Zvimwe Zvishandiso zveKudzidzisa Vana
Chiwedzerwa A: CheVabereki—Kugadzirira Vana Vako kuti Vave Mugwara reChibvumirano chaMwari kweUpenyu Hwose


“Chiwedzerwa A: CheVabereki—Kugadzirira Vana Vako kuti Vave Mugwara reChibvumirano chaMwari kweUpenyu Hwose,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: Bhuku raMormoni 2024 (2023)

“Chiwedzerwa A,” Huyai, Munditevere—Bhuku reKumba uye kuChechi: 2024

Chiwedzerwa A

CheVabereki—Kugadzirira Vana Vako kuti Vave Mugwara reChibvumirano chaMwari kweUpenyu Hwose

Nokuda kwokuti Vanokuda, vanovimba newe, uye vanoziva kwaniso yako, Baba Vokudenga vakakupa mukana wokubatsira vana vako kupinda nokufambira mberi nemugwara rechibvumirano Ravo, gwara rinoenda kuupenyu hwokusingaperi (ona Dzidziso neZvibvumirano 68:25–28). Izvi zvinosanganisira kuvabatsira kugadzirira kuita nokuchengeta zvibvumirano zvinoera, sezvakaita zvibvumirano zverubhabhatidzo uye zvibvumirano zvinoitwa mutemberi. Kuburikidza nezvibvumirano izvi, vana vako vanozozvibatanidzira kuMuponesi, Jesu Kristu.

Kune nzira dzakawanda dzokugadzirira vana vako kurwendo urwu pagwara rechibvumirano, uye Baba Vokudenga vanozokubatsira kuwana nzira yakanakisisa yekuvabatsira nayo. Apo paunenge uchitsvaka femero, chengeta mupfungwa kuti hadzisi dzidziso dzose dzinoitika munguva yezvidzidzo zvakarongwa. Chokwadi ndechekuti, chikamu chezvinoita kuti kudzidza kwekumba kuve nesimba guru ndechemukana wokudzidza nemuenzaniso uye kuburikidza nenguva diki, dzakareruka—urwo rudzi runongoitika mukufamba kweupenyu hwezuva nezuva. Sezvazvingori kuti kutevera gwara rechibvumirano muitiro wenguva dzose, weupenyu hwose, ndizvowo zvazviri nekudzidza pamusoro pegwara rechibvumirano. (Ona “Home and Family,” Teaching in the Savior’s Way [2022], 30–31.)

Mufananidzo
amai vane mwana

Kune nzira dzakawanda dzekugadzirira vana vako kurwendo rwavo mugwara reChibvumirano chaMwari.

Pazasi pane mamwe mazano angangotungamirira kuimwe kurudziro. Unokwanisa kuwana mamwe mazano akawanda ekudzidzisa vana vezera rePuraimairi “muChiwedzerwa B: ChePuraimari—Kugadzirira Vana kuti Vave paGwara reChibvumirano chaMwari kweUpenyu Hwose.”

Rubhabhatidzo neRusimbiso

Nifai akadzidzisa kuti “musuo watinopinda nawo” mugwara rechibvumirano ndewe “rutendeuko norubhabhatidzo nemvura” (2 Nifai 31:17). Kuedza kwako kubatsira vana vako kugadzirira rubhabhatidzo nesimbiso kunokwanisa kumisa tsoka dzavo zvakasimba pagwara iroro. Kuedza uku kunotanga nekudzidzisa pamusoro perutendo muna Jesu Kristu uye rutendeuko. Kunosanganisirawo kudzidzisa pamusoro pamavandudziro atinoita zvibvumirano zverubhabhatidzo zvedu nekutora sakaramende vhiki yoga yoga.

Hezvino zvimwe zvinyorwa zvinokwanisa kukubatsira: 2 Nifai 31 Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Rubhabhatidzo,” Raibhurari yeVhangeri.

  • Apo pose paunova nechiitiko chinosimbisa rutendo rwako muna Baba Vokudenga naJesu Kristu, chigoverane nemwana wako. Mubatsire kunzwisisa kuti rutendo chimwe chinhu chinokwanisa kuramba chichisimba nemuupenyu hwose. Ndezvipi zvimwe zvinhu mwana wako zvaanokwanisa kuita kuti akudziridze rutendo rwakanyanya kusimba muna Kristu asati abhabhatidzwa?

  • Apo mwana wako paanoita sarudzo isiri kwayo, taura nemufaro pamusoro pechipo cherutendeuko. Uye apo iwe paunoita sarudzo isiri kwayo, govera mufaro unouya apo paunotendeuka. Pupura kuti nokuda kwekuti Jesu Kristu akatamburira nokufira zvivi zvedu, Akatipa simba rekushanduka. Apo mwana wako paanotsvaka ruregerero, regerera wakasungunuka uye nemufaro.

  • Taurira mwana wako pamusoro perubhabhatidzo rwako. Ratidza mifananidzo uye govera ndangariro. Taura pamusoro pemanzwiro awakaita, kuti zvibvumirano zverubhabhatidzo zvako zvakakubatsira sei kusvika pakuziva Jesu Kristu zvirinani, uye kuti zvinoramba zvichiropafadza sei upenyu hwako. Kurudzira mwana wako kubvunza mibvunzo.

  • Apo pakunenge kuine rubhabhatidzo mumhuri yako kana muwadhi mako, enda nemwana wako kunoruona. Taurai pamwechete pamusoro peizvo iwe nemwana wako zvamaona nekunzwa. Kana zvichikwanisika, taurai nemunhu ari kubhabhatidzwa uye mobvunza mibvunzo yakaita seinotevera: “Wakaita sarudzo iyi sei? Wakagadzirira sei?”

  • Apo pose paunocherechedza mwana wako achiita chimwe chinhu chaakavimbisa kuita, ipa rumbidzo yemwoyo wose. Mutaurire kuti kuchengeta mhiko kunotibatsira kugadzirira kuchengeta zvibvumirano zvatinoita apo patinobhabhatidzwa. Chii chatinovimbisa Mwari apo patinobhabhatidzwa? Chii chaVanotivimbisa? (ona Mosaya18:8–10, 13).

  • Apo iwe nemwana wako pamunova nechiitiko chinoera pamwechete (sezvakaita kuchechi, pamunenge muchiverenga magwaro matsvene, kana pamunenge muchishandira mumwe munhu), mutaurire pamusoro pemanzwiro kana maonero ezvepamweya aunawo. Koka mwana wako kugovera manzwiro aanoita. Cherechedza nzira dzakasiyana siyana idzo Mweya dzaunokwanisa kutaura nadzo kuvanhu, kusanganisira nzira dzaUnotaura nadzo kwauri iwe pachako. Batsira mwana wako kuziva nguva dzaangave achinzwa femero yeMweya Mutsvene.

  • ­ Tauriranai pamwechete pamusoro penzira dzakasiyana siyana idzo varanda vaIshe dzavanonzwa nadzo inzwi Ravo. Koka mwana wako kuti adhirowe mufananidzo kana kuita vhidhiyo pamusoro pemanzwiro aanoita inzwi reMuponesi.

  • Taura pamusoro pekuti kuva nhengo yeChechi yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira kwakakuropafadza sei. Wakaswedera sei pedyo naBaba Vokudenga uye naJesu Kristu apo pawaishandira vamwe uye apo vamwe pavaikushandira? Batsira mwana wako kufunga nzira dzekushandira uye nokusimbisa vamwe seNhengo yeChechi.

  • Ita kuti sakaramende ive chiitiko chinoera uye chinomufaro mumhuri yako. Batsira mwana wako kuronga nzira dzekunangisa nadzo pfungwa pana Jesu Kristu panguva yesakaramende. Tinozoratidza sei kuti sakaramende inoera kwatiri?

  • ­ ­ ­

    Mufananidzo
    mukomana achibhabhatidzwa

    Nifai akadzidzisa kuti “musuo watinopinda nawo” mugwara rechibvumirano ndewe “rutendeuko norubhabhatidzo nemvura” (2 Nifai 31:17).

Simba reHupirisita, Mvumo, uye Makiyi

Hupirisita imvumo uye simba raMwari iro kuburikidza naro, Vanoropafadza vana Vavo. Hupirisita hwaMwari huri pasi nhasi muChechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira. Nhengo dzose dzeChechi dzinochengeta zvibvumirano zvadzo—kusanganisira vana—vanoropafadzwa nesimba rehupirisita hwaMwari mudzimba dzavo kuti vazvisimbise ivo pachavo uye nemhuri dzavo (ona General Handbook: Serving in The Church of Jesus Christ of Latter-day Saints, 3.5, Raibhurari yeVhangeri). Simba iri rinozobatsira nhengo mukuita basa raMwari reruponeso uye rekusimudzirwa kumusoro-soro muupenyu hwavo pachavo nemhuri (ona General Handbook, 2.2).

Tinongamuchira zvisungo kuburikidza nemvumo yehupirisita. Apo varume namadzimai pavanoshandira mudaidzo dzeChechi, vanoita kudaro nemvumo yehupirisita, vari pasi penhungamiro yaavo vane makiyi ehupirisita. Vana vose vaBaba Vokudenga—Vanakomana Vavo navanasikana Vavo—vanozoropafadzwa apo pavanosvika pakunzwisisa hupirisita zvirinani.

­

  • Ita kuti zvisungo zvehupirisita zvako zvive chikamu chenguva dzose cheupenyu hwemhuri yako. Semuenzaniso, batsira mwana wako kugadzirira sakaramende pamweya vhiki yoga yoga. Kurudzira mwana wako kutsvaka maropafadzo ehupirisita apo paanenge achirwara kana kuti achida nyaradzo kana nhungamiro. Ita kuti ive tsika yako kutaura nzira idzo Ishe dzavarikuropafadza nadzo mhuri yako kuburikidza nesimba rehupirisita.

  • Apo pamunoverenga magwaro matsvene pamwechete, tsvakai mikana yokukurukura kuti Mwari vanoropafadza sei vanhu kuburikidza nesimba Ravo. Govera zviitiko zvako pachako zveapo Mwari pavakakuropafadza kuburikidza nehupirisita Hwavo. Kuti uwane mienzaniso yemaropafadzo atinowana kuburikidza nehupirisita, ona General Handbook, 3.2, 3.5.

  • Dzidza mutsetse hwehupirisita hwemumwe munhu ari mumhuri yako. (Vane Hupirisita hwaMerkizedeki vanokwanisa kugamuchira kopi yemutsetse wemvumo wavo nokutumira imeiri kuadhiresi inoti LineofAuthority@ChurchofJesusChrist.org; uye ona “Request a Priesthood Line of Authority” muHelp Center pawebhusaiti inoti ChurchofJesusChrist.org.) Taura pamusoro pekuti sei zvakakosha kuziva kuti mvumo yehupirisita inouya kubva kuna Jesu Kristu Pachake. Sei Achiigoverana nesu?

  • Dzidzisa mwana wako kuti mushure merubhabhatidzo, anokwanisa kugamuchira simba rehupirisita kuburikidza nokuchengeta chibvumirano cherubhabhatidzo. ­ Taurira mwana wako maunziro akaita zvisungo zvehupirisita simba raMwari muupenyu hwako. Kuti uwane mudorongodzwa wedzimwe nzira idzo dzatinoropafadzwa nadzo nesimba rehupirisita, ona General Handbook3.5

  • Kurukurai mubvunzo wokuti “Muranda waIshe chii?” Verengai pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 121:36–42, uye motsvaka mhinduro. Apo pose paunoona mwana wako (kana mumwe munhu) achishandisa mumwe wemisimboti kana hunhu huri mundima idzi, zvitaure.

  • Apo iwe kana mwana wako pamunoshandisa makiyi kukiinura mukova kana kumutsa motokari, tora chinguva kuenzanisa makiyi iwayo kumakiyi ane vatungamiri vehupirisita. (Kuti uwane tsananguro yemakiyi ehupirisita, ona General Handbook, 3.4.1). Chii “chatinokiinurirwa” kana “kutangarwa” nemakiyi ehupirisita? ­

  • Apo paunotsaurwa kudaidzo, koka mwana wako kuti avepo, kana zvichikwanisika. Rega mwana wako akuone uchizadzikisa daidzo yako. Ungangotsvakawo nzira dzakakodzera dzaanokwanisa kukubatsira. Tsanangura manzwiro aunoita simba raMwari mudaidzo yako.

Kuenda kuTemberi—Rubhabhatidzo neRusimbiso rweVakafa.

Matemberi ari chikamu chechirongwa chaBaba Vokudenga chevana Vavo. Mumatemberi, tinoita zvibvumirano zvinoera naBaba Vokudenga apo patinotora chinhanho muzvisungo zvinoera, izvo zvose zvinonongedzera kuna Jesu Kristu. Baba Vokudenga vakapa nzira yekuti vana Vavo vose vaite zvibvumirano uye vatore chinhanho muzvisungo, kusanganisira avo vasina kuzvigamuchira muupenyu huno. Pakutanga kwegore raanosvitsa makore gumi nemaviri ekuzvarwa, mwana wako akura zvakakwana zvekuti abhabhatidzwe uye asimbiswe mutemberi kuitira madziteteguru akafa.

  • Enda kutemberi nguva zhinji sokubvumira kunoita mamiriro ezvinhu ako. Taura nemwana wako pamusoro pekuti sei uri kuenda uye kuti temberi inokubatsira sei kunzwa uri pedyo naBaba Vokudenga naJesu Kristu.

  • Wongororai nokukurukura mibvunzo yekodzero yekupinda mutemberi pamwechete. Taura nemwana wako pamusoro pezvinoitika mubvunzurudzo yekodzero yekupinda mutemberi. Govera kuti sei kuva nekodzero yemutemberi kwakakosha kwauri.

  • Verengai pamwechete Maraki 4:6. Taura pamusoro pekuti mwoyo yenyu inokwanisa sei kutendeukira kumadziteteguru enyu. Dzidza zvimwe zvakawanda pamusoro pamadziteteguru enyu kuburikidza nekuwongorora nhoroondo yemhuri yenyu pamwechete pawebhusaiti inoti FamilySearch.org. Tsvakai madziteteguru ayo anofanira kubhabhatidzwa uye nokusimbiswa. Mupi wemazano wezvetemberi uye zvenhoorondo yemhuri wewadhi anokwanisa kukubatsira.

  • ­ ­ChurchofJesusChrist.org

Kugamuchira Ropafadzo raPatiriyaki

Ropafadzo rapatiriyaki rinokwanisa kuva manyuko enhungamiro, nyaradzo, uye kurudziro. Rine rairo yako pachako inobva kuna Baba Vokudenga kwatiri uye rinotibatsira kunzwisisa hunhu hwedu hwokusingaperi uye nechinangwa chedu chokusingaperi. Batsira mwana wako kugadzirira kugamuchira ropafadzo rapatiriyaki nokumudzidzisa kukosha uye nechimiro chinoera chemaropafadzo apatiriyaki.

Kuti udzidze zvimwe zvakawanda, ona Misoro yeNyaya yeVhangeri, “Maropafadzo aPatiriyaki,” Raibhurari yeVhangeri.

  • Goverana nemwana wako chiitiko chako chokugamuchira ropafadzo rapatiriyaki. Unokwanisa kugovera zvinhu zvakaita sekuti wakagadzirira sei kuti urigamuchire, rakubatsira sei kuti uswedere pedyo naMwari, uye unoshandisa sei ropafadzo racho muupenyu hwako. Unokwanisawo kukoka mwana wako kuti ataure nedzimwe nhengo dzemhuri idzo dzakagamuchira maropafadzo apatiriyaki adzo.

  • Wanai nguva yokuwongorora pamwechete zvimwe zvezvinyorwa zviri muMisoro yeNyaya yeVhangeri, “Maropafadzo aPatiriyaki.” ­

  • Kana uine madziteteguru akagamuchira maropafadzo apatiriyaki, zvingangova zvinokurudzira kuverenga mamwe awo nemwana wako. Kuti ukumbire maropafadzo amadziteteguru ayo akafa, enda kuwebusaiti ChurchofJesusChrist.org, uye wodzvanya pamufananidzo weakaundi uri kukona yekumusoro yekurudyi rwesikirini, uye wosarudza “Maropafadzo aPatiriyaki.”

  • Mushure mekunge mwana wako agamuchira ropafadzo rapatiriyaki, koka dzipi nedzipi zvadzo nhengo dzemhuri dzaivapo kuti dzinyore pasi manzwiro adzo uye kuti dziagoverane nemwana wako.

Kuenda kuTemberi—Endaumendi

Mwari vanoda kupa, kana kuropafadza, vana Vavo vose “nesimba rinobva kumusoro”(Dzidziso neZvibvumirano 95:8). Tinoenda kutemberi kunogamuchira endaumendi yedu pachedu kamwechete chete, asi zvibvumirano zvatinoita naMwari uye nesimba rezvepamweya raVanotipa sechikamu cheendaumendi zvinokwanisa kutiropafadza zuva roga roga reupenyu hwedu.

  • Turika mufananidzo wetemberi mumba mako. Taurira mwana wako pamusoro pemanzwiro aunonzwa mutemberi. Taura nguva zhinji pamusoro perudo rwako kuna Ishe neimba Yavo uye zvibvumirano zvawakaita ikoko.

  • Wongororai pamwechete temples.ChurchofJesusChrist.org ­ Rega mwana wako abvunze mibvunzo ipi zvayo yaainayo pamusoro petemberi. ­

  • Apo iwe nemwana wako pamunotora chinhanho mune zvimwe zvisungo kana kuva chapupu mazviri (sezvakaita sakaramende kana ropafadzo rekuporesa), tora chinguva kukurukura mucherechedzo uri muchisungo chacho. Zviratidzo izvi zvinomiririra chii? Zvinopupura sei nezvaJesu Kristu? Izvi zvinokwanisa kubatsira mwana wako kugadzirira kufungisisa pamusoro pezvinhorehwa nefananidziro yezvisungo zvemutemberi, zvinopupurawo nezvaJesu Kristu.

  • Batsira mwana wako kuti acherechedze machengetero aari kuita chibvumirano cherubhabhatidzo chakatsanangurwa muna Mosaya 18:8–10, 13. Batsirawo mwana wako kucherechedza maropafadzirwo aari kuitwa naIshe. Vaka chivimbo chemwana wako mukwaniso yake yokuchengeta zvibvumirano.

  • Taura pachena uye nguva dzose pamusoro pekuti zvibvumirano zvemutemberi zvinotungamira sei sarudzo dzako uye nokukubatsira kuswedera pedyo naJesu Kristu. Unokwanisa kushandisa General Handbook, 27.2, kuongorora zvibvumirano zvatinoita mutemberi.

Kushandira Hushumiri

Gosa David A. Bednar vakadzidzisa kuti: “Chinhu chimwechete chakakoshesesa chaunokwanisa kuita kuti ugadzirire daidzo yokushandira ndechekuva mushumiri nguva refu usati waenda kuhushumiri. … Chakakosha hachisi kuenda kuhushumiri; asi chakakosha ndechekuva mushumiri uye nokushandira nemuupenyu hwedu hwose nemwoyo wedu wose, nokugwinya kwedu kwose, nepfungwa dzedu dzose, uye nesimba redu rose. … Uri kugadzirira basa rehushumiri kwoupenyu hwose” (“Becoming a Missionary,” Liahona, Mbudzi 2005. 45–46). Zviitiko zvinova nemwana wako mukuva mushumiri zvinozomuropafadza nokusingaperi, kwete chete kwechinhanho chenguva yaanenge achishandira semushumiri.

­

  • Ratidza muenzaniso wokugovera vhangeri nenzira dzamazuva ose. Nguva dzose ngwarira mikana yekugoverana nevamwe manzwiro ako pamusoro paBaba Vokudenga neMuponesi uye namaropafadzo aunogamuchira senhengo yeChechi Yavo. Koka vamwe kuti vabatane nemhuri yako muzviitwa zvinechekuita neChechi uye nemhuri.

  • Tsvaka mikana yekuti mhuri yako ishande nevashumiri. Vakoke kuti vadzidzise shamwari dzenyu, kana kuti zvipirei kuti vadzidzisire vanhu mumba menyu. Bvunza vashumiri pamusoro pezviitiko zvavari kusangana nazvo uye kuti mushando wehushumiri uri kuvabatsira sei kuswedera pedyo naJesu Kristu. Vabvunzewo izvo zvavakaita (kana zvavanoshuvira kuti dai vakaita) pakugadzirira kuva vashumiri.

  • Kana wakashandira muhushumiri, taura pachena uye kazhinji pamusoro pezviitiko zvako. Kana kuti koka shamwari kana nhengo dzemhuri dzakashandira muhushumiri kuti vataure pamusoro pezviitiko zvavo. Unokwanisawo kutaura pamusoro penzira dzawakagoverana nadzo vhangeri navamwe nemuupenyu hwako hwose. Batsira mwana wako kufunga nezvenzira dzaanokwanisa kugovera nadzo vhangeri.

  • Ipa mwana wako mikana yokudzidzisa mhuri yako misimboti yevhangeri. Mwana wako anokwanisawo kudzidzira kugoverana zvitendero zvake navamwe. Semuenzaniso, unokwanisa kukurukura mibvunzo yakaita sekuti “Tinozosuma Bhuku raMormoni sei kune mumwe munhu asati ambonzwa nezvaro?” kana kuti “Tinozotsanangura sei kudikanwa kweMuponesi kune mumwe munhu asiri Mukristu?”

  • Batsira mwana wako kuva akasununguka kutaura navanhu. Ndedzipi dzimwe nzira dzakanaka dzokutanga nadzo hurukuro? Kurudzira mwana wako kudzidza mateerero okuita zvinotaurwa navamwe, kunzwisisa zviri mumwoyo yavo, uye kugovera zvokwadi zvevhangeri zvinokwanisa kuropafadza upenyu hwavo.

  • Tsvaka mikana yokuti mwana wako adzidze pamusoro pedzimwe tsika nezvimwe zvitendero. Mubatsire kuziva nokuremekedza misimboti yakanaka uye yechokwadi muzvitendero zvavamwe.

Kuenda kuTemberi—Kusunganidzwa

Mutemberi, murume nemukadzi vanokwanisa kuchatiswa kwokusingaperi. Izvi zvinoitika muchisungo chinodaidzwa kuti kusunganidzwa. Kunyangwe zvazvo chisungo ichi chingava chiri makore mazhinji ari kure kumwana wako, zvinhu zvidiki, zvakareruka, uye zvenguva dzose zvamunoita pamwechete munguva yamakore iwawo zvinokwanisa kumubatsira kugadzirira ropafadzo iri.

  • Verengai pamwechete “Mhuri: Chiziviso kuNyika” muRaibhurari yeVhangeri. Chiziviso ichi chinodzidzisa chii pamusoro perufaro muupenyu hwemhuri uye pamusoro pemichato inobudirira? Nemwana wako, sarudzai mumwe wemisimboti yakadorongodzwa muchiziviso ichi wekunzvera. Munokwanisa kutsvaka zvinyorwa zvitsvene zvinoenderana nemusimboti iwoyo muNhungamiro kuMagwaro Matsvene. Munokwanisa kumisa zvinangwa zvokushandisa musimboti iwoyo zvakanyanya kuzara mumhuri yenyu. Apo pamunoshanda pazvinangwa zvenyu, kurukurai pamwechete shanduro inoitwa nekurarama musimboti iwoyo paupenyu hwemhuri.

  • ­ ­ ­ ­ ­

  • Kana wakachata, iva wakasununguka kutaurira mwana wako pamusoro pezvinhu zvaunonzwa kuti muri kuita zvakanaka semurume nemukadzi, zvinhu zvamuri kudzidza, uye nzira dzamuri kuedza nadzo kuzvinatsurudza. Kana iwe nemurume kana nemukadzi wako makasunganidzwa mutemberi, ratidza mwana wako kuburikidza nemuenzaniso maedzero amuri kuita kuchengeta zvibvumirano zvenyu pakati penyu uye naIshe. Taurira mwana wako maedzero amuri kuita kuti Baba Vokudenga neMuponesi vave nangiso yeukama hwenyu uye mabatsiriro aVanokuitai.

  • Apo sarudzo dzemhuri padzinoda kuitwa, itai matare nehurukuro dzemhuri. Itai chokwadi chekuti pfungwa dzenhengo dzose dzemhuri dzinonzwikwa uye dzinokosheswa. Shandisai hurukuro idzi semukana wokuvaka nhaurirano yakanaka uye tsitsi muukama hwemhuri, kunyangwe panguva apo munhu wose paanenge asingaone zvinhu nenzira imwecheteyo.

  • Apo papanenge paine kusabvumirana kana rupesano mumhuri, ratidzai mwoyo murefu uye mutsa. Batsira mwana wako kuona kuti kugadzirisa rupesano nemunzira dzakafanana nedzaKristu kunokwanisa kumubatsira sei kugadzirira muchato unemufaro. Verengai pamwechete Dzidziso neZvibvumirano 121:41–42, uye motaura pamusoro pekuti misimboti iri mundima idzi inokwanisa kushandiswa sei mumuchato.