Magwaro Matsvene
Moronai 2


Chitsauko 2

Jesu akapa vadzidzi vanegumi nevaviri vechiNifai simba rokupa chipo choMweya Mutsvene. Zvingangove makore 401 kusvika ku421 shure kwekunge Kristu azvarwa.

1 Mazwi aKristu, ayo aakataura kuvadzidzi vake, vanegumi nevaviri vaakasarudza, apo aiisa maoko pamusoro pavo—

2 Zve akavadaidza nemazita, achiti: Muchadaidza kuna Baba muzita rangu, mumunamato mukuru; shure kwekunge maita izvi muchave nesimba kuti kune uyo wamunenge maisa maoko pamusoro, muchamupa Mweya Mutsvene; uye muzita rangu muchaupa, nokuti ndiko kuita kwavaapositori vangu.

3 Zvino Kristu akataura mazwi aya kwavari panguva yokuzviratidza kwake kwokutanga; zve gungano harina kuzvinzwa, asi vadzidzi vakazvinzwa; kuna vose vavakaisa maoko, Mweya Mutsvene wakauya pavari.