Magwaro Matsvene
2 Nifai 22


Chitsauko 22

Munguva yeMireniamu vose vanhu vacharumbidza Ishe—Vachange achigara pakati pavo—Enzanisa naIsaya 12. Zvingangove makore 559 kusvika ku545 Kristu asati azvarwa.

1 Uye muzuva iroro muchati: Imi Ishe ndichakurumbidzai; kana dai manga makandishatirirwa kushatirwa kwenyu kwafuratidzwa, uye mave kundinyaradza.

2 Tarisai, Mwari ndivo ruponeso rwangu; avandichavimba navo, uye ndigosatya; nokuti Ishe bJehova ndivo musimboti wangu nerwiyo rwangu; uye vavewo ruponeso rwangu.

3 Naizvozvo, norufaro muchachera amvura inobva mumatsime oruponeso.

4 Uye muzuva iroro muchati: aRumbidzai Ishe, daidzai zita ravo, taurai kuita kwavo kuvanhu, muudze vanhu kuti zita ravo rinokudzwa.

5 aImbirai Ishe; nokuti vakaita zvinhu zvakanaka zvikuru; izvi zvinozivikanwa pasi pose.

6 aChemai mudaidzire, imi vagari veZioni; nokuti mukuru Mutsvene waIsraeri ari pakati penyu.