2020
Kugovera Chiedza cheMuponesi paKirisimasi
Zvita 2020


“Kugovera Chiedza cheMuponesi paKirisimasi,” Liahona, Zvita 2020

Mufananidzo
kushumira

Mufananidzo wemutambo weKirisimasi naNiltza Beatriz Santillan Castillo; mufananidzo wechipo wakabva kuGetty Images

Misimboti yeKushumira, Zvita 2020

Kugovera Chiedza cheMuponesi paKirisimasi

Funga nezveavo vaunoshumira kwavari. Ungavabatsira sei kuti vave pedyo naKristu paKirisimasi ino?

Apo tinoyeuka Muponesi Jesu Kristu gore rese, nguva yeKirisimasi ndiwo mwaka watinopemberera chipo chikurusa chinopfuura zvese zvakambopuwa: “Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe oga” (Johane 3:16). Apo patinoshumira paKirisimasi, isuwo tinogona kupa zvipo zvinobatsira vamwe kuswedera pedyo neMuponesi. Zvinofadza kufunga kuti tinokwanisawo kupa chipo chakafanana nechakapuwa naBaba Vekudenga.

Ndichiri Kukoshesa Chipo Chacho

Susan Hardy, California, USA

Pandaiva nemakore 11, mudzidzisi wangu weChikoro cheSvondo, Bhuratha Deets, akaudza kirasi yedu kuti kana tikakwanisa kudzidza nemusoro Misimboti yeChitendero uye kumutsanangurira zvainoreva, aizotitengera magwaro matsvene edu pachedu.

Bhuratha naSisita Deets vaiva vachangobva kuchata, vachangotanga imba. Ndaiva ndisina chokwadi chekuti Bhuratha Deets vaizokwanisa kutengera mumwe munhu chipo. Asi ndakafunga kuti kana vaifunga kuti Misimboti yeChitendero yakakosha zvekuti inofanira kudzidzwa nemusoro, ndinozoedza kuidzidza.

Mushure mokunge ndapedza kudzidza yese iri 13, nguva yakapfuura uye ndakakanganwa pamusoro pevimbiso yavo.

Zvino, paZuva reKirisimasi, ndakagamuchira pasuru yaiva yakanyorwa zita rangu pamusoro. Ndakaivhura ndikawana muine magwaro matsvene angu ini, nekadhi raiva nemashoko ekundikurudzira kuti ndigare ndichiaverenga. Iri raiva gore ra1972, uye nanhasi magwaro matsvene iwayo ndichiinawo. Akakosha kwandiri.

Wakanga usiri mutengo wechipo asi mutsa wavakandiratidza uye kuzvipira kwavakaita nekuda kwangu ndizvo zvakandisiya ndiine chido chakadzama chekunzvera shoko raMwari. Ndinoedza kutevedzera muenzaniso wekushumira waBhuratha Deets nekupawo vanhu vakandipoteredza zvipo zvakakosha, ndiine tarisiro yekuti ndinogona kukomborera upenyu hwevamwe sekukomborerwa kwakaitwa hwangu naBhuratha Deets.

Kukokwa Kutora Chinhanho

Richard M. Romney, Utah, USA

Apo avo vaironga mutambo weKirisimasi wewadhi pavakandikumbira kuti ndishanyire imwe nhengo yakanga isingachauyi kuChechi sezvayaimboita uye ndiikoke kutora chinhanho mupurogiramu yacho, ndinobvuma kuti ndaitya. Ndakanga ndangosangana naDarren kamwechete, apo paakanga atora chinhanho muchiitiko chewadhi chainge chapfuura. Akanga akapfeka bhandi remumusoro remudhudhu pahuma pake. Bvudzi rake refu jena rainge rakasungirwa nechokumashure, aiva nendebvu chena dzakazara chirebvu, uye maoko ake aiva akazara nematatuu.

Zvino, ini ndichiperekedzwa neimwe nhengo yekomiti, ndakanga ndakamira pasuwo raDarren, ndichinetseka nokuti aizotii. Akatikumbira tipinde mukati, uye takamuudza zvatainge tafambira. Akati, “Oh, ndingatofara kuzviita.”

Akaita basa rinoshamisa chaizvo, achibatsira kuti chiitiko chive chakakosha kune vakawanda zvikuru. Nguva pfupi yakazotevera, ini nemumwe wandaishumira naye takakumbirwa kuti tigare tichishanyira Darren. Aifara nguva yese yaaitiona, uye taiita hurukuro dzinofadza. Ndinofara kuti femero yokumukoka kuti atore chinhanho mupurogiramu yechiitiko chewadhi yakatungamirira kuushamwari hwaikosheseswa.

Kushumira kuna vamwe paKirisimasi

Hezvino zvimwe zvinhu zvamunokwanisa kuita kuti muve nechokwadi chekuti vamunoshumira kwavari vanozoziva kuti muri kuvafunga, kunyanya panguva ino yegore.

  1. Dzimwe nguva kufona kana kutumira mashoko pafoni kunoshanda zvinoshamisa. Kungotanga hurukuro nekuti “Hesi, uri sei?” kunokwanisa kuita musiyano.

  2. Batana navo pavanenge vachipemberera kana zvichiita. Kirisimasi inogona kuva nguva yakanaka zvikuru yekudzidza pamusoro zvinhu zvakafanana zvatinotenda mazviri. Apo paunoudza vamwe zvaunotenda mazviri uye nokuteerera kuna vamwe, unovhura mukana wekunzwisisana kukurusa.

  3. Vanyengeterere uchitaura mazita avo. Kumbira Baba Vekudenga kuti vakubatsire kufunga nzira dzekuvaunza pedyo neMwanakomana Wavo.

  4. Zvipo zvisingashamisiri ndizvo zvinonyanyoyeukwa. Zvipo hazvisi zvinofanira kuva zvemhando yepamusoro kuti zvidiwe. Chipo chokupedza nguva nemumwe, chipo chokuteera, chokuratidza mumwe pikicha kana kutaura imwewo ndangariro—zvese izvi zvinogona kuva zvipo zvabva pamwoyo.

  5. Ipa chipo cheuchapupu. Vakumbire kuti vakuudze nezverudo rwavo rweMuponesi, uye vaudzewo nezve rudo rwako kwaAri.

  6. Koka vamwe kuti vapinde munamato weKirisimasi. Vamwe vanhu vanoda kunamata asi havazivi kuti voenda kupi. Vakoke kuti vauye vanamate newe.

  7. Zadza mumba wavo nerugare. Ita kuti vazive kuti vashumiri vane shoko rakakosha reKirisimasi ravanogona kuvaudza, iro rinozounza tariro nerudo kumwoyo yavo.

Kushumira kunaVese seGungano

Gungano rimwe nerimwe rine zvidikanwi zvakasiyana nezverimwe. Mamwe anobatsirwa nekuronga chiitiko chakakura. Mamwe magungano anogona kubatsirwa nekuita chinhu chidiki uye chiri nyore. Avo vanotora chinhanho mukuronga uye nokutungamirira zviitiko izvi nomunyengetero vanofunga mazadzikisiro okuita zvidikanwi zvinenge zviripo.

  • Nhengo dzemasiteki matatu ekuParis, France, dzakabatsira kutsigira mutambo wemanheru weLight the World uyo waisanganisira kuratidzwa kwemateranda uye kwefashoni. Vakagadzira zvinhu zvakazopiwa kuvapoteri nekuvanhu vaiva vasina pekugara.

  • Siteki yeCharlotte North Carolina Central yakava nechiitiko chainzi “Kirisimasi nePanyika Pose” chevanhu vemunharaunda, nemutambo wekupemberera Kristu kuburikidza nezvekudya, kutaridza tsika dzekupemberera Kirisimasi dzekune dzimwe nyika, mumhanzi, zviitwa zvekushandira, uye mutambo weKirisimasi waiitwa nevana.

  • Nhengo dzeSiteki yeVero Beach Florida dzakabatanawo pakuyeuchidza vemunharaunda kuti sei tichipemberera Kirisimasi. Vanhu vakapa matoyi kunzvimbo dzemunharaunda dzinobatsira vamwe. Vana vePuraimari vakaimba, uye machechi akawanda aiva nematende airatidza nokupa ruzivo.

  • Siteki yeJacksonville Florida South yakaratidza mutambo wainzi Saviour of the World kuvanhu vemunharaunda.