Magwaro Matsvene
Mosaya 29


Chitsauko 29

Mosaya anoti kunze kwekuti kuve namambo ngakusarudzwe vatongi—Madzimambo asina kururama anotungamira vanhu vavo mukutadza—Aruma mudiki anosarudzwa kuve mukuru wevatongi nekuda kwevanhu—Ndiyewo mufundisi wepamusoro weChechi—Aruma Mukuru naMosaya vanofa. Zvingangove makore 92 kusvika ku91 Kristu asati azvarwa.

1 Zvino Mosaya aita izvi akatumira shoko kunyika yose, kuvanhu vose, achida kuziva chido chavo maererano nemunhu akafanira kuve mambo wavo.

2 Uye zvakaitika kuti izwi rakabva kuvanhu, richiti: Tinoda kuti Aroni mwanakomana wako ave mambo wedu nemutongi wedu.

3 Zvino Aroni akange akwira kunyika yaNifai, naizvozvo mambo akange asingakwanise kugadza umambo paari; kana Aroni haaikwanisa kutora umambo; hakuna kana amwanakomana mumwechete waMosaya aida kutora umambo.

4 Naizvozvo mambo Mosaya akatumira zvakare kuvanhu; hongu, akatumira mazwi akanyorwa kuvanhu. Uye aya ndiwo mazwi aakanyorwa, achiti:

5 Tarisai, imi vanhu vangu, kana kuti hama dzangu, nokuti ndinokukudzai saizvozvo, ndinoda kuti mufunge pamusoro penyaya yamadaidzirwa kuti mufunge—nokuti muri kuda kuti dai maita amambo.

6 Zvino ndinoti kwamuri uyo akafanirwa kuve ari iye aneumambo aramba, uye haasikuda kutora umambo.

7 Uye zvino kukawanikwa umwe kuti agadzwe munzvimbo yake, tarisai ndinotya kuti pachave nokukakavadzana mukati menyu. Uye ndiani anoziva kuti mwanakomana wangu, anove ndiye muridzi weumambo, angangoshatirwa akatora chimwe chikamu chevanhu vakaenda naye, izvo zvinozokonzera hondo nokukakavadzana mukati menyu, chinozove chikonzero chekudeura ropa zhinji nokusiya nzira dzaIshe, hongu, nokuparadza mweya yevanhu vazhinji.

8 Zvino ndinoti kwamuri ngatingwarei uye tifunge zvinhu izvi, nokuti hatina kodzero yekuti tiparadze mwanakomana wangu, hatinazve simba rekuparadza kana uyo anenge aiswa munzvimbo yake.

9 Uye kana mwanakomana wangu akadzokera kuzvinhu zvake zvekudada nezvinhu zvisipo achayeuka zvinhu zvaakambotaura, uye oti anoda umambo hwake, zvinozoita kuti iye nevanhu vano vaite zvitadzo zvakanyanya.

10 Uye zvino ngatingwarei titarisire mberi kuzvinhu izvi, uye tichiita zvinhu zvinoita kuti vanhu vave nerunyararo.

11 Naizvozvo ndichave mambo wenyu kwemazuva angu ose asara; zvakadaro, angatigadze bvatongi, kuti vatonge vanhu ava maererano nemutemo wedu; uye tichatanga patsva kugadzirisa nyaya dzevanhu ava nokuti tichasarudza varume vane njere kuve vatongi, vachatonga vanhu ava maererano nemirairo yaMwari.

12 Zvino zviri nani kuti munhu atongwe naMwari pane kutongwa nemunhu, nokuti kutonga kwaMwari kwakanaka nguva dzose, asi kutonga kwevanhu hakuzi kwakanaka nguva dzose.

13 Naizvozvo, dai zvaiitika kuti muwane vanhu avakarurama kuti vave madzimambo enyu, vaizoisa mitemo yaMwari, uye vachitonga vanhu ava maererano nemirairo yavo, hongu, dai maiwana madzimambo evarume vanoita sekuita kwababa vangu bBenjamini achiitira vanhu vake—ndinoti kwamuri, dai izvi zviri izvo zvinoitika nguva dzose zvingadai zvakafanira kuti nguva dzose muve namadzimambo vekukutongai.

14 Uye kana ini pachangu ndakashanda nesimba rangu nepfungwa dzose dzandiinadzo, kukudzidzisai mirairo yaMwari, nokudzika runyararo munyika yose, kuti kusave nehondo kana kupesana, pasina kuba, kana kukuvadza, kana kuponda, kana kuipa zvakwo kwose;

15 Uye ani nani zvake akatadza, iyeyo andakamuranga maererano nemhosva yaakaita, maererano nemutemo watakapiwa nemadzibaba edu.

16 Zvino ndinoti kwamuri, nenzira yechikonzero chekuti vanhu vose havana kururama hazvifanire kuti muve namambo kana madzimambo ekukutongai.

17 Nokuti tarisai, mambo aakaipa mumwechete anokonzera bkuipa kwakadii kuti kuitwe, hongu, uye kuparadzwa kwakakura zvakadii!

18 Hongu, muchayeuka mambo Noa, akuipa kwake neruvengo rwake, kuipa neruvengo rwevanhu vake. Tarisai kuparadzwa kukuru kwakave pavari; ezvowo nechikonzero chekuipa kwavo vakaiswa bmuusungwa.

19 Uye dai pakanga pasina kupindira kweMusiki wavo akangwara, uye izvi zvichikonzerwa nekutendeuka kwavo kwechokwadi, vangadai vakagara muhusungwa kusvika zvino.

20 Asi tarisai, vakavasunungura nokuti avakazvirereka pamberi pavo; nokuti bvakachema kwaari zvikuru akavabvisa muusungwa; uye ndiko kushanda kunoita Ishe nesimba ravo mune zvose mukati mevana vevanhu, vachitambanudzira ruoko rwavo crwetsitsi kune avo vanoisa druvimbo rwavo maari.

21 Uye tarisai, zvino ndinoti kwamuri, hamukwanise kubvisa mambo akaipa pachigaro cheumambo kunze kwekunge zvaitwa nekupesana kukuru, nekudeuka kweropa rakawanda.

22 Nokuti tarisai, ane ashamwari dzake mukutadza, uye anogara varindi vake vari pedyo; uye anobvarura mitemo yeavo vakatonga nekururama mberi kwake; uye anotsika-tsika netsoka dzake mirairo yaMwari.

23 Uye anoita mitemo, uye oitumira kuvanhu vake, hongu, mitemo inopindirana aneuipi hwake; uye ani nani zvake asingateerere mitemo yake anoita kuti aparadzwe; uye ani nani anomumukira anotumira hondo yake kunovarwisa, uye kana akakwanisa anovaparadza; uye mambo asina kururama ndiko kukanganisa nzira dzose dzekururama.

24 Uye zvino tarisai ndinoti kwamuri, hazvifanire kuti ruvengo rwakadaro rwuuye kwamuri.

25 Naizvozvo, sarudzai nezwi revanhu, vatongi, kuti mugotongwa maererano nemitemo yamakapiwa nemadzibaba edu, iri iyo mitemo chaiyo, uye iri yavakapiwa neruoko rwaIshe.

26 Zvino hakazi kazhinji vanhu vachiti vanoda zvinopesana nezvinhu kwazvo; asi zvinoitika kuti vashoma vanoda zvinhu zvisiri izvo; naizvozvo izvi ndizvo zvamakafanira kucherechedza uye mugozviita mutemo wenyu—kuti muite zvamunoita muchiteerera mazwi evanhu.

27 Uye akana kukasvika nguva yekuti izwi revanhu rasarudza zvakaipa, ndiyo nguva ichauya kutonga kwaMwari pamuri; hongu, ndiyo nguva yavachakushanyirai nekuparadza kukuru kana sekushanyira kwavakaita nyika ino.

28 Uye zvino kana muine vatongi, uye vakasakutongai zviri maererano nemutemo wakaitwa, munogona kuti vatongi ivavo vatongwe nemutongi mukuru kupfuura ivo.

29 Kana vatongi venyu vepamusoro vasina kutonga zvakarurama, muchaita kuti vashoma vevatongi venyu vadiki vaunganidzane pamwechete, uye vagotonga vatongi venyu vakuru, maererano nezvido zvevanhu.

30 Uye ndinoti makafanira kuita zvinhu izvi muchitya Ishe; uye ndinoti itai zvinhu izvi, uye musave namambo; kuti kana vanhu ava vakaita zvivi nezvitadzo zvichapindurwa pamisoro yavo.

31 Nokuti tarisai ndinoti kwamuri, zvitadzo zvevanhu vazhinji zvakakonzerwa nekuipa kwemadzimambo avo; naizvozvo kutadza kwavo kunopindurwa pamisoro yemadzimambo avo.

32 Uye zvino ndinoda kuti akusaenzana kwezvinhu uku kuchipera munyika muno, kunyanya kuvanhu vangu ava; asi ndinoda kuti nyika ino ive nyika byerusununguko, uye cwose munhu anakirwe nekodzero nepundutso dzake zvakafanana, sezvo Ishe vachiona kuti zvakafanira kuti tigare uye tidye nhaka yenyika ino, hongu, kana pachiine vamwe vevana vedu vachiri pamusoro penyika.

33 Uye mambo Mosaya akanyora zvimwe zvinhu zvizhinji kwavari, achivaratidza kuedzwa kwose nenhamo dzose dzamambo akarurama, hongu, kwose kunetsekana kwemweya yavo pamusana pevanhu vavo, nekutsutsumwawo kwose kwevanhu kuna mambo wavo; uye akatsanangura zvose kwavari.

34 Uye akavaudza kuti zvinhu izvi hazvifanire kuitika; asi kuti mutoro wacho wakafanira kuve wevanhu vose, kuti wose munhu aite pake.

35 Uye akavaudzawo zvipinga-mupinyi zvavanogomera nazvo, nenzira yekuve namambo asina kururama anovatonga;

36 Hongu, kwose kutadza kwake neruvengo rwake, nehondo dzose, uye kwose kukakavadzana, nekudeuka kweropa, neumbavha, nokuparadza, nokuita mabasa eupombwe, uye kwose kutadza kusingaverengeke—achivaudza kuti zvinhu izvi hazvifanire kuve zviriizvo, zvekuti vakange vasingade zvachose mirairo yaMwari.

37 Uye zvino zvakaitika kuti, mushure mekunge mambo Mosaya atumira zvinhu izvi kuvanhu vakapwiswa nechokwadi chemazwi ake.

38 Naizvozvo vakarega chido chavo chekuti vave namambo, uye vakada zvikuru kuti wose munhu ave nezvakaenzana munyika yose; hongu, uye wose munhu akataura kuda kwake kuzvipindurira pane zvitema zvake.

39 Naizvozvo, zvakaitika kuti vakaungana pamwechete muzvikwata munyika yose, kuti vaise mazwi avo maererano nokuti ndivanaani vangave vatongi vavo, avo vanozovatonga maererano anemutemo wavakapihwa; uye vakanga vachifara zvikuru nenzira byerusununguko rwavakange vapihwa.

40 Uye rudo rwavo kuna Mosaya rwakasimba; hongu, vaimukudza kukunda vose vamwe vanhu; nokuti vakange vasingamuone semudzvinyiriri wamambo anotsvaka dzvene, hongu, anotsvaka upfumi uhwo hwunooresa mweya; nokuti haana kumbovatorera upfumi, zve haana kumbofadzwa nokudeura ropa; asi akange adzika arunyararo munyika, uye akanga abvumira vanhu vake kuti vasaiswe muhusungwa hupi zvawo; saka vaimukudza, hongu, zvikuru, zvisingataurike.

41 Uye zvakaitika kuti vakasarudza avatongi kuti vavatonge, kana kuvatonga zviri maererano nemutemo; uye vakaita izvi munyika yose.

42 Uye zvakaitika kuti Aruma akaiswa kuti ave mutongi mukuru wekutanga, ari iyewo mupirisita wepamusoro, baba vake vari ivo vakamugadza, uye vakamupawo kuve mutarisi wenyaya dzose dzechechi.

43 Uye zvino zvakaitika kuti Aruma aaifamba munzira dzaIshe, uye aichengeta mirairo yavo, uye aitonga nemutongo wakarurama; uye munyika maigara muine runyararo.

44 Uye ndiko kutanga kwakaita kutonga kwevatongi munyika yose yeZarahemura, kuvanhu vose vainzi maNifai; uye Aruma ndiye aive wekutanga uye mukuru wevatongi.

45 Uye zvino zvakaitika kuti baba vake vakafa, vave makumi masere nemaviri emakore ekuberekwa, ari munhu akanga agara achizadzikisa mirairo yaMwari.

46 Uye zvakaitika kuti Mosaya akafawo, mugore rechimakumi matatu nematatu ekutonga kwake, aine amakumi matanhatu ane makore matatu ekuberekwa; zvichiita pamwechete, mazana mashanu emakore ane makore mapfumbamwe kubva panguva yakabva Rihai kuJerusarema.

47 Uye ndiko kupera kwakaita kutonga kwemadzimambo kuvanhu vaNifai; uye ndiko kupera kwakaita mazuva aAruma, akange ari iye akatanga chechi yavo.