Magwaro Matsvene
Aruma 50


Chitsauko 50

Moronai anodzivirira minda yemaNifai—Vanovaka maguta mazhinji matsva—MaNifai akawirwa nehondo nekuparadzwa mumazuva ehuipi nekutadza kwavo—Moriandoni nevapanduki vake vanokurirwa naTeangumu—Nifaiha anofa, uye mwanakomana wake Pahorani anotora chigaro chekutonga. Zvingangove makore 72 kusvika ku67 Kristu asati azvarwa.

1 Uye zvino zvakaitika kuti Moronai haana kuregera kugadzirira hondo, kana kudzivirira vanhu vake kumaRamani; nokuti akaita kuti mauto ake atangise mukutanga kwegore rechimakumi maviri rekutonga kwevatongi, kuti vatange kuchera mirwi yevhu vachitenderedza ose maguta, munyika yose yakanga iri yemaNifai.

2 Uye pamusoro pevhu rakaunganidzwa iri akati paiswe mapango, hongu, matanda anorongwa kudakara areba kuenzana nemunhu, akakomberedza maguta.

3 Uye akaita kuti pamusoro pemapango iwayo padzikwe hoko dzakatendererawo; uye dzakanga dzakasimba uye dzakareba.

4 Uye akaita kuti kumiswe nharire dzakatarisa pahoko dziye, uye akaita kuti pamusoro penharire pavakwe twumba, kuti matombo nemiseve yemaRamani isavasvike ichivakuvadza.

5 Uye vakanga vakagadzirirwa zvekuti vaikwanisa kukanda matombo vari pamusoro ipapo, maererano nokuda kwavo nesimba ravo, uye vachigona kuuraya uyo anenge aedza kusvika pedyo nechidziro cheguta.

6 Ndiko kugadzira kwakaita Moronai nzvimbo dzakasimba achitenderedza guta rega-rega munyika, kugadzirira panenge pazouya vavengi.

7 Uye zvakaitika kuti Moronai akati mauto ake aende kurenje rekumabvazuva; hongu, uye vakaenda vakanotandanisa vose maRamani vaive murenje rekumabvazuva vachivatandanisira kunyika yavo, yakanga iri kumaodzanyemba enyika yaZarahemura.

8 Uye nyika yaNifai yakanga iine muganhu wakati twasa kubvira kugungwa rekumabvazuva kusvika kumadokero.

9 Uye zvakaitika kuti Moronai zvaakanga atandanisa vose maRamani murenje rekumabvazuva, rakanga riri kuchamhembe kwenyika yavo ivo, akaita kuti vanhu vakanga vagere munyika yaZarahemura nemumatunhu akatenderedza vaende murenje rekumabvazuva, kana kunosvika kumuganhu negungwa, uye vatore nyikayo.

10 Uye akaisawo mauto kumaodzanyemba, kumuganhu nezvinhu zvavo, uye ndokuvati vavake atsvingo kuti vadzivirire mauto avo nevanhu vavo mumaoko evavengi vavo.

11 Uye naizvozvo akabvisa dzose nzvimbo dzaisimbwa nadzo nemaRamani murenje rekumabvazuva, hongu, nekumadokerowo, nekudzivirira muganhu waive pakati pemaNifai nemaRamani pakati penyika yeZarahemura nenyika yaNifai, kubvira kugungwa rekumadokero, zvichienda kwakatangira rwizi rweSidhoni—nyika yose iri kuchamhembe iri yemaNifai, hongu, kana nyika yose yaive kuchamhembe kwenyika yainzi Maguta, sezvainge zvavafadza kuita.

12 Naizvozvo Moronai, nemauto ake ayo aiwanda zuva nezuva pamusana pekuziva kuti vakadzivirirwa nemabasa ake, akatsvaka kubvisa simba remaRamani munyika dzaive dzavo, kuti vashaye simba pamusoro penyika dzavo.

13 Uye zvakaitika kuti maNifai vakatangisa hwaro hweguta idzva, uye vakadaidza guta idzva iri kuti Moronai; uye rakanga riri pedyo negungwa rekumabvazuva; uye raive kumaodzanyemba mumutsetse wezvinhu zvaive zvemaRamani.

14 Uye vakatangisawo humwe hwaro hwerimwe guta pakati peguta raMoronai neguta raAroni, richisangana nemiganhu yeMoronai neAroni; uye vakadaidza guta iri, kana nzvimbo yacho, kuti Nifaiha.

15 Uye vakatangawo gore iroro kuvaka maguta akawanda nechekuchamhembe, rimwe neimwe tsika yavakadaidza kuti Rihai, rakanga riri kuchamhembe pedyo negungwa.

16 Uye ndiko kupera kwakaita gore rechimakumi maviri.

17 Vanhu vaNifai vakanga vari mukati mekubudirira mukutanga kwegore rechimakumi maviri nerimwechete ekutongwa kwemaNifai nevatongi.

18 Uye vakabudirira zvikuru, uye vakapfuma zvikuru; hongu, uye vakawanda uye vakasimba munyika.

19 Uye naizvozvo tinoona kuti Ishe vane tsitsi nekururama muzviito zvavo, mukuzadzikisa mazwi avo ose kuvana vevanhu; hongu, tinoona kuti mazwi avo akasimbiswa, kana panguva ino, zvavakataura kuna Rihai, vachiti:

20 Wakaropafadzwa iwe nevana vako, uye vacharopafadzwa, kana vari vanochengeta mirairo yangu vachabudirira munyika. Asi yeukai, kuti kana vasingachengete mirairo yangu avachabviswa pamberi paIshe.

21 Uye tinoona kuti zvivimbiso izvi zvakasimbiswa kuvanhu vaNifai; nokuti kwange kuri kukakavadzana kwavo nokurwisana kwavo, hongu, kupondana kwavo, nokuparadza kwavo, kunamata mifananidzo kwavo, upombwe hwavo, nekuipa kwavo, kwaive mukati mavo, zvakavakonzera hondo nokuparadzwa kwavo.

22 Uye avo vakanga vaine rutendo vakachengeta mirairo yaIshe vaiponeswa nguva dzose, zviuru nezviuru zvehama dzavo zvichiiswa muusungwa, kana kurufu rwekubaiwa nemunondo, kana kuderera mukusatenda, nokusangana nemaRamani.

23 Asi tarisai hakuna kumbove anekufara pakati pemaNifai, kubvira kunguva dzaNifai, kupfuura nguva yaMoronai, hongu, kana panguva ino, mugore rechimakumi maviri ane rimwechete ekutonga kwevatongi.

24 Uye zvakaitika kuti kana gore rechimakumi maviri nemaviri rekutonga kwevatongi nairowo rakapera murunyararo; hongu, uye nairowo gore rechimakumi maviri nematatu rakaperawo murunyararo.

25 Uye zvakaitika kuti mukutanga kwegore rechimakumi maviri nemana rekutonga kwevatongi, mungadai makanga muine runyararo mukati mevanhu vaNifai dai pasina kuti avakanetsana pamusana penyika yaRihai, nenyika yaMoriandoni, yaiganhurana nenyika yaRihai; dzose dzakange dzichiganhurana negungwa.

26 Nokuti tarisai, vanhu vaive varidzi venyika yaMoriandoni vaiti chimwe chidimu chenyika yaRihai ndechavo; naizvozvo pakatanga kuita nharo dzinopisa pakati pavo, zvekuti vanhu veMoriandoni vakatora zvombo zvekurwisa hama dzavo, uye vakashinga kuti vavabaye vafe nemunondo.

27 Asi tarisai, vanhu vakanga vari varidzi venyika yaRihai vakatizira kunzvimbo yeMoronai, vakanomukumbira ruyamuro; nokuti tarisai havana chavakanga vakanganisa.

28 Uye zvakaitika kuti vanhu veMoriandoni, vaitungamirwa nemurume ainzi Moriandoni zita rake, zvavakaona kuti vanhu veRihai vatizira kuna Moronai, vakatya zvikuru kuti zvimwe mauto aMoronai angauye akavaparadza.

29 Naizvozvo, Moriandoni akazviisa mumwoyo yavo kuti vatizire kunyika yaive nechekuchamhembe, yakanga izere nemadziva emvura, uye vatore nyika yaive nechekuchamhembe.

30 Uye tarisai, zano iri vangadai vakariita, (chingadai chakave chinhu chavaizochema) asi tarisai, Moriandoni semunhu akanga aine hasha dzakanyanya, naizvozvo akashatirirwa mumwe wevarandakadzi vake, akamutsika-tsika akamurova kwazvo.

31 Uye zvakaitika kuti akatiza, uye akauya kunzvimbo yaMoronai, uye akataurira Moronai zvose maererano nenyaya iyi, nezvemaererano nokuda kwavo kuti vatizire kunyika iri kuchamhembe.

32 Zvino tarisai, vanhu vaive munyika yeMaguta kana kuti yaMoronai, vakatya kuti vachateerera kumazwi aMoriandoni uye vobatana nevanhu vake, uye obva atora matunhu enyika, izvo zvaibva zvadzika hwaro hwematambudziko akanyanya pakati pevanhu vaNifai, hongu, uye matambudziko acho anoita kuti varasikirwe anerusununguko rwavo.

33 Naizvozvo Moronai akatumira mauto, nezvinhu zvavo, kuti vadimbudzire vanhu vaMoriandoni, kuti vavamise mukutizira kwavo kunyika yeche kuchamhembe.

34 Uye zvakaitika kuti havana kuvadimbudzira kudakara vasvika kumuganhu wenyika yainzi ayeKuparadzwa; uye ikoko ndiko kwavakavadimbudzira, mukamupata kakamanika kaienda kudunhu raive kuchamhembe, hongu, nechekugungwa, kumadokero nokumabvazuva.

35 Uye zvakaitika kuti mauto akatumirwa naMoronai, akanga achitungamirwa nemurume ainzi Teangumu, akasangana nevanhu vaMoriandoni; uye vanhu vaMoriandoni vakaita umwe hushwindi hunoshamisa (vachitunhwa neuipi uye nemazwi ake ekunyengedza) zvekuti pakatanga hondo pakati pavo, muhondo umu Teangumu akabaya Moriandoni uye akakurira mauto ake, uye akavatora sevasungwa, uye akadzokera kunzvimbo yaMoronai. Uye ndiko kupera kwakaita gore rechimakumi maviri nemana ekutongwa kwevanhu vaNifai nevatongi.

36 Uye ndiko kudzorwa kwakaitwa vanhu vaMoriandoni. Uye vaita chibvumirano chavo chekuti havachazokonzera hondo zvakare vachigara murunyararo vakadzorerwa kunyika yaMoriandoni, uye pakaita kubatana pakati pavo nevanhu vaRihai; uye vakadzorerwawo kunyika kwavo.

37 Uye zvakaitika kuti mugore rimwechetero vanhu vaNifai ravakawana runyararo rwuchidzorerwa kwavari, kuti Nifaiha, mutevedzi wemutongi mukuru, akafa, atora chigaro chokutonga nekutwasuka kwuzere pamberi paMwari.

38 Zvakadaro, akanga arambidza Aruma kuti atore izvo zvinyorwa neizvo zvinhu zvaikosha kuna Aruma nemadzibaba ake sezvinhu zvinoera; naizvozvo Aruma akanga azvipa kumwanakomana wake Hiramani.

39 Tarisai, zvakaitika kuti mwanakomana waNifaiha akasarudzwa kuti atore nzvimbo yekutonga yababa vake, semutongi; hongu, akaitwa mutongi mukuru nagavhuna wevanhu, nechitsidzo nechisungo chekutonga zvakarurama, nekuchengetedza runyararo nerusununguko rwevanhu, nekuvapa zvakakodzera zvavo zvinoera kunamata Ishe Mwari vavo, hongu, kutsigira nokuchengeta zvinodiwa naMwari mazuva ake ose, uye kuranga vakaipa maererano nemhosva dzavo.

40 Zvino tarisai, zita rake ainzi Pahorani. Uye Pahorani akagara chigaro chababa vake, uye akatanga kutonga kwake mukupera kwegore rechimakumi maviri nemana, ekutongwa kwevanhu vaNifai.