Magwaro Matsvene
Aruma 37


Chitsauko 37

Mahwendefa endarira nemamwe magwaro matsvene anochengetedzwa kuti aunze mweya kuruponeso—MaJaredhi akaparadzwa pamusoro pekuipa kwavo—Mhiko dzavo dzakavandika nezvibvumirano hazvifanire kuzivikanwa nevanhu—Ranganai naIshe mukuita kwenyu kwose—Sekutungamirwa kwakaitwa maNifai neRiahona, saka neshoko raKristu rinotungamira vanhu kuupenyu hwokusingaperi. Zvingangove makore 74 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino mwanakomana wangu Hiramani, ndinokuti utore zvinyorwa zvandakapiwa kuti ndichengete;

2 Uye ndinokutiwo uchengete zvinyorwa zvevanhu ava, sekuita kwandakaita ini, pamahwendefa aNifai, uye wochengetedza zvose zvinhu izvi wakazvieresa zvandakachengeta, kana sekuchengeta kwandakazviita; nokuti pane chikonzero chakanaka chekuti zvichengetedzwe.

3 Uye aya mahwendefa endarira, ane zvinyorwa izvi, ane zvinyorwa zvemagwaro matsvene paari, ane nhoroondo yekuberekwa kwemadzibaba edu, kana kubvira pakutanga—

4 Tarisai, zvakaporofitwa namadzibaba edu, kuti zvichengetwe uye zvikotswe zvichipiwa kuchizvarwa nechizvarwa, uye zvigochengetedzwa nokukotswa neruoko rwaIshe kusvika panguva yazvichaenda kumarudzi ose, hama, ndimi, nevanhu, kuti vagoziva zvakavanzika zvirimo.

5 Uye zvino tarisai, kana zvikachengetedzwa zvakafanira kuramba zviine kupenya kwazvo; hongu, uye zvicharamba zviine kupenya kwazvo; hongu, uye kana ose mahwendefa ane zvinyorwa zvitsvene.

6 Zvino ungafunge kuti kushaya maturo kwangu; asi tarisai ndinoti kwauri, muzvinhu zvidiki nezvakareruka ndimo munobva zvinhu zvikuru; uye zvinhu zvidiki kazhinji ndizvo zvinovhiringidza zvikuru zvakachenjera.

7 Uye Ishe Mwari vanoshandisa zvinhu kuti vaite mabasa avo makuru okusingaperi; uye nezvinhu zvidiki Ishe vanonyadzisa vachenjeri uye vachiunza mweya mizhinji muruponeso.

8 Uye zvino, kubvira riini kwange kuri kungwara kwaMwari kuti zvinhu izvi zvichengetedzwe; nokuti tarisai, zvakudza ndangariro dzevanhu, hongu, vakapwisa vazhinji pamusoro pekukanganisika kwenzira dzavo, uye vakaunzwa mukuziva Mwari vavo nokuponeswa kwemweya yavo.

9 Hongu, ndinoti kwamuri, dai pasina zvinhu izvi zviri muzvinyorwa izvi, zviri pamahwendefa aya, Amoni nehama dzake havangadai vakakwanisa kupwisa zviuru zvakawanda kudayi zvemaRamani pamusoro pekukanganisa kwetsika dzemadzibaba avo; hongu, zvinyorwa izvi nemazwi azvo zvakavaita kuti vatendeuke, zvinoreva kuti, zvakavaita kuti vave neruzivo rwaIshe Mwari vavo, uye nokuti vafare munaJesu Kristu Mununuri wavo.

10 Ko ndiani angazvizive zvimwe zvingangoita kuti zviuru zvakawanda zvavo zviuye, hongu, uye nezviuru zvakawanda zvehama dzedu dzakaoma mitsipa, maNifai, avo vari kuomesa mwoyo yavo muzvitema uye nemuzvitadzo, kuti vasvike mukuziva Mununuri wavo?

11 Zvino zvakavandika izvi hazvisati zvaziviswa kwandiri zvakakwana; nokudaro ndombomira ndakadaro.

12 Uye zvingakwane kana ndikangoti zvakachengeterwa basa rakanaka, basa iri richizivikanwa kuna Mwari; nokuti vanoraira neungwaru mumabasa avo ose, uye nzira dzavo dzakatwasanuka, uye nzira yavo yokusingaperi inogara yakadaro.

13 Rangarira, rangarira, mwanakomana wangu Hiramani, kuti mirairo yaMwari yakaoma zvakaita sei. Uye vakati: Kana mukachengeta mirairo yangu muchabudirira munyika—asi kana musingachengete mirau yake muchabviswa pamberi pake.

14 Uye zvino rangarira, mwanakomana wangu, kuti Mwari vavimba newe muzvinhu izvi, zviri zvinhu zvinoera, zvavakachengetedza zvichiera, uyewo zviri zvavachachengetedza nokuzvikotsa kuitira basa ravo rakachenjera, kuti vagoratidza simba ravo kuzvizvarwa zvamangwana.

15 Uye zvino tarisai, ndinokutaurira nemweya wechiporofita, kuti kana ukatyora mirairo yaMwari, tarisai, zvinhu izvi zvinoera zvichabviswa kwauri nesimba raMwari, uye iwe uchaendeswa kuna Satani, kuti agokuurutsa sekunge ari kuurutsa makoto nemhepo.

16 Asi ukachengetedza mirairo yaMwari, ukaita nezvinhu zvinoera izvi maererano nezvataurwa naIshe kuti uite, (nokuti wakafanira kukumbira kuna Ishe pane zvose zvaunoda kuita nazvo) tarisai, hakuna simba renyika kana regehena ringazvibvute kwauri, nokuti Mwari vane simba rekuzadzikisa mazwi avo ose.

17 Nokuti vachazadzikisa zvivimbiso zvavo zvose zvavachaita kwauri, nokuti vakazadzikisa zvavakavimbisa madzibaba edu.

18 Nokuti vakavavimbisa kuti vachachengetedza zvinhu izvi nokuti zvine basa kwavari, kuti vagoratidza simba ravo kumarudzi amangwana.

19 Uye zvino tarisai, basa rimwechete varizadzikisa, kana nokudzorera zviuru zvizhinji zvemaRamani mukuziva chokwadi; uye vakaratidza simba ravo mavari, uye vacharatidza zve simba ravo mavari nemuzvizvarwa zvamangwana; naizvozvo vachachengetedzwa.

20 Naizvozvo ndinokuudza, mwanakomana wangu Hiramani, kuti simba mukuzadzikisa mazwi angu ose, uye usimbewo mukuchengeta mirairo yaMwari sekunyorwa kwayakaitwa.

21 Uye zvino, ndichataura newe pamusoro pemahwendefa makumi maviri nemana aya, kuti uachengete, kuti zvakavandika nemabasa erima, nemabasa emuruvande, kana mabasa emuruvande evanhu avo vakaparadzwa, aiswe pachena kuvanhu ava; hongu, kwose kuponda kwavo, nokupamba, nokuparadza kwavo, nokuipa noruvengo rwavo, kuti kuiswe pachena kuvanhu ava; hongu, uye nokuti iwe uchengetedze zvidudziriso izvi.

22 Nokuti tarisai, Ishe vakaona kuti vanhu vavo vave kutanga kushanda murima, hongu, kushanda mukuponda muruvande noruvengo rwakavanzwa; naizvozvo Ishe vakati, kana vasina kutendeuka vachaparadzwa vakabviswa pamusoro penyika.

23 Uye Ishe vakati: Ndichagadzirira muranda wangu Gaziremu, dombo, richapenya murima kunge mwenje, kuti ndiratidze vanhu vangu vanondishandira, kuti ndivaratidze mabasa ehama dzavo, hongu, mabasa avo emuruvande, mabasa avo erima, nokuipa noruvengo rwavo.

24 Uye zvino mwanakomana wangu, zvidudziriso izvi zvakagadzirwa kuti shoko raMwari rizadzikiswe, ravakataura, vachiti:

25 Ndichaburitsa murima ndichiisa muchiedza mabasa avo ose emuruvande noruvengo rwavo; uye kunze kwokunge vatendeuka ndichavaparadza nokuvabvisa pamusoro penyika; uye ndichaisa pachena zvose zvakavandika zvavo noruvengo rwavo, kurudzi rwose rwuchagara munyika ino.

26 Uye zvino, mwanakomana wangu, tinoona kuti havana kutendeuka; naizvozvo vakaparadzwa, uye nokudaro shoko raMwari rakazadzikiswa; hongu, ruvengo rwavo rwakavanda rwakabviswa murima kukaitwa kuti isu tirwuzive.

27 Uye zvino, mwanakomana wangu, ndinokutaurira kuti utore mhiko dzavo dzose, nezvitenderano zvavo, nezvibvumirano zvavo mukuipa kwavo kwakavandika; hongu, nezviratidzo zvavo neminana yavo uchazvivanza kuvanhu ava, kuti vasazvizive, nokuti mumwe musi vangawirewo murima vakaparadzwa.

28 Nokuti tarisai, nyika ino yose yakatukwa, kuti kuparadzwa kuchauya kune avo vose vashandi verima, maererano nesimba raMwari, kana vanyatsoibva; naizvozvo handidi kuti vanhu ava vaparadzwe.

29 Naizvozvo uchachengeta zvirongwa zvemuruvande zvemhiko dzavo nezvibvumirano zvavo usingazvitaurire vanhu ava, uye zveruvengo rwavo nekuponda kwavo nezvekuipa kwavo ndizvo chete zvauchavaita kuti vazive; uye uchavadzidzisa kusema uipi hwakadaro neruvengo rwakadaro nokuponda kwakadaro; uye uchavadzidzisawo kuti vanhu ava vakaparadzwa nepamusana pekuipa noruvengo rwavo nekuponda kwavo.

30 Nokuti tarisai, vakaponda vose vaporofita vaIshe vaiuya mavari kuzovataurira pamusoro pezvitadzo zvavo; uye ropa reavo vavakaponda rakachema kuna Ishe Mwari vavo kuti vadzorere avo vakanga vavauraya; uye saka kutonga kwaMwari kwakauya pamusoro peava vashandi verima nezvikwata zvemuruvande.

31 Hongu, uye yakatukwa iyo nyika nariini nariini ine vashandi verima nezvikwata zvemuruvande, kana kusvika mukuparadzwa, kunze kwekunge vatotendeuka vasati vandingindira.

32 Uye zvino, mwanakomana wangu, rangarira mazwi andataura kwauri; usataurire zviye zvirongwa zvemuruvande kuvanhu ava, asi vadzidzise ruvengo rwusingaperi rwechitema nekutadza.

33 Vaparidzire rutendeuko, nerutendo munaIshe Jesu Kristu; vadzidzise kuzvirereka nekuve vakapfava nokuzvideredza mumwoyo; vadzidzise kukunda chose chiedzo chadhiabhorosi, nerutendo rwavo munaIshe Jesu Kristu.

34 Vadzidzise kuti vasamboneta kuita basa rakanaka, asi kuti vapfave nekuzvideredza mumwoyo; nokuti ivavo vachawana zororo remweya yavo.

35 Rangarira, mwanakomana wangu, uye udzidze ungwaru muujaya hwako; hongu, dzidza muujaya hwako kuchengeta mirairo yaMwari.

36 Hongu, uye chemera kuna Mwari kutsigirwa kwako kwose; hongu, ita kuita kwako kwose kuve muna Ishe, uye kana kwose kwaunoenda ita kuti kuve muna Ishe; hongu, ita kuti pfungwa dzako dzose dziende kuna Ishe; hongu, ita kuti rudo rwemwoyo wako rwuiswe muna Ishe nariini.

37 Rangana naIshe mune zvose zvaunoita, uye anokutungamirira kune zvakanaka; hongu, kana wave kurara mauro rara uri munaIshe, kuti akuchengete mukurara kwako; uye paunomuka mangwanani mwoyo wako ngauve wakazadzwa nekutenda kuna Mwari; uye kana ukaita zvinhu izvi, uchasimudzwa musi wekupedzisira.

38 Uye zvino, mwanakomana wangu, ndine zvimwe zvandinoda kutaura pamusoro pechimwe chinhu chinodaidzwa navanababa vedu kuti bhora, kana kuti munongedzo—kana kuti madzibaba edu aichiti, Riahona, kana zvadudzirwa zvinoreva kuti, chinongedzo; uye Ishe ndivo vakachigadzira.

39 Uye tarisai, hakuna munhu angakwanisa kuita basa rine umhizha hunoshamisa kudaro. Uye tarisa, chakagadzirirwa kuti chigoratidza madzibaba edu gwara rokutevedza mukufamba kwavo murenje.

40 Uye chakavashandira maererano nerutendo rwavo munaMwari; naizvozvo, kana vakanga vaine rutendo rwekudaira kuti Mwari vaikwanisa kuita kuti maoko acho anongedzere nzira yavaifanira kuenda nayo, tarisai, ndizvo zvaiitika; naizvozvo vakanga vaine chishamiso ichi, nezvimwewo zvishamiso zvizhinji zvaiitwa nesimba raMwari, zuva nezuva.

41 Zvisinei, nenzira yekuti zvishamiso izvi zvaiitwa nezvinhu zvidiki zvakavaratidza mabasa anoshamisa. Vakaita nungo, uye vakakanganwa kuita mabasa erutendo nesimba ravo uye saka mabasa anoshamisa aya haana kuzoitika, uye ivo vakatadza kufambira mberi nerwendo rwavo.

42 Naizvozvo, vakagara murenje, kana kuti havana kufamba negwara rakati swatu, uye vakanetswa nenzara nenyota, pamusana pezvitadzo zvavo.

43 Uye zvino, mwanakomana wangu, ndinoda kuti unzwisise kuti zvinhu hazvizi zvinhu zvisina mifananidzo; sezvo madzibaba edu akaita nungo dzekuteerera chinongedzo ichi (zvino zvinhu izvi zvaingove zvechinguvana) havana kukwanisa kubudirira; kana saizvozvo ndizvo zvakaita zvinhu zvemweya.

44 Nokuti tarisai, zviri nyore kuteerera shoko raKristu, iro rinokunongedzera gwara rakatwasanuka rinoenda kurufaro rwokusingaperi, sezvazvakanga zvakaita kumadzibaba edu kuti vateerere chinongedzo ichi, icho chaivanongedzera gwara rakatwasuka rekuenda kunyika yechipikirwa.

45 Uye zvino ndinoti, ko hamuna chiratidzo here muchinhu ichi? Nokuti chokwadi sezvo munongedzo uyu waiunza vababa vedu kunyika yechitsidzo, nekutevedza gwara racho, nemazwi aKristu, kana tikaatevedza negwara rawo, achatitakura kuti tibve muupenyu huno hwekusuwa tichipinda munyika yechipikirwa yakanaka.

46 Iwe mwanakomana wangu, usatirege tichiita nungo pamusoro pekureruka kwenzira yacho; nokuti ndizvo zvazvakange zvakaita nemadzibaba edu; ndiko kusaka chakanga chakagadzirirwa ivo, kuti kana vakachitarisa vanopona; kana zvino ndizvo zvazviri kwatiri. Nzira yakagadzirwa, uye kana tikatarisa tichagara nekusingaperi.

47 Uye zvino, mwanakomana wangu, ona kuti wachengetedza zvinhu zvinoera izvi, hongu, ona kuti unotarisa kuna Mwari kuti upone. Enda kuvanhu ava uye unotaura shoko, uye iva wakatsiga Mwanakomana wangu, chisara.