Magwaro Matsvene
2 Nifai 18


Chitsauko 18

Kristu achava sedombo rinogumbura uye sebwe rekutsamwisa—Tsvagai Ishe, kwete kuve varoyi vanoita zvekudongorera—Dzokerai kumurau nekuuchapupu kuti mutungamirwe—Enzanisai naIsaya 8. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Zvakare, izwi raIshe rakati kwandiri: Mugotora hwati huru, uye mugonyora mairi nechinyoreso chemunhu, pamusoro paMaheri-sharari-hashi-bhazi.

2 Uye ndakatora vapupuri vakatendeka kuti vanyore, Uria mufundisi, naZekaria mwanakomana waJeberekia.

3 Uye ndakaenda kumuporofitakadzi; uye akabata pamuviri akabereka mwana mukomana. Zvino Ishe vakati kwandiri: Mudaidzei zita rake kuti Maheri-sharari-hashi-bhazi.

4 Nokuti tarisai, mwana uyu haasvike pakuziva kuchema achiti, Baba vangu, kana amai vangu, upfumi hweDamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvisati zvatorwa zvichiiswa pamberi pamambo weAsiria.

5 Ishe vakataurazve kwandiri zvakare achiti:

6 Sezvo vanhu ava vachiramba mvura yemuna Shiroa inoerera zvakapfava, uye vachifarira Rezini nemwanakomana waRemaria;

7 Zvino naizvozvo tarisai, Ishe vanounza mvura yerwizi pamusoro pavo, yakasimba uye yakawanda, kana mambo weAsiria nokubwinya kwake; uye rwuchazadza netwukova twarwo twose, uye rwugofashukira nekunze.

8 Uye rwuchapfuura nemunyika yaJuda; rwugozara uye rwuchifashukira, mvura ichazara kusvika muhuro; uye kutambanuka kwemapapiro arwo kuchazadza upamhi hwenyika yako, iwe Imanueri.

9 Wadzanai pachenyu imi vanhu, uye muchadimurwa-muzvidimu; uye teererai imi venyika dziri kure; zvisungei zviuno, uye muchadimurwa-muzvidimu; zvisungei zviuno, uye muchadimurwa-muzvidimu.

10 Ranganai pamwechete, uye hapana chinobuda; taurai shoko, uye harizomira; nokuti Mwari vanesu.

11 Nokuti Ishe vakataura neni zvine simba, vakandidzidzisa kuti ndisafambe munzira dzevanhu ava, vachiti:

12 Imi musati, chirangano, kune avo vose vachanzi nevanhu ava, chirangano; kana kutya imi kutya kwavo, musatye.

13 Itai kuti Ishe veHondo vave vatsvene pachavo, uye ngavave ivo vamunotya, uye vave ivo vamunozeza.

14 Uye vagove nzvimbo yenyu tsvene; asi vagove ibwe rinogumbura, uye vagove dombo rekutsamwisa dzose imba mbiri dzaIsraeri, vachave riva nemusungo kuvagari veJerusarema.

15 Uye vazhinji mukati mavo vachapiringishwa uye vachipunzika, uye vachityoka, uye vachiteyewa, uye vachibatwa.

16 Sungai uchapupu, momisa mutemo pakati pevadzidzi vangu.

17 Uye ndichamirira Ishe, avo vari kuvanza chiso chavo kune vemba yaJakobo, uye ndichavatsvaka.

18 Tarisai, ini nevana vandakapiwa naIshe tiri vezviratidzo neminana muIsraeri zvinobva kuna Ishe veHondo, avo vagere muGomo reZioni.

19 Uye kana voti kwamuri: Tsvagai kune vanosvikirwa, nekuvauki vanodongorera nokugunun’una—vanhu havafanire kubvunza kuna Mwari vavo here kuti vapenyu vanzwe kubva kuvakafa?

20 Kumutemo neuchapupu; uye kana ivo vakasataura maererano neshoko iri, imhaka yekuti hamuna chiedza mavari.

21 Uye vachafamba nenyika vakasuwa vane nzara, zvichaitika kuti kana vava nenzara vachaita hasha, uye vachatuka mambo vavo naMwari vavo, uye vakatarisa kudenga.

22 Uye vachatarisa panyika uye vagoona dambudziko, nerima, kudzimaidzwa nekurwadziwa kukuru, uye vachasaidzirwa kurima.