporofita Nifai muchiratidzo chete, kuti “simba reGwayana raMwari” raizodzika “pavanhu vechibvumirano vaIshe, avo vakanga vakapararira pamusoro pese penyika; uye vakanga vakapakatidzwa neururami uye nesimba raMwari mukubwinya kukurusa.”2

Imi, mabhuratha nemasisita angu, muri pakati pevarume, vakadzi, nevana avo vakaonekwa naNifai. Zvifungei izvozvo!

Zvisinei nekuti unogara kupi kana kuti mamiriro ezvinhu ako akaita sei, Ishe Jesu Kristu ndiye Muponesi wako uye Muporofita waMwari Joseph Smith ndiye muporofita wako. Akafanogadzwa hwaro hwenyika husati hwavapo kuti ave muporofita wemukuwo wekupedzisira uno, apo pakuchange “kusina chichavanzirwa”3 Vatendi. Zvakazarurwa zvinoramba zvichiyerera kubva kuna Ishe panguva ino yokuenderera mberi kwenzira yekudzorerwa.

Zvinorevei kwauri kuti vhangeri raJesu Kristu rakadzorerwa kunyika?

Zvinoreva kuti iwe nemhuri yako munogona kusunganidzwa nekusingaperi! Zvinoreva kuti nokuda kwekuti wakabhabhatidzwa nemunhu ane mvumo kubva kuna Jesu Kristu uye ukasimbiswa senhengo yeChechi Yake, unokwanisa kuva nehufambidzani hweMweya Mutsvene hwenguva dzose. Anozokutungamirira nekukudzivirira. Zvinoreva kuti hauzombosiyiwa usina nyaradzo kana kuti usingawane simba raMwari kuti rikubatsire. Zvinoreva kuti simba rehupirisita rinokwanisa kukukomborera apo paunogamuchira zvisungo zvakakosha uye paunoita zvibvumirano naMwari nokuzvichengeta. Zvokwadi izvi itsigiro huru kumweya yedu, kunyanya panguva dzino apo dutu rematambudziko nezviedzo parinovhuvhuta zvakasimba.

Bhuku raMormoni rinorondedzera kusimukira nekuputsika kunoshamisa kwemarudzi maviri makuru. Nhoroondo yavo inoratidza kuva nyore kwazvakaita kuti ruzhinji rwevanhu rwukanganwe Mwari, rwurambe yambiro dzevaporofita vaIshe, uye rwutsvage simba, mukurumbira, nemafaro enyama.4 Kakawanda, vaporofita vekare vakataura “zvinhu zvikuru uye zvinoshamisa kuvanhu, izvo zvavasina kutenda.”5

Hazvina kusiyana nezviri kuitika munguva yedu. Mumakore ese apfuura, zvinhu zvikuru uye zvinoshamisa zvakanzwika kubva pamaparupiti akatsaurwa nepasi rose. Asi zvakadaro vanhu vakawanda havagamuchiri zvokwadi izvi—nekuti havazive kwekuzvitsvaga6 kana nekuda kwekuti vari kuteerera avo vasina chokwadi chakazara kana nekuda kwekuti vakaramba chokwadi vachisarudza kutsvaga zvinhu zvenyika.

Muvengi akangwara. Kwechiuru chemakore anga achiita kuti zvakanaka zviratidzike sezvakaipa uye zvakaipa zviratidzike sezvakanaka.7 Mashoko ake anowanzokuva einzwi rapamusoro, ane simba uye anekuzvikudza.

Zvisinei, mashoko anobva kuna Baba vedu Vekudenga akasiyana neake zvinoshamisa zvikuru. Vanotaura zvakareruka, zvinyoro, uye nerujeko runoshamisa zvekuti hatitadzi kuVanzwisisa.8

Semuenzaniso, apo pese paVakasuma Mwanakomana Wavo Mumwechete Akaberekwa kuvanhu vari panyika, Vakazviita nemashoko mashomanana zvinoshamisa. Pagomo reKushandurwa, kuna Petro, Jakobo, naJohane, Mwari vakati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda: munzwei!”9 Mashoko Avo kuvaNifai munyika yeMaguta yekare aiva ekuti “Tarisai Mwanakomana wangu Wandinoda, maari ndinofadzwa zvikuru, maari ndakabwinyisa zita rangu—munzwei imi.”10 Uye kuna Joseph Smith, mukuzivisa kunokosha uko kwakazarura mukuwo uno, Mwari vakangoti, “Uyu Mwanakomana Wangu Wandinoda. Munzwe!11

Zvino, mabhuratha nemasisita angu anodiwa, fungai pamusoro pechokwadi chekuti muzviitiko zvitatu izvi zvichangobva kutaurwa, chinguva chipfupi Baba vasati vasuma Mwanakomana, vanhu vaivapo vakanga vari mumamiriro ekutya uye, nemumwe mwero, vakanga vapererwa netariro.

Vaapositora vakatya pavakaona Jesu Kristu akakomberedzwa negore Pagomo reKushandurwa.

VaNifai vakatya nekuti vakanga vasangana nekuparadzwa uye nerima kwemazuva akawanda.

Joseph Smith aiva akabatwa zvakasimba nesimba rehuipi hwerima chinguva chipfupi matenga asati avhurika.

Baba vedu vanoziva kuti apo patinenge takakomberedzwa nekusagadzikana uye nekutya, icho chinozotibatsira zvikurusa ndechekunzwa Mwanakomana Wavo.

Nekuti apo patinotsvaga kunzwa—kunzwa zvechokwadi—Mwanakomana Wavo, tinozotungamirirwa kuti tizive izvo zvekuita mumamiriro ezvinhu api zvawo.

Shoko rekutanga chairo muDzidziso neZvibvumirano nderekuti teererai.12 Rinoreva “kuteerera nechinangwa chekuita zvakumbirwa.”13 Kuteerera zvinoreva “kuMunzwa”— kunzwa izvo zvinotaurwa neMuponesi uye zvino kutevera rairo Yake. Mushoko iroro rekuti—“Munzwei”—Mwari vanotipa nzira yebudiriro, yerudekaro, uye yemufaro muupenyu huno. Tinofanira kunzwa mashoko aIshe, kuteerera kwaari, uye nekutevera izvo zvaVakatiudza!

Apo patinotsvaga kuva vadzidzi vaJesu Kristu, kuedza kwedu kuMunzwa kunofanira kunyanya kuitwa nechido. Zvinotora kuedza nechido uye nesimba nguva dzose kuti tizadze upenyu hwedu hwezuva nezuva nemashoko Ake, dzidziso Dzake, nechokwadi Chake.

Hatikwanisi kungovimba neruzivo rwatinongosanganawo narwo panhepfenuro dzemumhepo dzekugoverana nekutaurirana nyaya. Nemabhiriyoni emashoko anobuda paindaneti uye nemunyika yakazadzwa nekushambadza kunogara kwakapindirwa nekuedza kunonyaudza, kwakaipa zvikuru kwemuvengi, ndekupi kwatinokwanisa kuenda kuti tiMunzwe?

Tinokwanisa kuenda kumagwaro matsvene. Anotidzidzisa pamusoro paJesu Kristu uye nevhangeri Rake, hukuru hweRudzikinuro Rwake, uye nehurongwa hukuru hwaBaba vedu hwerufaro nerununuro. Kuzvinyudza mushoko raMwari zuva nezuva kwakakosha zvikuru kuitira kupona kwepamweya, kunyanya mumazuva ano ane kuwedzera kwekushanduka kwakaoma kwezvinhu. Apo patinodya pamashoko aKristu zuva nezuva, mashoko aKristu anozotiudza masanganiro atingaita nezvakaoma zvataisambofungidzira kuti tingatirisana nazvo.

Tinokwanisawo kuMunzwa mutemberi. Imba yaIshe ndiyo imba yekudzidza. Imomo Ishe vanodzidzisa nenzira Yavo Pachavo. Imomo chisungo choga choga chinodzidzisa pamusoro peMuponesi. Imomo tinodzidza mavhuriro okuita chidzitiro uye nekutaura zvakanyatsojeka nekudenga. Imomo tinodzidza matukiro atingaita muvengi uye nekuwana simba rehupirisita rinotisimbisa isu neavo vatinoda. Mumwe nemumwe wedu anofanira kuva nechido chikuru chekutsvaga utiziro imomo.

Apo zvirambidzwo zvenguva pfupi zvakakonzerwa neCOVID-19 pazvinobviswa, ndapota rongai nguva zhinji yekunonamata nekunoshandira mutemberi. Mineti imwe neimwe yenguva iyoyo inozokomborera iwe nemhuri yako nenzira dzisingakwaniswi nechimwe chinhu chipi zvacho. Tora nguva yekufungisisa izvo zvaunonzwa uye zvinouya mumwoyo mako apo paunenge urimo. Kumbira Ishe kuti vakudzidzise mavhuriro aungaita matenga kuti akomborere upenyu hwako uye neupenyu hweavo vaunoda uye vaunoshandira.

Apo kunamata mutemberi panguva ino pakusingakwanisiki, ndinokukokai kuti muwedzere kutora chinhano kwenyu munhoroondo yemhuri, kusanganisira tsvagurudzo neronganidzo yenhoroondo yemhuri. Ndinovimbisa kuti apo pamunowedzera nguva yenyu mubasa remutemberi nerenhoroondo yemhuri, munozowedzera nekunatsurudza kwaniso yenyu yekuMunzwa.

Isu tinoMunzwawo zvakanyanya kujeka apo patinonatsurudza kwaniso yedu yekuziva zevezero dzeMweya Mutsvene. Hazvina kumbobvira zvakanyanya kukosha kuti uzive matauriro anoita Mweya kwauri kudarika zvazviri iyezvino. Mumusoro wehuMwari, Mweya Mutsvene ndiwo mutumwa. Anozounza pfungwa mumusoro mako idzo Baba neMwanakomana dzavanoda kuti ugamuchire. Ndiye Munyaradzi. Anozounza manzwiro erunyararo mumwoyo mako. Anopupura nezve chokwadi uye anozosimbisa izvo zviri chokwadi apo paunonzwa nokuverenga shoko raIshe.

Ndinovandudza teterero yangu yekuti muite zvipi zvazvo zvinobvira kuti muwedzere kwaniso yenyu yezvepamweya yokugamuchira zvakazarurwa zvenyu pachenyu.

Kuita izvozvo kunozokubatsirai kuziva mafambiro mberi amungaita neupenyu hwenyu, kuziva zvekuita munguva dzematambudziko, uye maziviro nemadziviriro amungaita miedzo neunyengeri hwemuvengi.

Uye chekupedzisira, tinoMunzwa apo patinotevera mashoko evaporofita, vaoni, uye vazaruriri. Vaapositori vakagadzwa vaJesu Kristu vanogara vachipupura neZvake. Vanonongedzera gwara apo patinofamba nemunzira dzezviitiko zvinoshungurudza mwoyo zveupenyu huno.

Chii chinozoitika apo nechido pamunonzwa, pamunoteerera, uye pamunotevera izvo zvakataurwa neMuponesi uye nezvaAri kutaura iyezvino kuburikidza nevaporofita Vake? Ndinovimbisa kuti munozokomborerwa nesimba rakawedzerwa rekutarisana nemiedzo, zvinetso, neutera. Ndinovimbisa zvishamiso mumichato yenyu, muhukama hwenyu hwemhuri, uye nemubasa renyu rezuva nezuva. Uye ndinovimbisa kuti kwaniso yenyu yekunzwa mufaro inozowedzwera kunyange kana matambudziko akawedzera muupenyu hwenyu.