Magwaro Matsvene
2 Nifai 21


Chitsauko 21

Bazi raJesi (Kristu) richatonga mukururama—Ruzivo rwaMwari rwuchafukidza pasi pose munguva inonzi Mereniamu—Ishe vachasimudza mureza vounganidza Israeri—Enzanisa naIsaya 11. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye kuchaita nhungirwa kubva pabazi raJesi, uye kuchakura bazi kubva mumidzi yaro.

2 Uye Mweya waIshe uchave paari, mweya weungwaru nekunzwisisa, mweya wekuraira nesimba, mweya weruzivo newekutya Ishe;

3 Uye achamuita anokurumidza kunzwisisa mukutya Ishe; uye haatonge zvaonekwa nemaziso ake chete, kana kutonga nezvasvika munzeve dzake.

4 Asi nokururama achatonga varombo, uye agotsiura zvakaenzana vanhu vakapfava venyika; uye acharova nyika neshamhu yemuromo wake, nemweya unobva pamiromo yake achauraya vakaipa.

5 Uye bhandi rechiuno chake richave kururama, uye kuvimbika kuchave matomhu ake.

6 Chikara chichagara nehwayana, uye mbada icharara nembudzana, uye mhuru nemwana weshumba nemhuru yekukodza zvichave pamwechete; uye kamwana kadiki kagozvitungamira.

7 Uye mhou nechikara zvichafura pamwechete; vana vazvo vagorara pamwechete; uye shumba ichadya uswa semombe.

8 Uye mwana ari pazamu achatamba ari pamwena wenyoka, uye mwana akarumurwa achaisa ruoko rwake muguru renyoka.

9 Hazvizokuvadza kana kuparadza mugomo rangu rose dzvene, nokuti pasi rinenge razara neruzivo rwaIshe, sekuzadzwa kwakaitwa gungwa nemvura.

10 Uye muzuva iroro kuchave nemudzi waJesi, uchamira semureza wevanhu; kwauri maJentairi vachatsvaka kuuya; uye kuzorora kwake kuchaita mukurumbira.

11 Uye zvichaitika kuti muzuva iroro Ishe vachatambanudza ruoko rwavo kechipiri kuti vadzikinure vakasara vevanhu vavo vachasiiwa, muAsiria, nemuEgipita, nemuPatrosi, nemuKushi, nemuErami, nemuShinari, nemuHamati, nemuzvitsuwa zvegungwa.

12 Uye vachamisira mureza marudzi, uye vagounganidza vakaraswa veIsraeri, uye vagounganidza pamwechete vakaparadzwa vaJuda kubva kumativi mana enyika.

13 Shanje yaEfraimi ichaperawo, uye vavengi vaJuda vachaparadzwa; Efraimi haazoitira shanje Juda, uye Juda haazonetsa Efraimi.

14 Asi vachabhururuka vagotasva pamapfudzi amaFirisitia kumadokero; vachapamba zvevekumabvazuva vari pamwechete; vachaisa maoko avo pana Edomi naMoabi; uye vanhu vemuAmoni vachavateerera.

15 Uye Ishe vachaparadza chose chisipiti chegungwa reEgipita; nemhepo yavo huru vachavhuvhuta nepamusoro perwizi, vagoomesa twukova twunodira marwuri twunomwe, vagoita kuti vanhu vayambuke maoma.

16 Uye kuchave nemugwagwa mukuru uchasiirwa vakasara vevanhu vake vachasara, unobva Asiria, senzira yakaitika mugungwa, pazuva rakabuda Israeri kubva munyika yeEgipita.