Magwaro Matsvene
Aruma 24


Chitsauko 24

MaRamani anorwisa vanhu vaMwari—MaAndi-Nifai-Rihai vanofara muna Kristu uye vanoshanyirwa nengirozi—Vanosarudza kufa pane kuti vazvirwire—Mamwezve maRamani vanotendeutswa. Zvingangove makore 90 kusvika ku77 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvakaitika kuti maAmarekai nemaAmuroni nemaRamani vakanga vari munyika yaAmuroni, nemunyikawo yaHerami, nevaive munyika ayeJerusarema, nemuchidimbu, munyika yose yakakomberedza, vasina kunge vatendeutswa nevasina kunge vatora zita rekunzi bmaAndi-Nifai-Rihai, vakafurirwa nemaAmarekai nemaAmuroni kuti vashatirirwe hama dzavo.

2 Uye ruvengo rwavo rwukakura zvikuru, zvekuti vakatanga kupandukira mambo wavo, zvekuti vakanga vasisade kuti ave mambo wavo; naizvozvo, vakatora zvombo zvavo kurwisa maAndi-Nifai-Rihai.

3 Zvino mambo vakagadza mwanakomana wavo umambo, vakamudaidza zita rake kuti Andi-Nifai-Rihai.

4 Uye mambo vakafa mugore rimwechetero rakanga maRamani vachigadzirira kuita hondo nevanhu vaMwari.

5 Zvino Amoni nehama dzake pavakaona kugadzirira kwaiitwa kwose uku nemaRamani kuti vaparadze hama dzavo, vakauya munyika yeMidhiani, uye ikoko Amoni akasangana nehama dzake dzose; uye vabva ikoko vakauya munyika yaIshmaeri kuti vaite adare naRamonai nehama yakewo Andi-Nifai-Rihai, kuti vaone kuti vangaite sei kuti vazvidzivirire kubva kumaRamani.

6 Zvino hakuna munhu kana mumwechete zvake mukati mevanhu vose vakanga vatendeukira kuna Ishe vaikwanisa kutora zvombo kurwisa hama dzavo; kwete, kana kugadzirira hondo havaigadzirira; hongu, uye kana mambo wavo akavarambidza kugadzirira.

7 Zvino aya ndiwo mazwi aakataura kuvanhu maererano nenyaya iyi: Ndinotenda Mwari vangu, vanhu vangu vanodikanwa, kuti Mwari vedu mukunaka kwavo vakatumira idzi hama dzedu, maNifai, kwatiri kuzotiparidzira, uye kuitira kutipwisa anezvetsika dzamadzibaba edu dzakaipa.

8 Uye tarisai, ndinotenda Mwari vangu mukuru kuti vakatipa kadimbu keMweya wavo kupfavisa mwoyo yedu, kuti tiite chibvumirano nehama idzi, maNifai.

9 Uye tarisai, ndinotendawo Mwari vangu, nokuti mukuzarura hurukuro iyi tave tinopwiswa pamusoro apezvitadzo zvedu, nezvekuponda kuzhinji kwatakaita.

10 Uye ndinotendawo Mwari vangu, hongu, Mwari vangu mukuru, kuti vakatibvumira kuti titendeuke kubva muzvinhu izvi, nokutiwo avakatiregerera zvitema zvedu zvakawanda neumhondi hwedu hwatakaita, uye vakabvisa mumwoyo yedu pfungwa yekunzwa tiine bmhosva, kuburikidza nekururama kweMwanakomana wavo.

11 Uye zvino tarisai, hama dzangu, sezvo zviri izvo zvose zvataikwanisa kuita (sezvo takanga tiri vakanga vakanyanya kurasika kurudzi rwevanhu) kutendeuka muzvitema zvedu zvose nekuponda kwose kwatakaita, nokuita kuti Mwari avazvibvise mumwoyo yedu, nokuti ndizvo zvose zvataikwanisa kuita kuti titendeuke zvakakwana pamberi paMwari kuti vabvise vara retsvina yedu—

12 Zvino hama dzangu dzakanaka dzinodiwa, sezvo Mwari vabvisa kuremerwa kwedu, uye minondo yedu yave kupenya, ngatichiregai kusvibisa minondo yedu zvakare neropa rehama dzedu.

13 Tarisai, ndinoti kwamuri Kwete, ngatichengetei minondo yedu kuti isasvibiswe neropa rehama dzedu; nokuti zvimwe, kana tikasvibisa minondo yedu zvakare haizogona akugezwa ichipenya neropa reMwanakomana waMwari vedu mukuru, richadeurwa kuti ridzikinure zvitema zvedu.

14 Uye ivo Mwari mukuru vatinzwira tsitsi, vakaita kuti zvinhu izvi zvizivikanwe nesu kuti tisafe; hongu, uye vakaita kuti zvinhu izvi tifanozviziva, nokuti vanoda amweya yedu sekuda kwavanoita vana vedu; naizvozvo, netsitsi dzavo vanotishanyira nengirozi dzavo, kuti burongwa hweruponeso huitwe kuti tihuzive nekuzvizvarwa zvedu zvamangwana.

15 Imi, tsitsi dzina Mwari vedu! Uye zvino tarisai, sezvo zviri izvo zvataikwanisa kuita kuti kusviba kwedu kubviswe kwatiri, uye minondo yedu yichipenyeswa, ngatiyivigei kuti yirambe yichipenya, seuchapupu kuna Mwari vedu muzuva rekupedzisira, kana kuti musi watichaunzwa kuti timire pamberi pavo kuti titongwe, kuti hatina kusvibisa minondo yedu neropa rehama dzedu kubvira musi wavatipa shoko ravo uye vakabva vatichenesa pakare.

16 Uye zvino, hama dzangu, kana hama dzedu dzichitsvaka kutiparadza, tarisai, tichaviga minondo yedu, hongu, kana kuicherera pasi muvhu, kuti irambe ichipenya, seuchapupu hwekuti hatina kumboishandisa, muzuva rekupedzisira; uye kana hama dzedu dzikatiparadza, tarisai, atichaenda kuna Mwari vedu uye kwatinoponeswa.

17 Uye zvino zvakaitika kuti mambo paakapedza kutaura uku, uye vanhu vose vaunganidzwa pamwechete, vakatora minondo yavo, nezvose zvombo zvaishandiswa mukuparadza ropa remunhu, uye avakazviviga pasi-pasi muvhu.

18 Uye vakaita izvi, kwavari huri uchapupu kuna Mwari, nekuvanhuwo, kuti ahavachazofa vakashandisa zvombo zvakare kuparadza ropa remunhu; uye vakazviita izvi, vachipupura bnekubvumirana naMwari, kuti vanosarudza ckurasikirwa neupenyu hwavo pane kuti vaparadze ropa rehama dzavo; uye pane kuti vatorere hama yavo vangatomupa zvavo; uye pane kuti vaparadze mazuva avo vasina chavari kuita vanozoshanda zvikuru nemaoko avo.

19 Naizvozvo ndiko kuona kwatinoita, kuti maRamani ava pavakaitwa kuti vatende nekuziva chokwadi, avakasimba, vakabvuma kana kufa pane kuti vaite chitema; uye ndizvo zvatinoona kuti vakaviga zvombo zvavo zverunyararo, kana kuti vakaviga zvombo zvehondo, kuti vawane runyararo.

20 Uye zvakaitika kuti hama dzavo, maRamani, vakagadzirira hondo, uye vakaenda kunyika yaNifai vakanangana nekunoparadza mambo, uye nokugadza mumwe munzvimbo yake, nokuparadza vanhu maAndi-Nifai-Rihai kuabvisa munyika.

21 Zvino vanhu zvavakaona kuti vari kuvingwa vakabuda vakanovachingura, uye avakazvambarara pasi pamberi pavo, uye vakatanga kudaidza zita raIshe; uye ndizvo zvavakanga vakaita maRamani zvaakavamba kuvawira, uye vachitanga kuvauraya neminondo.

22 Uye vasina kurwiswa, vakauraya chiuru chimwechete chine vanhu vashanu; uye tinoziva kuti vakaropafadzwa, nokuti vakaenda kunogara naMwari wavo.

23 Zvino maRamani pavakaona kuti hama dzavo hadzisi kutiza kubaiwa, kana kupindukira kurudyi kana kuruboshwe, asi kuti vairara pasi uye avachiparara, uye vachikudza Mwari ivo vari mukuparara pasi peminondo kudaro—

24 Zvino maRamani pavakaona izvi, vakabva avarega kuvabaya; uye kwaive nevazhinji vakanga vanzwa bkurwadza kwemwoyo yavo pamusana pehama dzavo dzakanga dzafa nekubaiwa, nokuti vakatendeuka kubva muzvinhu zvavakanga vaita.

25 Uye zvakaitika kuti vakakanda pasi zvombo zvavo zvehondo, uye vakasazozvitora zvakare, nokuti vakange vabatwa nokutya kuponda kwose kwavakanga vaita; uye vakaenda sehama dzavo, vachivimba netsitsi dzeavo vakanga vasimudza maoko avo kuti vavabaye.

26 Uye zvakaitika kuti vanhu vaMwari vakabatanidzwa musi iwoyo nevanhu vakawanda kupfuura vakanga vauraiwa; uye avo vakanga vauraiwa vaive vanhu vakarurama, naizvozvo hatina chikonzero chekukahadzika asi kuti avakaponeswa.

27 Uye hakuna kana mumwechete akauraiwa akanga ari pakati pavo akanga aine huipi; asi pakange paine vaipfuura chiuru vakaunzwa muruzivo rwechokwadi; saka tinoona kuti Ishe vanoshanda anenzira dzakawanda muruponeso rwevanhu vavo.

28 Zvino, vazhinji vemaRamani vakauraya hama dzavo zhinji kudaro vaive maAmarekai nemaAmuroni, uye vazhinji vavo vaiveve ahurongwa bhwemaNeho.

29 Zvino, pane vakasangana nevanhu vaIshe, ahamuna kunge muine maAmarekai, kana maAmuroni, kana vakanga vari vaNeho, asi vakanga vari zvizvarwa zvaRamani naRemueri.

30 Uye tinoona zviri pachena, kuti kana vanhu vakadzimara avajekeserwa neMweya waMwari, uye vawana bruzivo rukuru rwezvinhu zviri maererano nekururama, uye cvagowira muchitema nekutadza, vanobva vaoma, saka zvinhu zvavo zvinobva dzvanyanya kuipa kuita sevasina kumboziva zvinhu izvi.