Magwaro Matsvene
Eta 1


Bhuku raEta

Zvinyorwa zvemaJaredhi, zvakatorwa pamahwendefa makumi maviri nemana akawanikwa nevanhu vaRimuhai mumazuva amambo Mosaya.

Chitsauko 1

Moronai anopfupikisa zvinyorwa zvaEta—Nhorohondo yekuberekwa kwaEta inoitwa—Mutauro wemaJaredhi hauvhiringidzwe paShongwe yeBaberi—Ishe vanovavimbisa kuvatungamirira kunyika yakanaka nekuvaita rudzi rwukuru.

1 Uye zvino ini Moronai, ndinoda kuti ndipe rungano rweavo vagari vepasi chigare vakaparadzwa neruoko rwaIshe kubva pamusoro penyika iyi yekuchamhembe.

2 Uye ini ndinotora rungano rwangu kubva pamahwendefa makumi maviri ane mana akawanikwa nevanhu vaRimuhai, anonzi Bhuku raEta.

3 Uye sezvandinofungidzira kuti chidimu chekutanga chezvinyorwa izvi, chinotaura pamusoro pekusikwa kwenyika, naAdamawo, nenhoroondowo yekubva panguva iyoyo kana kusvika kunguva yepa shongwe huru, nechose chinhu chakaitika kuvana vevanhu kubvira panguva iyoyo, chiri kumaJuda—

4 Naizvozvo handinyore zvinhu zvakaitika kubvira mumazuva aAdama kusvika nguva iyoyo; asi zviri pamahwendefa; uye ani zvake anozviwana, iyeye achawana simba rekuwana rungano rwose rwuzere.

5 Asi tarisai, handizi kupa rungano rwose, asi chidimu cherungano ndicho chandiri kupa, kubvira panguva yepashongwe kusvika panguva yavakaparadzwa.

6 Uye muneizvozvi ndimo mandichapa rungano. Uyo akanyora zvinyorwa izvi ndiEta, uye akanga ari chizvarwa chaKoriando.

7 Koriando aive mwanakomana waMoroni.

8 Uye Moroni aive mwanakomana waEtemu.

9 Uye Etemu aive mwanakomana waAhaha.

10 Uye Ahaha aive mwanakomana waSeti.

11 Uye Seti aive mwanakomana waShibhuroni.

12 Uye Shibhuroni aive mwanakomana waKomu.

13 Uye Komu aive mwanakomana waKoriandumu.

14 Uye Koriandumu aiva mwanakomana waAmunigadha.

15 Uye Amunigadha aive mwanakomana waAroni.

16 Uye Aroni aive wechizvarwa chaHeti, aive mwanakomana waHaritomu.

17 Uye Haritomu aive mwanakomana waRibhi.

18 Uye Ribhi aive mwanakomana waKishi.

19 Uye Kishi aive mwanakomana waKoromu.

20 Uye Koromu aive mwanakomana waRevhi.

21 Uye Revhi aive mwanakomana waKimu.

22 Uye Kimu aive mwanakomana waMoriandoni.

23 Uye Moriandoni aive wechizvarwa chaRipurakishi.

24 Uye Ripurakishi aive mwanakomana waShezi.

25 Uye Shezi aive mwanakomana waHeti.

26 Uye Heti aive mwanakomana waKomu.

27 Uye Komu aive, mwanakomana waKoriandumu.

28 Uye Koriandumu aiva mwanakomana waEma.

29 Uye Ema aive mwanakomana waOma.

30 Uye Oma aive mwanakomana waShuru.

31 Uye Shuru aive mwanakomana waKibhu.

32 Uye Kibhu aive mwanakomana waOraiha, aive mwanakomana waJaredhi;

33 Ari Jaredhi uya akauya nemukoma wake nemhuri dzavo, nevamwe vaive nemhuri dzavowo, vachibva pashongwe huru, panguva Ishe yavakavhiringa mutauro wevanhu, uye vakapika mukushatirwa kuti vachaparadzirwa pamusoro penyika yose; uye maererano neshoko raIshe vanhu vakapararira.

34 Uye mukoma waJaredhi ari munhu mukuru ane muviri mukuru uye ari murume akanga adiwa kwazvo naIshe, Jaredhi, mukoma wake, akati kwaari; Chemera kuna Ishe, kuti asativhiringe kuti titadze kunzwa mazwi edu.

35 Uye zvakaitika kuti mukoma waJaredhi akachema kuna Ishe, uye Ishe vakanzwira tsitsi Jaredhi; naizvozvo havana kuvhiringidza mutauro waJaredhi; uye Jaredhi nemukoma wake havana kuvhiringwa.

36 Zvino Jaredhi akati kumukoma wake: Chema zvakare kuna Ishe, uye zvimwe vangabvise hasha dzavo kune shamwari dzedu, kuti vasavhiringe mutauro wavo.

37 Uye zvakaitika kuti mukoma waJaredhi akachema kuna Ishe, uye Ishe vakave netsitsi kushamwari dzavo nemhuri dzavowo, zvekuti havana kuzovhiringidzwa.

38 Uye zvakaitika kuti Jaredhi akataura zvakare kumukoma wake, achiti: Enda unobvunza Ishe kuti vachatibvisa munyika here, uye kana vachitibvisa munyika, chema kwavari kuti tinoenda kupi. Uye ndiani anoziva kuti Ishe vanotitakura vakanotiisa munyika yakanaka zvikuru kukunda dzimwe dzose? Uye kana zvakadaro, ngativei nerutendo muna Ishe, kuti tigoitambira senhaka yedu.

39 Uye zvakaitika kuti mukoma waJaredhi akachema kuna Ishe maererano neizvo zvakanga zvataurwa nemuromo waJaredhi.

40 Uye zvakaitika, kuti Ishe vakanzwa mukoma waJaredhi, uye vakamunzwira tsitsi, uye vakati kwaari:

41 Enda unounganidza pamwechete matanga ako, dzose hadzi nehono, dzendudzi dzose; nembeu yemuvhu yemarudzi ose; nemhuri dzako; naJaredhi munin’ina wako nemhuri yake; neshamwari dzakowo nemhuri dzavo, neshamwari dzaJaredhi nemhuri dzavo.

42 Uye kana waita izvi uchaenda uri pamberi pavo modzika kunhika yechekuchamhembe. Uye ikoko ndichasangana newe, uye ndichaenda ndiri mberi kwenyu kunyika yakanaka kupfuura dzose nyika dzepasi.

43 Uye ikoko ndichakuropafadza nembeu yako, uye wondikudzira mbeu yako, nembeu yemunin’ina wako, neavo vachaenda newe, rudzi rwukuru. Uye hakuna rumwe rwuchakura kupfuura rudzi rwandichakudza kwandiri nembeu yako, pamusoro penyika pose. Uye ndizvo zvandichaita kwauri pamusana pekuti wachema kwandiri kwenguva refu iyi.