Zvisungo neZviziviso
Chiziviso Chemhuri


Mhuri

Chiziviso kuNyika

Vatungamiri Vokutanga neDare raVaapositora Vane Gumi naVaviri veChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira

Isu, Vatungamiri Vokutanga neDare raVaapositora Vane Gumi neVaviri veChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, tinozivisa pamutemo uye noutsvene kuti muchato pakati pemurume nemudzimai wakagadzwa naMwari uye kuti mhuri yakakosha zvikurusa kuchirongwa choMusiki chemagumo okusingaperi avana Vavo.

Vanhu vose—vanhurume nevanhukadzi—vakasikwa nemufananidzo waMwari. Mumwe nomumwe mwanakomana kana mwanasikana wemweya anodiwa wavabereki vokudenga, uye, nokudaro, mumwe nomumwe ane hunhu hwehumwari uye nekwaniso yohumwari. Kuva munhurume kana munhukadzi chimiro chakakosha zvikuru pakuzivikanwa uye pachinangwa chomunhu pachake muupenyu asati azvarwa panyika, muupenyu hunofa hwapanyika uye muupenyu hwokusingaperi.

Muupenyu vasati vazvarwa panyika, vanakomana nevanasikana vemweya vaiziva uye vainamata Mwari saBaba vavo Vokusingaperi uye vakagamuchira chirongwa Chavo icho kuburikidza nacho vana Vavo vaizokwanisa kuwana muviri wenyama uye nekuwana ruzivo rwapanyika kuitira kuti vagofambira mberi vakananga kuururami uye pokupedzisira vagowana magumo avo ehumwari sevagari venhaka yeupenyu hwokusingaperi. Chirongwa chomufaro chohumwari chinoita kuti hukama hwemhuri hwukanise kuenderera mberi mushure mokufa. Zvisungo nezvibvumirano zvinoera izvo zvinowanikwa mumatemberi matsvene zvinoita kuti vanhu pachavo vakwanise kudzokera pamberi paMwari uye kuti mhuri dzibatanidzwe nekusingaperi.

Murairo wekutanga uyo Mwari wavakapa kuna Adama naEva waiva maererano nekwaniso yavo yokuva vabereki semurume nemudzimai. Tinozivisa pachena kuti murairo waMwari wokuti vana Vavo vabereke, vawande uye vazadze nyika uchiripo. Tinozivisa pachena zvakare kuti Mwari vakaraira kuti masimba anoera okusika vana anofanira kushandiswa chete pakati pomurume nomudzimai, vakachata zviri pamutemo somurume nomudzimai.

Tinozivisa pachena kuti nzira iyo upenyu hunofa yahunosikwa nayo yakamiswa nohumwari. Tinosimbisa utsvene hweupenyu uye kukosha kwahwo muchirongwa chokusingaperi chaMwari.

Murume nemudzimai vane basa rakakomba uye rinoera rokuda uye nokuriritira mumwe nomumwe wavo uye nevana vavo. “Vana inhaka inobva kuna Ishe” (Pisarema 127:3). Vabereki vane basa rinoera rekurera vana vavo murudo nomuururami, kuvapa zvidikanwi zvavo zvapanyama nezvapamweya, uye kuvadzidzisa kudanana uye nokushandirana, kucherechedza mirairo yaMwari, uye kuva vagari vemunyika vanoteerera mitemo kupi zvako kwavanogara. Varume namadzimai—vanamai namadzibaba—vachazonofanira kuzvidavirira pamberi paMwari maererano nokuzadzikiswa kwamabasa iwayo.

Mhuri yakagadzwa naMwari. Muchato pakati pemurume nomudzimai wakakosha zvikurusa kuchirongwa chokusingaperi Chavo. Vana vane kodzero yokuzvarwa muukama hwomuchato, uye kurerwa nababa naamai vanoremekedza mhiko dzemuchato noruvimbiko rwakazara. Mufaro muupenyu hwemhuri unonyanya kubudirirwa pauri apo paunenge wakamisirwa padzidziso dzaIshe Jesu Kristu. Michato uye nemhuri zvinobudirira zvinomiswa uye nokuchengetedzwa pamisimboti yorutendo, munamato, rutendeuko, ruregerero, rukudzo, rudo, mutsa, basa, nezviitwa zvokutandara zvakanaka. Kuburikidza nohurongwa hwehumwari, vana baba vanofanira kutungamirira mhuri dzavo murudo neururami uye vane basa rokupa zvidikanwi zvoupenyu uye nedziviriro kumhuri dzavo. Vana mai basa ravo guru nderokurera vana vavo. Mumabasa anoera aya, vanababa navanamai vanosungirwa kubatsirana savaviri vanoshanda pamwechete zvakaenzana. Urema, rufu namamwe mamiriro ezvinhu zvinokwanisa kuita kuti shanduro ifanire kuvapo pamubereriki anoita mabasa aya mune dzimwe mhuri. Hama dzinofanira kubatsira apo pazvinenge zvichidikanwa.

Tinoyambira kuti vanhu vanotyora zvibvumirano zvemutemo wokuzvibata, avo vanoshusha murume kana mudzimai wavo kana vana vavo, kana vanotadza kuzadzikisa mabasa emumhuri nerimwe zuva vanozomira kuti vazvidavirire pamberi paMwari. Zvakare, tinoyambira kuti kuparara kwemhuri kunozounza kuvanhu pachavo, kunzanga, uye kunyika matambudziko makuru ayo akafanotaurwa nezvawo navaporofita vechinyakare uye navanhasi.

Tinodaidza vagari vemunyika navashandi vehurumende kwese kwese vakavimbika kuti vakurudzire zvirongwa izvo zvakagadzirirwa kuchengetedza nokusimbisa mhuri sechikamu chakakoshesesa chevanhu.