Magwaro Matsvene
Eta 12


Chitsauko 12

Muporofita Eta anokurudzira vanhu kuti vatende muna Mwari—Moronai anotaura zvishamiso nezvinoshamisa zvinoitwa nerutendo—Rutendo rwakaita kuti mukoma waJaredhi aone Kristu—Ishe vanopa vanhu kushaya simba kuti vazvirereke—Mukoma waJaredhi akasimudza Gomo Zerini nerutendo—Rutendo, ruvimbo, nerudo rwakadzama ndizvo zvinodiwa muruponeso—Moronai akaona Jesu vakatarisana.

1 Uye zvakaitika kuti mazuva aEta aive mumazuva aKorianduma; uye Korianduma aive mambo wenyika yose.

2 Uye Eta aive muporofita waIshe; nokudaro Eta akauya mumazuva aKorianduma, uye akatanga kuporofita kuvanhu, nokuti haaikwaniswa kurambidzwa pamusana peMweya waIshe wakanga uri maari.

3 Nokuti aichema kubvira mangwanani, kana kusvika mukunyura kwezuva, achikurudzira vanhu kuti vatende kuna Mwari mukutendeuka nokuti vangazoparadzwa, achiti kwavari nerutendo zvose zvinhu zvinozadzikiswa—

4 Nokudaro, ani zvake anotenda kuna Mwari anogona kuve nechokwadi netarisiro yenyika iri nani, hongu, kana nzvimbo kurudyi rwaMwari, iri tariro inouya nerutendo, uchive musimboti kumweya yevanhu, zvinovaita kuti vave nechokwadi uye vasimbe, vakawanza mabasa akanaka nguva dzose, vachitungamirirwa mukurumbidza Mwari.

5 Uye zvakaitika kuti Eta akaporofita zvinhu zvikuru nezvinoshamisa kuvanhu, zvavasina kutenda, nokuti vakanga vasingazvione.

6 Uye zvino ini Moronai, ndinotaura maererano nezvinhu izvi; ndingaratidze kunyika kuti rutendo zvinhu zvinotarisirwa uye zvisingaonekwe; nokudaro musaite nharo nokuti hamuzi kuzviona, nokuti hamuwane umbowo kudakara rutendo rwenyu rwaedzwa.

7 Nokuti rwaive rutendo rwakaita kuti Kristu azviratidze kumadzibaba edu, mushure mekunge amuka muvafi; uye haana kuzviratidza kwavari kudakara vave nerutendo maari, nokudaro, zvinoreva kuti vamwe vaive nerutendo maari, nokuti haana kuzviratidza kunyika.

8 Asi pamusana perutendo rwevanhu akazviratidza kunyika, uye akarumbidza zita raBaba, uye akagadzira nzira kuti vamwe vagove vadyi vechipo chekudenga, kuti vatarisire zvavasati vaona.

9 Nokudaro, nemiwo makafanira kuve netariro, uye mugove vadyi vechipo, kana mukangoita rutendo chete.

10 Tarisai rwaive rutendo rwakaita kuti vekare vadaidzwe muhurongwa hutsvene hwaMwari.

11 Nokudaro, nerutendo mutemo waMosesi wakapiwa. Asi muchipo cheMwanakomana wavo Mwari vakagadzira imwe nzira yakanyanya kunaka; uye rutendo rwakaita kuti zvizadzikiswe.

12 Nokuti kana pasina rutendo muvana vevanhu Mwari havagone kuita chishamiso mukati mavo; nokudaro, havana kuzviratidza kudakara vave nerutendo.

13 Tarisai, rwaive rutendo rwaAruma naAmureki rwakaita kuti tirongo rikoromokere pasi.

14 Tarisai, rwaive rutendo rwaNifai naRihai rwakauyisa kushanduka kwemaRamani, zvekuti vakabhabhatidzwa nemoto neMweya Mutsvene.

15 Tarisai, rwaive rutendo rwaAmoni nehama dzake rwakaunza chishamiso chikuru kumaRamani.

16 Hongu, kana avo vose vakaita zvishamiso vakazviita nerutendo, kana avo vakanga varipo Kristu asati auya neavowo vakauya shure kwake.

17 Uye rutendo rwakaita kuti vadzidzi vatatu vavimbiswe kuti havazofa; uye havana kuvimbiswa izvi kudakara vave neruvimbo.

18 Uye hakuna kana panguva ipi zvayo akamboita zvishamiso asina kutanga aratidza rutendo; nokudaro vakatanga vatenda muMwanakomana waMwari.

19 Uye kwaive nevazhinji vaive nerutendo rwakasimba zvikuru, kana Kristu asati auya, vasina kuchengetwa vari kunze kwechidzikatidzo, asi zvirokwazvo vakaona nemaziso avo zvinhu zvavakanga vaona neziso rerutendo, uye vakafara.

20 Uye tarisai, taona muzvinyorwa zvino kuti mumwe wavo mukoma waJaredhi; nokuti rutendo rwake rwaive rwukuru muna Mwari, zvekuti Mwari pavakaisa munwe wavo havana kuuvanza kuti usaonekwe nemukoma waJaredhi, pamusana peshoko ravakanga vataura kwaari, shoko iri riri raakanga awana nerutendo.

21 Uye mushure mekunge mukoma waJaredhi aona munwe waIshe, pamusoro pekuvimbiswa kwakanga kwaitwa mukoma waJaredhi pamusana perutendo, Ishe havana kuzogona kumuvanzira kana chimwe chinhu; nokudaro vakamuratidza zvinhu zvose, nokuti akanga asisagone kuchengetwa ari kunze kwechidzikatidzo.

22 Uye rutendo rwakaita kuti madzibaba angu vavimbiswe kuti zvinhu izvi zvichauya kuhama dzavo nekumaJentairi; naizvozvo Ishe vandiudza ini, hongu, kunyange Jesu Kristu.

23 Uye ndakati kwavari: Ishe maJentairi achaseka zvinhu izvi, pamusana pekusasimba kwedu mukunyora; nokuti Ishe makatiita vakuru mukutaura mazwi nerutendo, asi hamuna kutiita vakuru mukunyora; nokuti makaita vanhu vose kuti vagone kutaura chaizvo, nekuda kweMweya Mutsvene uyo wamakavapa;

24 Uye makatiita kuti tinyore zvishoma-shoma, pamusana pekuipa kwemaoko edu. Tarisai, hamuna kutiita vakuru mukukunyora sezvamakaita mukoma waJaredhi, nokuti makamuita kuti zvinhu zvaakanyora zvikure kana sekuita zvamakaita, kuita kuti vanhu vazviverenge.

25 Makaitawo kuti mazwi edu ave nesimba uye ari makuru, kana tisingagone kuanyora; nokudaro, kana tave kunyora tinobva taona kusasimba kwedu, uye tonetsekana nekuronga mazwi edu; uye ndinotya kuti maJentairi achaseka mazwi edu.

26 Uye zvino pandakange ndataura izvi, Ishe vakataura kwandiri, vachiti: Zvirema zvinoseka, asi vachachema; uye nyasha dzangu dzakakwana kune vanyoro, kuti havazoita zvinhu pamusana pekusasimba kwenyu;

27 Uye kana vanhu vakauya kwandiri ndichavaratidza kusasimba kwavo. Ndinopa kuvanhu kushaya simba kuti vave vakapfava; uye nyasha dzangu dzinokwana kuvanhu vose vanozvininipisa pamberi pangu, nokuti kana vakazvirereka pamberi pangu, uye vaine rutendo mandiri, zvino ndichaita kuti zvisina simba zvive nesimba kwavari.

28 Tarisai, ndicharatidza kumaJentairi kusasimba kwavo, uye ndicharatidza kwavari kuti rutendo, ruvimbo nerudo rwakadzama zvinounza kwandiri—chisipiti chekururama kwose.

29 Uye ini Moronai, ndanzwa mazwi aya, ndakanyaradzwa, uye ndikati: Imi Ishe, kuda kwenyu kwakarurama ngakuitwe, nokuti ndinoziva kuti munoshanda muvana vevanhu maererano nerutendo rwavo;

30 Nokuti mukoma waJaredhi akati kugomo Zerini, Ibva—uye rikabva. Uye dai akanga asina rutendo ringadai risina kubva; nokudaro munoshanda kana vanhu vave nerutendo.

31 Nokuti ndiko kuzviratidza kwamakaita kuvadzidzi venyu; nokuti pavakanga vave nerutendo, uye vachitaura nemuzita renyu, imi makabva mazviratidza kwavari nesimba guru.

32 Uye ndinoyeukawo kuti makati makagadzirira munhu imba, hongu, kana pakati pemazimba-makuru aBaba venyu, umo munoita kuti munhu ave netariro yakanyanya kunaka; nokudaro munhu anofanira kutarisira, kana kuti haangazogashira nhaka munzvimbo yamakagadzira.

33 Uye zvakare, ndakarangarira kuti makati makada nyika, kana kusvika pakupa upenyu hwenyu kuti mufire nyika, kuti mungahutore zvakare kuti mugogadzirira nzvimbo vana vevanhu.

34 Uye zvino ndave kuziva kuti rudo urwu rwamuinarwo kuvana vevanhu rudo rwakadzama; nokudaro, kunze kwekunge vanhu vave nerudo rwakadzama havagone kugara nzvimbo iya yamakavagadzirira muzimba guru raBaba venyu.

35 Nokudaro, ndinoziva nechinhu ichi chamataura, kuti kana maJentairi asina rudo rwakadzama, pamusoro pekusasimba kwedu, kuti muchavaratidza, uye movatorera chipo chavo, hongu, kana icho chavakanga vatogashira, uye mopa avo vachazowana zvakanyanya.

36 Uye zvakaitika kuti ndakanamata kuna Ishe kuti vanzwire maJentairi nyasha, kuti vave nerudo rwakadzama.

37 Uye zvakaitika kuti Ishe vakati kwandiri: Kana vasina rudo rwakadzama hazvinei kwauri, iwe une rutendo; nokudaro, nhumbi dzako dzichacheneswa. Uye pamusana pekuti waona kusasimba kwako uchasimbiswa, kana kusvika mukugara munzvimbo iyo yandakagadzira muzimba guru raBaba vangu.

38 Uye zvino ini Moronai, ndinooneka maJentairi, hongu, nekuhama dzanguwo dzandinoda, kudakara tasangana pamberi pechigaro chekutonga chaKristu, apo pachaziva vose vanhu kuti nhumbi dzangu hadzina kusvibiswa neropa renyu.

39 Uye zvino ndipo pamuchaziva kuti ndakaona Jesu, nekuti akataura neni takatarisana, nokuti akanditaurira nokupfava kuri pachena, sekutaura kunoita munhu kune mumwe nemururimi rwangu, maererano nezvinhu izvi;

40 Uye ndakanyora mashomanani chete, pamusana pekutadza kunyora kwangu.

41 Uye zvino, ndinokukuridzirai kuti mutsvake iye Jesu uyu akanyorwa nezvake nevaporofita nevaapositori, kuti nyasha dzaMwari Baba, naiyewo Ishe Jesu Kristu, neMweya Mutsvene, unopupura nezvavo, ungave uye ugogara mamuri nariini. Ameni.