Magwaro Matsvene
2 Nifai 15


Chitsauko 15

Munda wemizambiringa waIshe (Israeri) uchave gwenga, uye vanhu vake vachapararira kwose-kwose—Matambudziko achauya pavari mukurasika nekupararira kwavo—Ishe vachasimudza mureza uye vounganidza Israeri—Enzanisai naIsaya 5. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino ndichaimbira mudiwa wangu rwumbo rwemudiwa wangu, rwezvemunda wake wemizambiringa. Mudiwa wangu ane munda wemizambiringa muchikomo chine kudya kwakawanda.

2 Uye akarikomberedza, akaunganidza matombo aivemo, akasima mizambiringa inonakisisa, uye ndokuvaka shongwe pakati paro, uye ndokuitawo pokusvinira waini makaremo, uye akatarisira kuwana mazambiringa, uye ikabereka mizambiringa emusango.

3 Uye zvino, imi vagari veJerusarema, nemi varume veJuda, sarudzai, ndinokukumbirai, pakati pangu nemunda wangu wemizambiringa.

4 Chii chingadai chakaitwa kumunda wangu wemizambiringa chandisina kuita mauri? Nokudaro, pandakautarisira kuita mazambiringa wakabereka mazambiringa yemusango.

5 Uye zvino endai; ndichakuudzai zvandichaita nebindu rangu remizambiringa—ndichabvisa ruzhowa, uye robva radyiwa; uye ndichapaza tsvingo, uye robva ratsikwa-tsikwa;

6 Uye ndichariita kuti rirarire; miti yaro haichekererwe kana kusakurirwa; asi muchamera rukato neminzwa; ndichaudzawo makore kuti asanaise mvura pariri.

7 Nokuti munda wemizambiringa waIshe weHondo imba yaIsraeri, uye varume vaJuda ndivo zvidyarwa zvake zvinofadza; uye akatsvaga kutongwa, uye tarisai, kudzvinyirirwa; kururama, asi tarisai, kuchema.

8 Nhamo kune avo vanorumanidza dzimba kune dzimwe dzimba, kudakara pasisina mukana, wekuti dzimiswe padzo dzega pakati penyika!

9 Munzeve dzangu, Ishe weHondo vakati, zvechokwadi dzimba zhinji dzichave matongo, uye maguta makuru anoyevedza achasara asina vanhu.

10 Hongu, gumi remaeka emunda wemizambiringa uchaburitsa bati rimwe chete, uye homeri imwechete (kana kuti masaga matatu) embeu achaburitsa efa imwechete.

11 Nhamo kune avo vanomuka rungwanani, kuti vatevedze doro, vagorinwa kudakara usiku, uye vagodhakwa naro!

12 Uye rudimbwa, nezvipendani, nezvikwepa, uye waini ndizvo zviri mumabiko avo; asi havana hany’a nebasa raIshe, kana kufunga nezvakaitwa nemaoko avo.

13 Naizvozvo, vanhu vekwangu vakaenda muutapwa, nokuti havana ruzivo; uye varume vavo vanokudzwa vanoziya, uye vazhinji vavo vaoma huro nenyota.

14 Naizvozvo, gehena razvikudzisa, uye rikazarura musiwo waro kuti haradada; uye mbiri yavo, nekuwanda kwavo, nekushamisira kwavo, neuyo anofara, vachadzika mariri.

15 Uye asina maturo achadzikisirwa, uye gamba richaturunurwa, uye ane maziso ari padenga achaturunurwa.

16 Asi Ishe veHondo vachakudzwa pakutonga, uye Mwari avo vatsvene vachaitwa kuti vave vatsvene mukururama.

17 Zvino hwayana dzichafura setsika yadzo, uye matongo evakakora achafurwa nevatorwa.

18 Nhamo kune vanokakata kuipa netambo dzekuzvida, uye vagoita zvitema sekunge vakabata tambo yengoro.

19 Vanoti: Muregei akurumidze, basa rake richimbidzike, kuti tirione; uye regai kuraira kwoMutsvene waIsraeri kusebere pedyo uye kuuye, kuti tigozviziva.

20 Nhamo kune avo vanoti zvakaipa zvakanaka, uye vachitiwo zvakanaka zvakaipa, asi vachiisa rima muchiedza, uye vachiisa chiedza murima, vanoisa kuvava panotapira, nokuisa kutapira panovava!

21 Nhamo kune avo vanozviona sevakachenjera neavo vanozviona sevakangwara mumaziso avo!

22 Nhamo kumagamba ekunwa doro, nevarume vane simba mukusanganisa doro rinodhaka;

23 Vanoreverera wakaipa nemubairo, uye vachitorera wakarurama kururama kwake!

24 Naizvozvo, sekupiswa kunoitwa mashanga nemoto, uye rimi rinopisa marara, midzi yavo ichave yakaora, neruva ravo richapupurutswa seguruva; nokuti vakarasa murau waIshe veHondo, uye vakashora shoko reMutsvene waIsraeri.

25 Naizvozvo, hasha dzaIshe dzabatira kuvanhu vavo, uye vatambanudza ruoko rwavo kwavari, uye vakavarova; uye makomo akandengendeka, uye zvitunha zvavo zvaiputikira pakati pemigwagwa. Kana dai zvakadaro kushatirwa kwavo hakuna kubviswa, asi ruoko rwavo rwuchiri rwakatambanudzwa.

26 Uye vachisimudzira mureza kumarudzi anobva kure, uye vacharidzira vari kumagumo kwenyika; uye tarisai, vachauya nokukurumidza vachimhanya; hapana achaneta kana anopunzika pakati pavo.

27 Hapana achabatwa nehope kana anokotsira; kana mabhanhire emuchiuno haasunungurwe, kana tambo dzeshangu dzavo hadzidamburwe;

28 Vane miseve inopinza, uye hwose uta hwavo hwakakombama, uye matsimba emabhiza avo achaonekwa segwenya, uye mavhiri avo achaita sechinyamupupuri, uye kutinhira kwavo kuchaita sekweshumba.

29 Vachadzvova seshumba dzichiri diki; hongu, vachadzvova, uye vagobata nyama yavo, uye vagoitakura vachienda nayo zvitsvene, uye hapana anoinunura.

30 Uye muzuva iroro vachavadzvovera sekutinhira kwegungwa; uye kana vakatarisa munyika, tarisai, rima nekusuwa, uye chiedza chichadzimwa kumatenga.