Magwaro Matsvene
3 Nifai 24


Chitsauko 24

Mutumwa waIshe achagadzirira nzira yoKuuya Kwechipiri—Kristu achagara pakutonga—Israeri inorairwa kubvisa chegumi nemupiro—Bhuku rokurangarira rinochengetwa—Enzanisa naMaraki 3. Zvingangove makore 34 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti akavaraira kuti vanyore mazwi ayo Baba vakanga vapa kuna Maraki, ayo aaizotaura kwavari. Uye zvakaitika kuti shure kwokunge anyorwa pasi akaatsanangura. Zve aya ndiwo mazwi aakataura kwavari, achiti: Ndizvo zvinotaura Baba kuna Maraki—Tarisai, ndichatuma nhumwa yangu, iye achagadzira nzira pamberi pangu; uye Ishe vamunotsvaka vachaerekana asvika patemberi yake, kana mutumwa wechibvumirano, wamunoda; tarisai, achauya, vanodaro Ishe veHondo.

2 Asi ndiani angamirire pazuva rokuuya kwake, uye ndiani angamira kana aonekwa? Nokuti wakafanana nomoto wemunatsi, nesipo yemusuki.

3 Uye achagara somusuki nomuchenesi wesirivha; uchachenesa vanakomana vaRevi, nokuvachenesa sesirivha negoridhe; kuti vagopira kuna Ishe nokururama.

4 Zvino mupiro waJuda neJerusarema uchafadza Ishe, somumazuva akare, somumakore okutanga-tanga.

5 Uye ndichaswedera kwamuri kuti nditonge; ndichava mupupuri anokurumidza pamusoro n’anga, napamusoro pemhombwe, napamusoro pavanopika nhema, napamusoro pavanodzvinyirira mushandi pamubairo wake, chirikadzi nevasina baba, navanodzinga vatorwa, vasingandityi, vanodaro Ishe veHondo.

6 Nokuti ndini Ishe, zve handishanduki; naizvozvo imi vanakomana vaJakobo hamuna kuparadzwa.

7 Kana kubva pamazuva emadzibaba enyu makatsauka pazvisungo, uye hamuna kuzvichengeta. Dzokerai kwandiri neni ndichadzokera kwamuri, vanodaro Ishe veHondo. Asi munoti: Tichadzokera kupi?

8 Ko munhu angapambe Mwari here? Asi imi makandipamba. Asi munoti: Takakupambai pazvinhu zvipi? Pane chegumi nemipiro.

9 Makatukwa nokutuka, nokuti munondipamba, rudzi rwenyu rwose.

10 Uyai nechegumi chose kudura, kuti mumba mangu muve nezvekudya, mundiedze naizvozvo, ndizvo zvinotaura Ishe weHondo, muone kana ndisingakuzarurirei mafafitera okudenga, ndikudururirei makomborero amuchashaya pokuaisa.

11 Uye ndichatukawo mudyi nokuda kwenyu, arege kuparadza michero yeminda yenyu; nemidzamviringa yenyu haingazozunzi zvibereko zvayo muminda nguva isati yasvika, vanodaro Ishe veHondo.

12 Uye marudzi ose achati muri vanhu vakaropafadzwa, nokuti muchava nyika inofadza, vanodaro Ishe veHondo.

13 Mashoko enyu anga ari makobvu kwandiri, vanodaro Ishe. Asi munoti: Takataura zvipi kwamuri?

14 Imi makati: Hazvina maturo kushandira Mwari, takawaneiko zvatakachengeta mirairo yake nezvatakafamba tichichema pamberi paIshe veHondo?

15 Uye zvino tinoti anozvikudza ndivo vakafara, hongu, avo vanoita zvakaipa ndivo vagere; hongu, avo vanoedza Mwari ndivo vanosunungurwa.

16 Zvino avo vaitya Ishe vaitaurirana nguva zhinji, uye Ishe vakateerera, vakanzwa; bhuku rokurangarira rikanyorwa pamberi pake, richinyorerwa vanotya Ishe, nevanofunga zita ravo.

17 Uye vachava vangu, vanodaro Ishe veHondo, muzuvairo randichaunganidza zvishongo zvinokosha zvangu; ndichavanzwira tsitsi, somunhu anonzwira tsitsi mwanakomana wake anomubatsira.

18 Zvino ndipo pamuchadzokera nokunozivisa pakati kwowakarurama nowakaipa, kwounoshumira Mwari nousingamushumiri.