2020
Kushumira kuburikidza neKuzviriritira
Nyamavhuvhu 2020


“Kushumira kuburikidza neKuzviriritira,” Liahona, Nyamavhuvhu 2020

Mufananidzo
kushumira

Misimboti yeKushumira, Nyamavhuvhu 2020

Kushumira kuburikidza neKuzviriritira

Kubatsira vamwe kuti vagova vanozviriritira ndiko kupa uye kushumira nenzira yaIshe.

Vazhinji venhengo dzemhuri dzedu, veshamwari dzedu, uye vevavakidzani vedu vanoda kuva vanonyanya kukwanisa kuzviriritira. Nokushandisa chirongwa cheChechi chekuzviriritira, nhengo dzeChechi dziri kuwana mikana yekushandira, kutaririra, uye nekushumira apo pavanokomborera vamwe nemisimboti inounza “tariro huru, runyararo rukuru, uye nekufambira mberi kukuru.”1

“Ndaive Kwandaifanira Kunge Ndiri”

NaChrissy Kepler, Arizona, USA

Ndakanga ndiri kutambudzika ndisina mari inokwana kubhadhara zvakakosha zveupenyu mushure mekurambana nemurume, ndichiedza kuwana basa zvakare mushure mokuva mai vanogara kumba kwemakore masere. Ndakanga ndichitambudzikawo pane zvomweya, ndichitsvaga chokwadi uye rutendo, kunyangwe zvazvo ndakanga ndisina kumboenda kuChechi kana kupinda muchaperi kubvira pandakanga ndichiri musikana mudiki.

Mumwe musi weSvondo ndaigeza mbatya ndiri kumba kwemukoma wangu, Priscilla, uyo aiva nhengo yakasimba yeChechi. Apo pandaiva ndiri ikoko, Priscilla akandikoka kuti ndiende kuChechi nemhuri yake—kukokwa kwangu kwekutanga mumakore anopfuura gumi nemashanu.

Pakutanga ndakanga ndisingadi kuenda, asi pahusiku hwakanga huchangopfuura, ndakanga ndateterera kuna Mwari kuti vanditaridze kuti ndingaswedera pedyo naVo sei. Mushure mokutambira manzwiro ekuti ndaifanira kuenda kuChechi, ndakazviti “Ko wadii kuenda kunozvinzwira nokuzvionera pachako semunhu mukuru nemwoyo wako pachako uye nemeso ako pachako?”

Apo pataive tiri mumusangano wesakaramende, ndakaona chinyorwa panhepfenyuro yeSvondo chichishambadzira zvidzidzo zvekuzviriritira zvaiva pamusoro pekushandiswa nekuchengetedzwa kwemari yemunhu pachake. Ndainge ndisina kugadzirira kudzokera kuchechi, asi ndakafarira kwazvo zvidzidzo izvi zvemavhiki makumi nemaviri. Nekurudziro kubva kumukoma wangu nemurume wake, ndakanyoresa kuita zvidzidzo izvi, ndichitarisira kudzidza chete nzira yokuita nayo bhajeti nekubhadhara zvikwereti. Makirasi iwayo, zvisinei, akandishandura pamweya.

Ndakanga ndashamiswa nemashoko ezvepamweya mumavhiki maviri ekutanga ezvidzidzo, asi munguva yekirasi yechitatu, ndakazadzwa nemanzwiro erusimbiso rwekuti ndaive ndiri panzvimbo yandaifanira kunge ndiri uye ndichinzwa zvokwadi zvitsva asi izvo zvandainge ndichiziva. Ndakabva mukirasi ndikatyaira motokari pakarepo kuenda kunoona Priscilla. Ndichichema, ndakamubvunza,“Ndingawana sei manzwiro akadai kakawanda muupenyu hwangu?” Akaronga kuti vashumiri vatangise kundidzidzisa.

Nhengo dzekirasi yangu yezvekuzviriritira dzaiuya kuzvidzidzo zvangu nevashumiri uye dzichinditsigira. Vakaita shanduro pane zvemweya zvangu yandisingambokanganwi uye vakandibatsira kukudziridza uchapupu hwevhangeri uye hwevaporofita vamazuva ano.

Munguva iyo yazvakanditorera kupedza zvidzidzo, ndakaita shanduro zhinji dzezvenyama uye dzezvemweya. Ndakatanga basa idzva neimwe kambani yakanaka, uye ndikabhadhara zvikwereti zvakawanda zvandaiva nazvo.

Asi makomborero akakoshesa uye anonakidza kupfuura pundutso yezvemari akauya kubva kuzvidzidzo izvi aisanganisira kuvaka hushamwari hwakanakisa, kukudziridza hukama hwakanaka nabhishopi vaikurudzira, kuwana uchapupu hwechegumi, kugamuchira mvumo yekutemberi, kutora endawumenti, uye nekuona vana vangu vaviri vakuru vachibhabhatidzwa.

Nzira yangu yekukwanisa kuzviriritira ichiri kuenderera mberi, asi murwendo rwangu rwese rwasara, ndichakoshesa zvidzidzo zvandakadzidza uye nehushamwari hwandakaita.

“Ndaibuda Mukirasi Yega Yega Ndichinzwa Kudiwa”

Apo paakashanyira Temple Square muSalt Lake City, Utah, nemwanakomana wake aive nemakore gumi, ainzi Vincent, muna Zvita 2016, Katie Funk, aizviona akagadzikana mukuva munhu asingatendi asiwo asingarambi kuvapo kwaMwari. Akanga asiya Chechi anemakore gumi nematanhatu, akava mai vasina murume pamakore gumi nemanomwe, akatanga kuiswa zvifananidzo pamuviri, uye akatanga kufarira kuravira kwekofi. Asi panguva iyoyo yekushanyira Temple Square, Vincent akanzwa Mweya Mutsvene uye akakumbira amai vake kuti abvumirwe kudzidziswa vhangeri nevashumiri.

Kunyangwe nemabasa ake maviri, ayo aitora maawa makumi masere muvhiki ekushanda, Katie akanzvera vhangeri naVincent, vachitsvakurudza mhinduro kumibvunzo yake pakati peshanyo dzevashumiri. Muzhizha ra2017, akatanga kuenda kumisangano yeChechi, uko kwaakadzidza nezve zvidzidzo zvekuzviriritira zveChechi.

“Ndakaona kuti zvidzidzo izvi zvaive chimwe chinhu chaizokwanisa kundibatsira,” akadaro. “Pamwe handaizofanira kushanda mabasa maviri kana kuzomirira kuchengetwa nevabereki vangu kweupenyu hwangu hwese.”

Katie akati zvidzidzo zvake “zvaisimbisa panyama nepamweya zvinoshamisa,” kwete chete nokuda kwezvinhu zvaaidzidza asiwo nokuda kwemagamuchiro nemashumiriro akaitwa nemuboka rezvekuzviriritira kwaari.

Noti

  1. “Message from the First Presidency,” muPersonal Finances for Self-Reliance (2016), i.