2020
Kushumira kuburikidza neHuyai, Munditevere
Gunyana 2020


“Kushumira kuburikidza neHuyai, Munditevere,” Liahona, Gunyana 2020

Mufananidzo
kushumira

Misimboti yeKushumira, Gunyana 2020

Kushumira kuburikidza neHuyai, Munditevere

Ungabatsirwa sei neHuyai, Munditevere kuita mushanduro muupenyu hwevamwe vanhu?

Kunyangwe uri unemhuri yako, mukirasi yeChikoro cheSvondo semudzidzisi kana mudzidzi, kana kuchikoro, kubasa, kana kumwewo zvako, kudzidza magwaro matsvene kuburikidza neHuyai, Munditevere kunopa mikana yakawanda yekushumira kuna vamwe. Kudzidzisa, mushure mazvose, “kunopfuura kungotungamira nhaurirano musi weSvondo; kunosanganisira kushumira nerudo uye kuropafadza vamwe nevhangeri.”1

Kuvaka Hukama neVadzidzi

Apo Ofelia Trejo de Cárdenas paakadaidzwa kuti adzidzise vakuru vechidiki muwadhi yake yekuMexico City, akaona kuti kuvaka hukama hwepedyo nemumwe nenumwe wevadzidzi vake veChikoro cheSvondo kwaizowedzera kwaniso yake yokuvadzidzisa nekuvasimbisa.

“Kana ndisina hukama nevadzidzi vangu uye kana vasinganzwe rudo rwangu, vanogona kuzotadza kuvimba neni apo pandinenge ndichidzidzisa kirasi kana kupa uchapupu hwangu,” anodaro. “Vanogona kunzwa kuti ndinongova mudzidzisi weChikoro cheSvondo.”

Asi Sisita Cárdenas vaizokwanisa kuvaka sei hukama hwakadaro kana vaingodzidzisa kamwe chete pamavhiki maviri? Vakawana mhinduro kuburikidza netekinoroji. Vachishandisa apu yepafoni inonzi WhatsApp, ivo nevadzidzi vavo nenguva diki vakanga vava kukurukura zuva nezuva kuburikidza nekutumirana mameseji ekunyora uye mashoko ekurekodhwa izwi. Zvino, paMugovera wega wega wevhiki reChikoro cheSvondo, mumwe anozvipira wemukirasi anotumira kune dzimwe nhengo dzekirasi ndima yechinyorwa chitsvene kubva kuchidzidzo chinotevera uye zvaanofunga iye pachake zvinoendera nendima yacho. Mushure mokuverenga ndima yacho uye nepfungwa yake, nhengo dzemukirasi dzinotumirawo zvadzinofunga.

“Apo pavanoverenga chinyorwa chitsvene chacho, vanotumira chiso chiri kunyemwerera ndobva ndaziva kuti vaverenga kana kudzidza chinyorwa chitsvene chacho uye kuti vafunga pamusoro pacho,” vanodaro Sisita Cárdenas. Apo nguva yechidzidzo cheSvondo chinotevera painosvika, vadzidzi vanenge vakagadzirira kutora chinhano.

Kutaurirana kwezuva nezuva uku munguva pfupi yapfuura iyo kwakaropafadza mumwe wevakuru vechidiki ane vabereki vasingauyi kuChechi.

“Ndinofara zvikuru pandinomuona achiuya kuchechi nekuti ndinoziva kuti, kuitira kuti asvikeko, anenge atofanira kukurira zvinetso zvakawanda,” vanodaro Sisita Cárdenas. “Ndine chokwadi chekuti magwaro matsvene uye pfungwa dzaitumirwa nevamwe vadzidzi vake uye pfungwa dzaaitumirawo apo pachainge chiri chijano chake zvakamusimbisa chaizvo.”

Sisita Cárdenas vanoti kushumira kuburukidza nemagwaro matsvene hakungogumi nechidzidzo cheSvondo chavo uye nehurukuro dzekirasi yavo dzemagwaro matsvene dzinoitwa zuva nezuva.

“Kugadzirira kwangu kunosanganisira kunamatira vadzidzi vangu,” anodaro. “Handingofungi nezvavo musi weSvondo chete asiwo mazuva ese mukati mevhiki. Mumwe nemumwe wavo ane zvidikanwi zvake pachake uye zvakasiyana nezvavamwe. Mumwe nemumwe wavo mwana waMwari. Ndinofunga nezvavo pandinenge ndichigadzirira zvidzidzo zvangu.”

Uye pavanenge vachidzidzisa, vanoteerera—zvose kuvadzidzi vavo uye kuMweya Mutsvene.

“Mweya ndiwo mudzidzisi,” uyo wavanogara vachinzwa mumazwi evadzidzi vavo. “Ndinofanira kunyatsoteerera nekuti zvavanotaura ndizvo zvakazarurwa izvo Mweya zvaunenge uchivapa.”

Kirasi Yedu “Inenge Pamba Manheru”

Carla Gutiérrez Ortega Córdoba anonzwa iri ropafadzo kuva nhengo yekirasi yeChikoro cheSvondo yaSisita Cárdenas nekuda kwekuvaka uye kushumira kunoitwa mairi. Carla anoti zvinoita kuti kirasi ibudirire zvakawanda, kusanganisira:

  • Kugadzirira: Kugoverana zvinyorwa zvitsvene uye pfungwa kunobatsira vadzidzi kugadzirira chidzidzo chinotevera. “Zvinyorwa zvitsvene zvezuva nezuva zvinotisimbisa uye zvinowedzera ruzivo rwedu,” anotsanangura kudaro.

  • Kutora chinhano: “Tese tinotaura. Izvi zvinondibvumira kuziva zvakanyanya kudzama vamwe vandinodzidza navo, seshamwari uye semabhuratha nemasisita angu.”

  • Rudo: “Sisita Cárdenas vanokubata neruoko. Kirasi yedu inoita sepamba manheru, nemabhuratha nemasisita akawanda. Chinhu chisingakanganwiki.”

  • Mweya Mutsvene: “Tinonzwa mweya unofadza zvikuru, weruyanano mukirasi medu nekuti tine hunhu hunobvumidza Mweya kuvapo.”

  • Uchapupu: “Huyai, Munditevere rakandibatsira kugadzirira kupa uchapupu hwangu. Ndava neruzivo rwakadzama rweBhuku raMormoni uye Bhaibheri. Urwo runoita kuti ndikwanise kugoverana zvandinodzidza nevandinodzidza navo kuchikoro uye vanhu vandinoshanda navo.”

Kushumira kuZvidikanwi Zvepamweya

Apo Greg naNicky Christensen, vekuKentucky, USA, pavakaverenga pamusoro pechibvumirano chaAbrahama mumagwaro matsvene nevanakomana vavo vatatu, vakachiwana chakaoma kuchitsanangura kwavari. Vakasarudza semhuri kuti mumwe nemumwe wavo aizonzvera ari ega chibvumirano chaAbrahama uye ozogovera zvaanenge awana.

“Takawana pfungwa dzaigoverwa dzaifadza zvikuru” anodaro Greg. “Mwanakomana wedu ane makore masere akadzidza kuti Abrahama aimbonzi Abramu. Zita rake rakazochinjwa kuva Abrahama nekuti akanga avimbisa Ishe kuti aizorega zvivi uye orarama upenyu hwakarurama. Zvakandishamisa chaizvo kuti akakwanisa kubudisa izvozvo.”

Vese vakadzidza chimwe chinhu chitsva uye vakava nehurukuro yakanaka pamusoro pekuti chibvumirano chaAbrahama chii uye nezvachinoreva kuVatendi Vamazuva Ekupedzisira nhasi.

“Pakudzidza magwaro semhuri, taingogara pasi tochinjana kuverenga magwaro,” anodaro Nicky. “Huyai, Munditevere rinonyanya kunangisa pakudzidzisa neMweya. Iye zvino apo patinodzidza pamwechete, ndinonzwa kurudziro kubva kuMweya kuti tinangise hurukuro dzedu kudivi rakasiyana maererano nezvidikanwi zvemhuri yedu.”

Kushandisa Huyai, Munditevere hakuna chete kubatsira mhuri yavo kuti inyanye kutora chinhano uye kuva nechido mukudzidza vhangeri semhuri, asiwo kwakabatsira Greg naNicky kushumira kuzvidikanwi zvemweya zvevana vavo.

Huyai, Munditevere rinondibatsira kudzidzisa vana vangu,” anodaro Nicky. “Rinondibatsirawo kugadzirisa zvinetso zvakasiyana-siyana zvandinombova nazvo nevana vangu. Ndinonzwa kuti ndiri kunyanya kufambirana neMweya, ndinonyatsoteerera zvakanaka, uye ndinogamuchira femero pamabatsiriro andinokwanisa kuita mwana mumwe nemumwe.”

Greg anonakidzwa nehurukuro dzevhangeri dzakareba idzo Huyai, Munditevere radzinobatsira kukurudzira mumhuri. “Vanakomana vedu vakasiyana vese pavari neruzivo rwavo rwevhangeri,” anodaro. “Huyai, Munditevere ranotipa nzira yekubatsira mumwe nemumwe wavo kudzidza maererano nezvidikanwi zvavo. Kuvaona vachikuru murudo rwavo rwevhangeri uye kuvaona vachidzidza mashandisiro avanokwanisa kuita ruzivo rwevhangeri muupenyu hwavo kwava ropafadzo rinoshamisa.”

Chinyorwa

  1. Come, Follow Me—for Sunday School: Book of Mormon 2020 (2019), 19.