Jesu Kristu
Kristu Anorarama


Kristu Anorarama

Uchapupu hweVaapositora

Apo patinorangarira nokupemberera kuzvarwa kwaJesu Kristu makore zviuru zviviri akapfuura ayo, tinopa uchapupu hwedu hwehuchokwadi hweupenyu hwake hwusina muenzaniso uye nesimba Rake risina mugumo rokuzvipira Kwake kukuru kwerudzikinuro. Hapana mumwe akambova neshanduro yakakura kudaro pamusoro paavo vose vakararama uye vachazorarama panyika.

Aiva Jehova Mukuru weTestamente Yekare, Mesiasi weTestamente Itsva. Kuburikidza nerairo yaBaba Vake, Ndiye akava musiki wepanyika. “Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna-kuitwa kunyangwe chinhu chimwe chakaitwa.” (Johane 1:3). Kunyangwe zvazvo akanga asina zvivi, Akabhabhatidzwa kuti azadzikise ururami hwose. “Aipota nenyika achiita zvakanaka” (Mabasa aVaapositora 10:38), asi zvakadaro akavengwa nokuda kwazvo. Vhangeri rake raiva shoko rerunyararo netsitsi. Akakumbirisa vose kuti vatevere muenzaniso Wake. Akafamba munzira dzePalestine, achiporesa vanorwara, achiita kuti mapofu aone, uye achimutsa vakafa. Akadzidzisa zvokwadi zvokusingaperi, huchokwadi hwekurarama kwedu tisati tazvarwa panyika, nechinangwa chohupenyu hwedu pano pasi, uye kwaniso yokukura yevanakomana nevanasikana vaMwari muupenyu huchauya.

Akamisa sakaramende sechiyeuchidzo chekuzvipira kwake kukuru kwerudzikinuro. Akasungwa uye akatogwa pamhosva dzamanyepo, akawanikwa ainemhosva kuitira kufadza mhomho, uye akatongwerwa kufa pamuchinjikwa weKarivhari. Akapa upenyu Hwake kudzikinura zvivi zvavanhu vose. Chake chaiva chipo chikuru chakapuwirwa vanhu vose vaizorarama panyika.

Tinopupura noruremekedzo rwakadzama kuti upenyu Hwake, uhwo hunova hwakakoshesesa kunhoroondo yose yavanhu, hahwuna kutangira muBetrehema kana kuperera paKarivhari. Aiva Dangwe raBaba, Mwanakomana Mumwechete Wakaberekwa munyama, Mununuri wenyika.

Akamuka kubva muguva “akava chibereko chokutanga chavakavata” (1 Vakorinte 15:20) Salshe Akamuka, akashanya pakati paavo vaakanga achida muupenyu hwake panyika. Akaparidzawo kune “mamwe makwayi” Ake (Johane 10:16) muAmerica yechinyakare. Munyika yamazuva ano, lye naBaba Vake vakazviratidza kumukomana Joseph Smith, vachitangisa vimbiso yakaitwa kare “yemukuwo wekuzara kwenguva” (Vaefeso 1:10).

Nezva Kristu Anorarama, Muporofita Joseph akanyora kuti: “Maziso ake aiva akaita semurazvu wemoto; vhudzi romusoro wake raiva rakachena samazaya echando; chiso chake chaibwinya kupfuura kupenya kwezuva; uye inzwi rake raiva samaungira ekuyerera kwemvura zhinjisa, kunyangwe inzwi raJehova, richiti:

“Ndini wokutanga uye wokupedzisira; Ndini uyo anorarama, Ndini uyo akauraiwa; Ndini murevereri wenyu kuna Baba” (D&Z 110:3–4).

Nezvake Muporofita akazivisawo kuti: “Uye zvino, mushure meuchapupu hwuzhinji uhwo hwakapuwa nezvake, uhwu ndihwo uchapupu, hwokupedzisira pane hwose, uhwo hwatinopa nezvake; Kuti anorarama!

“Nokuti takamuona, kunyangwe kuruoko rworudyi rwaMwari; uye takanzwa inzwi richipupura kuti ndiye Mumwechete Wakaberekwa waBaba—

“Kuti naiye, uye kuburikidza naiye, uye munaiye, nyika dziripo uye dzakasikwa, uye vagari vadzo vanakomana nevanasikana vakaberekwa naMwari” (D&Z 76:22–24).

Tinozivisa namashoko aneudzamu kuti Hupirisita Hwake uye neChechi Yake zvakadzorerwa pano panyika—“zvakavakwa pahwaro … hwavaapositora navaporofita, Jesu Kristu pachake ari iye ibwe rapakona” (Vaefeso 2:20).

Tinopupura kuti rimwe zuva Anozodzoka panyika. “Uye kubwinya kwalshe kucharatidzwa, nyama yose ichazviona pamwechete” (Muporofita Isaya 40:5). Anozotonga saMambo waMadzimambo uye nokutonga salshe waMadzishe, uye ibvi roga roga richapfugama uye rurimi rwoga rwoga ruchataura mukushumira pamberi Pake. Mumwe nomumwe wedu anozomira kuti atongwe Naye maererano namabasa edu uye nezvido zvemoyo yedu.

Tinopupura uchapupu, saVaapositora Vake vakagadzwa nomazvo—kuti Jesu ndiye Kristu Anorarama, Mwanakomana asingafi waMwari. Ndiye Mambo mukuru Imanueri, uyo anomira nhasi kuruoko rworudyi rwaBaba Vake. Ndiye chiedza, upenyu, uye tariro yenyika. Nzira yake ndiro gwara rinotitungamira kurufaro muupenyu hwuno uye muupenyu hwokusingaperi munyika ichauya. Mwari ngavatendwe nechipo chisina muenzaniso choMwanakomana wehumwari Wavo.

Hutungamiri Hwekutanga

Mufananidzo
signatures

Ndira 1, 2000

Chikwata cheVane Gumi neVaviri

Mufananidzo
signatures
Mufananidzo
signatures