2020
Kushumira kuburikidza neMusangano weSakaramende
Chikumi 2020


“Kushumira kuburikidza neMusangano weSakaramende Liahona,” Chikumi 2020

Mufananidzo
kushumira

Mifananidzo naEdward McGowan

Misimboti yeKushumira, Chikumi 2020

Kushumira kuburikidza neMusangano weSakaramende

Musangano wesakaramende unopa mikana yekubatana uye nekushandira vamwe.

Musangano wesakaramende inguva yekudya kwemweya uye kufungisisa kwako pachako nezveMuponesi neRudzikinuro rwake. Apo patinotora sakaramende, svondo rimwe nerimwe tinosimbiswa pamwechete(ona Dzidziso neZvibvumirano 84:110). Asi vamwe vanhu mumawadhi nemumapazi edu vanouya nemitoro inorema kana kuti hamuna zvachose.

Heino mikana mishoma yemashandisiro atingaita awa inoyera iyoyo kushumira kune vamwe uye nekuita mutsauko muupenyu hwavo.

Batsira kuita kuti Musangano weSakaramende Uve Nani kune Avo Vauno Shumira

Danho rekutanga mukudzidza nzira yekushumira ndere kuziva vanhu vacho pachavo kana mhuri nezvidikanwi zvavo. Pangangova nenzira dzaunogona kubatsira nadzo kuti kunamata kwavo kwesakaramende kuve nani nekungodzidza zvakawanda nezvavo.

Kuna Mindy, amai vechidiki vendumurwa mapatya, kuedza kudiki kwasisita mushumiri wavo kwakaita mutsauko mukurusa muchitiko chemusangano wavo wesakaramende svondo rega rega.

“Nekuda kwehurongwa hwekushanda kwemurume wangu, ndinotora vanasikana vedu mapatya kuenda kuchechi ndiri ndega svondo rega rega,” anotsanangura kudaro Mindy. “Zvinorema chaizvo kuedza kupedza musangano wese wesakaramende nendumurwa mbiri dzisingagadzikane, asi sisita vanova mushumiri wangu vakazvisarudzira pachavo kuti vandibatsire.

“Vanogara nesu uye vanondibatsira kuchengeta vanasikana vangu svondo rega-rega. Kungova kwake pedyo neni kunoreva zvakawanda uye kunorerutsa zvakanyanya kunetsekana kwangu panguva dzekusagadzikana nekunetsa kwavo. Handifunge kuti achazomboziva kuti zviito zvake zvakandibata sei panguva ino muupenyu hwangu. Akaona chidikanwi changu, saamai wechidiki vakazadzwa nekunetsekana, uye anobatsira kuti chechi ive nzvimbo inerunyararo uye inofadza kwatiri tese.”

Mazano ekuBatsira Avo vane Zvimwe Zvidikanwi

  • Suma kuchikwata chemagosa uye vatungamiriri veChita cheRubatsiro nezvezvidikanwi zvenhengo.

  • Vatungamiriri vanoronga nhaurwa mumusangano wesakaramende kuti vabatsire kuzadzisa zvinodiwa neNhengo. Kana avo vaunoshumira kwavari vachigona kubatsirika nokunzwa rimwe shoko, govera zano racho kuvatungamiri vako.

  • Kana uchiziva kuti mumwe munhu ane kuremara kana kuti anokanganiswa nezvidyiwa izvo zvinovatadzisa kufadzwa nemaropafadzo esakaramende, vabvunze zvinhu zvacho uye kuti ndezvipi zvingaitwe kuvayamura kunatsiridza mazwiro avo ekunamata mumusangano wesakaramende. Goverana nevatungamiri vako mashoko aya

  • Kana mumwe munhu waunoshumira kwaari kana kuti waunoziva nezvake ari kumba, zvingava zvachose kana kuti kwenguva pfupi, bvunza bhishopi wako kana sakaramende ichigona kupihwa kwavari kumba. Unogona kana kunyora zvinyorwa munguva yemusangano wesakaramende wozvigovera kwavari nepafoni, kuburikidza netsamba yepakombiyuta, kana iwe pachako.

  • Kana mumwe munhu waunoshumira kwaari aine vana vadiki, unogona kuvakumbira kuti uvabatsire panguva yemusangano wesakaramende.

  • Kana avo vaunoshumira kwavari vasingawanzo uya kumusangano wesakaramende, edza kunzwisisa uye kufunga nzira dzaungabatsira nadzo. Kana vachida chekufambisa, unogona kuzvipira kuvatakura. Kana vachinzwa vasingatsigirwi nemhuri yavo, unogona kuvakoka kuti vagare newe. Unogona kuita zvekuvakoka kuti uvabatsire kunzwa kuti vanogamuchirwa uye vanodiwa pamusangano wesakaramende.

Rangarira kuti Zviito Zvidiki Zvinounza Mutsauko Wakakura

Vachitaura nezve kushumira, Sisita Jean B. Bingham, Mutungamiri Mukuru weChita cheRubatsiro, vakadzidzisa kuti: “Dzimwe nguva tinofunga kuti tinofanira kuita chimwe chinhu chikuru uye chine ugamba ‘chinoverengwa’ sekushandira vavakidzani vedu. Asi zviito zvidiki zvekushandira zvinokwanisa kuva nemishanduro inesimba pane vamwe—nepanesuwo pachedu.”1

Mune imwe wadhi diki muBelgium, Evita anowanzozvipira kududzira kuvashanyi nenhengo vanotaura Spanish munguva yemisangano yeChechi. Imwe nguva, Evita akasumwa kune mumwe munhu aibva kuDominican Republic uyo aidzidza nezveChechi. Aiziva chimwe chiRungu, asi chiSpanish ndiwo waive mutauro wake wekuzvarwa. Saka Evita akazvipira kumududzirira zvinyoro-nyoro mumusangano wesakaramende kuti murume uyu anzwe kugadzikana.

“Kududzira dzimwe nguva kunogona kuita kuti Sabata rangu rive nekushenaira,” anodaro Evita. “Asi kutevera kurudziro yekubvunza vamwe kana vachida mududziri zvechokwadi kunondipa manzwiro emufaro nekudziirwa mumwoyo mukuziva kuti ndinokwanisa kuvabatsira kunzwa Mweya uye kufadzwa nemisangano yavo.”

Mazano ekuBatsira kuburikidza neZviito Zvidiki

  • Taura nevatungamiri vako kuti vaone avo vangangoda rubatsiro rwakawedzerwa panguva yemusangano wesakaramende. Kana kuti kana uchiziva nezve mumwe munhu anoda rubatsiro, ita chokwadi kuti vatungamiri vako vaziva nezvavo.

  • Gara wakanyarara apo paunenge wakamirira kuti musangano utange. Izvi zvinozobatsira imwe “mwoyo yakatyoka nemweya yakasuwa yakatikomberedza”2 inoda runyararo rwunogona kuuya kuburikidza neruremekedzo munzvimbo inoyera.

  • PaSvondo yekutsanya, funga kupira kutsanya kwako neminamato yako kune mumwe munhu waunoshumira kwaari angangoda nyaradzo yakawedzerwa.

  • Namata kuti uzive kana paine mumwe munhu anogona kubatsirwa nekugara kwako parutivi kana pedyo navo panguva yemusangano wesakaramende kana kuti pangave neimwe nzira yaungabatsira.

Musangano weSakaramende Unogona kuva Nzvimbo Inogamuchira yeVese

Mutungamiri Joseph Fielding Smith (1876–1972) vakadzidzisa kuti, “Musangano wesakaramende ndiwo unoyera zvikurusa, mutsvene zvakanyanyisa, pamisangano yose yeChechi.3 Naizvozvo, zvakakosha kuve nechokwadi kuti vese vari kupinda mumusangano wesakaramende vanzwe kugamuchirwa uye nekugutswa pamweya—kunyanya nhengo itsva kana nhengo dzaane nguva dzisina kumbopinda.

Merania anobva kuNew South Wales, Australia, akashamwaridzana nemukadzi aidzidza nezveChechi muwadhi yake. “Ava imwe yeshamwari dzangu dzinodikanwa iyezvino,” anodaro Merania “Ndinoda kugara naye mumusangano wesakaramende svondo rega rega, uye ndinogara ndichibvunza kuti arisei uye kana paine chipi zvacho chandingaite kumubatsira.” Mushure mechinguva, shamwari yaMerania yakabhabhatidzwa. Kushingaira kwenhengo dzemuwadhi, pamwe nemweya wekugamuchira mumusangano wesakaramende, zvakabatsira zvikuru musarudzo yake.

Mazano ekuShumira Avo Vavakudzoka kana Nhengo Itsva

  • Paunenge uchizotaura mumusangano wesakaramende, unogona kukoka shamwari, mhuri, nevamwe kuti vauye kuzonzwa shoko rako.

  • Unogona kutsvaga nekugamuchira avo vari vega kana vangangoda kubatsirwa. Bvunza kana uchigona kugara navo kana kuvakoka kuti vagare newe.

  • Kana musangano wapera, unogona kukoka avo vaunoshumira kwavari uye nevamwewo kuzviitiko zveChechi zvichauya, kutemberi, kana kumutambo wekunoona.

  • Kana mumwe munhu waunoshumira kwaari akauya kumusangano wesakaramende asi ari ambenge asingauye kwenguva yakareba, unogona kumubvunza kana aine mibvunzo pamusoro peizvo zvakadzidziswa. Vaudze kuti vakasununguka nguva dzose kuuya kwauri kana paine izwi, nyaya, kana chidimbu chedzidziso chavasina kunzwisisa. Munogona kutsvaga mhinduro pamwechete kana zvichidikanwa.

Zvinyorwa

  1. Jean B. Bingham, “Kushumira seZvinoitwa neMuponesi,” Liahona, Chivabvu 2018.

  2. Jeffrey R. Holland, “Behold the Lamb of God,” Liahona, Chivabvu 2019, 46.

  3. Joseph Fielding Smith, in Conference Report, Gumiguru. 1929, 60-61.