Chita cheRubatsiro neChikwata cheMagosa
Kudzidzisa, Kudzidza, uye Kushandisa maMashoko anobva kuMusangano Mukuru


Huyai, Munditevere

Kudzidzisa, Kudzidza, uye Kushandisa maMashoko anobva kuMusangano Mukuru

Zvikwata zveMagosa uye Zvita zveRubatsiro zvine chinhanho chakosha mubasa reruponeso nekusimudzirwa kumusoro-soro. Munguva yemisangano yavo yeSvondo, vanokurukura mashandisiro okuita dzidziso dziri mumashoko emusangano mukuru uchangopfuura mukuedza kwavo mubasa iri. Vatungamiri veChikwata cheMagosa neveChita cheRubatsiro vanosarudza shoko remusangano rekudzidza kubva mariri panguva yemusangano weSvondo woga woga, maererano nezvidikanwi zvenhengo uye nenhungamiro kubva kuMweya. Pane dzimwe nguva, bhishopi kana mutungamiri wehoko anogonawo kupa pfungwa yeshoko ringashandiswa. Kazhinji, vatungamiri vanofanira kusarudza mashoko kubva kunhengo dzeHutungamiri Hwekutanga uye neChikwata cheVaapositora vane Gumi neVaviri. Zvisinei, shoko ripi zvaro kubva mumusangano mukuru uchangopfuura ringangokurukurwa.

Vadzidzisi vanonangisa pfungwa pamabatsiriro okuita nhengo kushandisa dzidziso dziri mumashoko emusangano mukuru muupenyu hwadzo. Vatungamiri navadzidzisi vanowana nzira dzekukurudzira nhengo kuti dzinzvere mashoko akasarudzwa misangano isati yaitwa.

Kuti uwane rumwe ruzivo pamusoro pemisangano yechikwata chemagosa uye yeChita cheRubatsiro, ona General Handbook: Serving in The Church of Jesus Christ of Latter-day Saints, 8.2.1.2, 9.2.1.2, ChurchofJesusChrist.org.

Kugadzirira Kudzidzisa

Mibvunzo inotevera inokwanisa kubatsira vadzidzisi apo pavanoronga kushandisa shoko remusangano mukuru kudzidzisa. Apo pazvinodikanwa, vadzidzisi vanorairana nevatungamiri vechikwata chemagosa kana veChita cheRubatsiro apo pavanofungisisa pamusoro pemibvunzo iyi.

  • Sei vatungamiri vechikwata chemagosa kana veChita cheRubatsiro vakasarudza shoko iri kuti rikurukurwe? Chii chavanotarisira kuti nhengo dzinozoziva uye nekuita mushure mekukurukura shoko iri?

  • Chii chinodiwa nemutauri kuti nhengo dzinzwisise? Ndeipi misimboti yevhangeri yaari kudzidzisa? Misimboti iyi inoshanda sei kuchikwata chemagosa kana kuChita cheRubatsiro changu?

  • Ndezvipi zvinyorwa zvitsvene zvakashandiswa nemutauri kutsigira shoko rake? Pane zvimwe zvinyorwa zvitsvene here izvo nhengo zvadzinokwanisa kuverenga zvinozodzamisa nzwisiso dzavo? (Ungangowana zvimwe zvinyorwa zvitsvene mumanotsi ekupedzisira eshoko racho kana muNhungamiro kuMagwaro Matsvene [scriptures.ChurchofJesusChrist.org].)

  • Mibvunzo ipi yandinokwanisa kubvunza ingabatsira nhengo kufungisisa uye nokushandisa dzidziso dziri mushoko racho? Mibvunzo ipi inozovabatsira kuona kukodzera kwedzidziso idzi muupenyu hwavo, mumhuri dzavo, uye nemubasa raIshe?

  • Chii chandingaita kuti ndikoke Mweya mumusangano wedu? Chii chandinokwanisa kushandisa kuwedzera kuhurukuro, kusanganisira nyaya, fananidzo, mumhanzi, kana mifananidzo? Chii chakaitwa nemutauri kubatsira nhengo kunzwisisa shoko rake?

  • Mutauri akapa here kukoka kupi zvako? Ndingabatsira sei nhengo kunzwa chido chekuita chimwe chinhu pakukoka ikoko?

Mazano eZviitwa

Kune nzira zhinji idzo vadzidzisi dzavanokwanisa kubatsira nadzo nhengo kudzidza uye kushandisa mashoko emusangano mukuru. Heino mienzaniso mishoma; vadzidzisi vangangova nemamwe mazano anozoshanda zvirinani muchikwata chemagosa kana cheChita cheRubatsiro chavo.

  • Shandisai zvokwadi kuupenyu hwedu. Koka nhengo kuti dziongorore shoko remusangano dzichitsvaga zvokwadi zvinokwanisa kuvabatsira kuzadzikisa basa ravakapuwa naMwari sevanhu pachavo kana sechikwata chemagosa kana cheChita cheRubatsiro. Somuenzaniso, chii chatinodzidza chinokwanisa kutibatsira sevatariri? sevabereki? senhengo dzinoshumira? Shoko iri rinoshandura sei pfungwa dzedu, manzwiro edu, uye zviito zvedu?

  • Kurukurai mumapoka. Kamura nhengo kuita mapoka madiki, uye wopa boka rega rega chikamu chakasiyana cheshoko remusangano racho chekuverenga nekukurukura. Zvino wokumbira boka rega rega kuti rigovere chokwadi charawana uye kuti chinoshanda sei kwavari. Kana kuti unokwanisa kuronga mapoka ane nhengo dzakanzvera zvikamu zvakasiyana zveshoko racho uye woita kuti vagoverane zvavakawana.

  • Tsvaka mhinduro kumibvunzo. Koka nhengo kuti dzipindure mibvunzo yakaita seinotevera pamusoro peshoko remusangano racho: Izvokwadi zvevhangeri zvipi zvatinowana mushoko rino? Tingakwanisa sei kushandisa zvokwadi izvi? Ndekupi kukoka uye ndeapi maropafadzo akavimbiswa zvakapiwa? Shoko iri rinotidzidzisa chii pamusoro pebasa iro Mwari ravanoda kuti tiite? Kana kuti gadzira mibvunzo mishoma yako pachako inokurudzira nhengo kufunga zvakadzama pamusoro peshoko racho kana kushandisa zvokwadi zvarinodzidzisa. Bvumira nhengo kusarudza mumwe wemibvunzo iyi uye kuwana mhinduro mushoko racho.

  • Govera zvirevo kubva mushoko racho. Koka nhengo kuti dzigoverane zvirevo kubva mushoko remusangano racho zvinovakurudzira kuzadzikisa mabasa avo mubasa reruponeso nekusimudzirwa kumusoro-soro. Vakurudzire kuti vafunge pamusoro pekuti vanokwanisa kugovera sei zvirevo izvi kuropafadza mumwe munhu, kusanganisira vadikanwi nevanhu vavanoshumira kwavari.

  • Govera chidzidzo chinoshandisa zvinhu zvinokwanisa kubatwa. Pachine nguva chidzidzo chisati chaitwa, koka nhengo shoma kuti dziuye nezvinhu kubva kumba izvo zvadzinokwanisa kushandisa kudzidzisa pamusoro peshoko remusangano racho. Panguva yemusangano, kumbira nhengo kuti dzitsanangure kuti zvinhu izvozvo zvinoenderana sei neshoko racho uye kuti shoko racho rinoshanda sei muupenyu hwavo.

  • Gadzirira chidzidzo chekudzidzisa kumba. Kumbira nhengo kushanda vari vaviri vaviri kuronga chidzidzo chepamba manheru chiri maererano neshoko remusangano racho. Vanokwanisa kupindura mibvunzo yakaita seiyi: Tinokwanisa sei kuti shoko rive rinokosha kumhuri dzedu? Tinokwanisa sei kugoverana shoko iri nevanhu vatinoshumira?

  • Goveranai zviitiko. Verengai pamwechete zvirevo zvakati wandei kubva mushoko remusangano. Kumbira nhengo kuti vagovere mienzaniso kubva mumagwaro matsvene uye kubva muupenyu hwavo inoratidza kana kusimbisa dzidziso inodzidziswa muzvirevo izvi.

  • Wana ndevo. Koka nhengo kuti vatsvagurudze mushoko remusangano racho vachitsvaga ndevo dzakakosha kwavari. Vakumbire kuti vagovere ndevo dzacho uye izvo zvavanodzidza kubva madziri. Vakumbire kuti vagovere kuti dzidziso idzi dzinovabatsira sei kuzadzikisa basa raIshe.

Kuti uwane mamwe mazano pamusoro pemanzverero nemadzidzisiro okuita kubva kumashoko emusangano mukuru, ona “Mazano eKudzidza uye Kudzidzisa kubva kuMusangano Mukuru.” (Dzvanya pachirevo chinoti“Mazano eKunzvera” chiri pazasi pechinoti “Musangano Mukuru” muRaibhurari yeVhangeri.)