2020
Kushumira kuburikidza neZviitwa zveChechi
Chikunguru 2020


“Kushumira kuburikidza neZviitwa zveChechi,” Liahona, Chikunguru 2020

Mufananidzo
kushumira

Mufananidzo wemukomana wechidiki achimisa tende naBud Corkin; mufananidzo wemusikana achiseta tafura naSherie Price McFarland; mifananidzo yekumashure kubva kuGetty Images

Misimboti yeKushumira, Chikunguru 2020

Kushumira kuburikidza neZviitwa zveChechi

Chinyorwa cheMupepeti: Chinyorwa ichi chakanyorwa denda reCOVID-19 risati raitika. Mamwe mazano ari pasi apa haashandi panguva dzekusaungana pamwechete kwevanhu asi anozoshanda apo misangano nezviitwa zveChechi pazvinotanga. Kana zvichidikanwa, ndapota shandisai mazano aya maererano nenhungamiro yazvino yeChechi neyehurumende.

Imwe nzira yatinogona kushumira kune dzimwe nhengo dzedu dzemuwadhi, vavakidzani vedu, uye shamwari dzedu ndeyekuburikidza nezviitwa zveChechi. Kunyangwe ukaronga chiitwa maererano nezvidikanwi kana zvinofarirwa zvemumwe munhu waunoshumira kwaari kana kuti ukavakoka kuti vatore chinhanho muzviitwa kana mumikana yekushandira vamwe, zviitwa zvemuwadhi, musiteki, kana kunyange zvemasiteki akawanda zvinogona kupa nzira dzakakosha uye dzinovaraidza dzekusimbisa rubatano uye nekusimbisa nhengo.

Zviitwa zveChechi zvinokwanisawo kuvhura mikana mizhinji yekushumira. Semuenzaniso, zviitwa zveChechi zvinogona kupa mikana yekutora chinhanho mumabasa ekushandira ayo anokomborera vamwe uye kuvaka ukama hwakanaka muvagari vemunharaunda. Zviitwa zveChechi zvinogonawo kuve mukana wekunanavira kunhengo dzisisina kusimba dzeChechi uye kushamwari dzezvimwe zvitendero kana shamwari dzisina chitendero chadziri nhengo.

Kusanganisira vanhu vazhinji muzviitwa zveChechi kunopa mukana wekuti Ishe varopafadze nekusimbisa mawadhi nemapazi edu, vavakidzani vedu, uye vagari vemunharaunda dzatinogara.

Kuvaka Ukama Hwakanaka

Nguva yeChando yakanga yosvika, uye David Dickson akanga asina zano rekuti aizochengeta mhuri yake ichidziyirwa sei.

David, mudzimai wake, uye vanasikana vaviri vakanga vachangotamira kuguta rekumaruwa reFredonia, Arizona, USA, nzvimbo iri mugwenga yakakomberedzwa namatombo makuru matsvuku, namakwenzi anomera mugwenga, uye miti inogara yakasvibira.

Imba iyo mhuri yekwaDickson yavakanga varenda yaishandisa chitofu chehuni kudziyisa imba yose. David akakurumidza kudzidza kuti kuunganidza huni hwaiva hunyanzvi hwaidikanwa nekuda kwekuti mwaka yechando muFredonia izere nemazaya echando.

“Ndakanga ndisina kana huni dzekuvesesa moto kana chenisowo kana ruzivo rwekuti inoshandiswa sei!” David anodaro. “Ndakanga ndisingazivi zvandaizoita.”

Dzimwe nhengo dzemuwadhi dzakabvunza David kana mhuri yake yaive nehuni dzakakwana kusvikira chando chapera. “Hazvina kuvatorera nguva huru kuti vazive kuti ndakanga ndisina,” David anodaro. “Chikwata chamagosa pakarepo chakazvipira kundipa rubatsiro rwekuunganidza huni. Ndakakurirwa nekutenda, ndakagamuchira rubatsiro rwavo.”

Munguva pfupi yakatevera David akazoziva kuti rwendo urwu rwekuunganidza huni rwaiva chikamu chezviitwa zvakawanda zvewadhi zvakanyatsoranganwa, zvakanyatsorongwa, uye zvinoitwa nenhengo zhinji pamwechete. Mumwe Mugovera mangwanani, David, nechikwata chamagosa, uye nedzimwe nhengo dzewadhi vakananga kuenda mumakomo mumudungwe wemarori uye nematirera.

“Mumasikati mamwechete, nerubatsiro rwematurusi avo uye rweruzivo rwavo, nhengo dzewadhi dzakapa mhuri yangu dutu rehuni iro rakazotipedzera chikamu chikuru chemwaka miviri yechando,” anodaro David. “Chakanyanya kukosha ndechokuti, ndakadzidziswa zvese zvandaifanira kuziva pamusoro pekuunganidza huni ndiri ndoga. Panguva yandakazobva muFredonia, ndakanga ndoziva nzira yekushandisa nayo chenisowo, uye ndakabatsira muzviitwa zvewadhi zvekuunganidza huni zvakawanda kupfuura zvandingaverenga.”

Zviitwa zvewadhi zvakadai hazvisi zvinongovaka hukama hwakanaka chete pakati penhengo dzeChechi asiwo zvinovaka hukama hwakanaka nemunhu wese munharaunda.

“Ndinoyeuka mumwe mudzimai, akanga asiri nhengo yeChechi, uyo aiva mutsva munzvimbo iyi,” David anodaro. “Akanga ava kumanikidzwa kuvesa matanda ekumadziro emba yake kuitira kuti adziyirwe. Patakangoziva pamusoro pedambudziko rake, takaita chokwadi chekuti ave nehuni dzakakwana kusvikira nguva yechando yapera. Akatenda chaizvo zvekuti aisakwanisa kutaura.”

Kushumira nesimba rose muFredonia kwakaita kuti munhu wese agare zvakachengetedzeka uye achidziirwa nemunguva yose yechando.

Kunanavira kuna Vamwe

Apo pandaishandira hushumiri muRomania, Meg Yost nemufambidzani wake vaigara vachishanyira imwe mhuri yaiva isingachaendi kuchechi kwenguva refu. “Mhuri yekwaStanica vaiva pakati penhengo dzeChechi dzekutanga muRomania,” akadaro Meg, “uye taivada.”

Pakasvika nguva yekurangana uye kuronga zviitwa zvebazi, vatungamiriri vakasarudza kuti bazi raizova “nePioneer Night.” Aya aizova manheru ekupemberera mapayoniya vakashinga avo vakayambuka United States kuti vasvike kuSalt Lake Valley. Waizovawo mukana wekukudza mapayoniya eChechi muRomania.

“Takafunga kuti yaizova nzira yakakana zvikuru yekuti dzimwe nhengo dzipe uchapupu hwekutendeuka kwavo uye maonero avakaita Chechi ichikura muRomania,” anodaro Meg. “Pakarepo takafunga kuti mhuri yekwaStanica inofanira kubatanidzirwa. Takavakoka kuti vatore chinhanho, uye vakafara zvikuru!”

Pausiku hwechiitwa ichi, mhuri yekwaStanica yakanga isati yasvika panguva yekutanga kwechiitwa.

“Takashushikana kuti vaisazouya,” anoyeuka Meg. “Asi nekufamba kwekanguva, vakafamba vachipinda napamusuwo. Mhuri yekwaStanica yakapa uchapupu hwakanaka zvikuru nezvevhangeri neChechi. Vakakwanisawo kushamwaridzana nedzimwe nhengo dzavakanga vasati vaona kwenguva refu.”

Nhengo dzebazi dzakagamuchira nekutambira mhuri yekwaStanica. Svondo rakatevera, Meg akashamisika nemufaro kuona Sisita Stanica kuchechi.

“Apo pandakashanyira bazi ravo pashure pemwedzi mishoma, vainge vachiri kuuya!” Meg anodaro. “Ndinofunga mukana wekupa uchapupu hwake uye wekunzwa kubatanidzirwa nokudikanwa mubazi zvakamubatsira chaizvo.”

Mazano mana eKushumira kuburikidza neZviitwa zveChechi

  • Ronga zviitwa zvinozadzikisa zvidikanwi : Zviitwa inzira yakanaka zvikuru yekuzadzikisa zvidikanwi zvizhinji zvakasiyana‑siyana. Zvingangorongerwa kuzadzikisa zvimwe zvidikanwi chaizvo zvemunhu pachake kana zveboka. Zvinofanirawo kuzadzikisa zvidikanwi zveavo vanotora chinhanho, kunyange chidikanwi ichocho chiri chekuzivana zvirinani, kudzidza zvimwe zvakawanda pamusoro pevhangeri, kana kunzwa Mweya.

  • Koka munhu wese: Apo iwe paunoronga zviitwa, edza zvakasimba kukoka avo vangabatsirwa nekutora chinhanho. Funga nhengo itsva, nhengo dzisisina kusimba, vechidiki, vakuru vasina murume kana mudzimai, vanhu vakaremara, uye nevanhu vezvimwe zvitendero. Vakoke uine zvakanyanya kuvanakira mupfungwa dzako, uye taura madiro aunoita kuti vauye.

  • Kukurudzira kutora chinhanho kwavo: Avo vaunokoka vanozowana zvakanyanya kuwanda kubva kuzviitwa kana vakava nemukana wekutora chinhanho. Imwe nzira yekukurudzira kutora chinhanho ndeyekuti vanhu vashandise zvipo zvavo, hunyanzvi hwavo, uye matarenda avo panguva yechiitwa.

  • Tambira munhu wese: Kana shamwari dzako dzikauya kuchiitwa, ita zvese zvaunogona kuti vanzwe kuti vagamuchirwa. Saizvozvo, kana ukaona vanhu vausingazive, iva neushamwari uye uvagamuchirewo!