Zvisungo neZviziviso
Chiziviso cheKudzorerwa


Kudzorerwa kweKuzara kweVhangeri raJesu Kristu

Chiziviso kuNyika cheMhemberero yeMakore Mazana Maviri

Chiziviso ichi chakaverengwa naMutungamiri Russell M. Nelson sechikamu cheshoko ravo paMusangano Mukuru weGore Roga Roga wechizana namakumi mapfumbamwe, Kubvumbi 5, 2020, muSalt Lake City, Utah.

Tinozivisa norukudzo kuti Mwari vanoda vana Vavo munyika dzose dzapanyika. Mwari Baba vakatipa kuzvarwa kwehumwari, upenyu husingaenzaniswi, uye kuzvipira kwerudzikinuro rwomunhu wose kweMwanakomana Anodiwa Wavo, Jesu Kristu. Kuburikidza nesimba raBaba, Jesu akamuka zvakare uye akawana rukundo pamusoro porufu. Ndiye Muponesi wedu, Muenzaniso wedu, uye Mununuri wedu.

Makore makumi maviri akapfuura ayo, pamangwanani emuchirimo akanaka muna 1820, Joseph Smith muduku, achitsvaka kuziva kuti wopinda chechi ipi, akaenda musango kunonamata pedyo nemusha wake nochokuchamhembe kwedunhu reNew York, USA. Akanga aine mibvunzo maererano noruponeso rwomweya wake uye aivimba kuti Mwari vaizomutungamira.

Mukuzvininipisa, tinozivisa pachena kuti mumhinduro kuminamato yake, Mwari Baba uye Mwanakomana Wavo, Jesu Kristu vakazviratidza kuna Joseph uye vakavamba “kudzorerwa kwezvinhu zvose” (Mabasa aVaApositora 3:21) sokufanotaurwa kwazvaiva zvaitwa muBhaibheri. Muchiratidzo ichi, akadzidza kuti mushure mokufa kwavaApositora vokutanga, Chechi yaKristu yeTestamente Itsva yakarasika kubva panyika. Joseph aizova mudziyo wakakosha zvikuru mukudzoka kwayo.

Tinosimbisa kuti pasi pohutungamiri hwaBaba uye Mwanakomana, vatumwa vokudenga vakauya kuzoraira Joseph uye nokumisazve Chechi yaJesu Kristu. Johane Mubhabhatidzi uyo aiva amuka kuvakafa akadzorera mvumo yokubhabhatidza nokunyudza munhu zvakazara kuitira ruregerero rwezvivi. Vatatu vavaApositora vane gumi navaviri vokutanga—Petro, Jakobo, naJohane—vakadzorera huapositora uye makii emvumo yehupirisita. Vamwe vakauyawo, kusanganisira Eria, uyo akadzorera mvumo yokubatanidza mhuri pamwechete narinhi narinhi muhukama hwokusingaperi uhwo hwunoenderera kudarika rufu.

Tinopupura zvakare kuti Joseph Smith akapuwa chipo uye simba raMwari kuti adudzire rondedzero yechinyakare: Bhuku raMormoni—Imwe Testamente yaJesu Kristu. Mapeji echinyorwa chinoyera ichi anosanganisira tsananguro yehushumiri hwaJesu Kristu pachake pakati pavanhu muNyika dzoKumadekero chinguva chidiki mushure moKumuka Kuvakafa Kwake. Rinodzidzisa nezve chinangwa choupenyu uye rinotsanangura dzidziso yaKristu, iyo yakakosha zvikurusa kuchinangwa ichocho. Segwaro dzvene rinofambirana neBhaibheri, Bhuku raMormoni rinopupura kuti vanhu vose vanakomana navanasikana vaBaba Vokudenga vanorudo, kuti Vane chirongwa chohumwari choupenyu hwedu, uye kuti Mwanakomana Wavo, Jesu Kristu, anotaura nhasi nenzira imwecheteyo yaaiita mumazuva echinyakare.

Tinozivisa pachena kuti Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, iyo yakarongwa pamusi waKubvumbi 6, 1930, ndiyo Chechi yakadzorerwa yaKristu yeTestamente Itsva. Chechi iyi yakamisirwa zvakasimba muupenyu hwakarurama hweibwe rapakona gurusa, Jesu Kristu, uye muRudzikinuro Rwake rwomunhu wose uye muKumuka Kuvakafa Kwake chaiko. Jesu Kristu zvakare akadaidza vaApositora uye akavapa mvumo yohupisirita. Anokoka isu tose kuti tiuye kwaAri uye kuChechi Yake, kuti tizogamuchira Mweya Mutsvene, zvisungo zveruponeso, uye kuzowana mufaro unoenderera kwenguva refu.

Makore mazana maviri zvino akapfuura kubvira apo Kudzorerwa uku pakwakatangwa naMwari Baba uye noMwanakomana Anodiwa Wavo, Jesu Kristu. Mamiriyoni napanyika pose akagamuchira ruzivo rwezviitiko zvakaporofitwa izvi.

Tinozivisa pachena nomufaro kuti Kudzorerwa kwakavimbiswa kunoenderera mberi kuburikidza nezvakazarurwa zvinoenderera mberi. Pasi hapazombofi pakava sezvapaiva pari kare zvakare, nokuti Mwari “vanozounganidza pamwechete zvinhu zvose muna Kristu” (VaEfeso 1:10).

Noruremekedzo uye nokutenda, isu savaApositora Vavo tinokoka vose kuti vazive—samaziviro atinoita—kuti matenga akavhurika. Tinosimbisa kuti Mwari vari kuzivisa chido Chavo chavanakomana navanasikana vanodiwa Vavo. Tinopupura kuti avo vanonzvera nomunamato shoko roKudzorerwa uye voita zvinhu murutendo vanozoropafadzwa kuwana uchapupu hwavo pachavo hwehumwari hwako uye hwechinangwa chako chokugadzirira nyika kuKuuya kweChipiri kwakavimbiswa kwaIshe noMuponesi wedu, Jesu Kristu.