Magwaro Matsvene
Mormoni 1


Bhuku raMormoni

Chitsauko 1

Amaroni anorairidza Mormoni pamusana pezvinyorwa zvinoera—Hondo inotangisa pakati pamaNifai namaRamani—MaNifai matatu anotorwa—Kuipa, kusatenda, kunyengedza, nouroyi zvakavapo. Zvingangove makore 321 kusvika ku326 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Uye zvino ini Mormoni, ndinoita chinyorwa chezvinhu zvandakaona nokunzwa, zve ndinozvidaidza kuti Bhuku raMormoni.

2 Uye panguva iyo Amaroni ave kuzoviga zvinyorwa kuna Ishe, akauya kwandiri (Ini ndiine makore gumi ekuberekwa, uye ndakatanga kudzidza zvakawanda setsika yokudzidza kwavanhu vekwedu) uye Amaroni akati kwandiri: Ndinoona kuti uri mwana akatsiga uye unokasika kuona zvinhu;

3 Naizvozvo, kana wava namakore makumi maviri namana ndinoda kuti urangarire zvinhu izvo waona muvanhu ava; uye kana uchinge wasvika pamakore iwayo enda kunyika yeAndumu, kune gomo rinenge richinzi Shimu, ipapo ndipo pandakaisa zvinyorwa zvose zvinoera zvaIshe zvinotaura pamusana pavanhu ava.

4 Uye tarisai, uchatora mahwendefa aNifai pachako, zvinenge zvasara uchazvirega zviri panzvimbo pazviri; zve uchanyora pamahwendefa aNifai zvinhu zvose izvo waona pamusana pavanhu ava.

5 Uye ini Mormoni, sowedzinza raNifai (zita rababa vangu rainzi Mormoni) ndakarangarira zvinhu izvo Amaroni akandiraira.

6 Uye zvakaitika kuti ini, ndava namakore gumi nerimwechete, ndakatakurwa nababa vangu ndikaenda kunyika yakanga iri kuchamhembe, kunyika yeZarahemura.

7 Nyika yose yakanga yazadzwa nedzimba, navanhu vakanga vawanda, sejecha regungwa.

8 Uye zvakaitika kuti mugore iroro hondo yakatangisa pakati pemaNifai, avo vaisanganisa maNifai namaJakobho namaJosefa namaZoramu; hondo iyi yakanga iri pakati pamaNifai namaRamani uye maRemueri nemaIshmaeri.

9 Zvino maRamani namaRemueri namaIshmaeri vaidaidzwa kuti maRamani, uye mapoka maviri aiva maNifai nemaRamani.

10 Uye zvakaitika kuti hondo yakatangisa pakati pavo mukati meZarahemura, mumvura dzeSidhoni.

11 Uye zvakaitika kuti maNifai akaunganidza varume vakawanda zvikuru, kana vakapfuura zviuru makumi matatu. Uye zvakaitika kuti vakarwa kakati wandei mugore iroro, apo maNifai akakurira maRamani vakauraya vazhinji vavo.

12 Uye zvakaitika kuti maRamani vakaregera chirongwa chavo, mukava norunyararo munyika; runyararo rwakavepo kwenguva inoita makore mana, kusina kudeuka kweropa.

13 Asi kuipa kwakanga kuripo munyika yose, zvekuti Ishe vakatora vadzidzi vavo vanodiwa, mabasa ezvishamiso neekuporesa akamira nenzira yokuipa kwavanhu.

14 Uye kwakanga kusina zvipo kubva kuna Ishe, Mweya Mutsvene hauna kuuya kana pana ani, nenzira yokuipa kwavo nokusatenda.

15 Uye ini, ndava namakore gumi namashanu, somunhu akanga akatsiga, zvino ndakashanyirwa naIshe, ndikaraira ndikaziva kunaka kwaJesu.

16 Uye ndakada kuedza kuparidza kuvanhu ava, asi muromo wangu wakabatwa, ndikarambidzwa kuparidza kwavari; nokuti tarisai vakanga vapandukira Mwari vavo vachida; uye vadzidzi vanodiwa vakanga vabviswa munyika nenzira yokuipa kwavo.

17 Asi ndakaramba ndinavo, asi ndakarambidzwa kuparidza kwavari, nokuda kwekuoma kwemwoyo yavo; nekuoma kwemwoyo yavo nyika yakatukwa nokuda kwavo.

18 Uye makororo aya aGadhiandoni, ayo akanga ari pakati pamaRamani, akakanganisa nyika, zvekuti vagari vakatangisa kucherera upfumi hwavo pasi; zvikatanga kutsvedza, nokuti Ishe vakanga vatuka nyika, kuti vasazozvibate kana kuzviwana zvakare.

19 Uye zvakaitika kuti pakava nounyengedzi hwemashiripiti, nouroyi, namapipi; simba radhiabhorosi rakanga rava panyika yose, kana kusvika mukuzadzikisa mazwi ose aAbhinadhai, uye naSamueri muRamani.