Magwaro Matsvene
Mosaya 14


Chitsauko 14

Isaya anotaura saMesia—Kunyadziswa nokutambudzwa kwaMesia zvinoratidzwa—Anoita mweya wake mupiro wechitema nokureverera vatadzi—Enzanisai naIsaya 53. Zvingangove makore 148 Kristu asati azvarwa.

1 Hongu, kana Isaya haati here: Ndiani akabvuma zvatakataura, uye ndiani akaratidzwa ruoko rwaIshe?

2 Nokuti achakura ari pamberi pake sebukwa, uye semudzi wabuda muvhu rakaoma; uye haana chimiro kana kutsiga; uye patichamuona panenge pasina runako rungaite kuti timude.

3 Anoshorwa uye agorambwa nevanhu; murume wekusuwa, ajairana nekuchema; uye takavanza zviso zvedu kwaari; akashorwa, uye isu hatina kumukudza.

4 Chokwadi akatakura kuchema kwedu, nekusuwa kwedu; asi takati akanetswa, akarohwa naMwari, nokutambudzwa.

5 Asi akakuvadzirwa kutadza kwedu, akakusvuukira kuipa kwedu; akarangwa achirangwa kuti tive nerunyararo; nemavanga ekurohwa kwake takarapwa.

6 Tose isu, sehwai, takarasika; tose tatendeukira umwe neumwe kwake; uye Ishe akatakura pamusoro pake kutadza kwedu tose.

7 Akadzvinyirirwa, uye akatambudzwa, asi iye haana kumbozarura muromo wake; anouyiswa kundobaiwa sehwayana, uye sehwai pamberi pevageri vayo yakanyarara saka haana kuzarura muromo wake.

8 Akabviswa mutirongo nepakutongwa; uye ndiani achataura chizvarwa chake? Nokuti akabviswa munyika yevapenyu; nenzira yekutadza kwevanhu vangu akarohwa?

9 Uye akavigwa pamwechete nevatadzi, nevapfumi pakufa kwake; nokuti hakuna chakaipa chaakange aita, zve mumuromo make makange musina unyengedzi.

10 Asi zvaifadza Ishe kuti akuzvurwe; akamuchemedza; kana mukaita mweya wake mupiro wechitema achaona mbeu yake, achapamhidzira mazuva ake, uye kuda kwaIshe kuchabudirira muruoko rwake.

11 Achaona zvakatambudzirwa mweya wake, uye zvichamugutsa; neruzivo rwake muranda wangu wakarurama achanatsa vazhinji; nokuti achatakura kuipa kwavo.

12 Saka tichamugovera chikamu nevane mbiri, uye achagovana nevane masimba; nokuti akadururira mweya wake mukufa; uye akaverengerwa kuvatadzi; uye akatakura zvitema zvevazhinji, uye akareverera vatadzi.