Ponogirafi
Ndinotaura sei kumwana wangu pamusoro pekuzvibata kwakanaka kwezvepabonde?


“Ndinotaura sei kumwana wangu pamusoro pekuzvibata kwakanaka kwezvepabonde” Rubatsiro rweVabereki (2021)

“Ndinotaura sei kumwana wangu pamusoro pekuzvibata kwakanaka kwezvepabonde” Help for Parents (Rubatsiro rweVabereki)

Mufananidzo
mhuri ichifamba panze

Ndinotaura sei kumwana wangu pamusoro pekuzvibata kwakanaka kwezvepabonde?

Vabereki vazhinji vanonzwa kuzeza kana kunyara kutaura kuvana vavo pamusoro pezvepabonde, kana kuti vanotya kuti kutaura nevana vavo pamusoro pezvepabonde kunomutsa hunhu hwavo hwezvepabonde. Chokwadi ndechekuti, kana ukasataura nevana vako pamusoro pezvepabonde, ivo vanozodzidza pamusoro pazvo kubva kune imwe nzvimbo. Kugara uchikurukura nevana vako pamusoro pemisoro yenyaya yakakosha yakaita sekuzvibata kwakanaka kwezvepabonde, unovabatsira kunzwisisa kuti uri mumwe munhu ari nyore kuuya kwaari .

Vana vazhinji pamusikirwo vanongoda kuziva zvinhu, uye vanoda kunzwisisa manzwiro emuzvarirwo, akapihwa naMwari avanova nawo. Unokwanisa kuzvigadzirira kutaura nevana vako pamusoro pezvepabonde kuburikidza nekurangarira izvo zvawaiva wakaita pazera ravo. Ndeapi mamwe manzwiro awakava nawo? Ndedzipi pfungwa, mibvunzo, kana kunetseka kwawakava nako? Wakatsvaga kupi ruzivo? Chii chaunoshuvira kuti dai wakanga wanzwa kana kudzidziswa?

Hazvina kuipa kana uchinzwa usina chokwadi pamusoro pemabatiro akanaka aungaita nhaurirano idzi. Unokwanisa kushandisa utera kwako kuvaka hukama hwako nevana vako. Vana vanokwanisa kunzwa rudo rwako apo paunova wakavimbika uye uchiva pachokwadi mukutaurirana navo, zvisinei nekusagadzikana kwaungangova uchinzwa.

Kuti ukurudzire kutaurirana kuri pachena, unokwanisa:

  • Kutanga apo vana vako pavanenge vachiri vadiki nekudaidza nhengo dzemuviri nemazita adzo chaiwo. Izvi zvinodzidzisa vana pamusoro pemiviri yavo uye zvinovapa mashoko avanoda kuti vave neutano uye neruzivo.

  • Ita kuti vana vako vazive kuti vanokwanisa kukubvunza mibvunzo ipi zvayo, uyezve edza kusatsamwa kana kuisa nyadzo pamibvunzo yavo kana zvireururo zvavo. Ratidza kufara kuti vari kutaura newe, varatidze rudo nerutsigiro, uye ita zvose zvaunogona kuti murambe muchitaurirana.

  • Rega kushandisa madimikira panyaya dzezvepabonde. Vana vanoda ruzivo rwunosumwa nenzira yakajeka uye yakatendeseka. Semuenzaniso, vamwe vechidiki vanotaura nezvezvidzidzo izvo zvinoti kutyora mutemo wekuzvibata kunofananidzwa nechingamu kana chekudya chakatsengwa chinotambidzanwa kubva kumunhu kuenda kune mumwe chichitenderedza vanhu vese varimumupanda uye naizvozvo hachidiwe. Kunyangwe zviine vavariro yakanaka, mhando dzemadimikira idzi kazhinji dzinokonzera kutya zvepabonde kana kuva nemanzwiro ekukosha kwako pachako akaderera kana asingagadzirike.

  • Ivai nezvidzidzo zvemanheru pamba pamisoro yenyaya ine chekuita nezvepabonde uye worega vana vako vadzidzise apo pavanonzwa kuva vakagadzirira. Misoro yenyaya ingangosanganisira kuyaruka, chimiro chemuviri, uye zvinhu zvakanaka maererano nezvepabonde.

  • Kurukurai kuti sei kuva nemanzwiro ezvepabonde mumuviri wako chiri chinhu chinoitika. Vana havafanire kuita chimwe chinhu pamanzwiro iwayo asi vanokwanisa kuzvichenjerera. Izvi zvinoreva kucherechedza manzwiro ezvepabonde asi kwete kuafunga nenzira isina kunaka. Tsvagurudzo yakaratidza kuti kushandisa chenjerero kunokwanisa kubatsira vana kuita sarudzo dziri nani dzinoenderana nehunhu uye nezvinangwa zvavo.

  • Edza kusaratidza kusemeswa kana kutsamwa apo vana pavanoita zvekuzvibatabata kana vechidiki vakabvuma kuti vanoita bonyora. Madaviriro evabereki kuhunhu uhwu anoshandura manzwiro anoita vana nevechidiki pamusoro pavo ivo uye nehunhu hwavo hwezvepabonde.

  • Dzidzisa vana vako zvikonzero zviripo pamwero wehunhu hunoenderana nehukama uye zvepabonde. Apopaunodzidzisa mwero wehunhu uhu uye zvikonzero zvekuti sei hwakakosha, yeuka kuti zvakakosha kuzviita usingakonzere manyadzo kana kutya.1

Noti

  1. Pfungwa dzakatapwa uye dzakashandurwa kubva kuna Laura M. Padilla-Walker and Meg O. Jankovich, “How, When, and Why: Talking to Your Children about Sexuality,” Liahona, Nyamavhuvhu 2020.