Magwaro Matsvene
3 Nifai 25


Chitsauko 25

PaKuuya Kwechipiri, vanozvikudza nevakaipa vachapiswa samashanga—Erija achadzoka zuva guru iri rinotyisa risati rasvika—Enzanisa naMaraki 4.

1 Nokuti tarisai, zuva rinouya richapisa semuchoto; uye vose vanozvikudza, hongu, navose vanoita zvakaipa, vachava samashanga; zve zuva rinouya richavapisa kupera, ndizvo zvinotaura Ishe weHondo, harizovasiira mudzi kana bazi.

2 Asi kunemi munotya zita rangu, Mwanakomana Wokururama achamuka aine simba rokurapa mumapapiro ake; zve muchaenda mugokura semhuru dziri mudanga.

3 Uye muchatsikirira vakaipa pasi; nokuti vachava madota pasi petsoka dzenyu muzuva randichaita izvi, vanodaro Ishe veHondo.

4 Rangarirai mutemo waMosesi, muranda wangu, wandakamuraira paHorebi kuvaIsraeri vose, nemirau yekutonga.

5 Tarisai, ndichakutumirai muporofita Erija zuva guru rinotyisa raIshe risati rasvika;

6 Uye iye uchadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yevana kumadzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndichirova nyika nomurango wakaipa.