2020
Kushumira kuburikidza nePurogiramu yeVana uye Vechidiki
Gumiguru 2020


“Kushumira kuburikidza nePurogiramu yeVana uye Vechidiki,” Liahona, Gumiguru 2020

Mufananidzo
Misimboti yeKushumira

Mifananidzo naTom Garner, Isaac Darko-Acheampong, Alexander K. Boateng, uye Jonas Rebicki

Misimboti yeKushumira, Gumiguru 2020

Kushumira kuburikidza nePurogiramu yeVana uye Vechidiki

Kukoka vamwe kuti vakure uye kuvabatsira nemunzira yeupenyu hwavo ndihwo hunhu hwakakoshesesa hwekushumira.

Kune mikana yakawanda yekushumira kuburikidza nepurogiramu yeVana uye Vechidiki. Pamwe une vana kana vechidiki vako pachako kumba. Pamwe uri mutungamiri mupurogiramu yacho kana kuti unoshumira kumhuri dzine vana uye vechidiki. Kana kuti pamwe ungangeuchiziva vamwe vana uye vechidiki (izvi zvinofanira kusanganisira isu tose). Chero ari api zvawo mamiriro ezvinhu ako, pane nzira dzakawanda dzekushandisa purogiramu kana misimboti yayo kukomborera upenyu hwevamwe.

Kuzvikudziridza Isu Pachedu Pamwechete

Chinhu chakakoshesesa paVana uye Vechidiki inangiso pakukuedza zuva rimwe nerimwe kuva zvakanyanya seMuponesi, uyo aishumira zvakarurama. Vakawanda veavo vakatora chinhanho mupurogiramu iyi vakadzidza kuti apo paunonyanya kufambira mberi munzvimbo dzakasiyana-siyana dzeupenyu hwako, unozova wakagadzirira zvirinani kubatsira kana kushumira kune vamwe.

Asi nepurogiramu yeVana uye Vechidiki, kukomborera vamwe hakufaniri kumirira kusvikira wadzidza chimwe chinhu. Chiito chekudzidza pachako chinopa mikana yekushumira.

Kumukomana wechidiki anonzi Prophet anogara muGhana, kumisa chinangwa muVana uye Vechidiki kuti vadzidze maridziro ekuita piyano aiva mavambo chete. “Chinangwa changu kubatsirawo vamwe vanhu kuti vazive zvandiri kudzidza,” anodaro Prophet.

Kunyange zvazvo asati ava murairidzi, chinangwa chake chatokura kuva chimwe chinhu chikurusa kupfuura zvaaimbofungidzira. Iyezvino pava nevadzidzi 50 varikutora makirasi epiyano paimba yekusanganira pamwepo naProphet. Uye ndiani chaizvo ari kudzidzisa Prophet nevamwe vadzidzi 50 ivavo? Alexander M. naKelvin M., vese vane makore 13. “Tinoda kuratidza zviito zvetsitsi kune vamwe vanhu,” anodaro Kelvin.

Mazuva matatu pavhiki vechidiki vaviri ava vanodzidzisa zvidzidzo zvekutanga zvepiyano vasingabhadharise, kune vese vanouya kuzodzidza. Pakava nepundutso yakawedzerwa kuzvidzidzo zvepiyano. Vakatiwandei vevadzidzi avo vakasumwakuChechi kuburikidza nezvidzidzo zvepiyano pashure vakazonzvera vhangeri uye vakasarudza kubhabhatidzwa.

Apo patinoedza kuzvinatsurudza isu pachedu, tinokwanisa kushumira vamwe kuburikidza nekuvakoka kuti vabatane nesu.

Nzira Inobudirira yeKushumira

Semutungamiri wePuraimari wesiteki , Sabrina Simões Deus Augusto wekuCuritiba, Brazil, akaona maropafadziro anoita zvikamu zvekudziridzo yako pachako zvepurogiramu kuvana uye vechidiki vari musiteki yake. Asi akaonawo nzira zhinji dzekushandisa zvaakadzidza pamusoro pekudziridzo yenhu pachake mubasa rake sasisita vanoshumira.

“Apo pandinokudziridza terenda ,” Sisita Augusto vanodaro, “Ndinokwanisa kushandisa tarenda iroro kukomborera mumwe munhu wandinoshumira kwaari.”

Sisita Augusto vakadzidzisa mumwe wemasisita avakapuwa kuti vashumire kwaari kubika machocolate truffles. Sisita ivavo iyezvino vava kubika nokutengesa matruffles acho kuitira kubatsira kuwedzera mari inotambirwa nemhuri yavo. “Mumwedzi yakazotevera , ndakakomborerwa apo vamwe sisita pavakandidzidzisa kubika chingwa chinoiswa huchi icho chandaikwanisa kutengesa,” vakadaro Sisita Augusto. “Kukudziridza uye nokugoverana matarenda edu kunokwanisa kukomborera upenyu hwedu uye kunodzamisa hukama hwedu semasisita anoshumira.”