Magwaro Matsvene
1 Nifai 21


Chitsauko 21

Mesia achave mwenje kuvaJentairi uye achasunungura vasungwa—Israeri ichaunganidzwa nesimba mumazuva ekupedzisira—Madzimambo ndivo vachave madzibaba ekuvarera—Enzanisai naIsaya 49. Zvingangove makore 588 kusvika ku570 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakare: Inzwai imi vemba yaIsraeri, mose imi makabva mukatandirwa kunze nenzira yekuipa kwevafudzi vevanhu vangu; hongu, mose imi makabva, makapararira muri vanhu vekwangu, imba yaIsraeri. Teererai imi zvitsuwa kwandiri, uye inzwai imi vanhu vanobva kure; Ishe vakandidaidza ndiri munhumbu; ndiri muura hwamai vangu vakataura zita rangu.

2 Uye vakaita muromo wangu kuti uve wakapinza semunondo; vakandiviga mumumvuri weruoko rwavo, uye vakandiita museve wakakwenenzverwa, vakandiviga munhava yavo.

3 Uye vakati kwandiri: Iwe uri muranda wangu, Israeri, mandichakudzwa zvikuru.

4 Zvino ndakati, ndakashandira pasina, ndakaparadza simba rangu zvisina maturo uye pasina; chokwadi kutongwa kwangu kuna Ishe, uye basa rangu rina Mwari wangu.

5 Uye zvino, Ishe vanodaro—avo vakandiumba kubva munhumbu kuti ndive muranda wavo, kuti ndiunze Jakobo zvakare kwavari—kana dai Israeri isina kuungana, kana dai zvakadaro ndichakudzwa mumaziso maIshe, uye Mwari vangu vachave simba rangu.

6 Uye vakati: Chinhu chiri nyore kwazvo kuti uve muranda wangu kuti umutse marudzi aJakobo, nokudzorera pakare avo vakachengetedzwa vaIsraeri. Ndichakupawo semwenje kumaJentairi, kuti uve ruponeso rwangu kusvika kwakaperera pasi.

7 Ndizvo zvinotaurwa naIshe, Mununuri waIsraeri, Mutsvene, kuna ivo vanoshorwa nevanhu, kuna ivo vasingadiwe nemarudzi, kune muranda vevatongi: Madzimambo achaona agosimuka, machinda naivowo vachanamata, nenzira yaIshe vane rutendo.

8 Ndizvo zvinotaurwa naIshe: Munguva yakafanira ndakakunzwai, zvitsuwa zvegungwa, uye muzuva reruponeso ndakakuyamurai; uye ndichakuchengetedzai, uye ndigokupai muranda wangu sechibvumirano chevanhu, kusimbisa pasi, kuita kuti nenhaka dzange dzisina kugarwa dzigarwe;

9 Kuti mungazoti kuvasungwa: Endai; kune avo vagere murima: Zviratidzei. Vachadya mudzinzira, uye mafuro avo achave munzvimbo dzose dzakatunhumara.

10 Havachazonzwa nzara kana nyota, kana kupisa kana zuva hazvingavanetse, nokuti ane tsitsi navo achavatungamirira, nekuzvisipiti zvemvura achavaratidza.

11 Uye ndichaita makomo angu ose ave nzira, uye migwagwa yangu ichasimudzirwa.

12 Uye zvino imba yaIsraeri, tarisai, ava vachabva kure; uye ona, ava vachabva kuchamhembe nekumadokero; ava vachabva munyika yaSinimi.

13 Imbai Matenga; uye muve nemufaro, iwe nyika; nokuti tsoka dzeavo vari kumabvazuva dzichamiswa; uye mugotanga kuimba, imi makomo; nokuti haachazorohwa; nokuti Ishe vanyaradza vanhu vavo, uye anozove netsitsi kune avo vanotambudzika.

14 Asi tarisai, Zioni yakati: Ishe vandirasa, uye Ishe vangu vandikanganwa—asi vacharatidza kuti havana.

15 Ko mudzimai angakanganwe here mwana wake ari kuyamwa, kuti atadze kunzwira nyasha mwanakomana weura hwake? Hongu, vangakanganwe, asi ini handizokukanganwa, imba yaIsraeri.

16 Tarisai, ndakakunyora pazvanza zvemaoko angu; tsvingo dzako dziri mberi kwangu nguva dzose.

17 Vana vako vachakurumidza kurwisa mharadzi dzako; neavo vakakuparadza vachabva kwauri.

18 Simudza meso ako utarise-tarise uye uone; vose ava vanoungana pamwechete, uye vachauya kwauri. Uye sezvo ndichirarama, vanodaro Ishe, uchazvifukidza chokwadi navo vose, sechishongo, uye wovasungirira pauri semwenga.

19 Nokuti nzvimbo dzako dzakaipa nedzakanga dzisina aigara, nenyika yawakaparadza, iye zvino dzichave dzakamanika nenzira yevageremo; nevakakumedza vanenge vave kure.

20 Vana vaunenge waita, mushure mekunge warasikirwa nevekutanga, vachati zvakare munzeve dzako: Nzvimbo ino yakamanikana kwandiri; ndipei nzvimbo ini yekuti ndigare.

21 Zvino iwe uchati nemumwoyo mako: Ndiani akandiberekera izvi, munoona kuti ndakarasikirwa nevana vangu, uye handina chandiinacho, ndiri nhapwa, uye ndinongoti ndaenda ndadzoka? Uye ndiani akaunza izvi? Tarisai, ndakasiiwa ndega, ava, vanga varipi?

22 Ndizvo zvinotaurwa naIshe: Tarisai, ndichasimudzira ruoko rwangu kumaJentairi, uye ndigomisa rupawo rwangu kuvanhu; uye vachauya nevanakomana vako mumaoko avo, uye vanasikana vako vachatakurwa pamapfudzi avo.

23 Uye madzimambo achave madzibaba ekukurerai, uye madzimambokadzi avo ndivo madzimai ekukurerai; vachakotama kwamuri nezviso zvavo zvakatarisa pasi, uye vagonanzva guruva retsoka dzenyu; uye iwe uchaziva kuti ndini Ishe; nokuti havazonyara avo vanondimirira.

24 Nokuti zvapambwa zvingabvutirwe vanotyisa here, kana kuti nhapwa dzepamurau dzingasunungurwa here?

25 Asi ndizvo zvinotaura Ishe, kana nhapwa dzevanotyisa dzichatorwa, uye nyama yevakaipa ichasunungurwa; nokuti ndicharwisana naye anorwisana newe, uye ndichaponesa vana vako.

26 Uye avo vanokudzvinyirira ndichavadyisa nyama yavo; vachararadza neropa ravo sekunge vanwa waini; uye yose nyama ichaziva kuti ini Ishe, ndini Muponesi wako neMununuri wako, Anotyisa waJakobo.