Magwaro Matsvene
1 Nifai 1


Bhuku roKutanga raNifai

Kutonga neHushumiri Hwake

Nyaya yaRihai nemudzimai wake Saria, navanakomana vake vana, vachidaidzwa, kunzi (tichitangisa nomukuru) Ramani, Remueri, Semu, naNifai. Ishe anoyambira Rihai kuti abve munyika yeJerusarema, nokuti anoporofita kuvanhu ava pamusana pokuipa kwavo saka vave kutsvaga kuparadza upenyu hwake. Anotora rwendo rwemazuva matatu kupinda murenje nemhuri yake. Nifai anotora vakoma vake vodzokera kunyika yeJerusarema kunotora zvinyorwa zvinotaura nezvamaJuda. Zvinyorwa zvokutambudzika kwavo. Vanowana vanasikana vaIshmaeri. Vanotora mhuri dzavo voenda murenje. Kutambudzika nokurwadziwa kwavo vari murenje. Nzira yavakateedza. Vanosvika pamvura zhinji. Vakoma vaNifai vanomupandukira. Anovanyadzisa, uye anovaka ngarava. Vanodaidza nzvimbo iyi kuti Nyika yeMaguta. Vanoyambuka mvura zhinji vosvika munyika yechipikirwa, nezvimwewo. Izvi zviri maererano nokunyorwa kwazvakaitwa naNifai; kana kuti nemamwe mazwi, ini, Nifai ndini ndakanyora zvinyorwa izvi.

Chitsauko 1

Nifai anotangisa nyaya yevanhu vake—Rihai anoona muchiratidzo mutswi wemoto uye anoverenga kubva mubhuku rehuporofita—Anorumbidza Mwari, anofanotaura pamusoro pokuuya kwaMesia, uye anoporofita pamusana pokuparadzwa kweJerusarema—Anoshungurudzwa nemaJuda. Zvingangove makore 600 Kristu asati azvarwa.

1 Ini Nifai, somunhu akazvarwa navabereki vakanaka, naizvozvo ndakafundiswa izvo zvose zvaizivikanwa nababa vangu; uye nekunge ndaona matambudziko akawanda mukufamba kwamazuva angu, asi zvisinei, sezvo ndakanga ndakaropafadzwa naIshe mumazuva ose angu; hongu, nokuva noruzivo rwukuru rwokunaka nezvakavanzika zvaMwari, nokudaro ndinonyora nyaya yezvaiitika mumazuva angu.

2 Hongu, ndinonyora nyaya iyi mururimi rwababa vangu, rwakavakwa kubva mudzidzo yamaJuda nomutauro wamaEgipita.

3 Uye ndinoziva kuti nyaya yandinonyora ndeyechokwadi; uye ndinoinyora neruoko rwangu; uye ndinoinyora maererano noruzivo rwangu.

4 Nekuti zvakaitika kuti mukutanga kwegore rokutanga rekutonga kwaZedekia, mambo wamaJuda, (baba vangu Rihai, semunhu akagara muJerusarema mazuva ake ose); uye mugore rimwechetero kwakauya maporofita vazhinji, vakaporofita kuvanhu vachiti makafanira kutendeuka, kana kuti guta guru reJerusarema rakafanirwa kuparadzwa.

5 Naizvozvo zvakaitika kuti baba vangu, Rihai, mukufamba kwavo vakanamata kuna Ishe, hongu, kana nemwoyo wavo wose, vachinamatira vanhu vavo.

6 Uye zvakaitika kuti vachinamata kudaro kuna Ishe, kwakauya mutswi womoto ukagara pamusoro pedombo rakanga riri mberi kwavo; vakanzwa vakaona zvakawanda; nokuda kwezvinhu zvavakaona nokunzwa vakabvunda uye vakadedera zvikuru.

7 Uye zvakaitika kuti vakadzokera kumba kwavo kuJerusarema; vakazvikanda pauriri hwavo, nokuda kwokukurirwa noMweya nezvinhu zvavakanga vaona.

8 Uye vakabatwa kudaro noMweya, vakatakurwa vari muchiratidzo, naizvozvo vakaona matenga achizarurwa, vakayeuka kuti vakanga vaona Mwari vakagara pachigaro chavo chokutonga, vakakomberedzwa navanhu vasingaverengeke vari vatumwa vaiimba nokurumbidza Mwari vavo.

9 Uye zvakaitika kuti vakaona Mumwe achidzika kubva mukati medenga, vakaona kuti kupenya kwake kwakanga kwakadarika kupenya kwezuva ramasikati.

10 Uye vakaona vamwezve gumi navaviri vachimutevera, kupenya kwavo kwakanga kwakadarika kupenya kwenyenyedzi dzedenga.

11 Uye vakadzika pasi vakafamba pamusoro penyika; uye vokutanga vakauya vakamira pamberi pababa vangu, vakavapa bhuku, vakavakumbira kuti vanofanira kuriverenga.

12 Uye zvakaitika kuti panguva yavaiverenga, vakazadzwa noMweya waIshe.

13 Uye vakaverenga, vachiti: Nhamo, nhamo, kuJerusarema, nokuti ndaona kuita kwenyu kwakaipisisa! Hongu, uye zvakawanda zvinhu zvakaverengwa nababa vangu pamusana peJerusarema—kuti rinofanirwa kuzoparadzwa, pamwe navanhu vacho; vazhinji vachafa nomunondo, uye vazhinji vachatakurwa senhapwa vachiendeswa kuBabironi.

14 Uye zvakaitika kuti apo baba vangu vakanga vaverenga nokuona zvinhu zvikuru zvakawanda zvinoshamisa, vakashamiswa vakadaidzira zvinhu zvakawanda kuna Ishe; zvakadai sokuti: Makuru uye anoshamisa mabasa enyu, Ishe Mwari Vamasimba Ose! Chigaro chenyu chiri kumusoro kumatenga, uye simba, nokunaka, netsitsi dzenyu dziri kuvanhu vose vari panyika; saka, nenzira yokuti mune tsitsi, hamuzobvumira kuti avo vanouya kwamuri vaparare!

15 Uye uyu ndiwo waive mutauriro wababa vangu mukurumbidza Mwari wavo; nokuti mweya wavo wakafara, uye mwoyo wavo wakazadzwa, nokuda kwezvinhu zvavakanga vaona, hongu, izvo vakanga varatidzwa naIshe.

16 Uye zvino ini Nifai, handisi kunyora zvose zvakanyorwa nababa vangu, nokuti vakanyora zvinhu zvizhinji zvavairatidzwa nezvavairotswa; uye vakanyorawo zvizhinji zvavakaporofita vakataura kuvana vavo, izvo zvandisinganyore zvose pano.

17 Asi ndichanyora zvandaiita mumazuva angu. Tarisai, ini ndinopfupikisa zvinyorwa zvababa vangu, pamahwendefa andakaita namaoko angu; nokudaro, shure kwokunge ndapfupikisa zvinyorwa zvababa vangu ndichazogadzira zvinyorwa zvoupenyu hwangu.

18 Naizvozvo, ini ndinoda kuti muzive, kuti shure kwokunge Ishe varatidza baba vangu Rihai zvinhu zvakawanda zvinoshamisa, hongu, pamusana pokuparadzwa kweJerusarema, tarisai vakaenda kuvanhu, vakatangisa kuporofita nokupupura kwavari pamusana pezvinhu zvavakanga vaona nezvavakanzwa.

19 Uye zvakaitika kuti maJuda vakamunyomba nokuda kwezvinhu zvavakanga vapupura pamusoro pavo; nokuti zvechokwadi vakapupura pamusana pokuipa kwavo nezviito zvavo zvinonyadzisa; uyezve vakapupura kuti zvinhu zvavakanga vaona nokunzwa, uye nezvinhu zvavakanga vaverenga mubhuku, zvakaburitsa pachena kuuya kwaMesia, norununurowo rwepasi.

20 Uye maJuda zvaakanzwa izvi vakamushatirirwa; uye kana maporofita vekare, vavaitandanisa, nokutaka namabwe, nokuuraya; saka vakatsvagawo, kuti vamuuraye. Asi tarisai, ini Nifai, ndinokuratidzai kuti tsitsi dzaIshe dziri kuna vose avo vavakasarudza, nokuda kwokutenda kwavo, kuti vavape masimba anovasvitsa mukupona.