Magwaro Matsvene
1 Nifai 2


Chitsauko 2

Rihai anoenda nemhuri yake murenje riri pedyo neGungwa Dzvuku—Vanosiya pfuma yavo—Rihai anopira kuna Ishe nokudzidzisa vanakomana vake kuti vachengetedze mirairo—Ramani naRemueri vanotsutsumwa pamusana pababa vavo—Nifai anoteerera nokunamata nokutenda; Ishe vanotaura kwaari, uye anosarudzwa kuti atonge vakoma vake. Zvingangove makore 600 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino tarisai, zvakaitika kuti Ishe vakataura kuna baba vangu, hongu, kana muhope, vakati kwavari: Wakakomborerwa iwe Rihai, nokuda kwezvinhu zvawakaita; uye nokuti wakava wakatendeseka nokutaurira vanhu zvinhu izvo ndakakuraira iwe, tarisai, vanotsvaka kuti vaparadze upenyu hwako.

2 Uye zvakaitika kuti Ishe vakaraira baba vangu, muhope, kuti anofanirwa kutora mhuri yake aende murenje.

3 Uye zvakaitika kuti vakateerera mazwi aIshe, naizvozvo vakaita sokurairwa kwavakange vaitwa naIshe.

4 Uye zvakaitika kuti vakasimuka vakaenda murenje. Uye vakasiya imba yavo, nenyika yamadzitateguru avo, negoridhe yavo nesirivha yavo, nezvinhu zvavo zvinokosha, vakaenda vasina chinhu, kunze kwemhuri yavo, nezvekudya, namatende, vakaenda murenje.

5 Uye vakasvika munyasi meGungwa Dzvuku; vakafamba murenje pedyo nenzvimbo dziri munyasi meGungwa Dzvuku; vakafamba murenje nemhuri yavo, iyo yaiti amai vangu, Saria, navakoma vangu, vaiva Ramani, Remueri naSemu.

6 Uye zvakaitika kuti vafamba mazuva matatu murenje, vakamisa tende yavo munhika yakange iri pedyo norwizi rwemvura.

7 Uye zvakaitika kuti vakavaka arita yamatombo, vakapira kuna Ishe, vakatenda Ishe Mwari vedu.

8 Uye zvakaitika kuti vakadaidza rwizi urwu kuti, Ramani, uye rwairasira muGungwa Dzvuku; uye nhika iyi yaive pedyo nepaidira rwizi urwu mugungwa.

9 Uye apo baba vangu vakaona kuti rwizi urwu rwairasira muchidziva cheGungwa Dzvuku, vakataura kuna Ramani, vachiti: Dai ukaita serwizi urwu, uchimhanya nguva dzose kupinda mumavambo outsvene!

10 Uye vakataurawo kuna Remueri: Dai ukaita senhika iyi, wakatakamara, wakasimba, uye usingazungunuke pakuchengetedza mirairo yaIshe!

11 Zvino vakataura izvi nokuda kweukukutu hwemwoyo waRamani naRemueri; nokuti tarisai vakatsutsumwa muzvinhu zvakawanda pamusana pokuita kwababa vavo, nokuti vakanga vari munhu anorotswa, uye vakanga vavatungamirira kubva munyika yeJerusarema, kusiya nyika yavo yenhaka, negoridhe yavo, nesirivha yavo, nezvimwe zvinhu zvinokosha kwavari, kuti vafire murenje. Vakati vakaita izvi pamusana pemwoyo wavo unofunga zvinhu zvisina maturo.

12 Saka uku ndiko kutaura nekutsutsumwa kwaRamani naRemueri, sevana vakuru vababa wavo. Vaitsutsumwa nokuti vakanga vasingazive kuita kwaMwari avo vakavasika.

13 Havaitendazve kuti Jerusarema, guta riye guru, raizoparadzwa maererano namazwi avaporofita. Zve vakanga vave samaJuda vakanga vari muJerusarema, avo vakatsvaga kuparadza upenyu hwababa vangu.

14 Uye zvakaitika kuti baba vangu vakataura kwavari munhika raRemueri, nesimba, vakazadzwa noMweya, kusvikira miviri yavo yadedera pamberi pavo. Vakavakanganisa, zvokuti havana kukwanisa kutaura chimwe chinhu pamusoro pavo; saka naizvozvo, vakaita sezvavakavaudza.

15 Baba vangu vaigara mutende.

16 Uye zvakaitika kuti ini Nifai, sezvo ndakanga ndiri muduku chaizvo, asi ndakanga ndakakura pamumhu, uye zvakare ndakanga ndine chido chokuziva zvakavanzika zvaMwari, naizvozvo, ndakachema kuna Ishe; naizvozvo vakandishanyira, vakava vanonyevenutsa mwoyo wangu nokudaro ndikatenda mazwi ose akataurwa nababa vangu; saka, handina kuvapandukira sezvakaita vakoma vangu.

17 Uye ndakataura kuna Semu, ndichimuzivisa zvinhu izvo Ishe vakange vandiratidza noMweya Mutsvene wavo. Uye zvakaitika kuti akatenda mazwi angu.

18 Asi, tarisai, Ramani naRemueri havana kuteerera mazwi angu; uye nokusuwiswa nokuda kwokuoma kwomwoyo yavo ndakavachemera kuna Ishe.

19 Uye zvakaitika kuti Ishe vakataura kwandiri, vachiti: Wakakomborerwa iwe, Nifai, nokuda kwokutenda kwako, nokuti wakanditsvaga nechido nesimba, nokuzvirereka kwomwoyo.

20 Uye mukuteerera nokuchengeta mirairo yangu, uchabudirira, uye uchatungamirwa kunyika yechipikirwa; hongu, kunyange nyika iyo yandakakugadzirira iwe; hongu, nyika yakanaka kupinda dzimwe dzose.

21 Uye vakoma vako vose vakakupandukira, vachabviswa pamberi paIshe.

22 Uye mukuchengeta mirairo yangu, uchazoitwa mutongi nomudzidzisi pamusoro pavakoma vako.

23 Zvino tarisai, nezuva iro ravachandipandukira, ndichavatuka nekutuka kunorwadza, zve havachazove nesimba pamusoro pembeu yako nokuti vakadaro vanenge vatopandukira iniwo.

24 Uye kana kuri kudaro kuti vapandukira ini, vachazove tyava kumbeu yako, zvinozoita kuti varangarire.